RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp-CA chits. 15 pp. 121-126
  • Neiko Ndichinyara Zvikuru?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Neiko Ndichinyara Zvikuru?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chiri Nyadzi
  • Matapurire Anoita Nyadzi Upenyu Hwako
  • Kukurira Nyadzi
  • Kuita Mavambo
  • Nei Ndisingagoni Kunyatsofara Nevanhu?
    Mukai!—1999
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisaramba Ndichinyara?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Uri Munhu Anonyara Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Ndinogona Sei Kunyatsofara Nevanhu?
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
yp-CA chits. 15 pp. 121-126

Ganhuro 15

Neiko Ndichinyara Zvikuru?

“MUNHU ari wose anondiudza matsvindire andakaita zvikuru,” yakanyora kudaro imwe mhandara kumunyori wepepanhau. Asika iyo yakapfuurira kuti: “Ini ndine chinetso chokutaura kuvanhu. Kana ndikatarira mumwe munhu mumeso pandinenge ndichitaura, chiso changu chinonyara uye ndinovhiringidzika mukati . . . Kubasa ndakanzwa tsinhiro zhinji pamusoro po‘kuzvikudza’ kwandinoita nemhaka yokuti handitauri nomunhu upi noupi. . . . Handizvikudzi, ndinongova bedzi anonyara.”

Imwe nzvero yakaratidzira kuti 80 muzana yaavo vakabvunzwa vakanga vave vachinyara kwenguva yakati kuti muupenyu hwavo, uye 40 muzana pamisi ichangobva kupfuura iyi yakazvirangarira iyo imene kuva inonyara. Zvamazvirokwazvo, nyadzi dzave dziri dzavose kurudzi rwomunhu kubvira munguva dzapakuvamba zvikurusa. Bhaibheri rinotiudza kuti Mosesi akaramba nomutoo wokunyara kuita somutauriri waMwari pamberi porudzi rwaIsraeri. (Eksodho 3:11, 13; 4:1, 10, 13) Kunoonekawo, kuti mudzidzi wechiKristu Timotio akanga achinyara uye achipanikira pamusoro pokutaurisa nokushandisa zvakafanira chiremera chake.—1 Timotio 4:12; 2 Timotio 1:6-8.

Chiri Nyadzi

Nyadzi ndiko kunzwa kwokusagadzikana pana vanhu—vaenzi, avo vari muchiremera, vanhu vomutezo wakasiana, kana kuti kunyange vezera rako. Ndiko kutsveruka kwokunyanyisa kunotapura vanyajambwa vako mumhatsa yenzira. Vamwe vanokangaidzika; nameso avo akati tsikitsiki pasi nehana inorova, vanozviwana vamene vasingakwanisi kutaura. Vamwe vanorashikirwa noruteramo rwavo ndokuvamba kupfuurira kutaura. Asi vamwe vanokuwana kwakaoma kutaura ndokubudisa mifungo yavo kana kuti zvisarudzo.

Zvomenemene, kunyange zvazvo zvakadaro, kuna mativi akanaka okuva nomwero wenyadzi. Kwakafanana nokuzvidukupisa uye kuzvininipisa, uye chimwe chezvinhu Mwari anotsvaka uye anorumbidza ndiko ‘kuva anozvininipisa mukufamba naye.’ (Mika 6:8) Pane imwezve betsero mukuratidzika kuva akachenjera naasingazvikudzi, mukusava anozvitutumadza uye kunyange kuganza. Munhu ane nyadzi anowanzokosheswa somuteereri akanaka. Asi apo nyadzi dzinotiganhurira ndokutidzivisa kuziva mano edu zvizere ndokutapura nomutoo unokuvadza ukama hwedu, basa, uye kunzwa, ndiyo nguva yokuita chimwe chinhu pamusoro padzo!

Mavambo akanaka ndeokunzwisisa chinetso. (Zvirevo 1:5) Nyadzi hadzizati dzichirondedzera zvauri; dzinorondedzera kuzvibata kwako, kuita kwako kumigariro, mutoo wawakadzidza ndokusimbaradza kupfurikidza nezvinoitika kuna vamwe. Unofunga kuti vamwe vari kuita zvirevo zvisina kutsarukana nezvako, kuti ivo havakudi. Unofunga kuti vamwe vari nani zvikuru kana kuti vakarovedzeka zvikuru panewe. Unofunga kuti zvinhu zvichashata zvose kana iwe ukaedza kukurukura navamwe vanhu. Unokarira zvinhu kuitika nomutoo wakashata, uye zvinowanzoitika—nokuti unosagadzikana ndokuita mutsinhirano nezvaunodavira.

Matapurire Anoita Nyadzi Upenyu Hwako

Kupfurikidza nokunyarara, usingatauri, kana kuti kuva akazvibatikanisa zvikuru zvokuti haungwariri vamwe, ungasiya mufungo wokuti unozvikudza, hauna ushamwari, unofinhwa, kana kuti kunyange kusaitira hanya kana kuti kufuratira. Paunenge uchizvifunga iwe umene, kwakaoma kufungisisa pamusoro pekurukurirano iri kuitwa. Naizvozvo hauteereri mashoko auri kuwana. Ipapo chaunotya zvikurusa chinoitika—unoratidzika kuva fuza.

Chaizvoizvo, wazvivharira umene shure kwamadziro etorongo renyadzi uye warasha chikiinuriso. Unorega mabanza achipfuura. Unogamuchira zvinhu kana kuti migariro yausingadi zvomenemene—zvose nokuti unotya kutaura ndokuratidzira mufungo wako. Unorashikirwa nemifaro yokusangana navanhu ndokuita shamwari itsva kana kuti yokuita zvinhu zvaizokudziridza upenyu hwako. Asi vamwe vanorashikirwawo. Havazati vachitongosvika pakuziva iwe chaiyeiye.

Kukurira Nyadzi

Nenguva nenhamburiko, kuzvibata kunogona kuchinjwa. Kutanga, rega kuzvinetsa pamusoro pokuti mumwe munhu ari kukukoshesa. Zvimwe iye akanyanyobatikana nokuzvifunga iye amene neizvo iye achataura ndokuita. Uye kana munhu iyeyo nouhwana achikuitira musere, nzwisisa kuti iye ane chinetso. “Iye unozvidza muvakidzani wake anoshaiwa pfungwa.” (Zvirevo 11:12, Revised Standard Version) Avo vanofanirwa nokuva navo seshamwari havazati vachizokurangarira kupfurikidza nezvitarisiko zvokunze asi kupfurikidza norudzi rwomunhu rwauri.

Uyewo, edza kufunga nomutoo wakananga. Hapana munhu akakwana; isu tose tine masimba edu uye utera hwedu. Yeuka, kune nzira dzakasiana dzokutarira zvinhu, zvinodiwa nezvisingadiwi zvakasiana. Musiano womufungo hauzati uchireva kurambwa kwako somunhu.

Dzidzawo kurangarira vamwe nomutoo wakarurama. Rimwe jaya raichimbonyara rinoti: “Ndakawana zvinhu zviviri pamusoro pangu ndimene . . . Kutanga, ndainyanyozvirangarira. Ndakanga ndichinyanyofunga pamusoro pangu ndimene, ndichizvinetsa pamusoro peicho vanhu vaifunga pamusoro pezvandaitaura. Chechipiri, ndakanga ndine vavariro dzakashata kuna vamwe vanhu—ndisingavavimbi uye ndichifunga hangu kuti ivo vaizondizvidza.”

Jayaro rakapinda musangano weZvapupu zvaJehovha. “Ndakanzwa imwe hurukuro ikoko yakandibetsera zvomenemene,” iro rinoyeuka kudaro. ‘Mukurukuri akaratidzira kuti rudo rune ushamwari; kuti kana une rudo unofunga zvakanakisisa nezvavanhu, kwete zvakaipisisa. Naizvozvo ndakadzidza kurega kuva nevavariro dzakashata kuvanhu. Ndakazviudza ndimene, kuti: “Ivo vachanzwisisa, vachava nomutsa, vachava vanorangarira.” Ndakavamba kuvimba navanhu. Ndakaziva kuti vamwe vangandirangarira zvisina kufanira, asi zvino ndakanzwa kuti ichecho chakanga chiri chinetso chavo.’

“Ndakadzidzawo kudikanwa kwokutanga kuratidzira rudo nenzira yokushingaira—kuzvishandisa ini ndimene kuna vamwe,” iye akatsanangura kudaro. “Ndakatanga kukuedza pana vaduku. Gare gare ndakavamba kushanyira vamwe mumisha yavo. Ndakadzidza kuva anotapurika kuzvinoshaikwa zvavo, kufunga mune zvokuvabetsera.” Nokudaro iye akadzidza uchokwadi hwezano raJesu riri pana Ruka 6:37, 38, rinoti: “Musatonga, uye imi hamuzati muchizotongotongwa; uye musashurikidza, uye imi hamuzati muchizotongoshurikidzwa. . . . Rovedzai kupa, uye vanhu vachakupai. . . . Nokuti nechiyero chamunovayerera nacho, ivo vachakuyereraiwo nacho.”

Kuita Mavambo

Naizvozvo dzidza kuva anosonganira—kuti kwaziwai ndokutanga kurukurirano. Kunogona kuva kwakapfava setsinhiro pamusoro pomugariro wokunze. Yeuka: Unongova bedzi ne 50 muzana yomutoro. Imwe hafu mutoro womumwe munhu. Kana uchikakamira mukutaura, rega kunzwa wakashurikidzwa. Kana vamwe vakaseka, dzidza kuseka pamwe chete navo. Uchiti “Ikoko hakuna kubuda zvakarurama” kuchakubetsera kufaranuka ndokupfuurira nekurukurirano.

Pfeka zvakanaka, asi iva nechokwadi chokuti zvipfeko zvako zvakachena uye zvakaainwa. Kunzwa kuti uri kuratidzira unani hwako kuchaderedza kutya muna ikoku ndokukugonesa kufungisisa pamusoro pekurukurirano iri kuitwa. Mira wakati twasu—bva wakafaranuka. Ratidzika kuva anofadza naanonyemwerera. Chengeta onano dzoushamwari negutsiriro kana kuti kubvuma nokutaura izvo mumwe munhu anotaura.

Pakunangana nomugariro wakaoma, wakadai sokutaura pamberi pavamwe kana kuti bvunzurudzo yebasa, uya wakagadzirira sezvinobvira. Rovedza pachine nguva mberi zvauchataura. Zvinetso zvomutauro zvinogonawo kukurirwa kana kuti kuderedzwa kupfurikidza nerovedzo. Kuchada nguva, sezvinongoita chimwe chirongwa chounyanzvi hutsva. Asi sezvaunoona miuyo yakananga, uchava anokurudzirwazve kubudirira.

Isati ichifanira kufuratidzirwa ndiyo betsero iyo Mwari anogona kupa. Sauro, mambo wokutanga worudzi rwekare rwaIsraeri, akanga achinyara nomutoo unorwadza pakutanga. (1 Samueri, maganhuro 9 ne 10) Asi apo nguva yakasvika nokuda kwechiito, “mudzimu waMwari wakava unoshanda pana Sauro,” uye iye akatungamirira vanhu kurukundo!—1 Samueri, ganhuro 11.

Nhasi pwere dzechiKristu dzine mutoro wokubetsera vamwe kudzidza pamusoro paMwari nenyika itsva yake yakapikirwa yokururama. (Mateo 24:14) Kuenda naaya mashoko akanaka ndokumirira Chiremera chikurusa muchisiko chapose pose kune chokwadi chokukuchidzira kuzvivimba ndokukubetsera kubvisa kuzvirangarira kwako umene. Unogona kuva nechokwadi, ipapoka, chokuti kana ukabatira Mwari mukutendeka, iye achakukomborera ndokukubetsera kukurira nyadzi dzako.

Mibvunzo Yekurukurirano

◻ Chii chaizvoizvo chiri nyadzi, uye munhu ane nyadzi anozvibata sei pakuvapo kwavamwe? Ikoko kunoitika kwauri kutambanuko yakati kuti here?

◻ Nei munhu ane nyadzi achirashikirwa nechivimbo paanenge ari pana vamwe?

◻ Nyadzi dzinogona sei kuparira munhu kutambura kurashikirwa?

◻ Ndedzipi dziri dzimwe nzira dzokukurira nyadzi? Ko zvipi nezvipi zveizvi zvikarakadzo zvakashanda kwauri here?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 121]

Munhu ane nyadzi anoshaiwa ushamwaridzani namabanza

[Bhokisi riri papeji 124]

Unogona Kukurira Nyadzi Kupfurikidza

Nokuda kuchinja uye kudavira kuti chinjo inobvira zvomenemene

Nokutsiva mifungo isina kutsarukana nechiito chakananga

Nokugadza nharidzano dzechokwadi nedzine revo nokuda kwako umene

Nokuziva mutoo wokufaranuka nawo nokugonana nefunganyo

Nokuhwirudzura mugariro pachine nguva mberi

Nokuwana chivimbo kupfurikidza nezvinoitika zvinoenderera mberi zvinobudirira

Nokuyeuka kuti misiano yomufungo iripo uye kuti vamwe vanokanganisawo

Nokushandisa unyanzvi ndokudzidza hutsva

Nokusvasvavirira kuratidzira rudo nokubetsera vamwe

Nokupfeka zvakaisvonaka uye kuita nechivimbo

Nokuvimba nebetsero inopa Mwari

Nokuva anobatanidzwa mumisangano yechiKristu nomukugovera kutenda kwako kuna vamwe

[Mifananidzo iri papeji 123]

Munhu ane nyadzi anofungidzira kuti vamwe havamufungi

[Mufananidzo uri papeji 125]

Dzidza kuva anosonganira—anonyemwerera, kwazisa vamwe, uye pfuurira nekurukurirano

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe