Rwiyo 22
“Jehovha Ndiye Mufudzi Wangu”
Rakaprindwa
1. Jehovha Mufudzi wangu;
Ndingavhundukeiko?
Anotarisira makwai;
Haakanganwi rimwe.
Ondipinza nomumvura;
Anondikomborera.
Ndofamba nomunzira dzake;
Zita rake rikudzwe.
Ndofamba nomunzira dzake;
Zita rake rikudzwe.
2. Ndofamba ndoga murima,
Handityi zvakaipa.
Mufudzi wangu ari pedyo,
Tsvimbo yake ineni.
Anondizora mafuta,
Ozadza kapu yangu.
Mutsa wake uchava neni,
Ndogara mumba make.
Mutsa wake uchava neni,
Ndogara mumba make.
3. Mufudzi akachenjera.
Ndoimba ndichifara.
Ndichanoudzawo makwai
Mashoko anofadza.
Ndoita zviri mushoko,
Ndofamba m’nzira yake.
Ndoshumira mazuva ose
Nomwoyo wangu wose.
Ndoshumira mazuva ose
Nomwoyo wangu wose.
(Onawo Pis. 28:9; 80:1.)