RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/08 p. 6
  • Uri Kuverengera Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uri Kuverengera Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Uri Kuverengera Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Vhidhiyo Inoratidza Kurapa Kunokosha Kwava Kufarirwa Nevoruzhinji
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Vhidhiyo Inoratidza Kurapa Kunokosha Kwava Kufarirwa Nevoruzhinji
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Wakagadzirira Here Nokuda Kwokurapwa Kunoda Kukurumidzira?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 1/08 p. 6

Uri Kuverengera Here?

Kuverengera chii? Kuzadza kadhi reropa rinonzi DPA (durable power of attorney) rinopiwa Zvapupu zvakabhabhatidzwa. Sezvo ‘usingazivi zvichange zvakaita upenyu hwako mangwana,’ zvinokosha kuti ufanosarudza uye uratidze nepakanyorwa marapirwo aunoda kuzoitwa kana zvinhu zvaipa. (Jak. 4:14; Mab. 15:28, 29) Vhidhiyo inonzi Transfusion-Alternative Health Care—Meeting Patient Needs and Rights yakabudiswa kuti ikubatsire. Ona vhidhiyo iyi uye nyengetera paunenge uchidzokorora zvaunenge wadzidza uchibatsirwa nemibvunzo iri pasi apa. Ziva izvi: Nokuti vhidhiyo yacho ine zvikamu zvipfupi zvinoratidza varwere vachivhiyiwa, vabereki vanofanira kusarudza kuti voiona nevana vaduku here.

(1) Nei vamwe vanachiremba nenyanzvi dzezvokurapa vari kuongororazve kana ropa ringawedzerwa pakurapa? (2) Taura mienzaniso mitatu yokuvhiya kusiri nyore kungaitwa pasina kuwedzera ropa. (3) Pasi pose pane vanachiremba uye vavhiyi vangani vakaratidza chido chavo chokurapa varwere vasingawedzeri ropa? Nei vachida kuita kudaro? (4) Kuongorora kuchangobva kuitwa muzvipatara kwakaratidzei nezvokushandiswa kweropa? (5) Ingozi dzipi dziripo dzinokonzerwa nokuwedzerwa ropa? (6) Nyanzvi dzakawanda dzakati kudini nezvokubatsira kwemamwe marapiro anoitwa pasingashandiswi ropa? (7) Chii chinokonzera kushomeka kwemasero matsvuku? Vanhu vanogona kurarama nechinetso ichi zvakadini? Chii chingaitwa kuti pave nechinotsiva kushomeka kwawo? (8) Kugadzirwa kwemasero matsvuku kungawedzerwa sei mumuviri womurwere? (9) Inzira dzipi dziri kushandiswa kuti ropa risanyanya kurasika panenge pachivhiyiwa murwere? (10) Marapiro anoitwa pasingashandiswi ropa angashandiswa here pavana vaduku uye pavanhu vanenge vaita tsaona dzinogona kuuraya? (11) Ndeipi iri imwe yenzira huru dzinoshandiswa pakurapa kwakanaka? (12) Nei zvichikosha kuti vaKristu vagare vasarudza kurapwa kwavanoda pasina ropa? Tingazviita sei?

Achishandisa hana yake yakadzidziswa neBhaibheri, munhu anozvisarudzira kana achida mamwe marapiro anoratidzwa muvhidhiyo iyi. Wakasarudza marapiro aungada kuitwa iwe nevana vako here? Kana uchida kuwana pakanyatsokurukurwa mashoko aya, ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” mumagazini yeNharireyomurindi yaJune 15 2004, neyaOctober 15, 2000 uye wedzero iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2006 inoti, “Ndinoona Sei Zvikamu Zviduku Zveropa uye Kurapwa Neropa Rangu?” Vanhu vawakanyora kuti vanokumiririra pakurapwa nevamwe vasiri Zvapupu vomumhuri yako vanofanira kunyatsoudzwa zvaunenge wasarudza.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe