Unogona Kuwedzera Kurumbidza Kwako Jehovha Mukati maApril Here?
1 Wezvamapisarema Dhavhidhi akanga ane chishuvo chomwoyo wose chokurumbidza Jehovha nenzira inogamuchirika, ndizvo akazivisa, kuti: “Ndichaonga Jehovha kwazvo nomuromo wangu; zvirokwazvo, ndichamurumbidza pakati pavazhinji.” (Pis. 109:30) April inguva yakaisvonaka yoku‘wedzera kukurumbidzwa kwake kwose’ kupfurikidza nokuwedzera goverano yedu muushumiri hwomumunda. (Pis. 71:14) Uri kuronga kuva pakati pavakawanda vanoita ikoku kupfurikidza nokukumbanira mapoka oupiona hwebetsero here?
2 Ronga Zvino: “Ndangariro dzavashingairi dzinouyisa zvizhinji,” tinoyeuchidzwa kudaro pana Zvirevo 21:5. Ikoku kunoraira kuendesa kwako nhau yacho kuna Jehovha mumunyengetero, uchimuisa pakutanga murongedzero dzako. (Zvir. 3:5, 6) Tevere, sanonzvera rudungwe rwako rwazvino kuti uzive uko gadziridzo dzinogona kuitwa kuti upedze avhareji yamaawa maviri pazuva muushumiri. Ku“tenga” kwako nguva mumimwe mibato kunokubvumira kupa nguva yakawanda kubasa rokuparidzira.—VaEf. 5:16, NW.
3 Kurukura uye Batira Pamwe: Muapostora Pauro akataura nezvavakati kuti avo vakanga vari “vanosimbisa” kwaari mukuita ushumiri hwake. (VaKorose 4:11, NW) Kurukura rongedzero dzako navamwe vanoda kunyoresa muna April. Tsigiro yavo noushamwari zvinogona kuunza kubetserana kwomudzimu. Mutariri webasa anogona kukubetsera kana une mibvunzo pamusoro pegadziriro dzebasa kana kuti ndima yokushanda.
4 Batira pamwe netsigiro zvinobva mukati memhuri zvinogona kubetsera mitezo mimwe nemimwe kuti iite upiona hwebetsero. Mabasa apamba angafanira kugoverwazve kwechinguvana. Rudungwe rwokuita aya mabasa rungadawo kugadziridzwa. Musangano wemhuri wokukurukura izvi zvinodikanwa ungagona kuva unobetsera mukuita donzo renyu. Kurukurirano yakanaka nebatira pamwe ndizvo zvinokosha kukubudirira.
5 Chengeta Murangariro Wakanaka: Usakurumidza kuramba kuita upiona hwebetsero nemhaka yemigariro isina kunaka. Vanhu vaduku vari muchikoro, vanhu vakarega basa, vadzimai vapamba vane vana, misoro yemhuri inoshanda nguva yakazara, vose vave vachikwanisa kurega zvimwe zvinhu—uye vakadaro nomufaro—kuti vaite upiona hwebetsero muna April. Vanobvumirana nowezvamapisarema kuti “kurumbidza kwakafanira vakarurama,” uye havana kukurangarira kuva kunodhura zvikuru kushandisa nhamburiko yokuwedzera inodikanwa kupedza maawa 60 muushumiri. (Pis. 33:1) Kana usingakwanisi kunyoresa, kuregererei kugoverana mumufaro wacho kupfurikidza nokuwedzera mubato wako somuparidzi weungano?
6 Nokuda kwavakawanda, kuita upiona hwebetsero muna April kwave kuri nhano yokufambira mberi kubasa roupiona hwenguva dzose. Vawedzera mubato wavo, vakawana kuti chinjo kubasa roupiona hwenguva dzose yakabvumikisa kuva iri nyore zvikuru.
7 Hungu, mwaka wacho wakakodzera mubato wakawedzerwa woubati ushe hwamwari muna April. Mwaka wedu wemvura uchange waguma uye mazuva achange achitonhorera zvikuru. Kupupurira kwapakuvamba mangwanani namanheru kuchava mufarwa. Tinoda kuita zvose zvatinogona kurumbidza Mwari wedu, Jehovha. Kuita upiona hwebetsero muna April inzira yakaisvonaka yokuratidza nayo kuonga kwedu mabasa ake akawanda omutsa usakafanirwa kwatiri.