RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/96 p. 1
  • Ivai Vaiti—Kwete Vanzwi Chete

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ivai Vaiti—Kwete Vanzwi Chete
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mashoko Akafanana
  • “Vaiti Veshoko” Vanofara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Vaiti Veshoko raMwari Vanowana Mufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Tanga Kutsvaka Umambo hwaMwari—Kupfurikidza Nokupa Nguva Dzose Zvibayiro Zverumbidzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • “Ivai Vaiti Veshoko”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 1/96 p. 1

Ivai Vaiti—Kwete Vanzwi Chete

1 VaKristu vechokwadi nhasi vanofungisisa zano reBhaibheri rokuva vaiti veshoko, kwete vanzwi chete. (Jak. 1:22) Ikoku kunovapesanisa neavo, kunyange zvazvo vachitaura kuva vechiKristu, vanoitira Mwari basawo zvaro. (Isa. 29:13) Jesu nenzira yakajeka akataura kuti avo bedzi vanoita kuda kwaMwari vachaponeswa.—Mat. 7:21.

2 Kunamata kusina mabasa oumwari hakuna revo. (Jak. 2:26) Naizvozvo tinofanira kuzvibvunza timene kuti, ‘Mabasa angu anobvumikisa sei kuti kutenda kwangu ndokwechokwadi? Chii chinoratidza kuti zvirokwazvo ndinorarama mutsinhirano nezvandinodavira? Ndinogona sei kutevedzera Jesu zvizere zvikuru?’ Mhinduro dzokutendeseka kuiyi mibvunzo dzichatibetsera kuona fambiro mberi yatakaita kana kuti yatichiri kufanira kuita mukuita kuda kwaMwari.

3 Savateveri vaJesu, tinofanira kuva nechinangwa chimwe chetecho chinokosha muupenyu seicho chakataurwa nowezvamapisarema, kuti: “Takazvirumbidza zuva rose muna Mwari, tichaonga zita renyu nokusingaperi.” (Pis. 44:8) ChiKristu mararamire ayo anozviratidzira amene zuva riri rose uye muchinhu chiri chose chatinoita. Igutsikano yakadini yatinowana sezvatinoratidzira mumibato yedu yose chishuvo chedu chomwoyo wose chokurumbidza Jehovha!—VaF. 1:11.

4 Kupa Rumbidzo Kuna Jehovha Kunobatanidza Zvinopfuura Kurarama Upenyu Hwakarurama: Kudai mufambiro wakaisvonaka uri bedzi uyo Mwari anoda, taigona zvedu kupa ngwariro pakunatsa unhu hwedu. Zvisinei, kunamata kwedu kunobatanidzawo kuzivisa kudzimwe nyika kunaka kwaJehovha uye kuita ziviso yapachena kuzita rake!—VaH. 13:15; 1 Pet. 2:9.

5 Kuparidza pachena mashoko akanaka ndechimwe chemabasa anokosha zvikurusa atinoita. Jesu akazvipa amene kuiri basa nemhaka yokuti akanga achiziva kuti raireva upenyu husingaperi kune avo vaizoteerera. (Joh. 17:3) Nhasi “basa reshoko” harina kutongova risingakoshi; ndiwo mutoo bedzi uyo vanhu vanogona kuponeswa nawo. (Mabasa 6:4; VaR. 10:13) Tichiziva betsero huru, tinogona kunzwisisa nei Pauro akatirayira ku“paridza shoko” uye ku“ramba [ti]chidaro.”—2 Tim. 4:2.

6 Kurumbidza Jehovha kunofanira kuzadza upenyu hwedu kusvikira kutambanukoi? Wezvamapisarema akataura kuti akanga achikurangarira zuva rose. Hatinzwi nenzira iyoyo here? Hungu, uye ticharangarira kusangana kuri kwose nomumwe munhu somukana unobvira wokutaura pamusoro pezita raJehovha. Tichatsvaka mikana yakakodzera yokunangidzira kurukurirano yedu kuzvinhu zvomudzimu. Tichavavarirawo kugoverana nguva dzose mumibato yebasa romumunda yakarongwa neungano. Avo vane mamiriro ezvinhu anovabvumira vanogona kupa kurangarira zvakakomba basa roupiyona, nokuti ikoku kunotibetsera kuisa basa rokuparidza pakutanga muupenyu hwedu zuva riri rose. Shoko raMwari rinotivimbisa kuti kupfurikidza nokuva vaiti venguva dzose vokuda kwaMwari, tichafara.—Jak. 1:25.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe