RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/96 p. 2
  • Gadzirira Mubato Wamagazini Muna April

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Gadzirira Mubato Wamagazini Muna April
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Tingaita Kuti April 2000 uve Mwedzi Wedu Wakanakisisa Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • April—Nguva Yokuti ‘Tishande Nesimba Neyokubishaira’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Unogona Kuwedzera Kurumbidza Kwako Jehovha Mukati maApril Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 2/96 p. 2

Gadzirira Mubato Wamagazini Muna April

Sezvakanyorwa pa1996 Karenda yedu, Chirayiro chaShe chichachengetwa gore rino pana April 2. Akurudzirwa neiyi nhambo yakaisvonaka, mumwe nomumwe uye tose ngatigoveranei mukugoverwa kwokushingaira kwamagazini muna April mose. Magazini anowirirana nomusi zvakadini atichava tichishandisa! Nharireyomurindi yaApril 1 ichanangidzira ngwariro pahurukuro yavose yepakokorodzano yoruwa yegore rakapera, “Rumbidza Mambo Asingagumi!” Nharireyomurindi yaApril 15 ichatevera musoro wehurukuro yavose chaiyo yaApril akapfuura, “Kuguma Kworudzidziso Rwenhema Kwava Pedyo.” Hurukuro chaiyo yegore rino paApril 21, “Kuramba Usina Chaunopomerwa Pakati Porudzi Rwakakombama,” inofanira kupa nyanduro yakawedzerwa. Tichava tichiratidzira Mukai! yaApril 22 pamusoro unoti “Apo Hondo Dzinenge Dzisichipozve.”

Sedzokerero kunhimbe yaMashoko oUmambo aApril akapfuura, April uno anofanira kuva mwedzi wakatanhamara nokuda kwokuparadzira magazini. Zvino inguva yokuita rongedzero. Vakawanda vachada kunyoresa samapiyona ebetsero. Sezvinodikanwa, makopi omuraudzo amagazini aApril anofanira kuodhwa. Rongedzero dzinogona kuitwa Dzamazuva Amagazini, nomunhu ari wose anobvira achitora rutivi—mangwanani, masikati, uye/kana kuti madekwana. Tose zvedu ngativei “vaiti veshoko.” Sezvakafanotaurwa nezvaMesiya paPisarema 69:9, ngatikwaniseiwo kuti: “Nokuti kushingairira imba yenyu kwakandipedza.”—Jak. 1:22; Joh. 2:17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe