Kunzwisisa Nheyo Yacho Kunoratidza Kukura Mumudzimu
SONGANIRO dzakaipa dzinoodza tsika dzakanaka. Unokohwa chaunodyara. (1 VaKorinte 15:33; VaGaratia 6:7) Nenzira yokunyama kana kuti yokumudzimu, kutaura kumwe nokumwe muenzaniso wechokwadi chinokosha—nheyo—uye imwe neimwe inogovera hwaro hwemitemo. Mitemo, kunyange zvakadaro, ingava yechinguvana, uye yakananga. Nheyo, kune rumwe rutivi, dzakakura, uye dzinogona kugara nokusingaperi. Nokudaro, Shoko raMwari rinotikurudzira kufunga nezvenheyo pazvinenge zvichibvira.
Webster’s Third New International Dictionary inorondedzera nheyo se“chokwadi chinokosha: mutemo une udzame, dzidziso, kana kuti fungidziro panovakirwa mimwe kana kuti panobva mimwe.” Somuenzaniso, kumwana munhu angapa mutemo wokuti, “Haufaniri kubata chitofu.” Asi kumunhu mukuru kutaura kwokuti, “Chitofu chiri kupisa” kungave kwakakwana. Cherekedza kuti kwechipiri kunoreva zvakawanda. Nemhaka yokuti kunodzora zvingaita munhu—zvichida kubika, kubheka, kana kuti kudzima chitofu—mupfungwa yakati kunova nheyo.
Nheyo huru dzoupenyu, chokwadika, ndedzemudzimu; dzinodzora kunamata kwedu Mwari nomufaro wedu. Vamwe, zvisinei, vanorega nhamburiko inodiwa yokurangarira nheyo. Vanosarudza zvakanakira mutemo pavanoda kuita chisarudzo. Izvozvi hazvisi zvokuchenjera uye zvinopesana nomuenzaniso wakagadzwa navarume vakatendeka vakare munguva dzeBhaibheri.—VaRoma 15:4.
Vanhu Vaiva neNheyo yaMwari
Pakati pavanhu vasina kukwana, Abheri aigona kunzi munhu wokutanga wenheyo yaMwari. Sezvinobvira akarangarira zvikuru pamusoro pechipikirwa che“mbeu” ndokuona kuti kudzikinurwa kubva muchivi kwaizobatanidza chibayiro cheropa. (Genesi 3:15, NW) Nokudaro akapa Mwari “makwayana ake emhongora.” Mashoko okuti “namafuta awo” anoratidza kuti Abheri akapa Jehovha zvakanakisisa zvake chaizvo. Bva, aizova makore anopfuura zviuru zviviri pashure pokufa kwaAbheri apo Mwari aizojekesa zvinodikanwa zvine udzame pamusoro pezvibayiro. Mukupesana nomunhu wenheyo aitya Mwari Abheri, mukoma wake Kaini akabayira Mwari zvisina kunaka. Asi mafungire ake aisafadza, paiva nechimwe chinhu pamusoro pemwoyo wake chairatidzira kushaya nheyo.—Genesi 4:3-5.
Noa zvakare aiva murume wenheyo dzaMwari. Nepo chinyorwa cheBhaibheri chichiratidza kuti Mwari akamurayira kuvaka areka, hatiravi kuti akarayirwa kuparidzira vamwe. Zvisinei, Noa anonzi “muparidzi wokururama.” (2 Petro 2:5) Kunyange zvazvo Mwari angangodaro akarayira kuti Noa aparidze, pasina mubvunzo pfungwa yake yenheyo nokuda kwake muvakidzani wake zvakamusundawo kuita kudaro. Sezvo tichirarama munguva dzakafanana nedzaNoa, ngatitevedzerei chimiro chake chendangariro nemuenzaniso.
Kusafanana navafundisi vezuva rake, Jesu akadzidzisa vanhu kufunga nezvenheyo. Mharidzo yake yapaGomo muenzaniso. Zvairi zvinoratidzira nheyo. (Mateo, maganhuro 5-7) Jesu akadzidzisa nenzira iyi nemhaka yokuti, kufanana naAbheri naNoa vakamutangira, ainyatsoziva Mwari. Kunyange sejaya, aitsigira chokwadi chinokosha chokuti: “Munhu haararami nezvokudya zvoga, asi kuti . . . nezvose zvinobuda mumuromo waJehovha.” (Dheuteronomio 8:3; Ruka 2:41-47) Hongu, chinoita kuti munhu ave wenheyo yaMwari kuziva Jehovha chaizvoizvo, zvaanoda, zvaasingade, uye madonzo ake. Apo idzi nheyo pamusoro paMwari dzinodzora upenyu hwedu, dzinova, chaizvoizvo, nheyo dzokurarama nadzo.—Jeremia 22:16; VaHebheru 4:12.
Nheyo Nomwoyo
Zvinobvira kuteerera mutemo zvechirango, zvichida nemhaka yekutya kurangirwa kusateerera. Kuteerera nheyo, zvisinei, kunobvisa chimiro chendangariro chakadaro, nokuti kuti udzorwe nadzo unofanira kuteerera zvichibva pamwoyo. Rangarira Josefa uyo, kufanana naAbheri naNoa, akararama sungano yoMutemo waMosesi isati yagadzwa. Apo mudzimai waPotifari akaedza kumunyengera, Josefa akapindura kuti: “Ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?” Hongu, Josefa aiziva nheyo yokuti murume nomudzimai i“nyama imwe.”—Genesi 2:24; 39:9.
Nhasi nyika haina nheyo dzakarurama. Inodya masimba masimba nounzenza somunhu anokara. Ngozi ndeyekuti muKristu angaedzwa kudya, zvichida pachivande, zvokudya zvisingavaki zvimwe chetezvo—mabhaisikopo, mavhidhiyo, kana kuti mabhuku. Zvingarumbidzwe sei, ipapo, kana tikaramba nheyo dzakaipa saJosefa, tichiyeuka kuti Mwari achachengeta bedzi vakavimbika mu“kutambudzika kukuru” kunouya. (Mateo 24:21) Hongu, zvatinoita pachivande, kwete paruzhinji, ndizvo zvinoratidza zvatiri chaizvo mukati.—Pisarema 11:4; Zvirevo 15:3.
Somugumisiro, kana tichidzorwa nenheyo dzeBhaibheri, hatitsvaki kunzvenga mirayiro yaMwari; uyewo hatiedzi kuona kuti tinogona kusvika papi tisina kuputsa mutemo wakati. Kufunga kwakadaro kuzvikuvadza; kunotikuvadza pakupedzisira.
Ona Zviri Seri Kwemutemo
Chokwadika, mitemo inoita rutivi runokosha muupenyu hwomuKristu. Yakaita sevarindi vanobatsira kutichengeta, uye yakavakirwa panheyo zhinji dzinokosha. Kukundikana kuziva nheyo idzodzi kungaderedza kuda kwedu mitemo yakafanana. Rudzi rwakare rwaIsraeri rwakaratidzira izvozvi.
Mwari akapa Israeri Mirayiro Gumi, wokutanga wairambidza kunamatwa kwemumwe mwari upi noupi kunze kwaJehovha. Kuti Jehovha akasika zvinhu zvose ichokwadi chemutemo iwoyo. (Eksodho 20:3-5) Asi rudzi rwakararama maererano nenheyo iyi here? Jehovha pachake anopindura kuti: “‘Muri baba vedu’ [vakadaro vaIsraeri] kumuti uye [vakadanidzira kuti] ‘Amai’ kudombo. Asi inini [Jehovha] vakandifuratira.” (Jeremia 2:27, The New English Bible) Ushati hwakatirivara zvakadini uye husina nheyo! Uye zvakarwadza sei mwoyo waJehovha!—Pisarema 78:40, 41; Isaya 63:9, 10.
VaKristuwo vane mitemo yaMwari. Somuenzaniso, vanofanira kudzivisa kunamata zvidhori, unzenza, uye kushandiswa zvisina kufanira kweropa. (Mabasa 15:28, 29) Paunofunga nezvazvo, tinogona kuona nheyo huru, dzakadai sokuti: Mwari anokoshesa kuzvipira kwedu kwaari; tinofanira kutendeka kumukwanyina wedu; uye Jehovha ndiye Anotipa Upenyu. (Genesi 2:24; Eksodho 20:5; Pisarema 36:9) Kana tikaziva ndokuonga zvikuru nheyo dzose idzi, tinoona kuti zvichatinakira. (Isaya 48:17) Kwatiri, “mirayiro [yaMwari] hairemi.”—1 Johane 5:3.
Apo vaIsraeri pane imwe nguva vakafuratira mitemo yaMwari, pakasvika nguva yaJesu “nyanzvi [dzavo] dzomutemo,” vanyori, vakanga vapfuura mwero. Vakanga vaumba mitemo yakawanda nemagamuchidzanwa izvo zvaikanganisa kunamata kwakachena ndokuviga nheyo dzaMwari. (Mateo 23:2, NEB) Vanhu vakanzwa sevakundikana, vashaya tariro, kana kuti sevanyengeri. (Mateo 15:3-9) Uye mizhinji yemitemo yakaitwa navanhu yakanga isina kukodzera vanhu. Paakanga ava kuda kurapa mumwe murume ane ruoko rwakaremara, Jesu akabvunza vaFarise vaivapo kuti: “Zvakatenderwa here nesabata kuita zvakanaka?” Kunyarara kwavo kwakaratidza kuti zvakanga zvakaipa, zvichiita kuti Jesu ave “neshungu nokuda kwokuoma kwemwoyo yavo.” (Marko 3:1-6) VaFarise vaigona kubatsira chipfuyo chakuvara (chinopa mari) paSabata asi kwete murume kana kuti mukadzi—kwete kutoti iri nhau yokurarama nokufa. Zvirokwazvo, vakanga vakapindwa nemitemo yavanhu zvokuti semasvosve aingotenderera pamufananidzo, vaikundikana kuona mufananidzo wacho wose—nheyo dzaMwari.—Mateo 23:23, 24.
Kunyange vaduku, zvisinei, apo mwoyo yavo inenge iri yapachokwadi, vanogona kukudza Jehovha kupfurikidza nokunzwisisa kwavo nheyo dzeBhaibheri. Mudzidzisi waRebecca ane makore gumi nematatu akabvunza kirasi kuti ndiani aizobheja. Vazhinjisa vakataura kuti vaisazodaro. Bva, apo mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana akadudzwa, vose kunze kwaRebecca vakabvuma kuti vaizobheja munzira dzakasiyana-siyana. Mudzidzisi akabvunza Rebecca kana aizotenga raffle ticket repondo. Rebecca akati kwete ndokupa zvikonzero zvomuMagwaro zvairatidza kuti nei kuita kudaro kwaizova kubheja. Mudzidzisi wake ipapo akati kukirasi yose: ‘Zvandinofunga ndezvekuti, Rebecca ndiye bedzi muno ane dzandinoti “nheyo” sezvinoreva shoko racho chaizvo.’ Hongu, Rebecca aigona kunge akangopindura zvake kuti, “Zvinorambidzwa nechechi yedu,” asi akafunga zvakadzama kupfuura izvozvo; aigona kupindura nei kubheja kungava kwakaipa uye nei akaramba kuita kudaro.
Mienzaniso yakafanana naAbheri, Noa, Josefa, uye Jesu inotiratidza kubatsirwa kwatinoitwa kupfurikidza nokushandisa “mano [edu] okufunga” ne“simba [redu] rokurangarira” mukunamata Mwari. (Zvirevo 2:11; VaRoma 12:1, NW) Vakuru vechiKristu vanoita zvakanaka kutevedzera Jesu sezvavano“fudza . . . boka raMwari riri pakati [pavo].” (1 Petro 5:2) Sokuratidzira kwakaita Jesu zvakanaka, vanoda nheyo dzaMwari ndivo vanobudirira mukutonga kwaJehovha.—Isaya 65:14.