RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/05 p. 1
  • Ramba Uchiparidza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ramba Uchiparidza
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Rambai Muchiparidzira Umambo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Ramba Uchiparidza!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • “Endai Munoita Kuti Vanhu Vemarudzi Ose Vave Vadzidzi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • “Mashoko Akanaka Anofanira Kutanga Kuparidzirwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 4/05 p. 1

Ramba Uchiparidza

1 Tiri kurarama munguva dzakaoma. Kurwisana kwevanhu vari munyika imwe chete, hondo dzemadzinza, njodzi dzinongozviitikira dzoga, nezvimwe zviitiko zvinotyisa zviri kwose kwose. Iye zvino kupfuura nakare kose, mhuri yevanhu inoda mashoko akanaka. Zvisinei, kusakendenga kwapararira muzvinhu zvine chokuita nokunamata. Mune dzimwe nzvimbo, zvingaoma kuwana vanhu pamba uye zvakatoomesesa kuwana vanhu vachatiteerera kana kuti vanoda kudzidza Bhaibheri. Kunyange zvakadaro, zvinokosha kuti tirambe tichiparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari hwakagadzwa.—Mat. 24:14.

2 Kuda Vanhu: Kuparidza kwatinoita kunoratidza kuti Jehovha anoda vanhu. “Hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Pet. 3:9; Ezek. 33:11) Saka, sezvakataurwa naJesu, akarayira kuti, “mashoko akanaka anofanira kutanga aparidzwa kumarudzi ose.” (Mako 13:10) Mwari anoteterera vanhu kuti vauye kwaari kuti vapukunyuke kutonga kuri kuuya panyika yaSatani. (Joe. 2:28, 29, 32; Zef. 2:2, 3) Tinoonga here kuti Jehovha akatipawo mukana wacho?—1 Tim. 1:12, 13.

3 Mushumo wepasi pose unoratidza kuti mugore rebasa ra2004, zvidzidzo zveBhaibheri 6 085 387 paavhareji zvaiitiswa mwedzi woga woga uye vadzidzi vatsva vanenge 5 000 paavhareji vaibhabhatidzwa vhiki yoga yoga! Vamwe veava vachangobva kuzvitsaurira vakaonekwa pamusana pokuti Jehovha akakomborera vaparidzi vakaramba vachiedza kuita zvavaigona kuti vataure nomunhu wose ari mundima dzavo. Izvi zvakaunza mufaro wakazokura muungano, uye iropafadzo kushanda pamwe chete naMwari mubasa iri rinoponesa upenyu!—1 VaK. 3:5, 6, 9.

4 Kurumbidza Zita raMwari: Tinoramba tichiparidza kuti tirumbidze Jehovha pachena uye kuti titsvenese zita rake pamberi pevanhu vose. (VaH. 13:15) Satani atsausa “pasi rose rinogarwa” kuti ritende kuti Mwari haana simba rokugadzirisa zvinetso zvevanhu, kuti haana basa nokutambura kwevanhu, kana kuti haatomboripo. (Zvak. 12:9) Nokuparidza kwedu, tinodzivirira chokwadi pamusoro paBaba vedu vokudenga vakuru. Ngatirambei tichirumbidza zita rake—iye zvino uye nokusingaperi.—Pis. 145:1, 2.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe