Tiri Kuramba Takamuka Here—Tichidzivisa Zvinotsausa?
1 Jesu akapa nyevero, kuti: “Rindai . . . kuti mugone kupukunyuka” ngwavaira dzakanga dzine chokwadi chokuuya zvirokwazvo. (Ruka 21:36) Tiri kurarama munguva ine ngozi zvikurusa munhau yomunhu. Ngwavaira yakamirira avo vanotera kukukotsira kwomudzimu. Ikoku kunopa ngozi nokuda kwomumwe nomumwe wedu. Jesu akadudza kudya, kunwa, uye funganyo dzokurarama kwezuva riri rose. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti kunyange izvi zvinhu zvingagona kutibatikanisa, kuva zvinotsausa, uye kutikotsirisa mumudzimu kune ngozi.
2 Zvinotsausa Zvinozivikanwa Navose: Vamwe vakava vanobatikaniswa nevaraidzo yakanyanyisa kana kuti inopanikirika, kunyange kuva vanopindwa muropa neTV. Chokwadika, kutanga kutsvaka Umambo hakusati kuchireva kuti tinofanira kudzivisa zvimiro zvose zvevaraidzo. Apo tinoshandisa kuva nomufungo uye mwero, varaidzo inogona kuva inobetsera. (Enzanisa na1 Timotio 4:8.) Asi ndichinotsausa apo inova chinhu chikuru muupenyu hwedu, ichitora yakawanda zvikuru yenguva yedu, pfuma yedu, kana kuti goverano yedu mubasa rokuparidza Umambo.
3 Chimwe chinotsausa chinozivikanwa navose icho chinokonzera kukotsira mumudzimu ndicho chishuvo chezvinhu zvokunyama zvisiri madikanwa. Ichochi chinoda kuti munhu apedzere nguva yakawanda ari pabasa rokunyika uye chinokonzera zvinorondwa zvomudzimu kusundirwa kunze. Vamwe vakarasikirwa nechiono chezvinangwa zvomudzimu kupfurikidza nokuva vakanyura mukuwana zvinhu zvokunyama kuitira kuti vawane kurarama kwakanaka zvikuru. Nepo tichida “zvokudya nezvokufuka,” tinofanira kudzivisa kukudziridza rudo rwemari, urwo runogona kutibvisa pakutenda. (1 Tim. 6:8-10) Kupfurikidza nokukundikana kuchengeta maziso edu akanangidzirwa pafariro dzoUmambo, tingagona kuva vanoregeredza mukutarisira zvinodikanwa zvomudzimu zvemhuri yedu ndokukundikana kuita ushumiri hwedu.—1 Tim. 5:8; 2 Tim. 4:5.
4 Vamwezve vanobvumira ‘mwoyo [yavo] kuremedzwa nefunganyo dzoupenyu’ kusvikira kupfundo rokuti ivo vanorara mumudzimu. (Ruka 21:34) Padzimwe nguva, funganyo inowanwa nemhaka yezvinetso zvoutano kana kuti mamirire ezvinhu anotambudza emhuri. Asi zvinoitirwa hanya zvomunhu oga zvakadaro hazvifaniri kubvumidzwa kuderedza kuziva kwedu mugumo unosvika nokukurumidza wetsika ino yezvinhu.—Marko 13:33.
5 Hapana chinhu chaizofadza Dhiyabhorosi kupfuura kubudirira mukutiisa muchimiro chakafanana nechiroto, tichironda fungidziro yenyika. Tinofanira kurwisa kuti tirambe takamuka mumudzimu. Tinoziva kuti ‘zuva raJehovha riri kuuya sembavha,’ uye kwakakosha kuti “tirinde, tisvinuke.”—1 VaT. 5:2, 6; VaR. 13:11-13.
6 Yamuro Dzokutibetsera Kuramba Takamuka: Chii chiri yamuro dzakadaro? Munyengetero unokosha. Tinofanira kunyengetera nguva dzose. (1 VaT. 5:17) Kuva pedyo neungano yechiKristu kucha‘tinyandurira kurudo namabasa akaisvonaka.’ (VaH. 10:24) Kuzvinzvera kwedu timene kwenguva dzose, kwokutendeseka kunogona kubetsera kutichengeta takasvinurira kudikanwa kwedu kwokukurira utera. (2 VaK. 13:5) Miitiro yakanaka yefundo yomunhu oga ichatichengeta tichi“rerwa namashoko okutenda.” (1 Tim. 4:6) Kana tichishingaira, tinogona kuva nechivimbo kuti tichakwanisa kudzivisa zvinotsausa.—1 VaK. 16:13.