Misangano Yebasa yaOctober
Vhiki Inotanga naOctober 2
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo.
15 min: “Rumbidza Jehovha Nguva Dzose.” Mibvunzo nemhinduro. Simbisai kushandiswa kweMagwaro akaratidzirwa neakanokorwa mashoko.
20 min: “Govera Kuzvinyoresa Panhambo Iri Yose.” Kurukurai mapfundo makuru, uye ipapo hwirudzurai nyaya dziri mumagazini azvino uno idzo dzingashandiswa mukuagovera. Itai kuti mharidzo mbiri kana kuti nhatu dzienzanisirwe.
Rwiyo 153 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naOctober 9
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi.
15 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo. Kana kuti hurukuro inopiwa nomukuru inoti, “Ucharumbidza Jehovha Here?” yakavakirwa paNharireyomurindi yaMarch 15, 1995, mapeji 29-31.
20 min: “Tiri Kuramba Takamuka Here—Tichidzivisa Zvinotsausa?” Mibvunzo nemhinduro. Kana nguva ichibvumidza, itai tsinhiro dzokuwedzera dzakavakirwa paNharireyomurindi yaMay 1, 1992, mapeji 20-2.
Rwiyo 128 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naOctober 16
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Kurudzirai vose kugoverana mukupupura kusina kurongwa. Ivai nemienzaniso miviri kana kuti mitatu inoratidza kuti ikoku kunogona sei kuitwa 1) kuchikoro, 2) kubasa uye 3) pamusha, kuvatengesi vari kushanya pasuo.
15 min: Munyori anohwirudzura mushumo webasa romumunda weungano waSeptember. Rumbidzai ungano munzvimbo dzavakaita zvakanaka. Torai nguva kukwevera ngwariro kumativi aye anoda vandudziko. Kurudzirai vose kushuma basa ravo romumunda panguva mwedzi uri wose mukati megore rino rebasa. Vaparidzi vangashuva kugadza chinangwa chomunhu oga chokuva venguva dzose mubasa mwedzi uri wose.
20 min: “Shanyo Dzedzokerero Dzine Chinangwa.” Kurukurai zvinangwa zvedu mukuita shanyo dzedzokerero. Rongai kuti vaparidzi vanokwanisa vaenzanisire mharidzo mbiri dzakasiyana.
Rwiyo 130 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naOctober 23
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mashoko oUshe.
15 min: “Tinoda Ungano.” Mibvunzo nemhinduro.
20 min: Nangidzira Fariro Kusangano. Mutariri webasa anoitisa kurukurirano nevaparidzi vaviri kana kuti vatatu, vachishandisa bhurocha raZvapupu zvaJehovha—Zvinoita Kuda kwaMwari Mukubatana Munyika Yose. Tsanangurai nei kuchibetsera kuita kuti vanofarira vazive nezvenzira iyo sangano rinoshanda nayo, marongerwe akaita mibato yakasiyana-siyana, uye kuti ivo vanogona sei kubatanidzwa. Hwirudzurai mapfundo anobva mumapeji 14 ne15 paunoti “Misangano Yokukurudzira Rudo Namabasa Akaisvonaka.” Boka rinoenzanisira nokupfupikisa nzira iyo aya mashoko angagona kubatanidzwa nayo mukurukurirano pashanyo yedzokerero kana kuti fundo yeBhaibheri kubetsera munhu anofarira kunzwisisa kudikanwa kwokupinda.
Rwiyo 126 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naOctober 30
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Nezororo renyika riri kusvika muna December, kurudzirai vose kurangarira kunyoresa samapiyona ebetsero.
15 min: Wati Wamboedza Vanongedzerwi Here? Hurukuro. Vamwe vaparidzi vakagona kutanga fundo dzeBhaibheri itsva muiyi nzira: Pashure pokufunda nomunhu anofarira kwechinguvana, ivo vanobvunza munhu wacho kana achiziva nezvomumwe munhuwo zvake pakati peshamwari dzake, hama dzokunyama, kana kuti vazivikanwi avo vangava vachifarira fundo yeBhaibheri. Kazhinji kazhinji mazita anoverengeka anopiwa. Bvunza kana uchigona kushandisa zita rake pakushanyira ava vanhu. Pakuita shanyo yacho, ungataura kuti: “Nhingi akafarikanya kufunda Bhaibheri zvikuru kwazvo zvokuti akafunga kuti imiwo mungada kubetserwa nepurogiramu yedu yefundo yeBhaibheri yapachena.” Ikoku kunogona kugovera ndaza yakaisvonaka yeshanyo dzedzokerero idzo dzingakura kuva fundo dzeBhaibheri dzinobudirira. Batanidza chakaitika chimwe kana kuti zviviri kubva kuvaparidzi avo vakawana vanhu vanofarira kana kuti vakatanga fundo itsva nouyu mutoo.
20 min: Kugovera bhuku raBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? mukati maNovember. Mudzvinyiriro yenyika ino vakawanda vanoda nyaradzo netariro. Bhaibheri ndiro bedzi manyuko etariro yechokwadi. Tinogona sei kubetsera vanhu kuva netariro yenguva yemberi yakavakirwa paBhaibheri? Bhuku redu rinogoverwa nokuda kwaNovember rinogona kutibetsera kuita kudaro. Kurukurai misoro iri mubhuku racho iyo ichanyandura fariro mundima yenyu. Simbisai mapfundo akasiyana-siyana anobva mumisoro iyi ayo anogona kushandiswa mumunda. Itai kuti muparidzi anokwanisa aenzanisire mharidzo pfupi achishandisa tsinhiro dzesumo dzeganhuro 14 mubhuku raBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? peji 184. Yeuchidzai vose kuwana makopi ebhuku racho nokuda kwokushandisa mubasa vhiki ino.
Rwiyo 138 nomunyengetero wokugumisa.