Kunobetsera Sei Kurondedzera Izvo Jehovha Akaita!
1 Munyori akafuridzirwa wePisarema 48 akakurudzira avo vaiva muIsraeri ku‘tenderera Zioni, kuverenga shongwe dzaro, kunzvera nhare dzaro, kuti vagorirondedzera kuchizvarwa chomunguva yemberi.’ Vasundwa nokuda Jehovha, vaizofarira zvikuru udzame huri hwose hwenzvimbo yapasi iyoyo yokutonga kwoubati ushe hwaMwari. Uhu udzame hwaizova hunokosha sei nemhaka yokuti irori rakanga riri guta apo Jehovha akanga aisa zita rake amene! Vaizotaura pamusoro paro, uye zvikurukuru vaifanira kuva nechokwadi chokuti vana vavo vakanzwa pamusoro pezvinhu zvose zvavakanga vachengeta mumwoyo yavo vamene.—Pis. 48:12, 13.
2 Zvino tinorarama munguva apo kutonga kwoubati ushe hwaMwari kwaMesia waJehovha kuchisirizve muZioni rapasi asi muJerusarema rokudenga. (VaH. 12:22) Umambo hwaJehovha musimba raJesu Kristu hwave huchitonga chifo cha 1914. (Zvak. 12:10) Mubato wahwo ndewefariro hurusa kwatiri. Tinofarirawo zvikuru nzira iyo Jehovha akatungamirira nayo vabatiri vake pasi pano kuti vagoita kuda kwake savamiriri vanooneka voUmambo ihwohwo. Udzame hunofadza pamusoro paikoku hunorondedzerwa mubhuku redu idzva Jehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom. Takafadzwa sei kurigamuchira pa“Kudzidzisa Kwoumwari” Kokorodzano Yoruwa yedu yemisi ichangobva kupfuura iyi!
3 Pakasvika September 1, bhuku racho rakanga ratobudiswa mumitauro 20, uye kushandura nokubudisa zvakanga zvichifambira mberi kugutsa zvinodikanwa zvaavo vanotaura dzimwe ndimi 13. Mhuri yenyu yakawana kopi here? Muri kurirava here? Muri kutaura pamusoro pezvinhu zvamunodzidza mariri here?
4 Pashure pokutarira mifanikiso nokurava mashoko anotsanangura mifanikiso, sezvakakarakadzwa pakokorodzano, hama dzakawanda nehanzvadzi dzakakurumidza kupinda mumashoko makuru. Ndedzipi dzave dziri tsinhiro dzadzo? Hedzino shomanene chete.
5 Imwe hanzvadzi yakanyora, kuti: “Ndiro bhuku bedzi randati ndambogamuchira randinodisa zvikuru kupedza kuti ndigone kurirava zvakare. Ndiri paganhuro 25 zvino. Kana ndikarava zvakawanda zvikuru, misodzi inobuda zvikuru uye mwoyo wangu unozadzwa nokuda Jehovha. Bhuku racho rinokurudzira kwazvo uye rinosimbisa kutenda.”
6 Imwe hama yave ichibatira Jehovha kwamakore anopfuura 40 yakati: “Handina kutongoziva kuti iri bhuku raizova rinofadza sei. Ndakaramba ndakamuka usiku ndokukurumidza kumuka uye ndakapedza kurava mumavhiki maviri. Zvirokwazvo nderimwe ramabhuku anonyandura zvikurusa andati ndamborava. Inzvero yakaisvonaka asiwo ikurudziro yakaisvonaka.”
7 Gadziriro Yenguva Dzose Yokurava: Vamwe vakakurumidza kurava bhuku rose vakasarudza kuriravazve asi nguva ino nokunonoka zvikuru.
8 Kana kune mutezo unopfuura mumwe wemhuri yenyu uri muzvokwadi, mungada kushandisa zvikamu zvebhuku racho mufundo yenyu yemhuri. Dzimwe mhuri dzakatanga kuita izvozvo mukati mamazuva mashomanene pashure pokunge dzagamuchira kopi pakokorodzano. Ikoku hakusati kuchireva kuti zvimwe zvinhu, zvakadai sokugadzirirwa kweFundo yeNharireyomurindi, zvinofanira kuiswa parutivi. Asi mungakuwana kuva kunobetsera zvikuru kushandisa mamwe maminiti 15 kana kuti 20 nokuda kwokurava nokukurukura mashoko omubhuku raProclaimers.
9 Dzimwe mhuri dziri kurava mapeji maviri kana kuti matatu—zvichida musoro muduku mumwe kana kuti miviri—manheru mamwe namamwe dzisati dzabva patafura yechirairo. Somunhu mumwe nomumwe vangave vakatorava zvizhinjisa zvebhuku racho, asi vari kubetserwa nokunonoka kufukidza pamwe chete nebanza rokukurukura mashoko acho. Vamwe vari kuita ikoku vave vachibatira Jehovha kwamakore akawanda. Sezvavanorava, yeuko dzinodiwa dzakawanda dzinonyandurwa. Kunofadza mwoyo yavo sezvavanokurukura pamwe chete kugoverana kwavo vamene muzvinoitika zvavanorava pamusoro pazvo.
10 Nemhaka yemigariro mumusha mako, ungawana kuti unorava uri woga. Imwe hanzvadzi iyo yakanyorera Sosaiti yakati: “Ndave ndichirava iri bhuku zvishomanene panguva usiku humwe nohumwe ndisati ndaenda kundorara. Iri bhuku riri kuvaka mandiri kuonga kukuru zvikuru nokuda zvokwadi, uye ndinonzwa ndiri pedyo zvikuru naJehovha uye ndinoonga kwazvo kuti ndiri rutivi rwesangano rake. Zvirokwazvo ndiri kufarikanya peji imwe neimwe yandinorava.”
11 Kunyange zvazvo bhuku racho rakakura, zvikamu zvimwe nezvimwe hazvina. Chikamu chokutanga kufukidzwa kwokukurumidza asi kunofadza kwezvinoitika kubvira mumazuva aAbheri kuburuka kusvikira kugore ra 1992—mumapeji 108 chete. Zvimwe zvikamu zvinobvira pamapeji 13 kusvikira ku 150. Chimwe nechimwe cheizvi zvikamu chakakamurwa kuva chiverengero chakati chemaganhuro. Panzvimbo pokumhanya uchipfuura nomaari, rangarira chikamu chimwe, ganhuro rimwe, kana kuti musoro muduku mumwe panguva; chifarikanye; uye betserwa nacho.
12 Wana Nguva Yokufunga Pamusoro Pezvaunorava: Chii chichava donzo rako sezvaunorava? Kungofukidza mapeji bedzi—kupedza bhuku racho—hakufaniri kuva vavariro yako. Bhuku raProclaimers rine chinyorwa chenhaka yako yomudzimu. Unofanira kusanoiziva. Wana nguva yokufunga pamusoro perevo yezvaunorava. Sezvaunohwirudzura mubato wezvapupu zvakare zvaJehovha, rangarira kuti unogona sei kutevedzera kutenda kwazvo. (VaH. 12:1, 2) Apo unorava pamusoro pokutanga kwokuwa pakutenda kukuru, cherekedza chaizvo misungo yakabata avo vakatsauka, nomurangariro wokudzivirira umudzimu hwako umene. Uye sezvaunohwirudzura nhau yedu yomuzuva razvino uno, cherekedza mavara omudzimu aavo vakashandiswa naMwari, nzira yavakaratidzira nayo kuti kuitwa kwokuda kwaMwari kwakanga kuri chinhu chinokosha zvikurusa muupenyu hwavo, uye kuti vakaita sei kumigariro—mimwe yayo yakaoma zvikuru—iyo Mwari akabvumidza.—VaH. 13:7.
13 Uchakuwana kuva kunosimbisa kutenda kunzvera udzame hunoratidza kuti Jehovha akatungamirira sei vanhu vake kukunzwisiswa kwakajeka kwezvokwadi yeBhaibheri yatinofarikanya zvino. Kuonga kwako gadziriro inooneka iyo Jehovha ari kushandisa kuchakura sezvaunova wakarovedzana zviri nani nokukura kwesangano. Zvirokwazvo uchafadzwa sezvaunorava kuti, muzadziko youporofita, mashoko akanaka akasvika sei rutivi rwuri kuresa rwapasi. Mwoyo wako uchafadzwa nezvinoitika zvavakatendeka mumativi ose enyika avo vakashanda nenzira yokushingaira kuti vazivise Umambo. Uchasimbiswa kubata nemiedzo yomunhu oga sezvaunorava izvo hama dzakatendeka nehanzvadzi dzakatotsungirira nemhaka yokuda kwadzo Jehovha.
14 Pashure pokunge marava chikamu chamashoko, wanai nguva yokukurukura ukoshi hwacho pamwe chete nokuhwirudzura udzame. Kana mune vana vaduku, itai kuti vabatanidzwe mukutsanangura mifanikiso uye vachikuudzai zvavanoziva pamusoro pavanhu vanoratidzwa. Kunyange kana uri kurava woga, vavarira kugoverana navamwe zvauri kudzidza. Kana kwakakodzera, shandisa mashoko acho pashanyo dzedzokerero uye pakuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha. Kuadzokorora kwako kuchaaroverera mundangariro yako umene nomwoyo, uye kuchabetserawo vamwe.
15 Iva Nefariro Muudzame: Nhambo dzamunotsaurira kukurava bhuku raProclaimers dzinofanira kuva zvose zviri zviviri dzinofarikanywa nedzinobetsera.
16 Mungada kuti mhuri yenyu ishanyire dzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha here? Mapeji 208-9 anoratidza zvivako zvakashandiswa neSosaiti zana ramakore rakapfuura munharaunda yePittsburgh. Mapeji 216-17 anokurovedzanisai nezvivako zvakashandiswa gare gare muBrooklyn. Mifanikiso iri pamapeji 352-6 inogona kukubetserai kuisa muchiono dzimbahwe renyika nhasi. Maganhuro 26 ne 27 anozadza udzame pamusoro pebasa rinoitwa paBheteri, uye mapeji 295-8 anopa mamwe mashoko pamusoro poupenyu hwapaBheteri.
17 Vazhinjisa vedu havakwanisi kushanyira akawanda amapazu eSosaiti. Mapeji 357-401 ebhuku raProclaimers anokuendesai pashanyo yenyika. Hapana kudikanwa kwokuti mukurumidze kuapfuura. Pedzai nguva shomanene munyika imwe neimwe uye ifarikanyei. Shandisai mapu yenyika iri pamapeji 415-17 kuwana nzvimbo imwe neimwe. Ravai tsinhiro dzinova pamwe chete nomufanikiso mumwe nomumwe webazu. Kupfurikidza neindekisi munogonawo kuwana mamwe mashoko anofadza pamusoro penyika imwe neimwe. Shandisai iri banza kusvika pakuziva mitezo yemhuri yenyu yomudzimu mudzimwe nyika.
18 Apo vanhu vanova nenhandaro, pane dzimwe nguva vanotamba mitambo inobatanidza zivo yamaidi enyika. Kwaisazova kunobetsera zvikuru here kusvika pakuziva misi inokosha nezvinoitika munhau yomuzuva razvino uno yavanhu vaJehovha? Muchawana maidi akawanda akadaro akarongwa pamapeji 718-23 mubhuku raProclaimers. Ndaza iyoyo inogovera chimiro chikuru; munogona kuwedzera kwairi kubva muudzame hunowanwa murutivi rwasara rwebhuku racho. Shandisai iwaya sehwaro hwehwirudzuro. Vanhu vaduku mumhuri zvimwe vachaaziva nomusoro nokukurumidza. Vamwe vedu vanhu vakuru tingave tichiti nonokei. Asi uhwu udzame hwenhau youbati ushe hwaMwari uhwo tinogona kubetserwa tose nokuziva. Pashure pokunge maziva misi namaidi ehwaro, vakirai pahwaro ihwohwo. Onai kuti udzame hungani hwamunogona kuyeuka pamusoro pechinoitika chimwe nechimwe. Ipapo taurai pamusoro porutivi urwo chinoitika chimwe nechimwe chakava narwo mukuitwa kwokuda kwaMwari. Tevere, kurukurai kuti rwakatapura sei upenyu hwenyu mumene nokukodzera kwamunoita muizvo Jehovha ari kuita.
19 Onai Mabanza Akakuzarukirai: Sezvamunorava nokukurukura Jehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom, muchawana kuzadzikwa kwaIsaya 60:22 kuchipetenuka kuchiono chenyu. Bhuku racho rinoti papeji 519: “Kuzadzikwa kwechipikirwa chokuti ‘muduku aizova chiuru’ zvirokwazvo kwakaitika, uye kwakadaro zvikuru! Muimwe neimwe yenyika dzinopfuura 50 uko kwakanga kusina kunyange ‘muduku’—uko kwakanga kusina zvimwe zveZvapupu zvaJehovha shure muna 1919, uko zvakanga zvisina kutongoparidzira—nhasi kune varumbidzi vanopfuura chiuru vaJehovha. Mudzimwe dzenyika idzodzi, zvino kune makumi ezviuru, hungu, kunyange anopfuura chiuru chine zana, eZvapupu zvaJehovha zviri vazivisi vanoshingaira voUmambo hwaMwari! Munyika yose, Zvapupu zvaJehovha zvazova ‘rudzi rune simba’—vakawanda muchiverengero seungano yakabatana yenyika yose kupfuura chiverengero chimwe chorupi norupi rwamarudzi anozvitonga anenge 80 enyika.”
20 Basa iroro rewedzero yoUmambo harina kutongoguma. Mukupesana, Jehovha akarikurumidzisa kusvikira kumwero usina muenzaniso. Muchagoverana mariri kusvikira kutambanukoi? Munoziva chaizvoizvo mabanza ose akakuzarukirai here? Sezvamunodzidza zviri kuita vamwe, mwoyo wenyu mumene ngausundwe kuti muzviite mumene anowanika kuti mugoverane zvakazara mubasa guru iro Mwari wedu ane rudo ari kutungamirira kupfurikidza naJesu Kristu muzuva redu.