RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 12/1 pp. 28-30
  • Kuita Chinodikanwa Chikuru Chomunhu Kupfurikidza Nokuonga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuita Chinodikanwa Chikuru Chomunhu Kupfurikidza Nokuonga
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuonga—Chinodikanwa Chikuru
  • Tevedzera Muenzaniso waJehovha Mukuonga
  • Kuonga Mukati Meboka Remhuri
  • Kuonga Mukati Meungano yechiKristu
  • Shandira Pakupa Nokuwana Kuonga Kwakafanirwa
  • Uri Kutsvaga Kuzivikanwa Naani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Kutevedzera Urongwa hwaMwari Takavimbika
    Imbirai Jehovha
  • Kutevedzera Urongwa hwaMwari Takavimbika
    ‘Imbira Jehovha Uchifara’
  • “Mukudze Vakadai”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 12/1 pp. 28-30

Kuita Chinodikanwa Chikuru Chomunhu Kupfurikidza Nokuonga

“WAITA zvakanaka!” wapachokwadi. “Ndinofara nezvaunoita!” kana kuti “Waita napaunogona napo; tinodada newe” kunobetsera zvikurusa kukudza kuzviremekedza, zvikurukuru apo kunobva kune mumwe munhu waunoremekedza. Vanhu vanofara apo vanoongwa. Nako, vanoita zviri nani uye vanofara zvikuru. Zvirokwazvo, kuonga kwakafanirwa kunokosha kundangariro nomwoyo sezvinoita zvokudya zvakanaka kumuviri.

Rimwe duramashoko rinorondedzera kuonga se“kugamuchirwa kwomunhu saakafanirwa nerangarirwo kana kuti ngwariro” uye “cherekedzo kana kuti ngwariro chaiyo.” Kunosanowirirana noruremekedzo, kunzwa kwokuremekedzwa, apo kunopiwa kunoreva kurangarirwa kana kuti kuyerwa kwakarangarirwa kwomunhu uye mwero wakati wokuonga kwakamufanira.

Kuonga—Chinodikanwa Chikuru

Kupa mbiri apo mbiri inofanirwa kune mufungo uye kwakanaka. Jesu akagadza muenzaniso mumuenzaniso wake wavaranda avo tenzi akaronzesa zvinhu zvake kwavari. Mukubvuma kutarisirwa kwakafanira kwezvinhu zvake, akati: “Zvakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka.” (Mateo 25:19-23) Kazhinji kazhinji zvikuru, zvisinei, idzi tsika dzakanaka dzakafanira dzinofuratirwa. Kukundikana kuonga kunodzvinyirira mbavarira nokutanga kuita zvinhu. Iona anokutaura neiyi nzira: “Kuongwa kunoita kuti unzwe uchidikanwa, uchidiwa, uye uchitendwa . . . Kunokupa kutanga kuita zvinhu. Kana ukafuratirwa, unonzwa waora mwoyo uye wapera mwoyo.” Patrick anowedzera, kuti: “Ipapo kwakaoma kuchengeta mwero wakakwirira woukoshi noweizvo munhu anogona kuita.” Kunokosha sei, naizvozvo, kuti tidzidze nzira yokuonga nayo uye rini. Tose zvedu tinoshuva chengeteko yokuziva kuti tinogamuchirwa navanhu vakatipoteredza. Ndichinodikanwa chikuru chomunhu.

Shoko rerumbidzo, mutoro wakawedzerwa, kana kuti kunyange chipo chokunyama chinokunyandura kuti upfuurire kuita napaunogona napo. Ikoku ndokwechokwadi kana uri mubereki, murume, mudzimai, mwana, mutezo weungano, kana kuti mutariri. “Apo ndinoongwa,” anodaro Margaret, “ndinonzwa ndichifara, ndichidikanwa, uye ndinova nechishuvo chokuita zviri nani.” Andrew anobvuma, achiti: “Ndinonzwa ndichifara, kuchigovera simba rokushanda zvinotova zvakaoma zvikuru.” Zvisinei, kuonga noruremekedzo pane mumwe munhu kunoda kufunga kwokungwarira nechisarudzo chakanaka.

Tevedzera Muenzaniso waJehovha Mukuonga

Muenzaniso mukurusa wokuziva ukoshi hwavamwe ndiJehovha Mwari. Anoziva avo vanofanirwa nokuongwa. Akacherekedza varume vakadai saAbheri, Enoki, uye Noa. (Genesi 4:4; 6:8; Judhasi 14) Jehovha akaziva Dhavhidhi nokuda kwokutendeka kwake kwakatanhamara. (2 Samueri 7:16) Samueri, uyo somuporofita akakudza Jehovha kwamakore akati, akakudzwawo naMwari, uyo akakurumidza kupindura munyengetero waSamueri webetsero yokukunda vaFiristia. (1 Samueri 7:7-13) Waisazonzwa wakudzwa here nokuongwa kwakadaro kwoumwari?

Kutenda kwakasanobatanidzwa nokuonga. Bhaibheri rinotikurudzira ku‘zviratidza timene kuva vanotenda’ uye kutenda izvo tinoitirwa. (VaKorose 3:15; 1 VaTesaronika 5:18) Nepo ikoku kuchishanda zvikurukuru kukutenda Jehovha, zvimwe chetezvo ndezvechokwadi munhau dzezuva nezuva dzoupenyu. Muapostora Pauro akanzwisisa ikoku. Akaonga Fibhi se“akabatsira vazhinji” uye Priska naAkwira nokuda ‘kwokuisa mitsipa yavo mungozi’ nokuda kwake uye nokuda kwavamwe. (VaRoma 16:1-4) Fungidzira kuti vanofanira kuva vakanzwa sei pakugamuchira kutenda kwakadaro kwakataurwa pachena. Kwakanga kwakanakirawo Pauro kuti ave nomufaro wokuonga, rukudzo, uye kurudziro. Isuwo tinogona kutevedzera Jehovha navanamati vake vanoonga kupfurikidza nokuratidza kuonga kwakafanira kuavo vakafanirwa nako.—Mabasa 20:35.

Kuonga Mukati Meboka Remhuri

“Kuonga kuduku kunobetsera zvikuru mukuita kuti upenyu hufarikanywe,” anodaro Mitchell, murume uye mukuru wechiKristu. “Kunoita kuti ude, zvimwe nokusingaperi, munhu anokuonga.” Somuenzaniso, murume wechiKristu anotakura mutoro unorema uye anoita zvisarudzo zvinokosha izvo zvinobatanidza garikano yemhuri. Anofanira kugovera zvinodikanwa zvomudzimu, zvokunyama, uye zvemirangariro zvemhuri. (1 Timotio 5:8) Anotenda sei apo kuonga kwakafanira kunoratidzwa nokuda kwomugove wake wakapiwa naMwari somusoro wemhuri uye apo mudzimai wake anomuratidzira “ruremekedzo rukuru”!—VaEfeso 5:33, NW.

Risingafaniri kufuratirwa ibasa romukadzi wapamba, iro rinoitwa risingaonwi navanhu vakawanda. Mifungo yazvino uno ingaderedza basa rakadaro ndokurinyima ruremekedzo noukoshi zvaro. Bva, rinofadza Mwari. (Tito 2:4, 5) Kunozorodza sei apo murume anonzwisisa anorumbidza mudzimai wake, zvikurukuru mumativi ose oupenyu umo anoita zvakanaka, achimupa kuonga kwakadaro pasi poumusoro hwake! (Zvirevo 31:28) Rowena anoti nezvomurume wake: “Apo anotenda zvandinoita, ndinokuwana kuri nyore zvikuru kuzviisa pasi pake uye kumukudza nokumuremekedza.”

Mudzidzisi weAmerica Christian Bovee akamboti: “Rumbidzo ine mufungo inopiwa vana yakaita sezuva kumaruva.” Hungu, kunyange mwana muduku zvikuru anoda vimbiso yenguva dzose yokuti mutezo wemhuri unokosheswa. Mukati memakore ouduku okukura, akazadzwa nechinjo itsva dzemirangariro nedzomuviri, pane kuzvifunga kunowedzera pamusoro pechitarisiko chomunhu oga, pamwe chete nechishuvo chokuzvimirira nokuonga. Panguva ino zvikurukuru, wechiduku anoda kunzwa achidiwa navabereki vake uye kubatwa nokunzwisisa nomutsa womunhu. Vabereki vokwegura navanasekuru nenzira yakafanana vanoda vimbiso yokuti vachiri vanobetsera uye vanodiwa, kuti havana ‘kuraswa muukweguru.’ (Pisarema 71:9; Revhitiko 19:32; Zvirevo 23:22) Kuita zvakafanira chinodikanwa chokuonga kunounza mufaro nebudiriro zvakawedzerwa kuboka remhuri.

Kuonga Mukati Meungano yechiKristu

Kune ukoshi hukuru mukusakurira fariro yapachokwadi muvamwe muungano yechiKristu uye kuratidzira norusununguko kuonga mabasa nenhamburiko dzavo. Vakuru vechiKristu vanofanira kutungamirira kupfurikidza nokuonga zvinoitwa nenhamburiko zvavamwe muungano. “Handina kuziva kuti aireva zvakawanda sei kana toreva nezvekurudziro, gutsikano, uye mufaro kutozosvikira pashure peshanyo dzokufudza dzakati,” akadaro Margaret. “Ndakaziva chinoshayikwa apo kuonga kusingapiwi.” Chikonzero chakanaka zvakadini chokuratidza fariro yomunhu oga yechokwadi, yorudo muvose vari muungano! Onga basa ravo rakanaka. Rumbidza uye kurudzira nenzira yakasununguka. Muungano dzakawanda mune mhuri dzomubereki mumwe dzinoshanda zvakaoma kuroverera zvinokosha zvomudzimu muvana vavo. Vakadaro vanofanirwa nerumbidzo chaiyo. Simbisa mativi akanaka panzvimbo paakaipa. Ita kuti vamwe vaone chidakadaka chako chouhama nokuda kwavo. Ita kuti vaone kuti unoitira hanya. Neiyi nzira, vatariri vane rudo vanoshanda kuvaka ungano. (2 VaKorinte 10:8) Mitezo mimwe nemimwe inoitawo zvakafanana kupfurikidza nokupa kuonga kwakafanirwa noruremekedzo kuvakatendeka vakadaro avo vanoshanda zvakaoma nokuda kwavo.—1 Timotio 5:17; VaHebheru 13:17.

Asi kune rumwe rutivi, kana kuti murangariro, kuiyi nhau. Chishuvo chokuongwa, sezvinobvumwa, chakasimba zvikuru. Muzuva raJesu chakava chinhu chinokosha pakati pavatungamiriri vorudzidziso. Jesu aifanira kururamisa murangariro usina kururama wavadzidzi vake muna ikoku. (Marko 9:33-37; Ruka 20:46) VaKristu vanoda kuva vane mufungo nedzikamo. Kana chikasadzorwa, chishuvo chokuongwa chingagona kuva chine ngozi mumudzimu. (Jakobho 3:14-16) Kwaizova kune ngwavaira sei, somuenzaniso, kana mukuru akava anozvikudza ndokuvamba kurayira kuti vamwe vagamuchire murangariro wake wakakwirira waiye amene!—VaRoma 12:3.

Muapostora Pauro akapa zano nokuchenjera vaKristu biyake vomuRoma, achiti: “Kana ruri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru; pakukudzana tungamiriranai.” (VaRoma 12:10) Aya mashoko anoshanda zvikurukuru kuvakuru vechiKristu, avo vanofanira nguva dzose kuziva Kristu soMusoro weungano. Kuzviisa pasi penhungamiro yake ine chiremera kunoratidzirwa kupfurikidza nokutsvaka nhungamiro yaKristu kupfurikidza nomudzimu mutsvene, nheyo dzeBhaibheri, uye nhungamiro inopiwa noMutumbi Unodzora wo“muranda wakatendeka, wakangwara.”—Mateo 24:45-47; ona Zvakazarurwa 1:16, 20; 2:1.

Nokudaro, apo vakuru vanosangana, uye vanonyengeterera nhungamiro yaJehovha yokufudza boka raMwari, vachavavarira kuita zvisarudzo zvakanaka paMagwaro. Kuva nomwero kwechiKristu, unyoro, uye kuzvininipisa zvichadzivisa mukuru upi noupi kuedza kuzvikwidziridza amene, kutonga hama dzake, uye kumanikidzira mifungo yake paiyi misangano. (Mateo 20:25-27; VaKorose 3:12) Panguva ipi kana ipi apo kunobvira, sachigaro womutumbi wavakuru angaita zvakanaka kukumbira mifungo yokutaura pachine nguva mberi inobva kuvakuru biyake uye ipapo kugovera ndaza yezvichakurukurwa pachine nguva mberi yakakwana zvikuru kuti abvumire nguva yokurangarira kwokungwarira nomunyengetero kupfundo rimwe nerimwe rakarongwa. Mukati momusangano wavakuru, angaedza, kwete kugadzira mifungo yavakuru, asi, panzvimbo pezvo, kuvakurudzira kushandisa “rusununguko rwokutaura” panhau dziri kukurukurwa. (1 Timotio 3:13, NW) Uyewo, vakuru biyake vanofanira kuteerera nenzira yokungwarira kutaura kwomumwe nomumwe ndokubetserwa nomufaro nenzwisiso yavakuru avo vane makore akawanda oruzivo rwokuzviwanira rwechiKristu.—Eksodho 18:21, 22.

Vatariri vanonzwisisa, zvisinei, kuti Kristu anogona kushandisa mukuru upi noupi ari mumutumbi kugovera nheyo dzeBhaibheri dzinodikanwa kugonana namamiriro ezvinhu akati kana kuti kuita chisarudzo chinokosha. Mudzimu wakanaka uchatekeshera pakati pomutumbi apo kuonga kwakafanira kunopiwa kumukuru mumwe nomumwe nokuda kwomupiro wake mukutarisira fariro dzomudzimu dzeungano.—Mabasa 15:6-15; VaFiripi 2:19, 20.

Shandira Pakupa Nokuwana Kuonga Kwakafanirwa

Kuonga kunovaka. Kunokurudzira uye kunoita kuti udiwe. “Kunyange tichinzwa kuti tingori vanhuwo zvavo,” anodaro Mary, “tinoda kurudziro nokuda kwokuzvikoshesa kwedu timene.” Tenda zvapachokwadi nhamburiko dzezuva riri rose dzavamwe. Kuita kudaro kunoita kuti upenyu huve hunokosha zvikuru nohunovafadza. Vabereki, vana, vatariri, uye mitezo yeungano yechiKristu, munogona kuwana kuonga kupfurikidza nenzira yamunotaura nayo uye nzira yamunoita nayo. Bhaibheri rinotaura zvakanaka nezvevanhu vanobishaira, vane mwero, uye vanozvininipisa. (Zvirevo 11:2; 29:23; VaHebheru 6:1-12) Dzidza kutenda nenyasha kukosha kwavamwe. Rangarira mirangariro yavamwe sezvaunoshanda navo. Muapostora Petro akapa iri zano: “Muve nomwoyo mumwe mose, munzwirane ngoni, mude hama, muve nomwoyo munyoro, muzvininipise.” (1 Petro 3:8) Ikoku kunorayira kuonga vamwe, nokudaro ndokuita chinodikanwa chikuru chomunhu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe