Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Kutaurirei Pamusoro paMwari?
“Munhu ari wose ane rudzidziso rwake amene. Haufaniri kuedza kumanikidzira Mwari wako pavamwe vanhu.”—Racish ane makore 14 okukura, wokuGuyana.
“Ndinozengurira kutaura pamusoro paMwari nemhaka yokuti ndinotsverudzwa pamusoro poruzvidzo urwo ruchatevera.”—Rohan ane makore 17 okukura, wokuGuyana.
“Tinofanira kutaura pamusoro paMwari nemhaka yokuti ndiye Musiki wedu uye akatipa upenyu.”—Marco ane makore 13 okukura, wokuGermany.
SANOTEERERA boka ravanhu vaduku vari kutaura uye uchawana iyi mhedziso inosuruvarisa sezvinobvira: Mwari haasi chaizvoizvo musoro wakakurumbira zvikurusa wekurukurirano pakati pepwere, nokuda kworutivi rukurusa. Dudza mitambo, zvipfeko, mabhaisikopo azvino uno, kana ane mutezo wakasiyana wokubereka nawo uye uchawanzomutsa kurukurirano ine upenyu. Shinga kududza Mwari, kunyanguvezvo, uye runyararo rwokusafadzwa rukobvu semhute runogona kuvapo nokukurumidza.
Dzimwe pwere hadzimbodaviri muna Mwari. Dzingarangarira kuti sezvo dzisingagoni kumuona, anofanira kuva asiko—kutaura pamusoro pake kunoratidzika kuva kupambadza nguva. Kunyanguvezvo, vasingadaviri kuvapo kwaMwari vashoma chaizvoizvo pakati pavanhu vaduku. Mukuwirirana nenzvero yeGallup, inenge 95 muzana yepwere dzeUnited States dzinodavira Mwari. Chokwadi, Gallup akagumisa, kuti: “Nokuda kwavanhu vaduku vazhinji Mwari wechitendero chavo haasati ari mavambo asingaoneki asina kujeka, asi Mwari womunhu oga anocherekedza zviito zvadzo ndokudzitusa kana kudziranga mukuwirirana nazvo.” Nei, ipapo, pane pwere zhinji zvikuru dzinozengurira kutaura pamusoro peizvo dzinodavira?
Chikonzero Nei Dzimwe Dzichiramba
Zhinji dzinongoratidzika kuva dzinofunga kuti itsika dzakashata kutaura pamusoro penhau dzechitendero uye kuti mifungo yorudzidziso inofanira kuchengetwa yakavanzika. Dzimwe pwere dzinoratidzika kuva dzinokwenudzwa nepfungwa bedzi yokukurukura Mwari. ‘Hakugamuchiriki kuita kudaro,’ dzinorangarira kudaro.
Chipi nechipi chingava murangariro wavaenzani vako, iwe unomira papi paiyi nhau? Uyu mubvunzo wakakodzera zvikurukuru kana wakarerwa somumwe weZvapupu zvaJehovha. Neiko? Nemhaka yokuti kupupurira, kuudza vamwe pamusoro paMwari, kunokosha zvikuru kuchitendero ichocho!—Isaya 43:9, 10; Mateo 24:14.
Kunyange zvakadaro, dzaodzwa mwoyo noutsinye hwadzinosangana nadzo panhambo nenhambo, dzimwe pwere dziri Zvapupu dzinorega kupinda mubasa rokuparidza kwapachena—kana dzinotora rutivi bedzi nemhaka yenyengetedzo navabereki vadzo. Dzimwe dzinogoverana mubasa iroro asi dzinokarira pachivande kuti pasave nomumwe weshamwari dzadzo dzokuchikoro anodziona dzichiita kudaro. Pachikoro, dzimwe dzinoedza kuchengeta zvitendero zvadzo zvorudzidziso zvakavanzika. Kazhinji kazhinji ikoku imhaka yokuti dzinotya kutsverudza kunobva kuvomukirasi biyadzo. “Ndaitya kutaura pamusoro paMwari,” anobvuma kudaro Ryan muduku, “nemhaka yokuti vasonganiri vangu vaizonditumidza mazita omusere uye ndakanga ndisina ushingi hwokupfuuridzira kurukurirano yacho.”
Ipapo pane idzo dzinorega nemhaka yokuti dzinotya kuti hadzigoni kurarama zvizere mukuwirirana nemipimo yeBhaibheri. Dzichinzwa kwezvo yo“kuchiva kwoujaya,” dzinorangarira kuti kwaizova kwakanakisisa kusazvizivisa dzimene savaKristu kuitira kana dzikaita chimwe chinhu chakaipa.—2 Timotio 2:22.
Dzimwe hadzitauri pamusoro paMwari nemhaka yokuti dzinongonzwa dzisina kukwana. Wilton ane makore 19 okukura anokutaura neiyi nzira: “Ndakakuwana kwakaoma kutaura pamusoro paMwari navashandi biyangu nemhaka yokuti ndakanzwa kuti ndakanga ndisina kukwaniriswa kudzivirira zvinhu zvandaitaura pamusoro pake. Ndakanzwa kuti kana ndikadenhwa pamusoro pezvitendero zvangu, ndaisazova nemhinduro inogutsa.”
Musengwa wechiKristu
Kungava here kuti wakarega kutaura pamusoro paMwari nemhaka yezvikonzero zvakafanana? Kana zvakadaro, hausati uri oga. Dzimwe pwere dzakarwisana nokunzwa kumwe cheteko. Zvisinei, zhinji dzakasvika pakunzwisisa ikoko, pasinei zvapo nezvinhu zvose izvo zvingaodza munhu mwoyo mukuita kudaro, pane zvikonzero zvinomanikidzira kutaura navamwe pamusoro paMwari. Ndezvipi zvimwe zvaizvozvi?
Marco muduku, adudzwa pamavambo, akasanokutaura apo akati Mwari “ndiye Musiki wedu uye akatipa upenyu.” (Zvakazarurwa 4:11) Hungu, upenyu chipo chinokosha. Wezvamapisarema akati nezvaMwari: “Kwamuri ndiko kune tsime roupenyu.” (Pisarema 36:9) Uchiva wakagamuchira ichi chipo, haufaniri kuratidza kuonga nokuda kwacho here?
Nzira imwe yokuratidza kuonga kurumbidza Jehovha Mwari mukuvapo kwavamwe. Ndiye muvambi wezuva, mwedzi, mvura, mhepo yatinofema, uye zvokudya zvatinodya. (Mabasa 14:15-17) “Zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvose zvakakwana zvinobva kumusoro,” akadaro mudzidzi Jakobho. (Jakobho 1:17) Unoonga Mwari here nokuda kweizvi zvipo? (VaKorose 3:15) Inzirai iripo yokutaura nayo kuonga kwako inopfuura kutaura pamusoro paMwari?—Ruka 6:45.
Zvomenemene, kunyanguvezvo, Mwari anotirayira kutaura pamusoro pake. Mwanakomana wake, Jesu Kristu, akarayira vaKristu, kuti: “Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose.” (Mateo 28:19, 20) Pwere hadzisiyiwi mumutoro wokutora rutivi muiri basa. Wezvamapisarema anorayira, kuti: “Rumbidzai Jehovha . . . majaya nemhandara; vatana navana; ngavarumbidze zita raJehovha. Nokuti zita rake roga rakakurumbira. Umambo hwake huri kumusoro kwapasi nokudenga.” (Pisarema 148:7, 12, 13) Asi haufaniri kurangarira uyu mugove somutoro. Iropafadzo, chaizvoizvo—unogona kuva zvomenemene mumwe wa“vabati pamwe chete naMwari.”—1 VaKorinte 3:9.
Zvakadiniko kana uchingonzwa usina kukwaniriswa? Muporofita Jeremia akanga ane kunzwa kwakadaro munguva dzeBhaibheri. “Haiwa, Ishe Mwari, tarirai, handigoni kutaura, nokuti ndiri mwanana hangu.” Ndeipi yaiva mhinduro yaJehovha? “Usati ndiri mwanana; nokuti kuna ani naani wandinenge ndichikutuma, unofanira kuenda, nechinhu chipi nechipi chandinenge ndichikurayira, unofanira kuchitaura.” (Jeremia 1:6, 7) Nebetsero yaJehovha Jeremia akaita izvozvo chaizvo kwamakore 40!
Kufanana navaKristu nhasi, “kukwana kwedu kunobva kuna Mwari.” (2 VaKorinte 3:5) Kunyange kana uri anonyara nomuzvarirwo, worudzi rwokunyarara, Mwari anogona kukubetsera kuva noushingi hwokutaura. Mukati meungano yechiKristu mune gadziriro idzo dzinogona kukubetsera kuva “akakwaniriswa zvakakwana” somudzidzisi weShoko raMwari. Kana uchinzwa kuti unoda betsero yomunhu oga, kuregererei kutaura nomumwe wavatariri veungano? Kungangova kuri bedzi nhau yokukudziridza gadziriro yefundo yeBhaibheri yomunhu oga kana kushanda pamwe chete nomumwe munhu ane ruzivo rwokuzviwanira rwakawanda.
Chaunogona Kupedza
Kutaura pamusoro paMwari kunogona kukupa pfungwa chaiyo yokupedza zvakati. Kutanga, vazhinji vavaenzani vako vari kutsvaka mhinduro, vanodokuva vari kuchemera betsero. Vanoshaiwa nhungamiro uye havana chiono chakajeka chenguva yemberi. Vanobvunza, kuti, ‘Nei tiri pano? Tiri kuenda kupi? Nei nyika yakazara zvikuru nenhamo?’ SomuKristu, une mhinduro dzacho, uye sezvinobvira unogona zvikuru kupa zivo yakadaro kuvaenzani vako. Vanogona kukurondedzera uye zvichida vangataura nomumwe munhu wezera ravo vamene pane mukuru.
Chokwadika, padzimwe nguva uchatarisana nokuramba. Asi ungawanawo vanhu vamwe navamwe vanogamuchira shoko reBhaibheri. Chimwe Chapupu chiduku chakagara mubhazi chichirava kopi yacho yomunhu oga yebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda.a Mukomana akanga akagara pedyo nacho akavamba kuravawo. “Iri ibhuku rakanaka!” mukomana wacho akadaro. “Iri bhuku rinotaura zvakawanda pamusoro paMwari. Vanhu vakawanda havafariri rudzidziso.” Chapupu chiduku chacho chakashandisa ikoku somukana wokuva nekurukurirano ine udzame panhau yezita raMwari.
Ichokwadi kuti, apo unozvizivisa umene somuKristu, unosungirwa kuzvibata saiye. (1 Petro 2:12) Asi mufambiro wakaisvonaka wechiKristu uchangowedzera bedzi kudavirika kweshoko rako. Rangarira chakaitika chepwere inonzi Eric. Yakaororwa nomufambiro wakaisvonaka wepwere dziri Zvapupu muchikoro chayo. Ikoku kwakanyandura fariro yayo mukudzidza zvakawanda pamusoro paMwari. Fundo yeBhaibheri yakatangwa nayo, uye nhasi Chapupu chakabhapatidzwa chiri kubatira padzimbahwe reZvapupu zvaJehovha muNew York.
Kutaura pamusoro paMwari kunogona kubetsera iwe! Kunogona kubatira sedziviriro. Apo shamwari dzako dzinoziva kuti uri mumwe weZvapupu zvaJehovha, zhinji dzichakuremekedza. Dzingasawanzorerekera kukudzvinyirira mukupinda mukuita chakaipa apo dzinoziva kuti une mipimo yakakwirira ndokuziva kuti ungangodzipa uchapupu mukupindura.
Chokwadika, ikoku hakurevi kuti nguva iri yose yaunotaura unofanira kunokora magwaro. Nguva dzose uchava nefariro yako mumitambo, zvipfeko, kana nziyo uye uchada kutaura pamusoro pezvinhu zvakadaro nguva nenguva. Asi yeuka, kuti: “Muromo unotaura zvizere pamwoyo.” (Mateo 12:34) Kana rudo nokuda kwaMwari ruri zvirokwazvo mumwoyo mako, nomutoo womuzvarirwo uchada kutaura pamusoro pake. Muchinyorwa chomunguva yemberi, tichakurukura dzimwe nzira umo unogona kuita kudaro nomutoo unobudirira.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Unonyadziswa here kuonekwa navokuchikoro biyako apo unenge uri mubasa rokuparidza kwapachena?