Ganhuro 18
Ndinogona Sei Kuvandudza Mamakisi Angu?
APO chiverengero chakati kuti chavadzidzi vachikutanga vechikoro chakabvunzwa kuti, ‘Munozvidya mwoyo pamusoro pei zvikurusa?’ 51 muzana yakati, “Mamakisi”!
Hakuzatiwo kuchishamisa kuti mamakisi echikoro manyuko makuru efunganyo pakati pepwere. Mamakisi anogona kureva musiano pakati pokupedza chikoro nokusiiwa shure, pakati pokuwana basa rinoripira zvakanaka nokuwana bedzi muripo wakaderera, pakati pokuwana rumbidzo yavabereki nokuparira hasha dzavo. Sezvinobvumwa, mamakisi nebvunzo zvine nzvimbo yazvo. Chokwadika, Jesu Kristu aiwanzoedza nzwisiso yavadzidzi vake yezvenhau dzakati! (Ruka 9:18) Sokutaura kunoita bhuku rinonzi Measurement and Evaluation in the Schools: “Miuyo yebvunzo inogona kuratidzira nzvimbo dzesimba noutera zvomudzidzi mumwe nomumwe ndokubatira sezvikuchidziro nokuda kwefundo yomunguva yemberi.” Mamakisi ako anobatirawo kupa vabereki vako mufungo wakati wokuti uri kuita sei muchikoro—uchapfuurira zviri nani zvikuru here kana kuti uchapfuurira zvakaipisisa.
Kuwana Dzikamo
Zvisinei, kunyanyoitira hanya zvikurusa mamakisi kunogona kuparira funganyo dzinogomadza ndokusakisa makwikwi anotyisa. Rimwe bhuku rinoshandiswa pamusoro pokuyaruka rinocherekedza kuti vadzidzi vanosungirwa kupinda pakoreji vanogona zvikurukuru kuva “vanobatwa mumumbure wamakwikwi unosimbisa mamakisi nenzvimbo yeboka panzvimbo pokudzidza.” Somuuyo, kunokora mashoko Dr. William Glasser, vadzidzi vano“dzidza pakutanga muchikoro kubvunza chichava pabvunzo uye . . . vanofunda mashoko iwayo bedzi.”
Mambo Soromoni akanyevera, kuti: “Ini ndimene ndakaona basa rose rakaoma noumhizha hwose mubasa, kuti rinoreva kukwikwidzana; ikoku hakuna maturo uye kudzingana nemhepo.” (Muparidzi 4:4) Makwikwi anotyisa, kunyange angava epfuma yokunyama kana rumbidzo dzedzidzo, haana maturo. Pwere dzinotya Mwari dzinoona kudikanwa kwokuzvishandisa idzo dzimene muchikoro. Asi panzvimbo pokuita dzidzo yakakwirira zvikuru chinhu chinoisvokosha muupenyu, idzo dzinoronda fariro dzomudzimu, dzichivimba naMwari kutarisira zvinodikanwa zvadzo zvokunyama.—Mateo 6:33; ona Ganhuro 22 pamusoro pokusarudza mabasa.
Kupfuurirazve, dzidzo inoreva zvinopfuura kuwana mapfundo akanaka pabvunzo. Inoreva kukudziridza icho Soromoni akati “mano okufunga,” unyanzvi hwokuwana mashoko asina kukwana ndokuwana mhedziso dzino mufungo, dzinobetsera maari. (Zvirevo 1:4) Pwere inokwanisa kuwana mamakisi okupasa kupfurikidza nokufungidzira, kuziva nomusoro, kana kuti kunyange kunyepedzera haitongodzidzi zvomenemene mutoo wokufunga nawo. Uye mamakisi akakwirira mumetsi akanakira pai kana gare gare uchizviwana umene usingakwanisi kuwiriranisa bhuku rokunzveresa reakaundi?
Naizvozvo kunokosha kuti urangarire mamakisiwo, kwete somugumo maari iwo amene, asi somutoo unobetsera wokupima nawo enderero mberi yako kuchikoro. Ko, kunyange zvazvo zvakadaro, unogona sei kuwana mamakisi anoratidza mano ako?
Gamuchira Mutoro Nokuda Kwokudzidza!
Mukuwirirana nomudzidzisi Linda Nielsen, vadzidzi vasina kutsarukana vanokombamira kuku“pomera kuita kwavo kusina kutsarukana kwo[kuchikoro] pamusoro pamanyuko avasingagoni kudzora: mibvunzo isina kunaka yebvunzo, mudzidzisi anofungira mano akaipa, mhanza yakashata, kudeya kutemerwa mugumo, mugariro wokunze.” Bhaibheri, kunyange zvazvo zvakadaro, rinoti: “Munhu ane usimbe anozviratidzira iye amene kuva anoshuva, asi mweya wake hauna chinhu.” (Zvirevo 13:4) Hungu, usimbe hunowanzova chisakiso chaichoicho chamamakisi akaderera.
Zvisinei, vadzidzi vakanaka vanogamuchira mutoro nokuda kwokudzidza kwavo. Magazini inonzi ’Teen yakambonzvera vadzidzi vapachikoro chapamusoro (chesekondari) vanowana mamamikisi akakwirira zvikuru. Chakavanzika chavo chii? “Sundo yomunhu oga inokubetsera kuti urambe uchipfuurira,” akadaro mumwe. “Kuzvirongera umene rudungwe ndokuronga nguva yako,” mumwe akadaro. “Unotofanira kuzvigadzira umene nharidzano,” mumwezve akadaro. Hungu, kuti mamakisi ako akanaka sei kunotsamira zvikurukuru, pasati pari pazvitemeso zvausingagoni kudzora, asi PAURI—kuti unodisa kufunda zvakasimba sei ndokuzvishandisa umene muchikoro.
‘Asi Ini Ndinofunda’
Ikoku ndiko kungataurwa nedzimwe pwere. Idzo dzinonzwa zvapachokwadi kuti dziri kutozvishandisa idzo dzimene zvakasimba zvikuru asi dzisingawani miuyo. Zvisinei, makore mashomanene apfuura vanzveri vapaYunivhesiti yeStanford (U.S.A.) vakanzvera vadzidzi vane 770 ndokubvunza kuti inhamburiko huru yakadini yadzainzwa kuti dzaipinza mubasa radzo rokuchikoro. Nomutoo wakasiana zvikuru, vadzidzi vane mamakisi akaderera vaifunga kuti ivo vaishanda zvakaoma somunhu upi noupi! Bva apo miitiro yavo yefundo yakanzverwa, kwakawanwa kuti ivo chaizvoizvo vakaita zvishomanene zvikuru basa rinoitirwa kumba kupinda vafundi biyavo vanowana mamakisi akakwirira.
Chii chidzidzo chacho? Zvimwe iwewo hauzati uri kufunda zvakaoma sezvaunofunga kuti uri kuita, uye chinjo dzakati dzingava dzakakodzera. Nyaya iri muJournal of Educational Psychology yakaratidzira kuti kungoita bedzi “wedzero munguva inopedzerwa pabasa rinoitirwa kumba kune muuyo wakananga pamamakisi omudzidzi muchikoro chapamusoro.” Chokwadi, “neawa 1 kusvikira ku 3 ebasa rinoitirwa kumba pavhiki, mudzidziwo zvake wamano akaderera anogona kuwana mamakisi anoenzanirana nomudzidziwo zvake ane mano asati achiita basa rinoitirwa kumba.”
Muapostora Pauro nomutoo wokufananidzira aitofanira ‘kurova muviri wake’ kuti asvike nharidzano dzake. (1 VaKorinte 9:27) Nenzira yakafanana ungatofanira kuzvigadzira iwe umene muitiro wokuva anozviomesera, zvikurukuru kana TV kana kuti dzimwe dzongonyedzo dzichitsausa nyore nyore ngwariro yako pakufunda. Ungatosva hako watoedza kuisa chiratidzo paTV chinoti, “Hapana kuona TV kutozosvikira basa rinoitirwa kumba raitwa!”
Mhoteredzo Yako Yefundo
Vazhinjisa vedu vangabetserekana nokuva nenzvimbo yakanyarara iyo yakatsaurwa nokuda kwefundo. Kana uchigara nomumwe mukamuri kana kuti nzvimbo yakaganhurirwa mumusha menyu, shandisa ipi kana ipi ingawanika! Zvimwe imba yokubikira kana kuti kamuri rokurara romumwe rinogona kuva nzvimbo yako yokufundira kweawa imwe kana kuti anopfuura madekwana mamwe namamwe. Kana kuti sekwokutendeukira kwakuri kwokupedzisira, edza raibhurari ravose kana kuti musha weshamwari.
Kana kuchibvira, shandisa chibhariro kana kuti tafura rine nzvimbo yakakura rokuwaridza mabhuku ako. Ita kuti migove yakadai samapenzura uye pepa zvivepo kuti ugorega kusimuka-simuka. Uye, urombo kutaura kuti, kuita kuti TV kana kuti nhepfenyuro ishande kunorwisana nokufungisisa, sezvinoita runhare kana kuti kushanyira.
Ivawo nechokwadi chokuti une mwenje unovhenekera zvakaringanira, usingajeki zvikuru. Mwenje wakanaka unoderedza usimbe hwokufunda uye unotaviridzirawo meso ako. Uye kana kuchibvira, nzvera kufefetera kwemhepo nokudziya kwekamuri. Kamuri rinotonhorera rinogovera mhoteredzo inosimbaradza zvikuru yefundo kupinda zvinoita kamuri rinodziya.
Zvakadini kana usati uchimbova hako muchimiro chendangariro chokufunda? Upenyu hunowanzosatibvumira kufaranuka kwokugutsa zvimiro zvedu zvendangariro. Kubasa rokunyika, uchatofanira kushanda zuva riri rose—kunyange uri muchimiro chendangariro nokuda kwaro kana kuti usati. Naizvozvo rangarira basa rinoitirwa kumba serovedzo mukuzviranga, kuhwirudzura kwechinoitika chebasa gare gare. Iva ane donzo pamusoro paro. Anokarakadza kudaro mumwe mudzidzisi: “Kana kuchibvira, kufunda kunofanira kuitwa muzvimbo imwe cheteyo uye panguva imwe cheteyo zuva riri rose. Nokudaro, fundo yenguva dzose ichava muitiro, uye . . . ichaderedza kudzivisa kwako kusada kufunda.”
Muitiro Wako Wokufunda
Pana VaFiripi 3:16, Pauro akakurudzira maKristu ku“pfuurira kufamba nenhevedzano muno uyu muitiro mumwe chetewo.” Pauro akanga achitaura nezvomuitiro wokurarama wechiKristu. Zvisinei, muitiro kana kuti mutoo wokuita nawo zvinhu, unobetserawo apo kunouya kumutoo wako wokufunda nawo. Edza, somuenzaniso, kuronga zvauchafunda. Dzivisa kufunda nyaya dzimwe chetedzo (dzakadai semitauro miviri yokumwe) munhevedzano. Rongedzera mazororo mapfupi pakati penyaya, zvikurukuru kana mutoro wako webasa rinoitirwa kumba uchirema.
Kana mugove wako uchibatanidza kurava kuzhinji, ungaedza mutoo unotevera. Kutanga, NZVERA mashoko ako. Ringa nomumashoko akagoverwa, uchitarira misoro miduku, machati, zvichingunodaro, kuti ugoona murangariro wawo wose. Tevere, umba MIBVUNZO yakavakirwa pamisoro yamaganhuro kana kuti mitsetse yamashoko yemisoro. (Ikoku kunoita kuti ndangariro yako irambe yakarereudzirwa pane zvaunorava.) Zvino RAVA, uchitsvaka mhinduro dzeiyi mibvunzo. Paunenge wapedza ndima imwe neimwe kana kuti chikamu, RONDEDZERA, kana kuti zviudze iwe umene kubva muyeuko, zvawarava, usingatariri pabhuku. Uye paunenge wapedza mugove wose, HWIRUDZURA kupfurikidza nokunzvera misoro uye kuedza kuyeuka kwako chikamu chimwe nechimwe. Vamwe vanotaura kuti uyu mutoo wakabetsera vadzidzi kuchengeta kusvikira ku 80 muzana yezvavakarava!
Mumwe mudzidzisi akatiwo: “Kunokosha kuita kuti mudzidzi azive kuti idi harizati richivako rakaparadzana asi rinowanzowirirana namamwe mashoko.” Naizvozvo, edza kuwiriranisa zvaunofunda nezvaunotoziva nezvawakawana. Nzvera ukoshi hunoshanda hwezvauri kudzidza.
Nomutoo unofadza, pwere inotya Mwari ine chimuko chaichoicho pano. Nokuti Bhaibheri rinoti: “Kutyiwa kwaJehovha ndiwo mavambo ezivo.” (Zvirevo 1:7) Somuenzaniso, kudzidza mitemo yesayenzi yezvinhu zvomusikirwo kungaratidzika kuva kunonetsa chaizvo. Asi kuziva kuti kupfurikidza nechisiko “mavara [aMwari] asingaoneki anosanoonwa” kunopa revo yakawedzerwa yezvaunodzidza. (VaRoma 1:20) Nomutoo wakafanana nhau inowanzobata pamusoro pokushanda kwamadonzo aJehovha. Masimba manomwe enyika (kubatanidza nomubatanidzwa wazvino uno weEngland neAmerica) anokurukurwa muBhaibheri iro rimene chaimo!—Zvakazarurwa 17:10; Dhanieri, ganhuro 7.
Kupfurikidza nokuwiriranisa zvaunodzidza nezvaunoziva kana kuti nokutenda kwako kwechiKristu, maidi anovamba kureva chimwe chinhu kwauri, zivo inowedzera mukunzwisisa. Uye sokutaura kwakaita Soromoni, “Zivo ndichimwe chinhu chiri nyore kumunhu anonzwisisa.”—Zvirevo 14:6.
‘Vhiki Rinotevera Kuchava Nebvunzo’
Aya mashoko haazati achidikanirwa kukuparira kutya. Kutanga, edza kucherekedza mutsinhiro dzomudzidzisi wako kuti ichava rudzii rwebvunzo, zvakadai sebvunzo yokunyora nhau kana kuti yokusarudza mhinduro imwe pane zhinji. Uyewo, mumazuva anotangira bvunzo, teerera nokuda kwemifungo pamusoro pechichabuda mubvunzo. (“Iri pfundo rinotevera rinokosha zvikuru” kana kuti “Ivai nechokwadi chokuyeuka irero” zviratidziro zvakarovedzeka, inodaro magazini yeSenior Scholastic.) Tevere, hwirudzura zvinonyorwa zvako, mabhuku anoshandiswa, uye migove yebasa rinoitirwa kumba.
“Kupfurikidza nesimbi, simbi iyo imene inorodzwa. Naizvozvo mumwe munhu anorodza chiso chomumwe,” Soromoni anotiyeuchidza kudaro. (Zvirevo 27:17) Zvimwe shamwari kana mumwe wavabereki vako vangava vanofara kukurovedza nemibvunzo kana kukuteerera sezvaunohwirudzura mashoko omukirasi. Uye ipapo usiku hwapamberi pebvunzo faranuka uye edza kuva nokurara kwakanaka usiku. “Ndianiko wenyu kupfurikidza nokuva nefunganyo anogona kuwedzera kubiti rimwe kunduramo yake?” Jesu akabvunza kudaro.—Mateo 6:27.
Kundikano
Kukundikana bvunzo—zvikurukuru pashure pokuedza nesimba kuipasa—kunogona kuputsanya kuzviremekedza kwako. Asi mudzidzisi Max Rafferty anotiyeuchidza, kuti: “Chero bedzi tiri vapenyu, tinoyerwa nezvatinoziva, mawanire atinoita zvakanaka miuyo . . . Chikoro chinonyengedzera vana nokufunga kuti upenyu hwose huchava hwakaisvonaka somutambo weRoma hachizati chiri chikoro. Ifeketari yokufungidzira.” Kudukupiswa kwokukundikana bvunzo kungava kunosanokukodzera kana kuchikukuchidzira kudzidza mumhosho dzako ndokuvandudza.
Asi zvakadini nokunangana navabereki vanoodzwa mwoyo nekadhi rakashata romushumo? Kutya kuita ikoko padzimwe nguva kwakaparira kuchenjera pakutaura kwakaisvonaka. “Ndaisiisa kadhi rangu romushumo patafura reimba yokubikira, ndokukwira mumba yapamusoro ndokuedza kundorara kusvikira mangwana,” inoyeuka kudaro imwe pwere. “Zvandaizoita,” inodaro imwe, “kwaiva kumirira kutosvikira pasekondi yokupedzisira kuriratidzira kuna amai vangu. Ndaizoenda naro kwavari mumangwanani apo vanenge voda kuenda kubasa ndokuti, ‘Tarirai, munotofanira kusaina iri.’ Vakanga vasina nguva yokubata neni”—zvimwe kwete kwechinguvana. Dzimwe pwere dzakanyora mamakisi okunyepedzera pamakadhi adzo omushumo!
Kunyange zvazvo zvakadaro, vabereki vako vane maruramiro okuziva maitiro auri kuita kuchikoro. Nomutoo womuzvarirwo, vanokarira mamakisi ako kuratidzira mano ako, uye kana mamakisi ako ari pasi pomwero unorangarirwa, iwe unogona kukarira kuwana chirango chakasanofanira. Naizvozvo iva akatendeseka kuvabereki vako. Uye “teerera . . . chirango chababa vako, uye usarasha mutemo wamai vako.” (Zvirevo 1:8) Kana ukanyanyofunga kuti zvakawanda zviri kukarirwa kwauri, zvitaure navo.—Ona wedzero ine musoro unoti “Ndinogona Sei Kuudza Vabereki Vangu?” muGanhuro 2.
Mamakisi zvaanokosha, iwo haazati ari chisarudzo chokupedzisira pamusoro pokufanira kwako somunhu. Hunyanguvezvo, shandisa nguva yauri muchikoro, uye dzidza zvakawanda zvaunogona. Kazhinji kazhinji nhamburiko iyeyo icharatidzirwa mumamakisi achaita kuti iwe—uye vabereki vako—munzwe muchifara uye makagutsikana.
Mibvunzo Yekurukurirano
◻ Ko mamakisi anobatira donzoi, uye nei kuchikosha kuva nomurangariro wakadzikama pamusoro pawo?
◻ Neiko kuri kunokosha kuti iwe utore mutoro wako umene nokuda kwokudzidza?
◻ Ndezvipi zvimwe zvinhu zvokurangarira pamusoro pokutora mibato yapashure pechikoro?
◻ Ndedzipi dziri dzimwe nzira umo iwe unogona kuvandudza mamakisi ako?
◻ Unogona sei kugadzirira bvunzo?
◻ Unofanira kurangarira sei kundikano, uye kundikano yakadaro inofanira kuvanzirwa vabereki vako here?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 141]
Pwere inokwanisa kuwana mamakisi okupasa kupfurikidza nokufungidzira, kuziva nomusoro, kana kunyange kunyepedzera haitongodzidzi zvomenemene mutoo wokufunga nawo
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 144, 145]
Zvakadiniko Nemibato Yapashure Pechikoro?
Pwere zhinji dzinowana kuti mibato yapashure pechikoro inodzipa pfungwa yokupedza zvakati kuti. “Ndakanga ndichinge ndiri chaizvoizvo mubandiko riri rose rakanga riripo,” anoyeuka kudaro mumwe mukomana wokuBaltimore, Maryland (U.S.A.). “Kwaindiita kuti ndinzwe ndichifara kushanda nezvinhu zvandaida. Ndakanga ndiri mubandiko remotokari nemhaka yokuti ndinofarikanya kushanda nemotokari. Ndinoda makomupiyuta, naizvozvo ndakakumbanira bandiko iroro. Ndinoda ruzha, nokudaro ndakakumbanira bandiko iroro.” Vadzidzi vakaronga kuenda kukoreji zvikuru vanokuchidzirwa kutora rutivi mumibato yapashure pechikoro.
Zvisinei, mukuru mukuru wehurumende yomubatanidzwa yeU.S.—iye amene aichimbova mudzidzisi—akaudza Mukai! kuti: “Zvimwe vafundi vechikoro vanopedzera nguva yakawanda mumibato iri kunze kwechikoro kupfuura basa rechikoro, vachikuita kuti kuve kwakaoma kuchengeta mamakisi akanaka.” Hungu, hakuzati kuri nyore kuchengeta dzikamo pakunouya kumibato iri kunze kwechikoro. Anodaro mumwe musikana ainzi Cathy aisiwanzotamba muchikwata che“softball” chechikoro: “Pashure pokutamba, ndakanga ndanyanyoneta zvokusagona kuita chinhu chipi nechipiwo zvacho. Basa rangu rokuchikoro raitapurwa. Naizvozvo gore rino handina kunyoresa.”
Kunewo ngozi huru dzomudzimu. Anodaro mumwe murume wechiKristu achiyeuka makore ake oupwere, kuti: “Ndaifunga kuti ndaigona kutsinhiranisa mibato mitatu: basa rokuchikoro, kurovedza nechikwata chokumhanya, uye mibato yomudzimu. Asi rutivi rwomudzimu rwoupenyu hwangu rwakanga ruchirashikirwa pari pose apo zvitatu izvi zvaibonderana.”
Themon muduku, uyo aibatanidzwa muzvikwata zvemitambo kuchikoro anobvuma, kuti: “Handati ndaigona kupinda misangano paHoro yo[Umambo] [nokuda kwomurairidzo womudzimu] nokuti paChipiri isu taiva kunze kwetaundi, paChina isu taiva kunze kwetaundi, paChitanhatu isu taiva kunze kwetaundi uye taisazodzoka kutozosvikira paawa yechipiri mumangwanani.” Kunyange zvazvo “kurovedza muviri kuri kunobetsera zvishoma,” kunokosha kuyeuka kuti “kuzvipira kwoumwari kunobetsera nokuda kwezvinhu zvose.”—1 Timotio 4:8.
Fungawo nezvengozi dzetsika. Waizosonganirana neshamwari dzakanaka dzaizopesvedzera tsika yakanaka here? Chii chaizova nyaya yekurukurirano. Ko pesvedzero yavamabiyako vechikwata kana mitezo yebandiko yaizova nemuuyoi wakashata pauri here? “Songaniro dzakashata dzinoodza miitiro inobetsera,” inodaro 1 VaKorinte 15:33.
Nomutoo unofadza, pwere zhinji pakati peZvapupu zvaJehovha dzakasarudza kushandisa nguva yadzo yapashure pechikoro nokuda kwechimwe chinhu chinobetsera zvikuru kupinda mitambo: kubetsera vamwe kuziva Musiki. Inopangira kudaro VaKorose 4:5, kuti: “Pfuurirai kufamba nouchenjeri kuna avo vari vokunze, muchizvitengera imi mumene nguva yakakodzera.”
[Mifananidzo iri papeji 143]
Vadzidzi vanowanzoripira miitiro isingadzorwe yefundo . . . namamakisi okukundikana
[Mifananidzo iri papeji 146]
Kudzikamisa mibato yapashure pechikoro nebasa rinoitirwa kumba hakuzati kuri nyore
[Mufananidzo uri papeji 148]
Vabereki vane chokwadi chokuora mwoyo pamusoro pekadhi rakashata romushumo. Asika kana iwe uchirangarira kuti ivo vari kukarira zvakanyanyowandisa kwauri, zvitaure navo