Shanda Kuchengeta Mhuri Yako Kuti Ipinde Munyika Itsva yaMwari
“Muchavachengeta, Jehovha, muchavachengeta parudzi urwu nokusingaperi.”—PISAREMA 12:7.
1, 2. (a) Dzimwe mhuri dziri kuita sei mudzvinyiriro dzamazuva okupedzisira? (b) Mhuri dzechiKristu dzingatsvaka sei kupukunyuka?
“NHASI mwoyo wangu wakazadzwa nomufaro!” akakuwa kudaro mumwe mukuru wechiKristu anonzi John. Chisakiso chouyu mufaro? “Mwanakomana wangu ane makore 14 okukura nomwanasikana ane makore 12 okukura vabhapatidzwa,” iye anorondedzera kudaro. Asi mufaro wake hauna kugumira ipapo. “Mwanakomana wangu ane makore 17 okukura nomwanasikana ane makore 16 okukura vose vari vaviri vaiva vari mapiona ebetsero gore rino rapfuura,” iye anowedzera kudaro.
2 Mhuri dzakawanda dziri pakati pedu dziri kuva nemiuyo yakaisvonaka nenzira yakafanana sezvadzinoshandisa nheyo dzeBhaibheri. Dzimwe, kunyanguvezvo, dziri kutambura zvinetso. “Tine vana vashanu,” vanonyora kudaro vamwe vanyakuroorana vechiKristu, “uye kwazova kwakaoma zvikuru nenzira inofambira mberi kubata navo. Takatorasikirwa nomwana mumwe kutsika ino yekare. Vechiduku vedu vaduku vanoratidzika kuva nzvimbo huru yaSatani yedenho iye zvino.” Kunewo vanyakuroorana vari kutambura gakava rakakomba romuroorano, padzimwe nguva richiguma nokuparadzana kana kuti chatanuro. Kunyanguvezvo, mhuri dzinosakurira mavara echiKristu dzingapukunyuka “dambudziko guru” ndokuchengetwa kuti dzipinde munyika itsva yaMwari inouya. (Mateo 24:21, NW; 2 Petro 3:13) Chiiko, ipapoka, chaunogona kuita kuva nechokwadi chokuchengetwa kwemhuri yako?
Kuvandudza Kurukurirano
3, 4. (a) Kurukurirano muupenyu hwemhuri inokosha sei, uye neiko zvinetso nayo zvichimuka kazhinji kazhinji? (b) Neiko varume vachifanira kuvavarira kuva vateereri vakanaka?
3 Kurukurirano yakanaka ndiro ropa roupenyu remhuri yakanaka; apo inenge ichishaikwa, nyanduko nenhamo zvinowedzera. “Pasingaranganwi mano anokona,” anodaro Zvirevo 15:22. Nenzira inofadza, mupi wezano weroorano anoshuma, kuti: “Kunyunyuta kunozivikanwa navose zvikurusa kwandinonzwa kubva kuvadzimai vandinopa zano ndokwokuti ‘Haasati achizotaura kwandiri,’ uye ‘Haanditeereri.’ Uye apo ini ndinogoverana uku kunyunyuta navarume vavo, havandinzwiwo.”
4 Chii chinosakisa kushaikwa kwekurukurirano? Kutanga, varume navakadzi vakasiana, uye kazhinji kazhinji vane miitiro yekurukurirano yakasiana zvisingatani kucherekedzwa. Imwe nyaya yakataura kuti murume “anokombamira kuva akananga neane mufungo” mukurukurirano dzake, nepo “icho [mudzimai] anoda kupfuura chinhu chipi nechipiwo zvacho muteereri anonzwira urombo.” Kana ikoku kuchipa chinetso muroorano yenyu, shandira kuvandudza zvinhu. Murume wechiKristu angafanira kushanda zvakaoma kuva muteereri ari nani. “Munhu mumwe nomumwe,” anodaro Jakobho, “ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura.” (Jakobho 1:19) Dzidza kurega kuraira, kupangira, kana kuti kurairidza apo mudzimai wako anongodawo zvake “kunzwirwa ngoni.” (1 Petro 3:8) “Unozvidzora pamashoko ake, une zivo,” inodaro Zvirevo 17:27.
5. Ndedzipi dziri dzimwe nzira idzo varume vanogona kuvandudza nadzo mukutaura mifungo yavo nokunzwa?
5 Pane rumwe rutivi, kune “nguva yokutaura,” uye ungafanira kudzidza kuva anotaura zvikuru mifungo yako nokunzwa. (Muparidzi 3:7) Somuenzaniso, wakazara nerumbidzo nokuda kwezvinoitwa nomudzimai wako here? (Zvirevo 31:28) Unozviratidza umene kuva anoonga basa rakaoma raanoita mukukutsigira nokutarisira mhuri here? (Enzanisa naVaKorose 3:15.) Kana kuti zvichida unofanira kuvandudza mukuita “kuratidzirwa kworudo” namashoko. (Rwiyo rwaSoromoni 1:2, NW) Kuita saizvozvo kungaratidzika kuva kunokwenudza kwauri pakutanga, asi kunogona kubetsera mukuita kuti mudzimai wako anzwe akachengeteka mukumuda kwako.
6. Chii icho vadzimai vanogona kuita kuvandudza kurukurirano yemhuri?
6 Zvakadiniko navadzimai vechiKristu? Mumwe mudzimai anonokorwa mashoko seanotaura kuti murume wake anoziva kuti anomuonga, naizvozvo hakusati kuri madikanwa kuti iye akutaure kwaari. Zvisinei, varume vanoitawo zvakanaka kana vakaongwa, kurumbidzwa, uye kutunhidzwa. (Zvirevo 12:8) Unofanira kuva anotaura zvikuru muna ikoku here? Pane rumwe rutivi, zvichida unofanira kupa ngwariro huru kukuteerera kwaunoita. Kana murume wako achikuwana kwakaoma kukurukura zvinetso zvake, rutyo, kana kuti funganyo zvakajeka, wakadzidza nzira yokuita nayo kuti ataure, nenzira yomutsa uye nenzira yokungwarira pakutaura here?
7. Chii chinogona kusakisa kakavadzano dzeroorano kutanga, uye dzinogona sei kudziviswa?
7 Chokwadika, kunyange vanyakuroorana avo vanowanzowirirana zvakanaka vangatambura panhambo nenhambo kuputsika kwekurukurirano. Murangariro ungakurira kuva nomufungo, kana kuti kurukurirano yakaterama ingakurumidza kuva makakatanwa. (Zvirevo 15:1) “Tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji”; gakava duku reroorano harisati richitongoratidzira mugumo weroorano, zvisinei. (Jakobho 3:2) Asi “kupopota nokutuka” hazvina kukodzera uye zvinoparadza ukama hupi nohupi. (VaEfeso 4:31) Kurumidzai kuita rugare apo mashoko anokuvadza anenge atsinhanwa. (Mateo 5:23, 24) Kakavadzano kazhinji kazhinji dzinogona kudziviswa pakutanga kana mose muri vaviri mukashandisa mashoko aPauro ari pana VaEfeso 4:26, anoti: “Zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa.” Hungu, kurukurai zvinetso apo zvinenge zviri zviduku nezvinogona kutarisirwa; musamira kutozosvikira mirangariro yenyu yasvika pamwero mukuru. Kupedza maminiti mashomanene zuva rimwe nerimwe muchikurukura nhau dzeitiro hanya kunogona kuita zvakawanda kusimudzira kurukurirano ndokudzivisa kusanzwisisana.
‘Kutungamirira Ndangariro kwaJehovha’
8. Neiko dzimwe pwere dzichitsauka pazvokwadi?
8 Kunoratidzika kuti vamwe vabereki vanogutsikana nokubvumira vana vavo kukura nenhungamiro duku. Vana vacho vanopinda misangano ndokuva negoverano yakati mubasa romumunda, asi kazhinji kazhinji ivo havana kuvaka ukama hwavo vamene naMwari. Pashure penguva yakati “kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso” kungagona kubvisa dzakawanda dzepwere dzakadaro muzvokwadi. (1 Johane 2:16) Kwaizova kunosuruvarisa sei kuti vabereki vapukunyuke Armagedhoni asi nemhaka yokuregeredza kwomunguva yakapfuura vachisiya vana vavo shure savanyajambwa!
9, 10. (a) Kurera vana mu“kuranga nokuraira kwa[Jehovha, NW]” kunobatanidzei? (b) Neiko kuchikosha kubvumira vana kutaura kunzwa kwavo vakasununguka?
9 Pauro nokudaro akanyora, kuti: “Nemi madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nokuraira kwa[Jehovha, NW].” (VaEfeso 6:4) Kuti uite saizvozvo, unofanira kuva akasanorovedzana nemipimo yaJehovha iwe umene. Unofanira kugadza muenzaniso wakakodzera apo kunouya kuzvinhu zvakadai sechisarudzo chako chevaraidzo, fundo yomunhu oga, kupinda misangano, uye basa romumunda. Mashoko aPauro anorevawo kuti mubereki anofanira (1) kuva mucherekedzi akangwara wavana vake uye kuti iye (2) achengete kurukurirano yakanaka navo. Ndipapo bedzi unogona kuziva pavanoda “kuraira.”
10 Ndekwomuzvarirwo kuti vayaruki vavavarire mwero wakati wokuzvimirira. Zvisinei, unofanira kuva anongwarira zviratidzo zvakajeka zvepesvedzero yenyika mukutaura kwavo, kufunga, mupfekero norutsvindo, uye chisarudzo cheshamwari. Baba vakachenjera vakataura sezvakanyorwa pana Zvirevo 23:26, kuti: “Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako.” Vana vako vanonzwa vakasununguka here kugoverana newe mifungo yavo nokunzwa? Apo vana vanenge vasingatyi tsiuro yapakarepo, ivo vangava vanodisa zvikuru kuzivisa kuti vanonzwa sei chaizvoizvo pamusoro penhau dzakadai semibato inoitwa pashure penguva yechikoro, kuronga misi yokuvhakacha, dzidzo yapamusoro, kana kuti zvokwadi yeBhaibheri imene.
11, 12. (a) Nguva dzezvokudya dzingashandiswa sei kusimudzira kurukurirano yemhuri? (b) Chii chingabva munhamburiko dzinopfuurira dzomubereki dzokusimudzira kurukurirano navana vake?
11 Munyika dzakawanda muitiro kuti mhuri dzidye dziri pamwe chete. Nokudaro zvokudya zvinogona kugovera banza rakaisvonaka kuti mitezo yose yemhuri igoverane kurukurirano inovaka. Kazhinji kazhinji zvikuru zvokudya zvemhuri zvinovhiringidzwa neTV nedzimwe mhinganidzo. Kwamaawa marefu, kunyanguvezvo, vana venyu vadokuva vakabatwa senhapwa muchikoro ndokuratidzirwa kukufunga kwenyika. Nguva dzezvokudya inguva yakanaka yokukurukura navana venyu. “Tinoshandisa nguva yezvokudya kutaura pamusoro pezvinhu zvaitika mukati mezuva,” anodaro mumwe mubereki. Zvisinei, nguva dzezvokudya hadzifaniri kuva marusando anokwenudza okuranga kana kuti kubvunza mibvunzo yokunzvera. Chengeta nhambo yacho iri yakasununguka neinofarikanywa!
12 Kuita kuti vana vasununguke kwauri kunodenha uye kungada shiviriro huru. Pashure penguva yakati, kunyanguvezvo, ungaona miuyo inofadza. “Mwanakomana wedu ane makore 14 okukura akanga ave ari akaora mwoyo uye asingatauri,” anoyeuka kudaro mumwe amai aiitira hanya. “Kupfurikidza neminyengetero yedu nokupfuurira, iye ari kutanga kusununguka nokutaura!”
Fundo Yemhuri Inovaka
13. Neiko kurovedzwa kwapakuvamba kwavana kuchikosha kwazvo, uye kungaitwa sei?
13 “Kuraira” kunobatanidzawo murairidzo wakarongwa uri muShoko raMwari. SaTimotio, rovedzo yakadaro inofanira kuvamba “kubvira paucheche.” (2 Timotio 3:15) Rovedzo yapakuvamba inosimbisa vana nokuda kwemiedzo yokutenda iyo ingauya mukati mamakore echikoro—kuchengetwa kwamazuva okuzvarwa, zvinoitika zvokuvimbika kunyika yako, kana kuti mazororo orudzidziso. Pasina gadziriro nokuda kwemiedzo yakadaro, kutenda kwomwana kungaparadzwa. Naizvozvo shandisa zvinyorwa izvo Watch Tower Society yakagadzira nokuda kwavana vaduku, zvakadai saKuteerera Kunomudzidzisi Mukuru neBhuku Rangu reNhau dzeBhaibheri.a
14. Fundo yemhuri inogona sei kuchengetwa iri yenguva dzose, uye chii chawakaita kuti uve nefundo yemhuri yenguva dzose?
14 Imwe nharaunda yengwariro ifundo yemhuri, iyo inogona kusatana kuva isiri yenguva dzose kana kuti kuva chinoitika chinofinha, chokusafunga chinotambudza kuvose vari vaviri vabereki navana. Unogona sei kuvandudza zvinhu? Kutanga, unofanira ‘kutenga nguva’ nokuda kwefundo yacho, usingaibvumiri kuvhiringidzwa nezvinoratidzwa muTV kana kuti zvimwe zvinotsausa. (VaEfeso 5:15-17) “Taiva nechinetso kuchengeta fundo yedu yemhuri iri yenguva dzose,” anobvuma kudaro mumwe musoro wemhuri. “Takaedza nguva dzakasiana-siana kutozosvikira tawana pakupedzisira nguva gare gare zvishomanene mumanheru yaitibvirira. Zvino fundo yedu yemhuri ndeyenguva dzose.”
15. Unogona sei kukodzeranisa fundo yako yemhuri nezvinodikanwa zvemhuri yako?
15 Tevere, rangarira zvinodikanwa chaizvo zvemhuri yako. Mhuri dzakawanda dzinofarikanya kugadzirira chidzidzo chadzo cheNharireyomurindi chevhiki nevhiki pamwe chete. Nguva nenguva, kunyanguvezvo, mhuri yako ingava nenhau chaidzo idzo dzinofanira kukurukurwa, kubatanidza zvinetso zviri kunanganwa nazvo muchikoro. Bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda nenyaya dzomuNharireyomurindi naMukai! dzinogona kuita ichi chinodikanwa. “Kana tikaona zvimiro zvendangariro zvipi nezvipi zvavakomana vedu izvo zvinoda kururamisa,” anodaro mumwe baba, “tinonangidzira ngwariro paganhuro rakati mubhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku iro rinozvifukidza.” Mudzimai wake anowedzera, kuti: “Tinoedza kuva vanochinjika. Kana tine chimwe chinhu chakarongwa nokuda kwefundo yedu, uye dikanwo ikamuka yokukurukura chimwe chinhuwo zvacho, ipapo tinochinja mukuwirirana nechinodikanwa chacho.”
16. (a) Unogona sei kuva nechokwadi chokuti vana vako vanonzwisisa zvavari kudzidza? (b) Chii chinofanira kudziviswa kazhinji kazhinji mukuitisa fundo yemhuri?
16 Unogona sei kuva nechokwadi chokuti vana venyu vanonzwisisa chaizvoizvo zvavari kudzidza? Mudzidzisi Mukuru, Jesu, aibvunza mibvunzo yomurangariro, zvakadai sokuti, “Unofungeiko?” (Mateo 17:25) Kupfurikidza nokuita zvimwe chetezvo, edza kuwana izvo vana venyu vanofunga chaizvoizvo. Kurudzira mwana mumwe nomumwe kupindura mumashoko ake amene. Chokwadika, kana ukanyanyisa kuita chiito kukutaura kwavo kwokutendeseka nehasha kana kuti nokukatyamadzwa, vangafunga kaviri pamusoro pokuva vakasunungukazve newe. Naizvozvo ramba wakaterama. Dzivisa kuita kuti fundo yemhuri ive nhambo yechirango. Inofanira kuva inofarikanywa, inovaka. “Kana ndikawana kuti mumwe wavana vangu ane chinetso,” anodaro mumwe baba, “ndichabata nacho pane imwe nguva.” “Apo mwana anobatwa naye ari oga,” anowedzera kudaro mumwe amai, “mwana haasati achikwenudzwa uye anodisa kutaura zvakasununguka zvikuru kupfuura kana akapiwa zano mukati mefundo yemhuri.”
17. Chii chinogona kuitwa kuita kuti fundo yemhuri ive inofadza, uye chii chakashandira zvakanaka mhuri yako?
17 Kuita kuti vana vatore rutivi mufundo yemhuri kunogona kuva denho, zvikurukuru apo unenge uchibata navana vamazera akasiana-siana. Vana vaduku zvikuru vangakombamira kuva vasina kugadzikana, vanoshereketa, kana kuti kuratidzira nhambo pfupi yokupa ngwariro. Chii chaunogona kuita? Edza kuchengeta mugariro wefundo yacho wakasununguka. Kana vana venyu vane nhambo pfupi yokupa ngwariro, edza marusando mapfupi zvikuru asi enguva dzose zvikuru. Kunobetserawo kana uri ane mbavarira. “Uri mukuru, ngaabate nokushingaira.” (VaRoma 12:8) Chengeta munhu ari wose achibatanidzwa. Vana vaduku zvikuru vangakwanisa kutsinhira pamusoro pemifananidzo kana kuti kupindura mibvunzo yakapfava. Vechiduku vangakumbirwa kuita nzvero yokuwedzera kana kuti kuita kushandiswa kunoshanda kwamashoko ari kurangarirwa.
18. Vabereki vanogona sei kuroverera Shoko raMwari panhambo iri yose, uye nomuuyoiko?
18 Usaganhurira murairidzo womudzimu kuawa imwe pavhiki, zvisinei. Roverera Shoko raMwari muvana vako panhambo iri yose. (Dheuteronomio 6:7) Wana nguva yokuvateerera. Vapangire ndokuvanyaradza pakunenge kuri madikanwa. (Enzanisa na 1 VaTesaronika 2:11.) Iva anonzwira tsitsi neane ngoni. (Pisarema 103:13; Maraki 3:17) Uchiita saizvozvo, ucha‘wana mufarwa’ muvana vako ndokutsigira kuchengetwa kwavo kuti vapinde munyika itsva yaMwari.—Zvirevo 29:17.
“Nguva Yokuseka”
19, 20. (a) Ibasai iro nhandaro inoita muupenyu hwemhuri? (b) Nedzipi dziri dzimwe dzenzira umo vabereki vanogona kuronga nokuda kwenhandaro yemhuri yavo?
19 Kune “nguva yokuseka . . . , nguva yokupembera.” (Muparidzi 3:4) Shoko rechiHebheru nokuda kwa“seka” ringashandurwawo nokutaura kwakadai sokuti “pembera,” “tamba,” “nakidzwa,” kana kuti kunyange “kuva nenguva yakanaka.” (2 Samueri 6:21; Jobho 41:5; Vatongi 16:25; Eksodho 32:6; Genesi 26:8, NW) Kutamba kunogona kubatira donzo rinobetsera, uye kunokosha kuvana nepwere. Munguva dzeBhaibheri vabereki vaironga varaidzo nenhandaro nokuda kwemhuri dzavo. (Enzanisa naRuka 15:25.) Unoita zvimwe chetezvo here?
20 “Tinoshandisa minhanga yavose,” anodaro mumwe murume wechiKristu. “Tinokoka dzimwe dzehama duku ndokuva nomutambo webhora nepikiniki. Vanova nenguva yakanaka ndokufarikanya songaniro yakanaka.” Mumwe mubereki anowedzera, kuti: “Tinoronga zvinhu zvokuita navakomana vedu. Tinoenda kundoshambira, kundotamba bhora, kutora mazororo. Asi tinochengeta varaidzo iri munzvimbo yayo yakakodzera. Ndinosimbisa dikanwo yokuchengeta dzikamo.” Nhandaro yakanaka, zvakadai sokuungana kwakakodzera kana kuti nzendo dzokuenda kunzvimbo dzinochengeterwa mhuka nemamiyuziyemu, inogona kuita zvakawanda kudzivisa mwana mukukwezverwa kumifarwa yenyika.
21. Vabereki vanogona sei kudzivisa vana vavo kunzwa vachinyimwa nemhaka yokusachengeta mazororo enyika?
21 Kunokoshawo kuti vana vako vasanzwe vachinyimwa nemhaka yokuti havachengeti mazuva okuzvarwa kana kuti mazororo asati ari echiKristu. Nokuronga kwakati kwako, ivo vanogona kutarira mberi kunguva dzinofadza dzakawanda mugore rose. Chokwadi, mubereki akanaka haadi zororo rakati sepembedzo yokuratidzira rudo rwake nenzira yokunyama. Kufanana naBaba vake vokudenga, iye ‘anoziva nzira yokupa nayo zvipo zvakanaka kuvana vake’—nenzira yokuzvidira.—Mateo 7:11.
Kuwana Nguva Yemberi Isingagumi Nokuda Kwemhuri Yako
22, 23. (a) Sezvo dambudziko guru rinosvika, mhuri dzinotya Mwari dzinogona kuvimbiswa nezvechii? (b) Mhuri dzinogona kuitei mukushandira kuchengetwa kuti dzipinde munyika itsva yaMwari?
22 Wezvamapisarema akanyengetera, kuti: “Muchavachengeta, Jehovha, muchavachengeta parudzi urwu nokusingaperi.” (Pisarema 12:7) Dzvinyiriro inobva kuna Satani ine chokwadi chokuwedzera—zvikurukuru mukurwisana nemhuri dzeZvapupu zvaJehovha. Bva, kunobvira kudzivisa iyi denho inowedzera nguva dzose. Nebetsero yaJehovha nokutsunga kunotyisa nebasa rakaoma zvavarume, vadzimai, uye vana, mhuri—kubatanidza mhuri yako—dzinogona kuva netariro yokuchengetwa dziri mhenyu mukati medambudziko guru.
23 Varume navadzimai, unzai rugare netsinhirano kuroorano yenyu kupfurikidza nokuita mabasa enyu akagoverwa naMwari. Vabereki, pfuurirai kugadza muenzaniso wakakodzera nokuda kwavana venyu, muchitenga nguva yokuvapa rovedzo nechirango zvavanoda zvikuru kwazvo. Taurai kwavari. Vateererei. Upenyu hwavo huri mungozi! Vana, inzwai ndokuteerera vabereki venyu. Nebetsero yaJehovha munogona kubudirira ndokuzviwanira mumene nguva yemberi isingagumi munyika itsva inouya yaMwari.
[Mashoko Omuzasi]
a Makaseti okuteerera anowanikawo mumimwe mitauro.
Unoyeuka Here?
◻ Varume navadzimai vanogona sei kuvandudza kurukurirano yavo?
◻ Vabereki vanogona sei kurera vana mu“kuraira kwa[Jehovha, NW]”? (VaEfeso 6:4)
◻ Ndedzipi dziri dzimwe nzira dzokuita nadzo kuti fundo yemhuri ive inovaka neinofadza zvikuru?
◻ Chii icho vabereki vangaita mukuronga nhandaro nevaraidzo nokuda kwemhuri dzavo?
[Bhokisi riri papeji 16]
Nziyo—Pesvedzero Ine Simba
Munyori webhuku pamusoro pokurera vana anoti: “Kudai ndikamira pamberi pavateereri . . . ndokutsigira mapati okudhakwa, kudhakwa necocaine, pot, kana kuti upi noupi wemimwe mirimo inoshatisa ndangariro, vaizotarira kwandiri mukushamisika kwokukatyamadzwa. . . . [Bva] vabereki kazhinji kazhinji vanogovera vana vavo mari yokutenga marekodhi kana kuti makaseti akarekodhwa ayo anotsigira zvakajeka zvinhu izvozvo.” (Raising Positive Kids in a Negative World, rakanyorwa naZig Ziglar) MuUnited States, somuenzaniso, mashoko enziyo dzerap akaipa evatano, ari kudzokororwa nepwere dzakawanda. Uri kubetsera vana vako kuva vanosarudza muchisarudzo chavo chenziyo kuti vadzivise misungo yakadaro youdhemoni here?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Nguva dzezvokudya dzinogona kuva nhambo dzinofarikanywa idzo dzinosimudzira chinzwano chemhuri nekurukurirano