Rwiyo 205
Kristu Muenzaniso Wedu
1. Rudo rwakadini, Rwooneswa naJa,
Pa’katuma Kristu pasi! Wouya seChingwa,
Kuti vanhu vadye
Vagowanawo upenyu.
2. Kristu wotiudza Manyengeterere
‘Zita renyu ritsveneswe.
Umambo huuye. Kuda kwenyu ku’twe.
Tigoverwewo zvokudya.’
3. Odzidzisa idi Akapa nyaradzo
Kuvakanzwa shoko rake.
Akafa pamuti Anunure vanhu
Azadzise Shoko raJa.
4. Kana tikaonga Chibairo ichi,
Tichava “makwai” ake.
Saye tichakudza Mwari zuva rose,
Pamwe naye tichakohwa.