RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Zviziviso
    Ushumiri hwoUmambo—1994 | October
    • Zviziviso

      ◼ Mabhuku achashandiswa mukati maOctober: Kuzvinyoresa kuNharireyomurindi neMukai! kwegore rimwe pa$38,00 kumwe kana $19,00 nokuda kwemwedzi mitanhatu. (Mukai! yeShona neChicheŵa inoita $19,00 kwegore). November: Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? nokuda kwe$8,00. December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama nokuda kwe$23,00. Kana musina ichi chinyorwa mudura, shandisai Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri kana Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano nokuda kwe$23,00 rimwe. January: Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei? kana kuti Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo“Muchinda woRugare” nokuda kwe$8,00. Kana ungano dzine mabhuku api naapi amapeji 192 akabudiswa 1982 asati asvika papepa rakaderera rinobhuruvara, iwaya angagoverwa pamutengo wakaderedzwa we$4,00. (Iwoyu unoshanda kuvose vari vaviri vaparidzi namapiyona.) Ungano dzingakumbira kubvisirwa chikwerete chamabhuku iwaya pamaS-20 adzo pamugumo waJanuary. CHEREKEDZAI: Ungano dzichigere kuodha zvinhu zvenhimbe zvadudzwa pamusoro apa dzinofanira kuita saizvozvo paFomu radzo Reodha Yamabhuku (S-14) romwedzi nomwedzi rinotevera.

      ◼ Wedzero iri muchinyorwa chino choUshumiri Hwedu hwoUmambo “Rudungwe rweChikoro choUshumiri choUbati Ushe hwaMwari rwa 1995.” Runofanira kuchengetwa nokuda kwenongedzero muna 1995 wose.

      ◼ Ungano dzinofanira kuvamba kuodha Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva—1995 neodha yadzo yamabhuku yaOctober. Mabhukwana acho achawanika muChicheŵa, chiNgezi, chiPutukezi, Shona neZulu. Kusvikira mabhukwana iwaya ave kuwanika uye atumirwa, achaoneka se“Back Ordered” pamainivhoisi eungano. Mabhukwana aKunzvera Magwaro zvinhu zvinodzorwa mudura.

      ◼ Kuvamba nevhiki yokutanga yaMarch 1995 tichave tichifunda bhuku raKuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze. Kana ungano yenyu isina mabhuku akaringana nokuda kwomuparidzi ari wose, tapota tumirai odha dzenyu kuhofisi yedu nokukurumidza.

  • Kushandisa Bhurocha Idzva Nenzira Inobudirira
    Ushumiri hwoUmambo—1994 | October
    • Kushandisa Bhurocha Idzva Nenzira Inobudirira

      1 Takafara zvikuru kugamuchira bhurocha idzva raApo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, pakokorodzano yedu yoruwa yemisi ichangobva kupfuura. Rinofanira kufadza vanhu vamamirire ose oupenyu, sezvo vakawanda kwazvo vakachema kurasikirwa nomudiwa. Mapikicha aro anoyevedza nemifanikiso zvinofanira kuriita rive nyore kugovera. Papeji 29 mufanikiso unoorora waRazaro achimutswa kuvakafa unoratidza “chishuvo chakasimba [chaJesu] chokuchinja kuparadza kworufu.” Mufanikiso unotevera wakazadza peji unoratidza chiono chinofadza chorumuko munyika itsva. Ikoku kunofanira kuva kunofadza sei mwoyo yavanochema!

      2 Bhurocha irori rinogona kuva betsero huru mukunyaradza vanofirwa. Rakarongedzererwa kurukurirano yokutaurirana. Mibvunzo yokubudisa mapfundo makuru inooneka mubhokisi kumugumo wechikamu chimwe nechimwe panzvimbo pepasi pepeji imwe neimwe. Unogona kushandisa “Mibvunzo Yokurangarira” iyoyi munzira ipi kana ipi yaunofunga kuti ichava yebetsero zvikurusa kumudzidzi wako.

      3 Pakuita shanyo, iva anosarudza mukukurukura mapfundo anowanika mubhurocha racho. Ungarangarira kuti kwaizova kwakafanira kuratidza ndaza yezviri mukati papeji 2 ndokubvunza saimba kusarudza inomufadza. Ziva zvinodikanwa zvomunhu mumwe nomumwe. Ita kuti ataure mirangariro yake, uye ipapo ratidza nzira iyo bhurocha racho rinopa nayo nyaradzo. Chikamu chimwe nechimwe chinoshandisa magwaro eBhaibheri akaringana anopa hwaro hwetariro yedu.

      4 Musoro muduku uri papeji 5 unoti, “Kune Tariro Chaiyoiyo,” unosimbisa tariro inonyaradza yakavakirwa paBhaibheri yavakafa. Iwowu unofanira kunyandura kuda kurukurirano ye“Tariro Ine Chokwadi Yavakafa,” unowanika papeji 26-31. Bhokisi riri papeji 27 rinopa mamwe “Magwaro Anonyaradza.” Saimba anochema achakurumidza kuona kuti zvirokwazvo Jehovha ndi“Mwari wokunyaradza kwose.”—2 VaK. 1:3-7.

      5 Nenzira yokungwarira pakutaura, zviri pakati zvinofukidza kuita kwakasiyana-siyana kurufu rwomudiwa. Zvinoratidza nzira yokugonana nayo nokusuruvara uye nzira iyo vamwe vanogona kubetsera nayo munguva dzakadaro dzinotambudza. Papeji 25 pane bhokisi rine musoro unoti “Kubetsera Vana Kubata Norufu.” Irori rinofanira kuva betsero chaiyoiyo kuvabereki vanofanira kugonana nechinetso ichochi.

      6 Iva nekopi yomuraudzo, uye ishandise nokuda kwouchapupu hwamasanga. Ungada kushanyira misha yavanoviga vakafa yomunzvimbomo mundima yenyu kuti uone kana ingada kuva namakopi okunyaradza mhuri dzinofirwa. Kana ungasvika nenzira yokungwarira pakutaura vanochema mumakuva panhambo dzavanodzoka kuzoshanyira guva romudiwa.

      7 Tinofara kuti Jehovah ndiMwari “unonyaradza vakaora mwoyo.” (2 VaK. 7:6) Tinokurangarira seropafadzo kuva negoverano mu‘kunyaradza ava vanochema.’—Isa. 61:2.

  • Chikoro Chebasa Roupiyona cha 1994
    Ushumiri hwoUmambo—1994 | October
    • Chikoro Chebasa Roupiyona cha 1994

      1 Sezvakadudzwa muchinyorwa chomwedzi wapera choUshumiri Hwedu hwoUmambo, mapiyona ave achibatira kwemwedzi isiri pasi pe 12 achapinda Chikoro chawo cheBasa Roupiyona kubvira pana October 3-14, 1994. Mubvunzo wakamutswa pamusoro pokuti zvokudya nenzvimbo yokugara zvinotarisirwa sei nokuda kwechikoro.

      2 Sosaiti yakarayira vatariri vamatunhu kuita gadziriro dzakadaro kupfurikidza neungano dzomunzvimbomo. Kunodavirwa kuti ungano inoshandisa Horo yoUmambo uko chikoro chichaitirwa ichakurangarira kuva ropafadzo kupa mipiro inofukidza ndyiko dzezvokudya zvamapiyona. Kana ungano mbiri kana kuti dzinopfuura dzichigoverana Horo yoUmambo, vaparidzi vemuungano dzose dzinoshandisa horo yacho pasina pokanidzo vachada kupa mipiro yendyiko idzodzi.

      3 Kwakafanana nepokugara; Sosaiti ine chivimbo chokuti hama nehanzvadzi vomunzvimbomo vachafara kuwanira nzvimbo mumisha yavo ava varume navakadzi vanoshanda zvakaoma avo vanozvishandisa vamene nokuda kwefariro dzoUmambo. (VaH. 13:1, 2) Sokuratidza kwe“chidakadaka [chavo] chouhama,” vachada “kutevera nzira yorupo.” (2 Pet. 1:7, 8; VaR. 12:13, NW) Chokwadika, kuva nomwero kunofanira kutekeshera uye hakuna piyona anofanira kufarira “kurarama kwoumbozha” uye haafaniriwo kukarira kubatwa nenzira yechienzi, chaiyo nehama dzake.—2 Pet. 2:13.

      4 Chikomborero chaJehovha ngachive paungano dzose napavanhu vamwe navamwe vanopa mipiro nokuda kwokubudirira kweChikoro Chebasa Roupiyona cha 1994.—Zvir. 10:22.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe