RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 6/15 pp. 26-29
  • Kusvika Panguva Newe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusvika Panguva Newe
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Ivai Vatevedzeri vaMwari”
  • “Panguva Yazvo Yakagadzwa”
  • Chikonzero Nei Vamwe Vachikuwana Kwakaoma
  • Kusvikirei Panguva?
  • ‘Ziva Nguva Dzakagadzwa’
  • Zvakanakirei Kubata Nguva?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Iva Netsika Yokubata Nguva
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Kubata Nguva
    Mukai!—2016
  • Ratidza Kuonga Imba yaMwari
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 6/15 pp. 26-29

Kusvika Panguva Newe

MUMWE mutariri wechiKristu muungano yeSouth America aiva namavara akaisvonaka akawanda. Asi shamwari dzake dzapedyosa nomusere dzaimudana kuti Armagedhoni. Neiko? “Tinoziva kuti ari kuuya,” ivo vaidaro, “asi Mwari bedzi anoziva kuti rini!”

Hungu, kusvika panguva—kana kuti kushaikwa kwako—kune zvakawanda zvikuru zvokuita nomukurumbira womunhu. Mambo akachenjera Soromoni akakuenzanisira neiyi nzira: “Nhunzi dzakafa dzinonhuwisa nokuodza chizoro chomuvhenganisi wezvinonhuwira; saizvozvo upenzi hushoma hunorema kukunda uchenjeri nokukudzwa.” (Muparidzi 10:1) MuKristu angava namavara akaisvonaka akawanda, asi achashatisa zita rake rakanaka kana asingangwariri nguva.

“Vanhu vanosvika panguva vanondipa chivimbo,” akadaro mumwe mutariri. “Ivo ndivo ndinoda zvangu kushanda navo.” Ivo vanongwarirawo munyika yebhizimisi. “Svika kubasa panguva; kukurumidza nokuda kwemisangano; pinza mishumo apo inodikanwa,” inopa zano kudaro Emily Post’s Etiquette. Nenzira yakafanana, The New Etiquette (1987) inotaura kuti, kazhinji kazhinji, “vanononoka kusvika vasviki vanovirima.” Vanyori vacho ipapo vakawedzera: “Minamato ndiimwewo nguva isakafanira kunonoka kusvika.”

Tose zvedu tinoonga apo vamwe vanosvika panguva. Muapostora Pauro sezviri pachena akanzwa nenzira iyeyo, nokuti akanyorera maKristu omuKorose, kuti: “Ndinemi mumudzimu, ndichafara nokuona kunzwana kwenyu.” (VaKorose 2:5, NW) Uye zvirokwazvo tinogoverana mirangariro yaMambo Dhavhidhi pamusoro pezvipikirwa zvaJehovha paakanyora muMapisarema, kuti: “Regai kunonoka, Mwari wangu.”—Pisarema 40:17; 70:5.

“Ivai Vatevedzeri vaMwari”

Zvomenemene, Jehovha haatongononoki. Iye akatanhamara mukuziva kwake nezvenguva. Ikoku kunoratidzirwa mumabasa ake ose okusika. Kuvambira pachisiko chisina muganhu kusvikira kuzvinhu zvipenyu zvidukusa, zvose zvinoshanda sokunge zvinodzorwa newachi isingaoneki. Somuenzaniso, rudzi rwakati rweruva romugungwa pedyo neJapan runobudisa masero aro evatano kamwe gore rimwe nerimwe muna October panenge pa 3 kiroko mumasikati pazuva rechikamu chimwe chezvina chokutanga kana kuti chechitatu chomwedzi. Muchirimo grunion duku inoronga nguva nguva yayo yokubereka kusvikira mukati maminiti mashomanene amafungu makuru pamhenderekedzo yegungwa yeCalifornia.

Kuronga nguva kwaJehovha kwakaruramawo pakunouya kukuzadzika chipikirwa chake. Somuenzaniso, tinorava pana Eksodho 12:41 kuti “pakupera kwamakore ana mazana mana namakumi matatu, nomusi iwoyo hondo dzose dzaJehovha dzakabuda munyika yeEgipita.” Nokudaro Jehovha akachengeta chipikirwa chaakaita mazana amakore pamberi pezvi kuna Abrama.—Genesi 15:13-16; VaGaratia 3:17.a

Jehovha akatuma Mwanakomana wake, Mesia, munyika panguva chaipoipo yakadeya kutaurwa nomuporofita Dhanieri anopfuura mazana amakore mashanu pamberi pezvi, zvokuti iye “akafira vanhu vasina umwari panguva yakagadzwa.” (VaRoma 5:6, NW; Dhanieri 9:25) Kana uri mugumo wetsika ino yezvinhu, Bhaibheri rinoratidzira kuti Jehovha anoziva “zuva irero nenguva.” (Mateo 24:36) Iye haasati achizononoka. Nenzira yakajeka, muenzaniso waJehovha wokuchengeta nguva wakafanirwa nokutevedzera kwedu.—VaEfeso 5:1.

“Panguva Yazvo Yakagadzwa”

Jehovha nguva dzose akakarira vabatiri vake kuziva nguva, zvikurukuru pamusoro pokunamatwa kwake. “Rudungwe rwezuva nezuva” rwaiteverwa apo vaIsraeri vaipa zvibairo. Jehovha akavaraira, kuti: ‘Munofanira kungwarira kupa kwandiri chipiriso changu . . . panguva yazvo yakagadzwa.’ Iye akapawo Mosesi uyu muraidzo pamusoro pemisangano: “Gungano rose rinofanira kuchengeta rangano yavo.”—Revhitiko 23:37; Numeri 10:3; 28:2, NW.

Gare gare, vaJudha vakachengeta “nguva yokupisa zvinonhuwira.” (Ruka 1:10) “Nguva yomunyengetero, nguva yechipfumbamwe,” yakachengetwa navose vari vaviri vaJudha navamwe. (Mabasa 3:1; 10:3, 4, 30, NW) Uye pamusoro pemisangano yechiKristu, Pauro akanyora, achiti: “Zvinhu zvose ngazviitike zvakanaka uye negadziriro.”—1 VaKorinte 14:40, NW.

Ikoku kwose kwaizove kwakadei kuvaIsraeri namaKristu apakuvamba? Kuti ivo vasvike panguva mukuchengeta rangano dzavo, zvikurukuru pamusoro pokunamata kwavo. Hapana chikonzero chokufunga kuti Jehovha aizokarira zvishoma zvipi nezvipi kuvabatiri vake nhasi.

Chikonzero Nei Vamwe Vachikuwana Kwakaoma

Zvimiro kunguva zvinosiana chose parutivi rumwe rwenyika kusvikira kurumwe. Mumwe mufundisi anoshuma kuti mutaundi duku reSouth America, mudzimai wake pane dzimwe nguva aiva munhu bedzi aiva muvateereri apo aizivisa rwiyo rwokutanga pamavambo omusangano wechiKristu. Asi apo aizivisa rwiyo rwokupedzisira, vanhu 70 vaivapo. Pane rumwe rutivi, muimwe nyika yeWestern Europe, vanhu vanenge chiuru chimwe vakabvunzwa, kuti: “Kana mukakokwa kuchirairo pa 7:00 p.m., munofanira kukurumidza kusvika namaminitsi mashanu kana kuti gumi here, kana kuti kunonoka namaminiti mashanu kana kuti gumi here, kana kuti panguva chaipoipo?” Voruzhinji vakapindura kuti “tsika dzinoda kuremekedzwa kwokungwarira kwomugamuchiri nokusvika paminiti chaipoipo.”

Kunyanguvezvo, kusvika panguva kunopfuura nhau yechidowo zvacho chenharaunda. Itsika, sezvo kuchena, kutsvinda, kana kuti unyoro zviri nhau yetsika. Chokwadika, hatiberekwi tine tsika dzakadaro; tinofanira kudzisakurira. Kana iwe wakadzidziswa kusvika panguva somwana, ikoko chikomborero. Asi vazhinji vanobva mumhuri nemigariro makanga mune ganhuriro shomanene dzenguva nokudikanwa kushomanene kwokubatanidza nhamburiko dzomunhu nenhamburiko dzavamwe. Pakuva bedzi rutivi rweungano yechiKristu nokutora rutivi mumisangano yayo noushumiri hwapachena kudikanwa kwokusvika panguva kunova chinhu chaichoicho nokuda kwavo. Ivo vangakuwana kwakaoma kururamisa tsika yokunonoka yakadzidzwa pakuvamba muupenyu. Kunyanguvezvo, rudo nokuda kwaJehovha Mwari nomuvakidzani wako runogona kusunda munhu kuchinja. Bva, kuitirei chinjo yacho?

Kusvikirei Panguva?

“Haudi upenyu here?” Benjamin Franklin akambobvunza kudaro. “Ipapo usapambadza nguva, nokuti iyoyo ndiyo zvinhu zvakaitwa nazvo upenyu.” Tose zvedu tinoziva zvokwadi iri mukutaura ikoko. Kunokosha zvakaenzana kumaKristu, kunyanguvezvo, kusapambadza nguva yavamwe vanhu. “Munonoki,” anodaro mumwe mufundisi, “anoratidzika kuva anoti nechiito chake, ‘Nguva yangu inokosha zvikuru kupfuuura yako, naizvozvo iwe unogona kumirira kusvikira ini ndagadzirira.’” Munhu asingasviki panguva anoratidzika kwete bedzi kuva asina kurongeka naasingavimbiki asiwo anozvititutumadzei naasingarangariri. MaKristu echokwadi anodawo kuva “asingaiti chinhu nekakavadzano kana kuti nokuzvitutumdza, asi nendangariro inozvininipisa achirangarira kuti vamwe vakuru.”—VaFiripi 2:3, NW.

Vamwe vangarangarira kuti havadi kurarama mukuwirirana newachi, kuita chinhu chinoitika chiri chose chidzorwe nayo. Zvisinei, kusvika panguva haisati ichingovawo zvayo nhau yokudzorwa newachi. Inhau yokuva nefariro nebetsero zvavamwe vanhu pamwoyo, “kungwarira, kwete fariro dzomunhu oga pazvinhu zvako umene chete, asiwo fariro dzomunhu oga paidzo dzavamwe.”—VaFiripi 2:4, NW.

Rangarira, somuenzaniso, zano reBhaibheri, rinoti: “Saka gamuchiranai, Kristu sezvaakatigamuchira.” (VaRoma 15:7) Kusvikira patambanuko inoshanda ikoku kukwaziso chaidzoidzo, nenzira yakajeka kwakaoma zvikuru kuita kana mumwe achinonoka nguva dzose pamisangano. Kupfurikidza nokukurumidza kusvika nokuda kwemisangano, unogona kugovera kumudzimu worudo, woushamwari, uye wokugamuchira wokuungana kwakadaro kusvikira patambanuko huru zvikuru. Uye betsero dzinoenda chaizvoizvo kunzira dzose dziri mbiri. Kukurumidza kusvika kunokugonesa kugoverana murwiyo rwokutanga nomunyengetero—rutivi runokosha rwokunamata kweungano kwakabatanidzwa. Kunzwa musoro uchiziviswa kuchakubetsera zviri nani kutevera kukudziridzwa kwepurogiramu.

Kusvika kwako panguva kunogonesa vamwe kubatanidza nhamburiko dzavo, uye zvakawanda zvinogona kuitwa somuuyo. Pakudenha guta reAi, Joshua akatuma rutivi rwamauto ake kuzonyengera muvengi kubva muguta apo vasara vavarume vake vakahwanda kuti vatape guta. Ipapo, panguva inokosha, Joshua akapa chiratidzo. Varume vake “vakavamba kumhanya pakarepo pakutambanudza kwake ruoko rwake,” uye guta rakawira pamberi pavo. Unogona kufungidzira here chingadai chakaitika kudai ivo vakanga vasina kuita chimwe chinhu panguva?—Joshua 8:6-8, 18, 19.

Vashumiri vechiKristu nhasi vane zvikonzero zvakawanda zvokuva vanoziva nguva. Kugoverana mukuparidzira Umambo navamwe, kuhwirudzura mativi egungano kana kuti omusangano, kunyange kuchenesa Horo yoUmambo, zvose zvinoda kuti tibatanidze mabasa edu navamwe. Kupfurikidza nokusvika panguva, tinogona kupedza zvakawanda. Ikoku ndokwechokwadi kunyange muchimwe chinhu chakapfava sokushuma mubato wokuparidzira womunhu pamugumo pomwedzi. Apo munhu ari wose anobatira pamwe mukuita saizvozvo nokukurumidza, ipapo mishumo yakarurama uye inokurudzira yeungano nenyika yose inogona kubatanidzwa.

Kusvika panguva kunobatanidzawo kuchengeta rangano nemiganhu yenguva yemisangano, kune zvakawanda zvazvo zuva riri rose. Zvimwe zvinokosha, zvimwe hazvikoshi. Muchato wako, somuenzaniso, unofanira kutanga panguva yakasarudzwa. Ungada kuita kuti zai rako ribikwe kwamaminiti akawanda akati chaizvo. Chipi kana chipi chachiri, munhu anosvika panguva haadikanirwi kumhanya noupengo achibva kuchinhu chimwe achienda kuchimwe, kunonoka nokuda kwechinhu chiri chose. Panzvimbo pezvo, iye akaterama uye akarongeka. Iye anoita kuti zvakawanda zviitwe nemhaka yokuti iye anoronga zuva rake uye anotanga panguva kana kuti kunyange kuti kurumidzei.

Zvamazvirokwazvo, kune zvikonzero zvakawanda nei maKristu achifanira kuva anongwarira nguva. Kupfuura zvose, inzira imwe yokuratidzira nayo rudo rwedu rwusina udyire nokuda kwamaKristu biyedu nokuremekedza kwedu gadziriro dzoubati ushe hwaMwari dzokunamata kwechokwadi.

Kunyanguvezvo, munhu anogona sei kutanga tsika yokusvika panguva?

‘Ziva Nguva Dzakagadzwa’

“Zvirokwazvo, zimudo . . . rinoziva nguva dzaro dzakatarwa” dzokutama, uye mujuru “unogadzira zvokudya zvawo muzhezha” kuti zvive zvakagadzirwa nokuda kwechando, rinodaro Bhaibheri. (Jeremia 8:7; Zvirevo 6:8) Imomo mune chakavanzika chokusvika panguva nokuita zvinhu.

Isuwo tinofanira ‘kuziva nguva dzedu dzakagadzwa.’ Nepo tisingavi vane rumano kana kuti vanonyanyisa, tinofanira kuva vanongwarira nguva. Isu tinofanira kuziva kwete bedzi chatinofanira kuita asiwo patinofanira kuchiita. Tinofanira kupinda mutsika yokufunga pachine nguva mberi, tichibvumira kubvira kwezvinononotsa, uye kuva anodisa kupfupikisa mubato uri kuitwa nokuda kwechimwe chinhu chinokosha zvikuru, zvakadai semisangano yedu, ushumiri hwomumunda, uye mimwe mibato youbati ushe hwaMwari.

Muna ikoku, batira pamwe yemhuri inokosha. Kwakacherechedzwa kuti baba kazhinji kazhinji vanongosiira kumudzimai kuita kuti mhuri ive yakagadzirira. Ipapo iye anobuda pasuo ari oga, achishevedza napapfudzi rake, kuti: “Kurumidzai, kana kuti muchanonoka!” Jakobho akanga asina kudaro; iye nenzira inobetsera “akasimuka akatasvisa vana vake navakadzi vake pamakamera” apo yakanga yava nguva yokuenda.—Genesi 31:17.

Ipapoka, baba vanogona sei kubetsera mhuri yavo? Vana vanogona kudzidziswa kubvumira nguva yokugadzirira nokuda kwezvinhu zvinokosha panzvimbo pokusiira chinhu chiri chose kuminiti yokupedzisira. Ivo vanogona kubetserwa kutanga pfungwa yomutoro norudado mukuita zvinhu nokukurumidzira. Semhuri, rangarirai mienzaniso yeBhaibheri inoratidza ukoshi hwokugadzirira nokusvika nenguva. (Genesi 19:16; Eksodho 12:11; Ruka 17:31) Zvimwe chifundo chakanakisisa kana kuti chinoshanda zvikurusa chinogoverwa nomuenzaniso wakanaka wavabereki.

Vatariri vechiKristu vanogonawo kubetsera ungano kupfurikidza nokugadza muenzaniso wakafanira. Ivo vangadai vasina kugadzwa kutoti vaiva vane “nhevedzano.” (1 Timotio 3:2, NW) Dzimwe hama nehanzvadzi zvimwe vachava vanosvika panguva zvikuru kana vakaziva kuti vakuru vachava variko kuti vavakwazise nokutungamirira. Naizvozvo vatariri vanongwarira vachavavarira kuva paHoro yoUmambo nokukurumidza kubetsera ungano. Vabatiri vanoshumira vanokurumidza kusvika kuti vakwazise hama dzavo ndokubatira zvinodikanwa zvavo vanoongwa zvikuru.

Chokwadika, kusvika panguva kunoda kuzvidzora nokuranga. Aiwa, kwete nokuda kwokuita ururami hwehondo, asi nokuda kworudo nokuda kwamaKristu biyedu nokuremekedza nhevedzano youbati ushe hwaMwari. Irworwu rutivi rwohunhu hutsva hwatiri kuedza kupfeka. (VaKorose 3:10, 12) Kupfuura zvose, tinoda kuva vakafanana naBaba vedu vokudenga, Jehovha Mwari, avo vanotidzidzisa kuti “kune nguva yakagadzwa yechinhu chiri chose.”—Muparidzi 3:1, NW.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwokukurukurwa kuno udzame kwouporofita ihwohwu, ona Insight on the Scriptures, Volume 1, peji 460-1 uye 776-7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe