“Ivai Nokuonga”
1 Vazhinjisa vedu takarovedzwa muuduku kutaura kuti “ndapota” uye “mazviita” apo mumwe munhu anotiratidza tsika dzakanaka kana kuti mutsa. Pauro anotirayira kuti nguva dzose ‘tizviratidze timene kuva vanoonga,’ uye zvikurukuru tinofanira kuva vanoonga kuna Jehovha. (VaK. 3:15, 16) Asi tinogona sei kuratidzira kuonga kuMusiki wedu Mukuru? Uye zvikonzeroi chaizvo zvatinazvo zvokuva vanoonga kwaari?
2 Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mwari ngaaongwe, uyo unotipa kukunda naShe wedu, Jesu Kristu.” (1 VaK. 15:57) Panguva yeChirangaridzo gore rimwe nerimwe, tinoyeuchidzwa nezverudo rukuru urwo vose vari vaviri Mwari naKristu vakaratidza mukugovera rudzikinuro urwo rwunotipa tariro yeupenyu husingagumi. (Johane 3:16) Sezvo anodokuva ari wose wedu akarasikirwa nevadiwa murufu, tinoonga sei chipikirwa chaJesu cherumuko! Mwoyo yedu inozadzwa nokuonga apo tinorangarira kariro yekupukunyuka mugumo wetsika ino pasina kutongofa. (Johane 11:25, 26) Kwakaoma kuwana mashoko okutaura kuonga nokuda kwezvikomborero zvose zvinoshamisa zvatichigere kuwana paruoko rwaJehovha muParadhiso yapasi iri kuuya. (Zvak. 21:4) Zvikonzeroi zviri nani izvo munhu upi noupi anogona kuva nazvo ‘zvokuzviratidza amene kuva anoonga’ kuna Mwari?
3 Maratidzirwe Okuonga Kuna Mwari: Nguva dzose kwakafanira kutaura kuonga kwedu mumunyengetero kuna Jehovha nokuda kwekunaka kwake. (Pis. 136:1-3) Tinosundwawo kuratidzira kuonga kwedu kwaari mudzimwe nzira dzakananga. Somuenzaniso, zvirokwazvo tichavapo paSvondo, March 23, nokuda kweChirangaridzo cherufu rwaKristu. Kubetsera kugovera zvinodikanwa zvokunyama zveungano yomunzvimbomo uye zvebasa remunyika yose, nomufaro tino‘kudza Jehovha nezvinhu zvedu zvinokosha.’ (Zvir. 3:9) Tinotsigira zvizere vakuru ndokubatira pamwe navo, nokudaro tichiratidza kuonga kwedu kuna Jehovha nokuda kwebetsero yaanogovera kupfurikidza navo. (1 VaT. 5:12, 13) Zuva riri rose, tinovavarira kuchengeta mufambiro wakarurama uyo unorumbidza zita raMwari. (1 Pet. 2:12) Jehovha anofadzwa nouhu ufakazi hwose hwekuonga kwedu.—1 VaT. 5:18.
4 Kuratidzira Kwedu Kuonga Kwakanakisisa: Kuva negoverano yemwoyo wose mubasa rekuparidza Umambo, kukudza zita raJehovha, kutaura kuonga mumunyengetero, uye kutsigira chokwadi nokuvimbika zviri pakati peratidziro dzakanakisisa dzekuonga kwemwoyo wose kwatinogona kuita kuMusiki wedu nokuda kwezvose zvaakatiitira nokuda kwedu. Jehovha anofara kutiona tichimupa zviito zvebasa rinoyera mukutsigira kuda kwake kwokuti “vanhu vose vaponeswe.” (1 Tim. 2:3, 4) Ndicho chikonzero nei vaparidzi vakawanda kwazvo vanogona kuronga nokuda kwako vari kupindura kokero iyo yakabuda muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaFebruary yekunyoresa semapiyona ebetsero mukati memwedzi mumwe kana kuti inopfuura yaMarch, April, uye May. Kushandisa nhamburiko yemuraudzo muushumiri inzira yakaisvonaka ye‘kuzviratidza timene kuva vanoonga’ kuna Mwari. Uchakwanisa here kukumbanira mapiyona muna April? muna May?
5 Takapiwa tariro ine chokwadi yekurarama nokusingaperi. Apo tinoiona ichizadzika, tichava nezvimwezve zvikonzero zvakawanda zuva riri rose zvokupfuurira kupa kuonga kwemufaro kuna Jehovha.—Pis. 79:13.