Rwiyo 77
Iva Anokanganwira
Rakaprindwa
1. Nerudo Jehovha
Akapa Mwana wake.
Tikanganwirwewo zvivi,
Uye rufu rubviswe.
Kana tikanyatsopfidza,
Anotikanganwira.
Nokuda kwechibayiro
Tinoregererwawo.
2. Tinonzwirwa ngoni
Tikaita saMwari
Patinokanganwirana,
Tichinzwirana tsitsi.
Ngatishiviriranewo,
Tisingambovengani;
Tichikudza hama dzedu,
Tichiratidza rudo.
3. Tose tikaedza
Kuti tive nengoni,
Hatizovi nechigumbu,
Kana kuvenga vamwe.
Tatevedzera Jehovha
Ane rudo rukuru,
Tichanyatsokanganwira
SaMwari wokudenga.
(Onawo Mat. 6:12; VaEf. 4:32; VaK. 3:13.)