Ganhuro 13
Neiko Ndichipera Mwoyo Zvikuru?
Melanie akanga achigarorarama mukuwirirana nomufungo waamai vake womwana akakwana—kutozosvikira asvika zera ramakore 17. Ipapo iye akarega mibato yechikoro, akarega kugamuchira kokero dzokuenda kumapati, uye haana kumboratidzika kuva anoitira hanya apo mamakisi ake akaderera kubva pama A kusvikira kuma C. Apo vabereki vake nounyoro vakabvunza kuti chii chakanga chisina kururama, akabvotomoka achiti, “Ndisiyei ndiri ndoga! Hapana chinhu chakashata.”
Mark, pamakore 14, akanga asingatani kushatirwa uye ane utsinye, nekufufutirwa nehasha. Kuchikoro akanga achinetsekana uye achivhiringidzika. Kana akakangaidzika kana akatsamwa, aizomhanya achipfuura nomurenje akatasva pamudhudhudhu kana kuti aizotsverendendekera pasi pamakomo anamawere ari papuranga rake romutserendende.
MELANIE naMark vose vari vaviri vakatambura zvimiro zvehosha imwe cheteyo—kupera mwoyo. Dr. Donald McKnew weNational Institute of Mental Health anotaura kuti 10 kusvikira ku 15 muzana yavana vechikoro ingatambura vhiringidziko dzechimiro chendangariro. Chiverengero chiduku zvikuru chinotambura kupera mwoyo kwakakomba.
Padzimwe nguva pane chisakiso chokushanda kwomuviri nokuda kwechinetso. Dzimwe tapuro kana kuti hosha dzegadziriro dzeguvhu rezhuruzhuru, kuchinja kwemvura dzinonyandura mitezo yomuviri dzenhambo yokuva kumwedzi, derero hurusa yeshunga muropa, mimwe mishonga, kutayayika kusimbi dzinokachidza kana kuti makemikaro ane chepfu, tapuro dzokusawirirana nezvinhu kwegadziriro yomuviri, zvokudya zvisina kudzikama, shaikwo yeropa—zvose izvozvi zvinogona kuparira kupera mwoyo.
Dzvinyiriro Chisakiso Chokupera Mwoyo
Zvisinei, makore okuyaruka iwo amene anowanzova manyuko enhamo yendangariro. Isina ruzivo rwokuzviwanira rwomukuru mukutarisira zvimiro zvinochinja muupenyu, pwere inogona kunzwa kuti hakuna munhu anoitira hanya uye kunogona kuva kupera mwoyo kunorwadza pamusoro pezvinhu zvakarovedzeka zvikuru.
Kukundikana kusvitsa kariro dzavabereki, dzavadzidzisi, kana kuti shamwari ndichimwe chisakiso chorusuruvaro. Somuenzaniso, Donald ainzwa kuti iye aitofanira kukunda muchikoro kuti afadze vabereki vake vakafunda zvikuru. Achikundikana kuita kudaro, akava akapera mwoyo ndokuda kuzviuraya. “Ini handina kutongoita chinhu chipi nechipi chakarurama. Nguva dzose ndave ndichiodza mwoyo munhu ari wose,” akachema kudaro Donald.
Kuti pfungwa yekundikano inogona kunyandura kupera mwoyo kunoonekwa muchinoitika chomurume ainzi Epafrodhito. Mukati mezana rokutanga ramakore, uyu muKristu akatendeka akatumirwa kundoita basa chairo rokubetsera muapostora Pauro akaiswa mutorongo. Asi apo iye akasvika kuna Pauro nokukurumidza iye akarwara—uye Pauro, panzvimbo pakwo, aitofanira kumutarisira! Unogona kufungidzira, ipapoka, chikonzero nei Epafrodhito angave akazvinzwa somukundikani mukuru ndoku“pera mwoyo.” Sezvinooneka iye akafuratira zvakanaka zvose zvaakanga aita iye asati arwara.—VaFiripi 2:25-30.
Pfungwa Yokurashikirwa
Francine Klagsbrun akanyora mubhuku rake rinonzi Too Young to Die—Youth and Suicide, kuti: “Pachisakiso chokupera mwoyo kuzhinji mupfungwa kwakaparirwa pane pfungwa hurusa yokurashikirwa, nomumwe munhu kana kuti chimwe chinhu chave chichidikanwa zvikurusa.” Nokudaro kurashikirwa nomubereki kupfurikidza norufu kana kuti chatanuro, kurashikirwa nebasa kana kuti mushando, kana kuti kunyange kurashikirwa nougwinyi hwako hwokunyama kunogonawo kuva chisakiso chokupera mwoyo.
Kurashikirwa kukurusa kunopedza zano rose kumunhu muduku, kunyange zvazvo zvakadaro, ndiko kurashikirwa norudo, kunzwa kwokuva asingadiwi naasingaitirwi hanya. “Apo amai vangu vakatisiya ndakanzwa ndatizwa uye ndiri ndoga,” yakazivisa kudaro mhandara duku inonzi Marie. “Upenyu hwangu nokukurumidza hwakaratidzika kuva hwapidiguka.”
Ipapoka, fungidzira vhiringidziko nokurwadziwa kunonzwiwa nedzimwe pwere apo dzinonangana nezvinetso zvemhuri zvakadai sechatanuro, kudhakwa kusingachaperi, vatano yehama dzomuropa, kurohwa kwamadzimai, kubatwa zvisinokufanira kwavana, kana kuti kungorambwa bedzi nomubereki akanyura muzvinetso zvake amene. Haiwa chirevo cheBhaibheri ndechechokwadi sei, chinoti: “Wati wazviratidzira iwe umene kuva akaora mwoyo muzuva renhamo here? Simba rako [kubatanidza namano okudzivisa kupera mwoyo] richava shoma”! (Zvirevo 24:10) Pwere mukuposha ingatozvipomera iyo imene nokuda kwezvinetso zvemhuri yavo.
Kuziva Zviratidzo
Kune mwero yakasiana yokupera mwoyo. Wechiduku angaodzwa mwoyo kwechinguvana nechinoitika chinotsamwisa. Asi nguva dzose kusuruvara nehasha kwakadaro kunoterama munguva pfupi yakati kuti.
Zvisinei, kana chimiro chendangariro chokupera mwoyo chisingabvi uye pwere ine kunzwa kwavose kwakashata pamwe chete nokunzwa kwokusava namaturo, funganyo, uye kutsamwa, ikoku kunogona kuwedzera kusvikira kune icho vanachiremba vanoidza kuti kupera mwoyo kusingaperi kwomwero wakaderera. Sokuratidzira kunoita zvinoitika zvaMark naMelanie (vadudzwa pakutanga), zviratidzo zvinogona kusiana mumwero wakati kuti. Mumwe wechiduku angava nedenho dzefunganyo. Mumwe angava akaneta nguva yose, asina chishuvo chokudya, achiwana chinetso mukuvata, kurashikirwa nouremu, kana kuti kutambura nhevedzano yetsaona.
Vamwe vechiduku vanoedza kuvanza kupera mwoyo kupfurikidza nokupinda pamitambo yokunwa nomufaro: mapati epungwe, vatano yamadiro, kuparadza, kunyanyonwisa, nezvakafanana. “Handizati ndichiziva zvomenemene chikonzero nei ndichifanira kuva ndinoenda kundovhakacha nguva dzose,” akabvuma kudaro mumwe mukomana wezera ramakore 14. “Ndinongoziva bedzi kana ini ndiri ndoga pachangu, ndiri ndoga bedzi, ndinoziva manzwire akashata andinoita.” Kwakangofanana nokurondedzera kwakaita Bhaibheri, kuti: “Kunyange mukuseka mwoyo ungava unorwadziwa.”—Zvirevo 14:13.
Apo Kunova Kunopfuura Kungosuruvarawo Zvako
Kana kupera mwoyo kusingaperi kwomwero wakaderera kusingabatwi nako, kunogona kuenderera mberi kusvikira kuvhiringidziko yakakomba zvikuru—kupera mwoyo kukurusa. (Ona peji 107.) “Ini ndaipfuurira kunzwa sokunge kuti ndakanga ‘ndafa’ mukati,” akatsanangura kudaro Marie, nyajambwa wokupera mwoyo kukuru. “Ndakanga ndichingovapowo zvangu ndisina nepfungwa dzipi nedzipi. Ndakanga ndine kunzwa kwokutya kwenguva dzose.” Mukupera mwoyo kukurusa chimiro chendangariro chokupererwa nezano rose zvaro hachiperi uye chingapfuurira kwemwedzi. Naizvozvo, rudzi urwu rwokupera mwoyo rutivi rukurusa runozivikanwa mukuzviuraya kwavechiduku—zvino rworangarirwa kuva “chirwere chakavanzika” munyika zhinji.
Pfungwa hurusa inosimbirira yakabatana nokupera mwoyo kukurusa—uye inouraya zvikurusa—ndiyo pfungwa hurusa yokupererwa nezano rose zvaro. Purofesa John E. Mack anonyora nezvewezera ramakore 14 ainzi Vivienne, uyo akatapurwa nokupera mwoyo kukurusa. Kuzvitarisiko zvose zvokunze iye akanga ari chimhandara chakakwana china vabereki vanotarisira. Asika, mukukura kwokupererwa nezano rose zvaro, akazvisungirira! Akanyora kudaro Purofesa Mack, kuti: “Kusakwanisa kwaVivienne kudeya kuona kuti kupera mwoyo kwake kwaizopera, kuti iye akanga aine tariro ipi neipi yokuwana pakupedzisira sununguko mukurwadziwa kwake, ndichinhu chinokosha muchisarudzo chake chokuzviuraya.”
Avo vanotapurwa nokupera mwoyo kukurusa nokudaro vanonzwa sokunge kuti havachazotongonzwi zviri nani zvikuru, kuti hakuna mangwana. Kupererwa nezano rose zvaro kwakadaro, mukuwirirana nenyanzvi, kunowanzoparira muitiro wokuzviuraya.
Zvisinei, kuzviuraya hakuzati kuri chigadzikiso. Marie, uyo ane upenyu hwakanga hwava zviroto zvinotyisa chaizvoizvo, akabvuma, kuti: “Mifungo yokuzviuraya chaizvoizvo yakapinda mundangariro mangu. Asi ndakaziva kuti chero bedzi ndakanga ndisingazviurayi nguva dzose pakanga pane tariro.” Zvamazvirokwazvo kuzviuraya hakupedzi chinhu. Sezvineiwo, pakunangana nokupererwa nezano rose zvaro, vechiduku vazhinji havagoni kunyange kuona muchiono mitoo yokuchinja nayo kana kuti bviro dzomuuyo wakanaka. Nokudaro Marie akaedza kuvanza chinetso chake kupfurikidza nokuzvibaya jekiseni reheroin. Iye akati: “Ndakanga ndichizvivimba zvikuru—kutozosvikira murimo wapera.”
Kubata Nokupera Mwoyo Kuduku
Kune nzira dzine mufungo dzokubata nadzo nokunzwa kwokupera mwoyo. “Vamwe vanhu vanopera mwoyo nemhaka yokuti vane nzara,” akacherekedza kudaro Dr. Nathan S. Kline, nyanzvi yeNew York pamusoro pokupera mwoyo. “Munhu angave asina kudya zvokudya zvamangwanani uye nokuda kwechikonzero chakati ndokupotsa zvokudya zvamasikati. Tevere panguva yechitatu iye anovamba kushamisika kuti chikonzero nei asiri kunzwa zvakanaka.”
Chaunodya chinogonawo kuita musiano. Debbie, mhandara duku yaitapurwa nokunzwa kwokupererwa nezano rose zvaro, yakabvuma, kuti: “Ini handina kuziva kuti zvokudya zvisingavaki muviri zvakanga zvichikuvadza zvikuru kuchimiro changu chendangariro. Ndakadya zvakawanda zvazvo. Zvino ndinocherekedza kuti pandinodya masiwiti mashomanene, ndinonzwa zviri nani zvikuru.” Dzimwe nhano dzinobetsera: Chimiro chakati chokurovedza muviri chingasimudzira zvimiro zvako zvendangariro. Mune zvinoitika zvakati kuti, nzvero yezvokurapa ingava yakakodzera, sezvo kupera mwoyo kuchigona kuva chiratidzo chechirwere chokunyama.
Kukurira Hondo Yendangariro
Kazhinji kazhinji kupera mwoyo kunopfuuridzirwa kana kuti kuipiswa kupfurikidza nokuva nemifungo isina kutsarukana pamusoro pako umene. “Apo iwe unenge wapfuura nomuvanhu vazhinji vanokuzvidza,” akachema kudaro Evelyn wezera ramakore 18, “kunokuita kuti ufunge kuti iwe hauzati uchikodzera chinhu chipi nechipi.”
Rangarira: Mutoro wavamwe kuyera ukoshi hwako somunhu here? Kunyombwa kwakafanana kwakatutirwa pano muapostora wechiKristu Pauro. Vamwe vakataura kuti iye akanga ane utera uye mukurukuri asina kutsarukana. Ko ikoku kwakaita kuti Pauro anzwe asina maturo here? Nyangwe napaduku pose zvapo! Pauro aiziva kuti kusvitsa mupimo waMwari kwakanga kuri chinhu chinokosha. Iye aigona kuganza pamusoro pezvaakanga aita kupfurikidza nebetsero yaMwari—pasinei hapo neizvo vamwe vakanga vachitaura. Kana iwewo, uchizviyeuchidza umene nezveidi rokuti une chimiro chakanaka kuna Mwari, chimiro chendangariro chokusuruvara kazhinji kazhinji chichabva.—2 VaKorinte 10:7, 10, 17, 18.
Zvakadiniko kana wakapera mwoyo nokuda kwoutera kana kuti chivi chawakaita? “Kunyange zvazvo zvivi zvenyu imi vanhu zvichifanira kubvumikisa kuva zvitsvuku,” Mwari akaudza Israeri kudaro, “izvo zvichaitwa zvichena kungofanana nechando.” (Isaya 1:18) Usatongofuratira kunzwira tsitsi neshiviriro zvaBaba vedu vokudenga. (Pisarema 103:8-14) Asika iwe uri kuvavarira zvakasimba kukurira chinetso chako here? Unofanira kuita rutivi rwako kana uchizosunungura ndangariro yako pakunzwa kwokuva nemhaka. Sokureva kunoita chirevo, kuti: “Iye unoreurura ndokusiya [kudarika kwake] uchaitirwa ngoni.”—Zvirevo 28:13.
Imwe nzira yokurwisa kusuruvara ndeyokuzvigadzira umene nharidzano chaidzoidzo. Hauzati uchifanira kuva ari pamusorosoro mukirasi rako rokuchikoro kuti ugova anobudirira. (Muparidzi 7:16-18) Bvuma idi rokuti kuodzwa mwoyo rutivi rwoupenyu. Apo ikoku kunoitika, panzvimbo pokunzwa kuti, ‘Hakuno munhu anoitira hanya chinoitika kwandiri uye hapana achazombodaro,’ zviudze umene kuti, ‘ndichachikurira.’ Uye hapana chinhu chakaipa pakuchema kwakanaka.
Ukoshi Hwechinopedzwa
“Kupererwa nezano rose zvaro hakuzati kuchingozvibvira iko kumene,” anopangira kudaro Daphne, uyo murubudiriro akararama nomunhambo dzokuodzwa mwoyo. “Unotofanira kufunga nenzira yakasiana kana kuti kubatanidzwa mumuviri. Unotofanira kutanga kuita chimwe chinhu.” Rangarira Linda, uyo pakushanda nesimba kurwisa chimiro chendangariro chokurundumwara akataura kuti: “Ini ndiri panhambo yokusona. Ndinogona kushanda pawodhiropu rangu uye, munguva yakafanira, ndinokanganwa pamusoro pechiri kunditambudza. Kunobetsera zvomenemene.” Kuita zvinhu zvauri nani pazviri kunogona kuvaka kuzvikoshesa kwako—uko kunowanzova chisakiso chikurusa mukati mokupera mwoyo.
Kunobetserawo ndiko kubatikana mumubato unokuvigira mufaro. Edza kutenga nokuda kwomufaro wako umene, kutamba mitambo, kubika chinhu chomusanganiswa chaunodisa, kufamba-famba muchitoro chamabhuku, kundodya kumwe, kurava, kunyange kuwana mhinduro dzepuzzle, dzakadai sedzodzo dzinowanikwa mumagazini aMukai! echiNgezi.
Debbie akawana kuti kupfurikidza nokuzvirongera amene nzendo pfupi kana kuti kuzvigadzira amene nharidzano duku, iye aigona kugonana nechimiro chendangariro chake chokupera mwoyo. Zvisinei, kuita zvinhu kuti uyamure vamwe kwakabvumikisa kuva kumwe kwebetsero dzake hurusa. “Ini ndakasangana neiyi mhandara yakanga yakapera mwoyo zvikuru, uye ndakavamba kuibetsera kufunda Bhaibheri,” anozivisa kudaro Debbie. “Idzi kurukurirano dzevhiki nevhiki dzakandipa banza rokumuzivisa makundire aaigona kuita kupera mwoyo kwake. Bhaibheri rakamupa tariro chaiyoiyo. Ikoku kwakandibetsera panguva imwe cheteyo.” Kungofanana neizvo Jesu akataura, kuti: “Mukupa mune mufaro mukuru kupfuura uri mukugamuchira.”—Mabasa 20:35.
Taura Kuno Mumwe Munhu Pamusoro Pakwo
“Kuitira hanya kwokufunganya mumwoyo womunhu ndiko kunoparira kuuremedza, asi shoko rakanaka ndiro rinoita kuti ufare.” (Zvirevo 12:25) “Shoko rakanaka” rinobva kumunhu anonzwisisa rinogona kuita musiano wose munyika. Hakuno munhu anogona kuziva mwoyo wako, naizvozvo udururire kuno mumwe munhu waunovimba naye uyo ane mano okukubetsera. “Shamwari inoda panguva dzose, uye inova hama munguva dzenhamo,” mukuwirirana naZvirevo 17:17. (The Bible in Basic English) “Paunozvichengeta iwe umene kwakafanana nokutakura mutwaro unorema iwe woga bedzi,” akadaro Evan wezera ramakore 22. “Asi paunozvigoverana nomumwe munhu anokwaniriswa kubetsera, unova wakareruka zvikuru.”
‘Asika ndakatoedza ikoku,’ ungataura kudaro, ‘asi zvose zvandinowana bedzi ndiyo hurukuro yokutarira rutivi rwakajeka rwoupenyu.’ Ndokupiko, ipapoka, kwaunogona kuwana mumwe munhu asati achingova bedzi muteereri anonzwisisa asiwo mupi zano asina kwaakarerekera?—Zvirevo 27:5, 6.
Kuwana Betsero
Tanga no‘kupa mwoyo wako’ kuvabereki vako. (Zvirevo 23:26) Vanokuziva zviri nani zvikuru kupinda zvinoita munhu upi noupiwo zvake, uye ivo vanogona kazhinji kazhinji kubetsera kana ukavarega. Kana ivo vakacherekedza kuti chinetso chacho chakakomba, vangatorongedzera kuti iwe uwane betsero younyanzvi.a
Mitezo yeungano yechiKristu ndimamwe manyuko ebetsero. “Kwamakore ndakanga ndaisa bata kumeso yokuti hakuno munhu anoziva zvomenemene kuti ndakanga ndakapera mwoyo sei,” akazivisa kudaro Marie. “Asika ipapo ndakavimba nomumwe wavakadzi vakura vomuungano. Haiwa akanga achinzwisisa zvikuru! Iye akanga atambura zvimwe zvezvinoitika zvimwe chetezvo zvandakanga ndatambura. Naizvozvo ndakakurudzirwa kuziva kuti vamwe vanhu vakatambura zvinhu zvakadai saizvozvi uye vakakurira nomutoo wakaisvonaka.”
Aiwa, kupera mwoyo kwaMarie hakuna kupera pakare pakarepo. Asi pashoma napashoma iye akavamba kugonana nemifungo yake sezvaakakudziridza ukama hwake naMwari. Pakati pavanamati vechokwadi vaJehovha iwewo unogona kuwana shamwari ne“mhuri” vanofarira chaizvoizvo garikano yako.—Marko 10:29, 30; Johane 13:34, 35.
Simba Rinopfuura Riri Renguva Dzose
Zvisinei, yamuro hurusa ine simba mukubvisa rusuruvaro ndeiyo muapostora Pauro akaidza kuti “simba rinopfuura riri renguva dzose,” iro rinobva kuna Mwari. (2 VaKorinte 4:7) Iye anogona kukubetsera kukurira kupera mwoyo kana ukatsamira paari. (Pisarema 55:22) Kupfurikidza nomudzimu wake mutsvene iye anopa simba rinopfuura manyuko ako enguva dzose.
Uhu ushamwari naMwari hunopa chivimbo zvamazvirokwazvo. “Apo ini ndinenge ndine nguva dzokusuruvara,” yakadaro imwe mhandara inonzi Georgia, “ndinonyengetera zvikuru. Ndinoziva kuti Jehovha achagovera nzira yokubuda nayo pasinei zvapo nokuti ndine chinetso chakakura zvakadini.” Daphne anobvuma, achiwedzera, kuti: “Unogona kuudza Jehovha chinhu chiri chose. Unongodurura bedzi mwoyo wako uye unoziva kuti, kunyange kana pasina munhu anogona, iye zvamazvirokwazvo anokunzwisisa uye anokutarisira.”
Naizvozvo kana wakapera mwoyo, nyengetera kuna Mwari, uye tsvaka mumwe munhu akachenjera naanonzwisisa waunogona kuzivisa kunzwa kwako. Muungano yechiKristu uchawana “varume vakuru” avo vari vapi zano vane unyanzvi. (Jakobho 5:14, 15) Ivo vanogara vakagadzirira kukubetsera kuchengeta ushamwari hwako naMwari. Nokuti Mwari anokunzwisisa uye anokukoka kukandira funganyo dzako paari “nokuti iye anokuitira hanya.” (1 Petro 5:6, 7) Zvamazvirokwazvo, Bhaibheri rinopikira, kuti: “Rugare rwaMwari rwunopfuura mufungo wose rucharinda mwoyo yenyu namasimba enyu endangariro kupfurikidza naKristu Jesu.”—VaFiripi 4:7.
[Mashoko Omuzasi]
a Nyanzvi zhinjisa dzezvokurapa dzinopangira kuti vanyajambwa vokupera mwoyo kukurusa vanofanira kuwana betsero younyanzvi nokuda kwengozi yokuzviuraya. Somuenzaniso, pangava nedikanwo yokurapwa ingagona bedzi kugoverwa nenyanzvi yezvokurapa.
Mibvunzo Yekurukurirano
◻ Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinogona kuparira pwere kuva inopera mwoyo? Wati wambonzwa nenzira iyoyo here?
◻ Unogona here kuziva zviratidzo zvokupera mwoyo kusingaperi kwomwero wakaderera?
◻ Unoziva here mutoo wokuziva nawo kupera mwoyo kukurusa? Neiko ichi chiri chirwere chakakomba zvakadaro?
◻ Dudza dzimwe nzira dzokurwisa nadzo kusuruvara. Ko zvipi nezvipi zveizvi zvikarakadzo zvati zvakubetsera here?
◻ Neiko kuchikosha zvikuru kutaura nhau paunenge wakapera mwoyo nomutoo wakakomba?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 106]
Kupera mwoyo kwakakomba ndichinhu chikuru chinozivikanwa mukuzviuraya kwepwere
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 112]
Ushamwari chaihwoihwo naMwari hunogona kukubetsera kubata nokupera mwoyo kukurusa
[Bhokisi riri papeji 107]
Kunogona Kuva Kupera Mwoyo Kukurusa Here?
Munhu upi noupi angatambura kwechinguvana nechimwe kana zvakawanda zveizvi zviratidzo zvinotevera pasina kuva nechitambudzo chakakomba. Zvisinei, kana zviratidzo zvinoverengeka zvikapfuurira, kana kuti kana chipi nechipi chakakomba zvikuru zvokuti icho chinovhiringidza mibato yako yenguva dzose, ungave une (1) chirwere chokunyama uye uchida kunzverwa kwazvo nachiremba kana (2) vhiringidziko yakakomba yendangariro—kupera mwoyo kukurusa.
Hapana Chinhu Chinokupa Mufaro. Haugoni kuwana mufaro mumibato yawaichimbofarikanya. Unganzwa usiwe chaiyeiye, sokunge kuti uri mumhute uye uchingoraramawo hako bedzi.
Kusava Namaturo Chose Chose. Unonzwa kuti upenyu hwako hahuna chinhu chinokosha chokubetsera uye hauna maturo chose chose. Unganzwa uzere nokuva nemhaka.
Kuchinjwa Kukuru Kwechimiro Chendangariro. Kana waiva munhu akasununguka anoushamwari, ungava akanyarara kana anoita neimwe nzira. Ungawanzochema.
Kusava Netariro Chose Chose. Unonzwa kuti zvinhu zvakashata, hapana chinhu chaugona kuita pamusoro pazvo, uye migariro haizati ichizotongova iri nani zvikuru.
Unoshuva Hako Kuti Kudai Wakafa. Shungu dzinova huru zvikuru zvokuti unowanzonzwa kuti zvaizova zviri nani kana ukafa hako.
Haungagoni Kufungisisa. Unodzokorora wadzokororazve mifungo yakati kuti kana kuti unorava pasina nzwisiso.
Chinjo Mumiitiro Yokudya Kana Kuti Yokushanda Kwomudumbu. Kurashikirwa nechishuvo chokudya kana kuti kunyanyodyisa. Kuenda kunze kwapanhambo nenhambo kana kuti manyoka.
Miitiro Yokurara Inochinja. Kurara kusino kutsarukana kana kuti kunyanyorarisa. Ungawanzova nezviroto zvinotyisa.
Kubanda Nokurwadziwa. Kutemwa nomusoro, kumonwa, uye marwadzo omudumbu nomuchipfuva. Unganzwa nguva dzose wakaneta pasina chikonzero chakanaka.
[Mufananidzo uri papeji 108]
Kukundikana kurarama mukuwirirana nezvinokarirwa zvavabereki vako kunogona kuparira pwere kunzwa kupera mwoyo
[Mufananidzo uri papeji 109]
Kutaura kuna vamwe ndokudurura mwoyo wako ndiimwe yenzira dzakanakisisa dzokugonana nakwo
[Mufananidzo uri papeji 110]
Kuitira vamwe zvinhu ndiimwezve yenzira dzakanakisisa dzokukurira kusuruvara