RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp-CA chits. 6 pp. 50-55
  • Neiko Mukoma Wangu Nehanzvadzi Vakaoma Zvikuru Kugarisana Navo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Neiko Mukoma Wangu Nehanzvadzi Vakaoma Zvikuru Kugarisana Navo?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzima Mwoto
  • ‘Munorusaruro!’
  • Vakoma Nehanzvadzi—Chikomborero
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisagare Ndichingotevedzera Mukoma Wangu?
    Mukai!—2003
  • Ndingawirirana Sei Nevamwe Vana Vomumba Medu?
    Mukai!—2010
  • Neiko Ndichifanira Kuva Gotwe?
    Mukai!—1992
  • Ndingawirirana Sei Nevana Vomumba Medu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
yp-CA chits. 6 pp. 50-55

Ganhuro 6

Neiko Mukoma Wangu Nehanzvadzi Vakaoma Zvikuru Kugarisana Navo?

KURWISANA kwavatevedzani—ndokwekare saKaini naAbheri. Handi kuti iwe unovenga mutevedzani wako (hanzvadzikomana kana kuti hanzvadzisikana). Imwe pwere yakabvuma, kuti: “Makadzika memwoyo wangu, umo ndisisachakunzwi zvino, ndinofunga kuti ndinoda hama yangu. Munzira yakati, ndinomuda.”

Neiko ruvengo kazhinji kazhinji zvikuru ruchiwanzova pasi poukama hwavatevedzani? Munyori Harriet Webster anonokora mashoko nyanzvi yezvokurapa Claudia Schweitzer achiti: “Mhuri imwe neimwe ine chitsama chakati kuti chepfuma, yemirangariro uye yezvinhu zvokunyama.” Anowedzera kudaro Webster: “Kana vatevedzani vachirwa, ivo vanowanzokwikwidzana nokuda kweidzi pfuma, idzo dzinobatanidza chinhu chiri chose chinobvira parudo rwomubereki kusvikira kumari nezvipfeko.” Camille nehanzvadzi dzake shanu navanun’una, somuenzaniso, vanogoverana makamuri matatu. “Padzimwe nguva ini ndinoda kuva ndoga,” anodaro Camille, “uye ndingada kuvapfigira kunze, asi ivo vanogarovamo.”

Rwisano dzingatanga pamusoro pokugoverana ropafadzo nemitoro yomumba. Vechiduku vatikurei vangashatirirwa kuva vanokarirwa kuita mugove mukuru wamabasa. Vana vaduku vangaora mwoyo pakuva vanoshushwa namukoma kana vangava negodo apo vakoma vanogamuchira ropafadzo dzinochochorwa. ‘Mukoma wangu ari kuita dzidzo yokutekenya motokari asi ini handisati,’ anochema kudaro musikana wechiduku wokuEngland. ‘Ndinoita pfunde-pfunde ndokuedza kuita kuti zvinhu zvimuomere.’

Padzimwe nguva kusawirirana kwavatevedzani kunongovawo zvawo muuyo bedzi webonderano dzohunhu. Diane wezera ramakore gumi namanomwe anoti nezvavatevedzani vake: “Kana muchionana zuva rimwe riri rose, nguva dzose . . . Uye kana uchiona munhu mumwe cheteyo zuva riri rose achiita chinhu chimwe chetecho chinokugumbura—ikoku kunogona kugumbura.” Andre muduku anowedzera, kuti: “Paunenge uri pamusha . . . , unozvibata nenzira yauri zvomenemene.” Sezvineiwo, ‘kuzvibata nenzira yauri chaizvoizvo’ kazhinji kazhinji kunoreva kusava netsika, mutsa, nokungwaririra pakutaura.

Kuda kwomubereki (‘Amai vanokuda zvikurusa!’) chisakiso chimwe chinozivikanwa cherwisano pakati pavatevedzani. Anobvuma kudaro purofesa Lee Salk wokushanda kwendangariro, kuti: “Hakuna nzira iyo mubereki anogona kuda nayo vana vake vose nenzira yakafanana chaizvoizvo nokuti ivo vanhu vakasiana uye nomutoo usingadzivisiki vanowana kuita kwakasiana kunesu [vabereki].” Ikoku kwakaitika munguva dzeBhaibheri. Tateguru Jakobho (Israeri) “vakada Josefa zvikuru kupinda vamwe vanakomana vavo vose.” (Genesi 37:3) Vakoma vaJosefa vakamuitira godo zvikurukuru.

Kudzima Mwoto

“Uko kusina huni mwoto unodzima.” Inodaro Zvirevo 26:20. Kupararira kwomwoto wesango kunowanzodziviswa kupfurikidza nokurima magwariro omwoto, misvasvavira yeminda uko miti yose yakatemerwa pasi. Kana mwoto ukatanga, unowanzopfuurira bedzi kusvikira panzvimbo iyeyo dzokonokei wodzima. Nomutoo wakafanana, kune nzira dzokudzivisa nadzo—kana kuti zvimwe kuganhurira—kusawirirana. Imwe nzira ndeyokukurukurirana ndokukanganwirana kuitirana nharo kusati kwamuka.

Somuenzaniso, chinetso chacho ndechekushaikwa kwokuva kwako oga here? Kana zvakadaro, panguva apo chinetsocho chinenge chisiri kumuka, edzai kugara pasi pamwe chete ndokuronga rudungwe chairwo. (‘Ndinova ndoga mukamuri pana aya mazuva/maawa, uye iwe unoriwana muna awa.’) Ipapo “shoko renyu rokuti Hungu ngarive Hungu, Aiwa wenyu, Aiwa” kupfurikidza nokuremekedza bvumirano. (Mateo 5:37) Kana chimwe chinhu chikamuka chinoda gadziridzo, itai kuti mumwe azive pachine nguva mberi, panzvimbo pokungokandira bedzi chinjo paari pasina ziviso.

Muri kurwisana nokuda kwamaruramiro epfuma here? Mumwe wechiduku akagurukuta, kuti: “Munun’una wangu nokuna amai anogaroshandisa zvinhu zvangu asina kundikumbira. Akatoshandisa zvizoro zvangu, uye ipapo iye akashinga kundiudza kuti handina kutenga rudzi rwakarurama!” Mungadana vabereki venyu savatongi vokupedzisira. Asi zvakatonakisa, gara pasi nehanzvadzikomana yako kana nehanzvadzisikana yako pachinhambo chakaterama. Panzvimbo pokurwisana pamusoro pa“maruramiro” omunhu oga, iva “akagadzirira kugoverana.” (1 Timotio 6:18) Edzai kubvumirana pamusoro pemimwe mirau pamusoro pokubwereka, mumwe wayo ungava nguva dzose wokukumbira usati watora. Regereranai kana kuri madikanwa. Neiyi nzira unogona kuona ‘mwoto uchidzima’ usati watanga!

Asi zvakadiniko kana hunhu hwomutevedzani wako huchingokutsamwisa bedzi nenzira yakaipa? Zvamazvirokwazvo, haugoni kuita chinhu kuchinja munhu iyeyo. Naizvozvo dzidza ku‘regererana murudo.’ (VaEfeso 4:2) Panzvimbo pokukudziridza mhaka nezvikanganiso zvomutevedzani, shandisa rudo rwechiKristu urwo runo“fukidza zvivi zvizhinji.” (1 Petro 4:8) Panzvimbo pokuva ane hasha kana anoutsinye, rasha “hasha, kutsamwa, ushati, kutaura kwakashata,” uye “kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose.”—VaKorose 3:8; 4:6.

‘Munorusaruro!’

“Hanzvadzi yangu inowana chinhu chiri chose chainoda,” inochema kudaro imwe pwere. “Asi pakunouya kwandiri, ndinowana chinhu chose chose.” Kunonzwika kuva kwakarovedzeka here? Asi cherechedza mashoko maviri iwawa asina kuganhurirwa, “chinhu chiri chose” uye “chose chose.” Ko mugariro wacho wakaipisisa zvomenemene kudaro here? Kwete sezvingabvira. Uye kunyange kana wakaipisisa ndokwechokwadi here kukarira batirwo yakaenzana isina kuganhurirwa nokuda kwavanhu vaviri vakasiana? Nyange napaduku pose zvapo! Vabereki vako vangangodavidza bedzi kuzvinoshaikwa zvako umene nezvimiro zvendangariro.

Asika hakuzati kuri kusina kunaka here kuti vabereki vade mwana akati kuti? Hakuzati hakwo kwakadaro. Yeuka kuti Jakobho aida sei mwanakomana wake Josefa. Chii chaiva chikonzero? Josefa akanga ari mwanakomana waRakeri mudzimai waJakobho aidiwa, uyo akafa. Hakuzati kuchinzwisisika nomutoo wakakwana here kuti Jakobho ainzwa ari pedyo zvikurukuru nouyu mwanakomana? Zvisinei, rudo rwaJakobho nokuda kwaJosefa haruna kubvisa vamwe vanakomana vake, sezvo iye akaratidzira kuitira hanya chaikwo nokuda kwegarikano yavo. (Genesi 37:13, 14) Kuitira kwavo godo Josefa nokudaro kwakanga kusina chikonzero!

Vabereki vako nenzira yakafanana vangakweverwa kumunin’ina wako kana hanzvadzi yako, zvimwe nokuda kwefariro dzinogoveranwa, dzakafanana nohunhu humwe chetehwo, kana nokuda kwezvimwe zvikonzero. Ikoku hakuzati kuchireva kuti ivo havazati vachikuda. Kana iwe uchinzwa pfunde-pfunde kana godo, ziva kuti mwoyo wako usina kukwana wakukurira bedzi. Shandira kukurira kunzwa kwakadaro. Chero bedzi zvinoshaikwa zvako zviri kusvitswa, neiko uchikangaidzwa kana mukoma wako kana hanzvadzi vachiratidzira kuva vanowana ngwariro yomuraudzo?

Vakoma Nehanzvadzi—Chikomborero

Ikoku kungaratidzika kuva kwakaoma kudavira pane dzimwe nguva—zvikurukuru apo vanenge vari kukunyaudza. Asi Diane muduku anotiyeuchidza, kuti: “Kuva navakoma nehanzvadzi kunofadza.” Iye ane nomwe. “Une mumwe munhu wokutaura naye nokugoverana naye fariro dzako.”

Anne Marie nehanzvadzi yake Andre vakawedzera, kuti: “Kunyange zvazvo iwe uchigona kuenda kunzvimbo neshamwari dzako, iwe nguva dzose une hanzvadzi dzako nevakoma. Ivo nguva dzose varipo apo iwe unoda kutamba mutambo kana kuenda kumunhanga.” Donna anoona chimwe chimuko chinoshanda: “Iwe une mumwe munhu wokugoverana naye mabasa.” Vamwe vakarondedzera mukoma wavo kana hanzvadzi se“mupangiri nomuteereri chaiye” uye mumwe munhu ano“nzwisisa.”

Gare gare muupenyu, iwe uchawana zvimwe zvezvinetso zvimwe chetezvo chaizvo kuna vamwe zvaunazvo zvino navakoma vako kana hanzvadzi. Godo, maruramiro epfuma, batirwo isina kuenzana, kushaikwa kwokuva oga, udyire, mitsaukano yohunhu—zvinetso zvakadaro rutivi rwoupenyu. Kudzidza kugarisana nevakoma vako nevanin’ina irovedzo yakanaka mune zvoukama hwavanhu.

Andre ane zera ramakore gumi namanomwe anodzokorora mashoko eBhaibheri ari pana 1 Johane 4:20 apo iye anoti: “Kana usingagoni kugarisana navanhu vaunogona kuona, unogona sei kugarisana naJehovha, wausingagoni kuona?” Kusabvumirana navakoma vako nehanzvadzi kuchaitika panguva nenguva. Asi unogona kudzidza kugoverana, kukurukurirana, uye kubvumirana. Chii chiri muuyo wenhamburiko dzakadaro? Kunze kwezvo ungasanosarudza kuti kuva nemukoma kana hanzvadzi hakuna hakwo kushata.

Mibvunzo Yekurukurirano

◻ Neiko vakoma nevanin’ina vachiwanzobonderana?

◻ Unogona sei kudzivisa rwisano pamusoro pamaruramiro okuva woga nepfuma?

◻ Neiko vabereki padzimwe nguva vachida mumwe mwana zvikurukuru? Unofunga kuti ikoku kusarura hakwo here?

◻ Ko mwana oga bedzi haana chimuko here?

◻ Ndezvipi zviri zvimuko zvokuva nevakoma nevanin’ina?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 52]

“Hakuna nzira inogona nayo mubereki kuda vana vake vose nenzira yakafanana chaizvoizvo nokuti ivo vanhu vakasiana.”—Purofesa wokuziva kushanda kwendangariro Lee Salk

[Bhokisi riri papeji 54]

‘Ndini Mwana Bedzi’

Kana uyu uri iwo mugariro wako, hauzati hako uri asina chimuko. Kutanga, kunyange dzimwe pwere dzingava nechinetso mukugarisana navakoma navanin’ina vadzo, iwe unogona kusarudza shamwari dzako dzapedyo (chokwadi, kupfurikidza netendero yavabereki vako). Ungatova nenguva yakawanda yokufunda, yokufungisisa, kana kuti yokukudziridza unyanzvi hwakati kuti kana kuti mano.—Ona Ganhuro 14 pamusoro poushoma.

Thomas mudiki anoratidzira chimwe chimuko apo iye anoti: “Somwana oga bedzi ndaingwarirwa chose chose navabereki vangu.” Chokwadi, ngwariro yokunyanyisa yavabereki inogona kuita kuti mwana ave anozvifarira. Asi kana vabereki vakaratidzira dzikamo mukuiita, ngwariro yavabereki inogonawo kukubetsera kukura muzivo nokukurumidza zvikuru uye kunzwa wakasununguka pana vakuru.

Sezvo iwe usina vakoma kana kuti vanun’una vokugoverana nadzo zvinhu, zvisinei, pane ngozi yokuva anoudyire. Jesu akapangira, kuti: “Shandisa kupa.” (Ruka 6:38) Edza kugoverana zvinhu neshamwari nehama dzokunyama. Svinurira zvinoshaikwa zvavamwe, uchipa betsero yako pakunobvira. Vanhu vachadavidza kurupo rwakadaro. Uye ungawana kuti kunyange zvazvo uri mwana bedzi hauna ushoma.

[Mufananidzo uri papeji 53]

Ndinowanzorasikirwa nokusava nemukoma; asi ini ndine zvimuko zvakati kuti

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe