RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 5/1 pp. 5-7
  • Jehovha Ndiani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Ndiani?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinoreva Zita Rake
  • Mavara Makuru aJehovha
  • Mwari Wamarudzi Ose
  • Betsero Dzokuziva Jehovha
  • Jehovha—Iye Ndiani?
    Jehovha—Iye Ndiani?
  • Mwari Wechokwadi Ndiani?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Kudza Jehovha Nokuti Ndiye Mwari Wechokwadi Bedzi
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
  • Chikonzero Nei Tichifanira Kuziva Zita raMwari
    Zita raMwari Richagara Nokusingaperi
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 5/1 pp. 5-7

Jehovha Ndiani?

JEHOVHA akaudza mumwe wevanamati vake vakatendeka kuti: “Hakuna munhu ungandiona, akazorarama.” (Eksodho 33:20) “Mwari ndiMweya,” uye vanhu havagoni kumuona nemaziso avo enyama. (Johane 4:24) Kungofanana nokutarisa zuva zvakananga masikati kunokuvadza zvikuru maziso edu, naizvozvo kwaizova kunotiparadza kuti tione Anopa simba anoshamisa akasika kwete bedzi zuva redu rinopenya asiwo mamwe mazuva asingaverengeki ari muchisiko chose.

Nenzira inofadza, hatifaniri kuona Mwari kuti tizive nezvake. Bhaibheri rinotizivisa zvose zviri zviviri Uyo akatigadzirira pasuru iyoyo yakaisvonaka, pasi, uye rinotizivisa unhu hwake. Naizvozvo zvakafanira kunzvera Bhaibheri kuti tizive pamusoro paBaba vakatipa upenyu uye vakagovera musha unofadza wokufarikanya upenyu ihwohwo.

Zvinoreva Zita Rake

Mazita ose ane zvaanoreva, kunyange zvazvo vakawanda vangava vasingazvizivi nhasi. Somuenzaniso, zita rinozivikanwa rechiNgezi rokuti David rinobva mushoko rechiHebheru rinoreva kuti “Anodiwa.” Zita reMusiki, Jehovha, rine zvarinorevawo. Chii? Mumutauro wepakuvamba weBhaibheri chiHebheru, zita raMwari rakanyorwa mumavara mana, YHWH, uye rinowanika kanopfuura ka7 000 muchikamu chechiHebheru cheBhaibheri. Zita raMwari rinonzwisiswa kuva rinoreva kuti “Anoparira Kuva.” Rinoreva kuti nouchenjeri Jehovha anozviparira kuva chipi kana chipi chaanoda kuva kuitira kuti aite zvinangwa zvake. Ndiye Musiki, Mutongi, Muponesi, Mutsigiri Woupenyu, uye naizvozvo anogona kuzadzika zvipikirwa zvake. Zvinotopfuura izvozvo, muchiHebheru zita rokuti Jehovha riri muchimiro chinoratidza chiito chiri kuitwa. Hungu, Jehovha achiri kuzviparira kuva muzadziki wezvinangwa zvake. NdiMwari Mupenyu!

Mavara Makuru aJehovha

Bhaibheri rinorondedzera Musiki sa“Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi, unochengetera vane zviuru zvamazana [mutsa wake worudo, NW], unovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo.” (Eksodho 34:6, 7) Kutaura kwokuti “mutsa worudo” kunoshandura shoko rechiHebheru rinoreva zvakawanda zvikuru. Rinoratidza mutsa unozvibatanidza norudo kuchinhu kutozosvikira chinangwa chawo nokuda kwechinhu ichocho chaitwa. Rinogonawo kushandurwa kuti “rudo rwokuvimbika.” Mutsa waJehovha unozvibatanidza norudo kuzvisikwa zvake uye unoita chinangwa chake chinoshamisa. Ungasakoshesa rudo rwakadaro runobva kuUyo akakupa upenyu here?

Jehovha anononoka kutsamwa uye anokurumidza kukanganwira zvikanganiso zvedu. Zvinofadza kuva pedyo nemunhu akadaro. Asi, izvozvo hazvirevi kuti anopembedza chakaipa. Akazivisa kuti: “Ini Jehovha ndinoda zvakarurama, ndinovenga kupamba pamwe chete nezvakaipa.” (Isaya 61:8) SaMwari weruramisiro, haasati achizoshivirira nokusingaperi vatadzi vakatsunga vanopfuurira muuipi hwavo. Nokudaro, tinogona kuva nechokwadi chokuti munguva yake yakafanira, Jehovha acharuramisa kusaruramisa kuri munyika. Haasati achizofuratira vanotambudzwa.

Hazvisi nyore kuchengeta dzikamo yakakwana pakati perudo neruramisiro. Kana uri mubereki, unozviwana zvakaoma kusarudza kuti unofanira kururamisa vana vako pavanoita misikanzwa rini, sei, uye zvikuru sei here? Kudzikamisa ruramisiro netsitsi dzorudo kunoda uchenjeri hukuru. Jehovha anoratidza vara iroro zvikuru kwazvo paanobata nevanhu. (VaRoma 11:33-36) Zvirokwazvo, uchenjeri hweMusiki hunogona kuonwa kwose kwose, somuenzaniso muzvishamiso zvechisiko zvakatipoteredza.—Pisarema 104:24; Zvirevo 3:19.

Kuva nouchenjeri, zvisinei, hakuna kukwana. Kuti aite kuda kwake, Musiki anofanira kuvawo nesimba, uye Bhaibheri rinozivisa kuti ane simba zvikuru: “Tarirai kumusoro nameso enyu, muone kuti ndiani wakasika izvozvi, unobudisa hondo yazvo yakawanda; iye unozvidana zvose namazita azvo; nokuda kwoukuru hwesimba rake, uye zvaari mukuru pakusimba kwake, hakune chimwe chinoshayikwa.” (Isaya 40:26) Jehovha anoita zvinhu, no“ukuru hwesimba.” Vara rakadaro haringakukwevere kwaari here?

Mwari Wamarudzi Ose

‘Asi Jehovha haasi Mwari we“Testamende Yekare,” Mwari waIsraeri wekare? ungashamisika kudaro. Ichokwadi kuti Jehovha akazvizivisa kuvaIsraeri. Kunyange zvakadaro, nemhaka yekusika vanhu vaviri vokutanga, Jehovha ndiMwari uyo “rudzi rwose . . . [rwuri] panyika runotumidzwa nezita ravo.” (VaEfeso 3:15) Kana uchidavira kuti zvakafanira kuremekedza madzitateguru ako, zvaisazova zvakafanira here kunamata Uyo akapa upenyu kumunhu wokutanga, tateguru wedu tose, akabereka marudzi ose ari pasi pano nhasi?

Musiki worudzi rwomunhu haasi asingachinjiki. Chokwadi, pane imwe nguva akanga ane ukama chaihwo nerudzi rwaIsraeri. Asi kunyange panguva iyoyo, akagamuchira vose vakadana zita rake. Mambo akachenjera waIsraeri akati mumunyengetero kuna Mwari: “Kana ari mutorwa, asati ari wavanhu venyu vaIsraeri, kana akabva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu; . . . . inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, muitire mutorwa zvose sezvaanokumbira, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vakutyei, sezvinoita vanhu venyu vaIsraeri; vazive kuti imba ino yandakavaka yakatumidzwa zita renyu.” (1 Madzimambo 8:41-43) Kusvika kuzuva rino, vanhu vemarudzi ose vanogona kuziva Jehovha ndokuva noukama hunokosha naye. Asi izvozvo zvinokutapura sei?

Betsero Dzokuziva Jehovha

Tichidzokera kumuenzaniso wemunyaya yapfuura, kana ukagamuchira pasuru yakaputirwa zvakanaka, sezvingakarirwa waizoda kuziva kuti chipo chacho changa chiri chei. Chinofanira kushandiswa uye kutarisirwa sei? Nenzira yakafanana, tinoda kuziva zvairangarira Mwari paakatigadzirira pasi. Bhaibheri rinotaura kuti “akaisimbisa akasaisika kuti rive dongo, asi wakaiumba kuti igarwe,” ndiko kuti, nevanhu.—Isaya 45:18.

Vanhu vazhinjisa, kunyange zvakadaro, havana kutarisira chipo cheMusiki. Vari kuparadza pasi, zvisingafadzi Jehovha zvikuru. Asi, mukutsinhirana nezvinomirira zita rake, Jehovha akatsunga kuzadzika chinangwa chake chapakuvamba nokuda kwemunhu uye pasi. (Pisarema 115:16; Zvakazarurwa 11:18) Achagadzirira pasi ndokuripa senhaka kuavo vanoda kurarama sevana vake vanoteerera.—Mateo 5:5.

Bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinorondedzera kuti zvinhu zvichava zvakaita sei pachaitika izvozvo: “Tarirai, tabhernakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo, ivo vachava vanhu vake; . . .Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) Panguva iyoyo hapana munhu achabudisa misodzi yokusuruvara kana kuti kuchema nemhaka yokurasikirwa nomudiwa. Hapana munhu achachemera rubatsiro apererwa nezano kana kuti kurwadziwa nezvirwere zvinouraya. Kunyange “rufu ruchaparadzwa.” (1 VaKorinte 15:26, NW; Isaya 25:8; 33:24) Izvi zvinorondedzera rudzi rwoupenyu urwo Jehovha aida pakuvamba kuti tifarikanye paakasika madzitateguru edu okutanga.

Zvirokwazvo, unogona kufanoona migariro yakadaro yeparadhiso zvino pakati pevanamati vaJehovha. Anotiudza kuti: “Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.” (Isaya 48:17) Jehovha ndiBaba vane mutsa vanotidzidzisa isu, vana vavo, nzira yakanakisisa yokurarama nayo. Nhungamiro dzake kuvanhu dzinogovera, kwete kuganhurira kusina kufanira, asi kudzivirira kworudo. Kudzitevera kuchaguma norusununguko rwechokwadi nomufaro, sezvazvakanyorwa kuti: “Zvino pane Mweya waShe, pane sununguko.” (2 VaKorinte 3:17) Kupfurikidza nokutevera nhungamiro dzinoratidzwa muBhaibheri, avo vanogamuchira kutonga kwake zvino vari kufarikanya rugare rwendangariro urwo rimwe zuva ruchatekeshera munyika yose yorudzi rwemunhu.—VaFiripi 4:7.

Jehovha ndiBaba vakanaka zvakadini! Unoda kudzidza zvakawanda pamusoro peUyo akaparira zvishamiso zvose zvechisiko here? Kuavo vanoda, betsero dzacho dzinokosha kunyange zvino. Uye munguva yemberi zvikomborero zvichava zvisingagumi.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Zita raMwari rakanyorwa mumavara mana echiHebheru rinogona kuonwa pamadziro emachechi ekare akawanda

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe