RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/94 p. 1
  • Kupinda Misangano—Mutoro Wakakomba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kupinda Misangano—Mutoro Wakakomba
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Tichifanira Kuungana Kuti Tinamate Pamwe Chete?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Kupinda Misangano Nguva Dzose—Chinhu Chokutanga
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Misangano Inotikurudzira “Kuva Nerudo Uye Kuita Mabasa Akanaka”
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Iva Nechokwadi Chokuisa Zvinhu Zvokutanga Pakutanga!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 1/94 p. 1

Kupinda Misangano—Mutoro Wakakomba

1 Unorangarira kupinda misangano zvakakomba sei? Vamwe vaparidzi vakazvitsaurira vari kubvumira basa rokunyika risiri madikanwa, kuneta, basa rinoitirwa kumba kana kuti kachirwere komuviri kudzongonyedza musengwa wedu wokupinda misangano nguva dzose here? (Dheut. 31:12) Sezvo ichi chiri chinodikanwa chapaMagwaro, munhu ari wose wedu anofanira kupa rangariro yokunyengetera kumubvunzo unoti, Ini ndinorangarira kupinda misangano zvakakomba sei?

2 Kunowanzoshumwa kuti avo vanopinda misangano yedu vakati wandei kupfuura chiverengero chedu chavaparidzi uye kunyange ipapo kunocherechedzwa kuti chiverengero chakati cheZvapupu zvakazvitsaurira hachipo. Pane rumwe rutivi, vazhinji vehama dzedu nehanzvadzi vanodokusatongopotsa musangano pasinei zvapo neidi rokuti vamwe vavo vanogara mumisha yakakamukana, vane mhuri huru uye vanoshanda maawa marefu kunyika. Neiko vachiita nhamburiko yokupinda? Nemhaka yokuti vanoziva kuti havagoni kukurira denho dzenyika ino yakazadzwa nedzvinyiriro nesimba ravo vamene. Ivo vanofanira kuvimba nesimba iro Mwari anogovera.—2 VaK. 12:9, 10.

3 Nhasi tinotevera mutoo wakagadzwa namaKristu apakuvamba, ayo aiungana nguva dzose kuzonyengetera, kugoverana zvinoitika, uye kufunda Shoko raMwari. (Mabasa 4:23-30; 11:4-18; VaK. 4:16) Tinogamuchira muraidzo pauporofita hweBhaibheri nedzidziso, pamwe chete napamufambiro woumwari netsika dzechiKristu, pamwe chete nezano rakakodzera nguva pakuvandudza upenyu hwedu zvino kupfurikidza nokusanoshandiswa kwenheyo dzapaMagwaro. (1 Tim. 4:8) Mukuwedzera, tinoyeuchidzwa nezvetariro yedu yokuti rimwe zuva kuchava nomugumo kuzvinetso nokutambura. Kunokosha kuti iyi tariro ichengetwe iri mhenyu.—VaH. 6:19.

4 Mhuri yako inorangarira kupinda misangano zvakakomba sei? Rutivi rukuru rworudungwe rwenyu senguva yezvokudya kana kuti basa rokunyika here? Pausiku hwemisangano, unozviwana umene uchiita nharo kana uchifanira kupinda kana kuti kwete here, kana kuti songanirano yenguva dzose nehama dzako haisi yechisarudzo here mumhuri yenyu? Vaparidzi vakawanda vanoyeuka muenzaniso wavabereki vavo vakazvitsaurira apo vakanga vachikura. “Chinhu chimwe pamusoro paBaba,” mumwe mukuru anoyeuka kudaro norudo, “chakanga chiri chokuti nguva dzose vaiva nechokwadi chokuti mhuri yaisvika kumisangano. Kana mumwe munhu akanga achirwara, mumwe wedu aisara kumba naye, asi vamwe vose vasara vaienda kumusangano!”

5 Muzvinyorwa zvinotevera zvoHushumiri Hwedu hwoUmambo, tichakurukura ukoshi hwomusangano mumwe nomumwe weungano tichirangarira kubetsera kuvaka kuonga idzi gadziriro dzomudzimu. Kana kupinda kwako misangano kungagona kuva kwenguva dzose zvikuru, tine chokwadi chokuti nyaya dzacho dzichakubetsera kuziva chauri kupotsa. Dzichabatanidza zviyeuchidzo zvinobetsera nokuda kwaavo vanoitisa misangano, pamwe chete nezvikarakadzo tose zvedu tinogona kushandisa pakugadzirira nokutora rutivi mairi. Kuregerereiko kugara pasi semhuri ndokupa rangariro yokunyengetera kumutoo wenyu wokupinda misangano? Ipapo itai gadziridzo dzipi nedzipi dziri madikanwa murudungwe rwenyu. Kupinda misangano nguva dzose rutivi runokosha rwedzidzo yedu youbati ushe hwaMwari uye kunofanira kurangarirwa zvakakomba zvikuru zvamazvirokwazvo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe