RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/98 p. 1
  • Jehovha Anopa Simba Rinopfuura Renguva Dzose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anopa Simba Rinopfuura Renguva Dzose
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Mashoko Akafanana
  • “Tsvakai Jehovha Nesimba Rake”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Jehovha Anopa Akaneta Simba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Basa Rinotsigirwa naMwari
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • “Jehovha . . . Ane Simba Guru”
    Swedera Pedyo naJehovha
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 1/98 p. 1

Jehovha Anopa Simba Rinopfuura Renguva Dzose

1 Ropafadzo inokosha yebasa rinoyera—ushumiri hwechiKristu—yakapiwa vadzidzi vose vaJesu. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Asi kusakwana kwavanhu nedzvinyiriro dzetsika ino yezvinhu padzimwe nguva zvingatiparira kuzvirangarira setisingakwanisi zvikuru.

2 Panoitika izvi tinogona kunyaradzwa netsamba yemuapostora Pauro kuvaKristu vakazodzwa muKorinte. Anonyora kuti: “Pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu.” (2 VaK. 4:7) Pauro akanga ane chivimbo: “Zvatinako kushumira uku . . . , hatineti.” (2 VaK. 4:1) Chokwadi, chinetso kwatiri tose, tingava takazodzwa kana kuti tiri ve“mamwe makwai,” kuti tirambe tichizivisa mashoko akanaka uye tisinga“neti.” Tinoda simba rinobva kuna Mwari, uyo anopa “simba rinopfuura renguva dzose.”—Joh. 10:16; 2 VaK. 4:7b, NW.

3 Nenzira inokurudzira, Zvapupu zvakawanda vaevhangeri vanoshingaira pasinei zvapo nokuti vanofanira kurwisana nechishoro chakakasharara, zvinetso zvoutano zvakakomba, kana kuti mari shoma. Tose zvedu tinofanira kuziva kuti mugove wedu wekuparidza unotsigirwa naJehovha. Panzvimbo pokubvumira kuora mwoyo kana kuti kutya kuti kunetese chisarudzo chedu chokuparidza, ngativei “nesimba munaShe, nomusimba rake guru.”—VaEf. 6:10; Zvir. 24:10.

4 Nzira Yokuwana Nayo Simba raMwari: Pfuurira kunyengetera, uchikumbira betsero yaMwari nesimba. (VaR. 12:12; VaF. 4:6, 7) Ipapo, nemwoyo wako wose, vimba naJehovha kuti agovere simba rinopfuura renguva dzose. (Zvir. 3:5) Rava nyaya dzoupenyu dzomuzuva razvino uno dziri mumagazini edu, nokuti dzinopa ufakazi hwokuti Jehovha ari kubetsera vabatiri vake nhasi kuti vatsungirire miedzo. Ramba uri pedyo nehama dziri muungano, uye usarega kupinda misangano yeungano.—VaR. 1:11, 12; VaH. 10:24, 25.

5 Ngatiitei zvose zvatinokwanisa kuti tizviise munzvimbo yokugamuchira simba raJehovha—simba rinopfuura renguva dzose uye zvichatibetsera kusaneta mubasa rinokosha zvikuru rekuparidza Umambo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe