Rwiyo 89
Chikumbiro chaJehovha Chorudo: “Mwanakomana Wangu, Iva Akachenjera”
Rakaprindwa
1. Mwanangu iwe ndipewo mwoyo wako,
Muvengi anondishora azvione.
Ndipe uduku hwako nokuzvipira.
Ratidza nyika unondiraramira.
(KORASI)
Mwana wangu wandinodisa,
Ngwara, undifadze mwoyo.
Ndishumire nemwoyo wose,
Undirumbidze uchida.
2. Nakidzwa, farira kundipa zvauri.
Nyange ugumburwe, ndichakusimudza.
Kunyange vanhu vangangokunyengera,
Nyaradzwa kuziva kuti ndinokuda.
(KORASI)
Mwana wangu wandinodisa,
Ngwara, undifadze mwoyo.
Ndishumire nemwoyo wose,
Undirumbidze uchida.
(Onawo Dheut. 6:5; Mup. 11:9; Isa. 41:13.)