RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/97 p. 2
  • Misangano Yebasa yaMarch

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaMarch
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naMarch 3
  • Vhiki Inotanga naMarch 10
  • Vhiki Inotanga naMarch 17
  • Vhiki Inotanga naMarch 24
  • Vhiki Inotanga naMarch 31
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 3/97 p. 2

Misangano Yebasa yaMarch

Vhiki Inotanga naMarch 3

Rwiyo 53

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Kurudzirai vose kuvamba kukoka vanofarira kuChirangaridzo pana March 23. Ratidzirai kopi yekokero yeChirangaridzo, uye kurudzirai vose kuwana mugove ndokuvamba kuaparadzira vhiki ino.

15 min: “Vaka Imba Yako.” Mibvunzo nemhinduro.

20 min: “Kubetsera Pwere Kuwana Ramangwana Rinogara.” (Ndima 1-5) Itai tsinhiro pfupi pandima 1, uye ipapo kurukurai kuti fariro inogona sei kusakurirwa mubhuku raVechiduku Vanobvunza kupfurikidza nokushandisa misoro yemaganhuro, mifananidzo yakaisvonaka, uye mabhokisi ehwirudzuro. Itai kuti vaparidzi vanokwanisa vaenzanisire mharidzo dziri mundima 2-5. Kurudzirai vose kuita nhamburiko chaiyo yekugovera bhuku racho kumhuri dzakaratidza fariro munguva yakapfuura. Dudzai kuti bhuku racho riri kugoverwa nokuda kwemutengo wakaderedzwa we$5,00.

Rwiyo 71 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMarch 10

Rwiyo 56

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi. Yeuchidzai vose kuva nechokwadi chokutevera rudungwe rwekurava Bhaibheri kweChirangaridzo nokuda kwaMarch 18-23, serwakarongwa muKunzvera Magwaro Zuva Nezuva.

20 min: “Ivai Nokuonga.” Mibvunzo nemhinduro. Vose vanofanira kuita nhamburiko yepachokwadi kukoka vadzidzi veBhaibheri, vanhu vanofarira, mitezo yemhuri ine ushamwari, uye hama nehanzvadzi dzipi nedzipi dzisiri kusonganirana nokushingaira neungano kuti vapinde Chirangaridzo. Muenzaniso mupfupi wemuparidzi ari kukoka munhu anofarira kuChirangaridzo, achishandisa pepa rekokero yeChirangaridzo. Itai tsinhiro dzokuwedzera paNharireyomurindi yaJuly 1, 1988, peji 11, ndima 16-17. Kurudzirai vose vanogona kuita upiyona hwebetsero muna April naMay.

15 min: “Kubetsera Pwere Kuwana Ramangwana Rinogara.” (Ndima 6-8) Ipai zvikarakadzo zvakati zvinoratidza nzira yekugovera nayo bhuku raVechiduku Vanobvunza pakuita kupupura kusina kurongwa pabasa, pachikoro, kana kuti muzvokufambisa zvavose, uyewo pakushanyira hama dzekunyama. Itai kuti muparidzi anokwanisa aenzanisire mharidzo dziri mundima 6 ne7. Kurukurirano pashanyo yedzokerero inofanira kubetsera munhu wacho kunzwisisa kuti fundo yeBhaibheri inogona sei kusimbisa zvisungo zvemhuri. Fundo dzinofanira kuitiswa mubhurocha raMwari Anodei Kwatiri?, nevavariro yekuchinjira kubhuku raZivo, kana kuti fundo ingatangwa mubhuku raZivo rimene.

Rwiyo 72 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMarch 17

Rwiyo 63

15 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Hwirudzurai “Zviyeuchidzo zveChirangaridzo,” uye ratidzirai gadziriro dzemunzvimbomo. Vose vanofanira kuita gadziriro dzekupedzisira kubetsera vadzidzi veBhaibheri nevanofarira kupinda.

15 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo. Kana kuti hurukuro inopiwa nemukuru panyaya inoti “Unofanira Chaizvoizvo Kukumbira Ruregerero Here?” inobva muNharireyomurindi, yaSeptember 15, 1996, mapeji 22-4.

15 min: Shandisa Zvakanaka 1997 Yearbook of Jehovah’s Witnesses. Baba vanohwirudzura mapfundo makuru anofukidzwa mumapeji 3-9 nemhuri yavo. Vanoratidza nei tichifara kuona fambiro mberi yeubati ushe hwaMwari kupota nyika yose. Baba vanotsanangura nzira iyo, mukati megore riri kuuya, vanogona kushandisa maminiti mashomanene zuva rimwe nerimwe panguva yekudya kurava nenzira inofambira mberi muYearbook pamwe chete nokurangarira rugwaro rwezuva. (Kana muchigere kugamuchira Yearbook, shandisai iyi nguva kukurukura mativi emushumo wenyika yose anobva muNharireyomurindi yaJanuary 1, 1997.)

Rwiyo 75 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMarch 24

Rwiyo 67

9 min: Zviziviso zvomunzvimbomo.

24 min: “Wana Ushingi Hwokuita Shanyo Dzedzokerero.” (Ndima 1-20) Mibvunzo nemhinduro. Enzanisirai nokupfupikisa ndima 16.

12 min: Kubetsera Muparidzi Mutsva Kutanga. Hwirudzurai ndima 19 muwedzero yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 1996. Enzanisirai nzira iyo muparidzi anokwanisa anogadzirira nayo mudzidzi weBhaibheri achangobva kutenderwa nevakuru kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa. Vanohwirudzura pamwe chete bhuku raUshumiri Hwedu, peji 111, ndima 2. Muparidzi ane ruzivo rwokuzviwanira anoonesa icho sezvingabvira chingasanganwa nacho pakugoverana mukupupura paimba neimba uye hapana kudikanwa kwekuodzwa mwoyo kana vazhinjisa vasingadavidzi. Muparidzi anorondedzera chakaitika chinokurudzira chinoratidza mufaro unovapo apo tinowana munhu wepachokwadi achateerera. Pamwe chete vanogadzirira mharidzo yemagazini pfupi, yakapfava uye ipapo vanoirovedza. Rumbidzo inokurudzira inopiwa uye gadziriro chaidzo dzinoitwa dzekugoverana mubasa remumunda pamwe chete vhiki ino.

Rwiyo 89 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMarch 31

Rwiyo 70

15 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Kokai vose vanofarira kupinda hurukuro yavose chaiyo pana April 6. Yeuchidzai vose kupinza mishumo yavo yebasa remumunda yaMarch. Zivisai mazita avose vari kuita upiyona hwebetsero muna April. Hwirudzurai Bhokisi Remibvunzo.

20 min: “Wana Ushingi Hwokuita Shanyo Dzedzokerero.” (Ndima 21-35) Mibvunzo nemhinduro. Hwirudzurai bhokisi riri papeji 3. Kurudzirai vose kuverenga shanyo yedzokerero iri yose yavanova nayo mukati memwedzi pakushuma basa ravo remumunda.

10 min: Hwirudzurai Mabhuku Anogoverwa nokuda kwaApril. Goverai bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda pamutengo chaiwo we$5,00. Kurudzirai vose kuzvirovedzanisa vamene nemativi akawanda ebhuku racho. Itai kuti vaparidzi vaviri vaenzanisire mharidzo imwe kana kuti mbiri vachishandisa ichi chinyorwa. Vaparidzi vanofanira kuchengeta chinyorwa cheavo vanogamuchira bhuku racho ndokudzokera nemurangariro wekutanga fundo mubhuku raZivo.

Rwiyo 92 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe