Kukurudzirana Muushumiri
1 Tose tinofara patinoudzwa “shoko rinotaurwa panguva yaro yakakodzera.” (Zvir. 25:11) Patinoshanda nevamwe muushumiri, tingava sei nechokwadi chokuti zvatinokurukura zvinovakurudzira?
2 Kukurukura Zvinokurudzira: Zvinokurudzira zvikuru kuti patinokurukura tiri mubasa rokuparidzira, titaurewo zvinhu zvokunamata! (Pis. 37:30) Tinogona kutaura nezvemharidzo yatiri kushandisa kana kuti kurondedzera zvinhu zvinokurudzira zvatichangobva kusangana nazvo mubasa romumunda. (Mab. 15:3) Tine pfungwa dzinonakidza dzatakawana kubva pakuverenga Bhaibheri tiri toga, mumagazini atichangobva kuwana, kana kuti pamusangano weungano here? Tinogona kutaura nezvepfungwa dzakakurukurwa muhurukuro yavose yatichangobva kunzwa paImba yoUmambo.
3 Tingaora mwoyo kana saimba akataura kana kuita zvinhu zvinoita kuti titadze kumuparidzira. Zvingava zvakanaka kuti tishandise maminitsi mashomanana tabva pasuo rasaimba kuti tikurukure nomumwe wedu kuti munguva yemberi tingaita sei kana saimba adaro, zvichida tichitarisa mubhuku rinonzi Kurangarira. Uye kana tiine zvatafarira pamharidzo yomumwe wedu, kumurumbidza nomwoyo wose kungaita kuti akurudzirwe.
4 Tanga Iwe: Pane vamwe vari muboka renyu rechidzidzo chebhuku vausina kumboshanda navo munguva ichangobva kudarika here? Kuvakumbira kuti vashande nesu muushumiri kungaita kuti “tikurudzirane.” (VaR. 1:12) Mapiyona ebetsero neenguva dzose anofara zvikuru kana paine vamwe vokushanda navo, zvikurukuru mangwanani-ngwanani kana kuti zuva rovira, panenge paine vaparidzi vashoma muushumiri. Tinogona kutsigira mapiyona nokubuda nawo muushumiri. Pane muparidzi ane utano husina kutsarukana hunomutadzisa kuita zvakawanda muushumiri here? Kuronga nevakadaro kuti vatiperekedze zvichida kumunhu mumwe chete watinodzidza naye Bhaibheri kungabatsira.—Zvir. 27:17.
5 Nguva dzose mashoko okurumbidza kana kuti okuonga anokurudzira, kunyange muzvinhu zviduku. Tinofanira kugara tichifunga izvi patinenge tichishanda nevamwe muushumiri, sezvo tichida ‘kuramba tichivakana.’—1 VaT. 5:11.