RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/94 p. 1
  • Rumbidzai Dangwe raJehovha!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rumbidzai Dangwe raJehovha!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Pupurira Kwazvo Mashoko Akanaka’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Shingairira Kuita Zvakanaka!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Jehovha Anokomborera Zvatinoita Kuti Tipinde Chirangaridzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Uchaita Upiyona Hwebetsero Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 2/94 p. 1

Rumbidzai Dangwe raJehovha!

1 PaSvondo, Nisani 9, 33 N.V., boka guru rakabata michindwe mumaoko avo rakarumbidza Mwanakomana wedangwe waJehovha, Ishe Jesu Kristu, so“Uyo unouya saMambo muzita raJehovha!” (Ruka 19:38, NW; VaH. 1:6) PaMuvhuro neChipiri, Nisani 10 na 11, Jesu akanga akabatikana zvikuru noushumiri hwake hwapachena, achiita kuti mazuva okupedzisira iwayo ave pakati peokubatikana zvikurusa oupenyu hwake hwapasi.

2 Nhasi, boka rakatokura zvikuru rakabata michindwe yokufananidzira muruoko rinodanidzira nenzwi guru, kuti: “Ruponeso ngaruve kuna Mwari unogara pachigaro choushe, nokuGwaiana.” (Zvak. 7:9, 10) Pana March 26, tichasangana kuti tichengete Chirangaridzo chorufu rwaKristu. Sezvo musi iwoyo unosvika, tinogona kukudza nhamburiko dzedu muushumiri nokudaro ndokuwedzera kuiyi danidziro munyika yose yerumbidzo here?

3 Wedzera Mubato Womumunda: Vaparidzi vakawanda vakatonyoresa samapiona ebetsero mukati maMarch. Ungada kuvakumbanira here? Kana zvakadaro, pinza kumbiriso yako pasina kunonozeka. Mumwe wavakuru achafara kupindura mibvunzo ipi neipi yaungava nayo pamusoro pebasa racho.

4 Kana uchigona kubatira sapiona webetsero kana kuti kwete, uchada kuva negoverano yakazara muushumiri mukati maMarch. Ungano ingakwanisa kuronga nokuda kwokupupurira kweboka zuva riri rose mukati momwedzi wacho. Ndima yakakwana inofanira kutsaurwa nokuda kwedonzo iroro.

5 Ungano dzose dzinofanira kuronga musangano chaiwo webasa romumunda nokuda kweChitanhatu, March 26. Kunyange zvazvo kune zvakawanda zvokuita mukugadzirira Chirangaridzo, kunorumbidzwa kuti munhu ari wose anokwanisa kuita saizvozvo apinde muushumiri hwomumunda paChitanhatu mangwanani. Mukuwedzera kukushanda paimba neimba, iva nechokwadi chokuti avo vanokokwa kuti vapinde Chirangaridzo vane chokufambisa uye kuti vajekerwa mundangariro nenguva nenzvimbo zvomusangano wacho.

6 Koka uye Kurudzira Vamwe: Jesu akaraira vateveri vake, kuti: “Itai izvi muchindirangarira.” (1 VaK. 11:24) Sezvo vateveri vakazodzwa vaJesu vanoteerera murairo iwoyo, mubatiri ari wose waJehovha anokokwa kuti apinde ndokucherekedza kuchengetwa kweChirangaridzo. Pakati pavamwe, unofanira kukoka vadzidzi veBhaibheri, hama dzokunyama, avo wakava nekurukurirano dzeBhaibheri navo, vakwanyina vasingatendi, uye vazivikanwi vebhizimisi. Ita ndaza kuti pasava neanosiiwa.

7 Kuchava namabanza okuwedzera okukurudzira vanhu vanofarira paChirangaridzo chimene. Iva nechokwadi chokukurumidza kusvika kuti ugogona kukwazisa vanhu vatsva vari kupinda kwenguva yokutanga. Kana vanoverengeka vefundo dzako dzeBhaibheri vakapinda, kungava kunoshanda kuti mumwe muparidzi agare navamwe vavo mukati momusangano. Koka vauyi vatsva kuti vapinde Musangano Wavose wenguva dzose weungano. Mukuru anosarudzwa kupa hurukuro yavose anofanira kuva akasanogadzirira kupa hurukuro inonyandura.

8 Pamhedziso yokuchengetwa kweChirangaridzo, sezvatinobatanidza manzwi edu mukuimba rwiyo 105, “Rumbidzai Dangwe raJehovha!,” ngatikwanise kutarira shure negutsikano pamwedzi wokushingaira womubato woubati ushe hwaMwari kukurumbidzwa kwaJehovha!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe