RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/08 p. 1
  • Tinogona Kupa Jehovha Chimwe Chinhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinogona Kupa Jehovha Chimwe Chinhu
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Zvaungaita Kuti Usapambadza Zvinhu
    Mukai!—2017
  • Uchapa Zvibayiro Zvokutsigira Umambo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Oiri—Ichazombopera Here?
    Mukai!—2003
  • Nei Tichipa Iye Ane Zvese?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 3/08 p. 1

Tinogona Kupa Jehovha Chimwe Chinhu

1 Waiziva here kuti vanhu vanogona kupawo Mwari chimwe chinhu? Abheri akapa zvimwe zvezvipfuwo zvake zvinokosha sezvibayiro kuna Jehovha, uye ndizvo zvakaitwawo naNoa naJobho. (Gen. 4:4; 8:20; Job. 1:5) Chokwadi, zvibayiro zvakadaro hazvina kupfumisa Musiki nenzira ipi zvayo, sezvo achitova nezvinhu zvose. Asi zvibayiro izvozvo zvinoratidza kuti varume ivavo vakatendeka vaida Mwari zvikuru. Mazuva ano, tinogona kushandisa nguva yedu, simba nepfuma kupa Jehovha “chibayiro chokurumbidza.”—VaH. 13:15.

2 Nguva: Zvinorumbidzwa chaizvo kana ‘tikatenga’ nguva kubva pazvinhu zvisinganyanyi kukosha kuti tiite ushumiri zvizere! (VaEf. 5:15, 16) Zvichida tingagadzirisa purogiramu yedu kuti tiite upiyona hwebetsero kwemwedzi mumwe chete kana inopfuura pagore. Kana kuti tingawedzera nguva yatinowanzopedzera muushumiri. Kuwedzera nguva yedu nemaminitsi 30 vhiki yoga yoga kuchaita kuti tiwedzere ushumiri hwedu nemaawa anenge maviri pamwedzi!

3 Simba: Kuti tiwane simba rokushanda muushumiri zvinoda kuti tirege dzimwe nhandaro uye mabasa anotisiya taneta zvikuru zvokutitadzisa kupa Jehovha zvinhu zvakanakisisa. Hatifaniriwo kuzvidya mwoyo nokuti ‘kungakotamisa’ mwoyo wedu, kwokutitorera simba rataizogona kushandisa mukushumira Mwari. (Zvir. 12:25) Kunyange kana tiine chikonzero chakanaka chokunetseka, zvaizova zvakanaka zvikuru kuti ‘tikande mutoro wedu pana Jehovha!’—Pis. 55:22; VaF. 4:6, 7.

4 Pfuma: Tinogonawo kupa pfuma yedu kuti titsigire basa rokuparidzira. Pauro akakurudzira vaKristu vaainamata navo kuti nguva dzose ‘vatsaure chimwe chinhu’ kuti vave nechimwe chinhu chokupa vaya vanoshayiwa. (1 VaK. 16:1, 2) Saizvozvowo, tingatsaura mari yezvipo ingashandiswa neungano yedu uyewo mubasa romunyika yose. Jehovha anokoshesa zvatinopa nomwoyo wose kunyange zvazvo zviri zvishoma.—Ruka 21:1-4.

5 Jehovha akatipa zvinhu zvakawanda. (Jak. 1:17) Tinoratidza kuti tinoonga nokupa nguva yedu, simba neimwe pfuma yedu kuti timushumire. Patinoita izvozvo tinofadza Jehovha “nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara.”—2 VaK. 9:7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe