Kudzokera Kundovaka Nzwisiso
1 Shanyo dzedzokerero dzine revo dzinonyandura nenzira inofambira mberi uye dzinowedzera kukura kwasaimba kukuva mutendi. Ndezvipi zviri zvikarakadzo zvinoshanda zvokurangarira pakudzokera paavo vakaratidza fariro?
2 Kutanga kwazvose, sanogadzirira. Ikoku kunovamba pashanyo yokutanga. Seiko? Kupfurikidza nokuchengeta zvinyorwa zvakarurama zvefariro inoratidzwa. Nyora zita rasaimba, nhau yakurukurwa, kuita, uye zvinogoverwa zvipi nezvipi zvinoitwa. Ipapo hwirudzura chinyorwa chako chapaimba neimba usati wadzokera, uye ipa mufungo wokunyengetera kuzvauchataura.
3 Zvino wagadzirira. Chii chaunogona kutaura? Kana wakasiira saimba mubvunzo pashanyo yokutanga, unogona ipapo kuvakira panhau iyoyo apo unodzokera. Somuenzaniso, kana shanyo yokutanga yakananga pazvikomborero zvoUmambo hwaMwari, ungagona kumutsa mubvunzo “Neiko Mwari achibvumidza uipi?”
Apo unodzokera, pashure pokuzvisuma umene, ungati:
◼ “Apo takapedzisira kutaura, takakurukura chikonzero nei Mwari worudo achibvumidza uipi hwakawanda kwazvo nhasi. Mati marangarirazve ikoko here? [Bvumira mhinduro.] Munofunga here kuti Mwari anoitira hanya chaizvoizvo pamusoro porudzi rwomunhu? [Bvumira mhinduro.] Rangarirai icho Bhaibheri rinotaura pana Johane 3:16.” Pashure pokurava ndima yacho, ungagona kukwevera ngwariro kuzvikamu zvakananga zveganhuro 8 muna Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi, iyo inoonesa zvikonzero zvokushivirira kwaMwari uipi nhasi.
4 Mumwe mubvunzo unonyandura mufungo waungasiya pashanyo yako yokutanga ungava uyu: “Kana Mwari akaronga kuti munhu ararame nokusingaperi, neiko vanhu vachikwegura ndokufa?” Apo unodzokera, ungagona kuvaratidza mhinduro yeBhaibheri kumubvunzo iwoyo seinowanwa pana VaRoma 5:12. Pashure pokurava rugwaro rwacho, nongedzera kundima yokutanga iri papeji 35 yebhuku raKo Upenyu Huno ndihwo bedzi huripo here?, iyo inokurukura chikonzero chikuru nei munhu achikwegura ndokufa.
5 Kana pashanyo yako yokutanga wakakurukura nzira dzokuziva nadzo rudzidziso rwechokwadi ndokugovera bhuku raRugare Rwechokwadi Nokuchengeteka, mubvunzo wakanaka waungagona kuvakira pauri shanyo yako yedzokerero ungava: “Marudzidziso akawanda kwazvo akavapo sei?” Pakudzokera, ungagona kutaura pamusoro pamapfundo akananga ari muganhuro 3 yebhuku iroro.
6 Shoko renyevero. Ngwarira pamusoro pemibvunzo yaunobvunza apo unodzokera. Kubvunza kuti “Makarava here mashoko andakasiya?” kana kuti “Munondiyeuka here?” kana kuti “Munoyeuka here chatakataura pamusoro pacho nguva yakapfuura apo ndaiva pano?” inokwenudza saimba. Mibvunzo yakadaro kazhinji kazhinji haibereki miuyo yakanaka. Pane rumwe rutivi, iva ane ushamwari, anochinjika, uye anopfupikisa. Aya mavara achabetsera shoko racho.
7 Uku kusvika nokumwe kungashandiswa kusakurira nzwisiso mumwoyo yavanhu vanofarira. Kuregererei kugadza nharidzano yomunhu oga yokuita inenge zvayo shanyo yedzokerero imwe vhiki rimwe nerimwe? Shandisa zvikarakadzo zvinoshanda zvapiwa pamusoro apa, uye bvunza vaparidzi vane ruzivo rwokuzviwanira vachakubetsera. Mufaro wako uchawedzera sezvaunovaka pafariro yokutanga kupfurikidza nokuita shanyo dzedzokerero dzinobudirira.