RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be p. 66-p. 70 ndim. 4
  • Ziva Mapinduriro Aunofanira Kuita

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ziva Mapinduriro Aunofanira Kuita
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nzwisisa Maonero Eabvunza
  • Maonero Anoita Abvunza Magwaro
  • “Kugarova Nenyasha”
  • Kuzvisarudzira uye Nhau Dzehana
  • Kupindura Pamisangano Yeungano
  • Kuvandudza Mhinduro Dzako
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Ungaita Sei Kuti Upe Mhinduro Dzakanaka?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Uchapindura Sei?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Kurudziranai Pamisangano Yeungano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be p. 66-p. 70 ndim. 4

Ziva Mapinduriro Aunofanira Kuita

MIMWE mibvunzo yakavanda. Chinokosha chinenge chiri pasi chakavanda. Chiri seri ndicho chinowanzova chinokosha kupfuura mubvunzo wacho pachawo.

Kunyange apo anobvunza anenge achida kuziva mhinduro, kuziva kwako mapinduriro aunofanira kuita kungasanganisira kunzwisisa kuti wotaura zvakawanda sei uye kuti wotangira papi nyaya yacho. (Joh. 16:12) Sezvakaratidzwa naJesu kuvaapostora vake, pane dzimwe nguva munhu angakumbira mashoko aasina kodzero yokuziva kana kuti asingazomubatsiri chaizvoizvo.—Mab. 1:6, 7.

Magwaro anotipa zano achiti: “Kutaura kwenyu ngakugarova nenyasha, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive nzira yamunofanira kupindurana nayo.” (VaK. 4:6) Saka, tisati tapindura, tinofanira kufunga kwete chete zvatichataura asi kuti tichazvitaura sei.

Nzwisisa Maonero Eabvunza

VaSadhusi vakaedza kubata Jesu nomubvunzo wezvokumuka kwomukadzi akanga akamboroorwa kakawanda. Zvisinei, Jesu akaziva kuti chaizvoizvo vaisatenda nezvokumuka. Saka paakapindura, akavapindura mubvunzo wavo nenzira yaibudisa maonero avo asina kururama aiva seri kwomubvunzo iwoyo. Achitsanangura nounyanzvi uye achishandisa nyaya yomuMagwaro yaizivikanwa, Jesu akaratidza chimwe chinhu chavakanga vasina kumbofunga nezvacho—uchapupu hwakajeka hwokuti zvechokwadi Mwari achamutsa vakafa. Mhinduro yake yakashamisa vashori vake kwazvo zvokuti vakatya kumubvunzazve.—Ruka 20:27-40.

Kuti uzive mapinduriro aunofanira kuita, unofanirawo kuziva maonero uye zviri kunetsa vari kukubvunza vacho. Somuenzaniso, waunodzidza naye mukirasi kana kuti waunoshanda naye angakubvunza kuti nei usingapembereri zuva reKrisimasi. Ari kubvunzirei? Chaizvoizvo anoda kuziva chikonzero chacho here, kana kuti zviri kungomunetsawo zvake kuti munobvumirwa kumbowana nguva yokufara here? Kuti uzive, ungada kubvunza chamuita kuti abvunze. Wopindura maererano neizvozvo. Ungashandisawo mukana iwoyo kuratidza kuti kutevera nhungamiro yeBhaibheri kunotidzivirira sei pazvinhu zviya zvezororo zvazova zvinonetsa uye zvinoremera vanhu.

Ngatimbotii wakumbirwa kuzotaura nezveZvapupu zvaJehovha kuboka revadzidzi. Wapedza kukurukura vangabvunza mibvunzo. Kana mibvunzo yacho ichiratidza seyomwoyo wose uye yakananga, mhinduro dziri nyore dzakananga ndidzo dzakanakisisa. Kana mibvunzo yacho ichiratidza zvinofungirwa nenzanga yose, zvingava zvinobatsira kutanga watsanangura muchidimbu kuti chii chingaumba maonero akakurumbira panhau dzakadaro uye kuti nei Zvapupu zvaJehovha zvichisarudza kurega Bhaibheri richitema zvazvinofanira kuita. Kazhinji, zvinobatsira kuona mibvunzo yakadaro senhau dzinoratidza kuva nehanya, kwete sokudenhwa—kunyange zvazvo ingave yataurwa nenzira iyoyo. Saka mhinduro yako inopa mukana wokuti vateereri vako vawedzere pane zvavanoziva, vape mashoko akarurama, wotsanangura zvikonzero zvepaMagwaro zvezvatinotenda.

Uchapindura sei waunoshandira asingadi kukupa nguva yokunopinda kokorodzano? Kutanga, ona zvinhu semaonero ake. Kana ukavimbisa kuzoshanda nguva yokuwedzera pane imwe nguva zvingabatsira here? Kana ukamutsanangurira kuti murayiridzo unopiwa pakokorodzano dzedu unotibatsira kuva vashandi vakatendeseka, vakavimbika, izvozvo zvine zvazvingachinja here? Kana ukaratidza kuti une hanya naye, zvichida achakunzwawo pane zvaanoona kuti zvinokosha muupenyu hwako. Asi zvakadini kana achida kuti uite chimwe chinhu chokusatendeseka? Kuramba kwakajeka uchishandisa pfungwa inobva muMagwaro kuchajekesa paumire. Asi pane zvakanaka zvingabuda here kana ukatanga kumuratidza kuti munhu anobvuma kushandiswa naye kunyepa kana kuti kuba angamunyeperawo kana kuti kumubirawo iye?

Asiwo ngatitii, uri mudzidzi asingadi kuita zvimwe zviito pachikoro zvisingatenderwi nemagwaro. Ziva kuti zvimwe mudzidzisi haaoni zvinhu sezvaunoita, uye ibasa rake kutarisira kirasi. Basa rakaoma raunotarisana naro (1) nderokutarisira zvinomunetsa, (2) kutsanangura zvauri nenzira yokuremekedza, uye (3) kuva akatsiga pane zvaunoziva kuti zvichafadza Jehovha. Kuti pave nezvakanyatsonaka zvinobuda, kutsanangura kwakati rebei kungadiwa, pane mashoko mashomanana akananga ezvaunotenda. (Zvir. 15:28) Kana uri muduku, hapana mubvunzo kuti baba kana kuti amai vako vachakubatsira kugadzirira chimwe chinhu chokutaura.

Padzimwe nguva ungafanira kuramba zvauri kupomerwa nomumwe munhu ane chiremera. Mukuru mukuru wemapurisa, mukuru mukuru wehurumende, kana kuti mutongi angarayira kuti upindure mibvunzo pamusoro pokuteerera mutemo wakati, zvauri pane zvokusava nekwawakarerekera somuKristu, kana kuti zvaunofunga pane zvokubatanidzwa mumitambo yezvematongerwe enyika. Unofanira kupindura sei? Bhaibheri rinoti, “nounyoro noruremekedzo rukuru.” (1 Pet. 3:15) Uyewo zvibvunze kuti nei idzi nhau dziri dzokuva nehanya nadzo, uye bvuma kuva nehanya ikoko uchiremekedza. Zvadaro woita sei? Muapostora Pauro akataura nezvokudzivirira kwomutemo weRoma, saka ungaonesawo kudzivirira kwomutemo kunoshanda panhau yako. (Mab. 22:25-29) Pamwe mashoko ezvakaitwa nevaKristu vekare uye neZvapupu zvaJehovha munyika yose angaita kuti mukuru mukuru wacho ajekerwe pamaonero ake. Kana kuti ungaratidza kuti kuziva chiremera chaMwari kunotoita kuti vanhu varambe vachiteerera mitemo yakakodzera yevanhu. (VaR. 13:1-14) Mambokurukura zvakadaro, ukataura chikonzero chinobva muMagwaro chezvauri chingagamuchirwa zvakanaka.

Maonero Anoita Abvunza Magwaro

Paunenge uchisarudza kuti wopindura sei, ungadawo kufunga kuti ari kukubvunza anoona sei Magwaro Matsvene. Jesu akaita izvi paaipindura mubvunzo wevaSadhusi pamusoro porumuko. Achiziva kuti vaibvuma zvakanyorwa naMosesi chete, Jesu akakurukura navo nhau inowanikwa muPentateuch, (Mabhuku Okutanga Mashanu omuBhaibheri) achitanga mashoko ake nokuti: “Asi kunyange Mosesi akazivisa kuti vakafa vanomutswa.” (Ruka 20:37) Saizvozvowo, pamwe ungazviwana zvichibatsira kutora mashoko muzvikamu zveBhaibheri izvo muteereri wako anobvuma uye anoziva.

Asi zvakadini kana muteereri wako asingaoni Bhaibheri serine chiremera? Ona zvakaitwa nomuapostora Pauro pahurukuro yake yepaAreyopago, yakanyorwa pana Mabasa 17:22-31. Akataura chokwadi chomuBhaibheri pasina kutora mariri zvakananga. Kana zvakafanira, ungadarowo. Mune dzimwe nzvimbo ungafanira kutova nokukurukurirana nomunhu kunoverengeka usati wataura zvakananga zviri muBhaibheri. Paunotanga kutaura nezveBhaibheri, kungava kuchenjera pakutanga kutaura zvikonzero nei richikosha kushandisa pane kungotaura zvakasimba kuti iShoko raMwari. Zvisinei, chinangwa chako chinofanira kuva chokupa uchapupu hwakajeka pamusoro pechinangwa chaMwari uye, nokufamba kwenguva, kuita kuti muteereri wako azvionere zvinotaura Bhaibheri. Bhaibheri rine simba rokuchinja, kupfuura zvose zvatingataura isu pachedu.—VaH. 4:12.

“Kugarova Nenyasha”

Jehovha ane nyasha, saka zvakakodzera sei kuti vashumiri vake vanoudzwa kuti kutaura kwavo “kugarova nenyasha, kwakarungwa nomunyu”! (VaK. 4:6; Eks. 34:6) Izvi zvinoreva kuti tinofanira kutaura nomutsa, kunyange pazvinoratidzika sezvisina kukodzera. Kutaura kwedu kunofanira kuva kwakanaka, kwete kujinyura, kana kungopotsera mashoko.

Vanhu vazhinji vari kunetseka kwazvo, uye zuva nezuva vanojinyurwa. Patinotaura nevanhu vakadaro, vangataura nehasha. Topindura sei? Bhaibheri rinoti: “Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa.” Mhinduro yakadaro ingapfavisawo ane maonero akasiyana. (Zvir. 15:1; 25:15) Kuvanhu vanojinyurwa zuva nezuva, tsika nenzwi rinoratidza mutsa zvinogona kuva zvinofadza kwazvo zvokuti vangateerera mashoko akanaka atinouya nawo.

Hatifariri kuita nharo nevaya vasingaremekedzi chokwadi. Asi chido chedu ndechokutaurirana tichishandisa Magwaro nevanhu vanotibvumira kudaro. Pasinei nemamiriro ezvinhu atinosangana nawo, tinoramba tichiyeuka kuti tinofanira kupindura nomutsa, uye nokutendiswa kwokuti zvipikirwa zvaMwari zvinokosha zvakavimbika.—1 VaT. 1:5.

Kuzvisarudzira uye Nhau Dzehana

Mudzidzi weBhaibheri kana mumwe watinonamata naye paanobvunza zvaanofanira kuita pamamiriro ezvinhu akati, unofanira kupindura sei? Ungaziva kuti iwe pachako waizoita sei. Asi munhu wose anofanira kuva nomutoro wezvaanozvisarudzira muupenyu. (VaG. 6:5) Muapostora Pauro akatsanangura kuti aikurudzira kuti “kuteerera kusimudzirwe nokutenda” pakati pevanhu vaakaparidzira. (VaR. 16:26) Iwoyo muenzaniso wakanaka wokuti isu titevere. Munhu ane zvaanosarudza zvikurukuru achida kufadza mudzidzisi wake weBhaibheri kana kuti mumwe munhu ari kushumira vanhu, haasi kurarama nokutenda. (VaG. 1:10) Saka mhinduro iri nyore, yakananga ingasava yakanakira ari kubvunza wacho.

Saka ungapindura sei nenzira inopindirana nezvinotaura Bhaibheri? Ungaratidza nhungamiro yakafanira yeBhaibheri nemienzaniso yakanyorwa mariri. Padzimwe nguva, ungamuratidza kuti otsvakurudza mashoko sei kuti azviwanire nhungamiro nemienzaniso iyoyo. Mungatokurukura nhungamiro yacho uye kukosha kwemienzaniso yacho asi musingaratidzi kushanda kwacho panyaya iripo iye zvino. Bvunza munhu wacho kana achiona chimwe chinhu chingamubatsira kusarudza nokuchenjera. Mukurudzire kufunga nzira ingava inofadza Jehovha maererano nenhungamiro uye mienzaniso iyi. Nokuita izvi, uri kumubatsira ku‘rovedza masimba ake okunzwisisa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.’—VaH. 5:14.

Kupindura Pamisangano Yeungano

Misangano yeungano yechiKristu inowanzopa mikana yokuti isu tizivise kutenda kwedu pachena. Imwe nzira yatinoita nayo izvi kupindura mibvunzo. Tinofanira kupindura sei? Nechinangwa chokurumbidza, kana kuti kutaura zvakanaka nezvaJehovha. Ndizvo zvakaita munyori wepisarema Dhavhidhi paaiva “paungano.” (Pis. 26:12) Tinofanirawo kupindura nenzira inokurudzira vatinonamata navo, tichivakurudzira “rudo nemabasa akanaka kwazvo,” sezvakakurudzira muapostora Pauro. (VaH. 10:23-25) Kufanodzidza zvidzidzo zvacho kungatibatsira kuita izvi.

Paunonzi upindure, mashoko ako ngaave akapfava, akajeka, uye mashoma. Usapedze ndima yose; taura pfungwa imwe chete bedzi. Kana ukapa chikamu chemhinduro bedzi izvi zvichaitawo kuti vamwe vazopa mashoko okuwedzera. Zvinobatsira kwazvo kutaura magwaro akaiswa mundima. Paunodaro, vavarira kutaura chikamu chorugwaro chinotsigira pfungwa iri kukurukurwa. Dzidza kupindura nemashoko ako pachako pane kuverenga zvakananga mundima yacho. Usanetseka kana mhinduro yako isina kubuda zvakanyatsorurama. Izvozvo zvinomboitika kumunhu wose anopindura.

Zviri pachena kuti kuziva mapinduriro atinofanira kuita hakudi kuti tingoziva mhinduro yacho chete. Zvinoda kunzwisisa. Asi zvinogutsa sei paunopa mhinduro inobva pamwoyo uye inobaya mwoyo yevamwe!—Zvir. 15:23.

USATI WAPINDURA, FUNGA KUTI

  • Mubvunzo wabvunzirwei

  • Kuti mhinduro yacho izonyatsonzwisiswa, inofanira kuvakirwa pakaita sei

  • Matsanangurire aungaita paumire nenzira inoratidza kuremekedza panyaya idzo mumwe munhu ane hanya nadzo

  • Matauriro aungaita zvinhu nomutsa uye une chokwadi

  • Kuti unofanira kupindura zvakananga kana kuti kupa nhungamiro yeBhaibheri nemienzaniso ichabatsira munhu wacho kuzvisarudzira zvokuita

MAPINDURIRO PAMISANGANO

  • Kana uriwe watanga kupiwa mukana, pindura mubvunzo zviri nyore zvakananga

  • Kuwedzera pakukurukurirana kwacho, (1) ratidza kuti rugwaro ruri mundima runotsigira sei pfungwa iri kukurukurwa, (2) ratidza kuti nyaya yacho inei noupenyu hwedu, (3) tsanangura mashandisirwo angaitwa mashoko acho, kana kuti (4) rondedzera chakaitika chinoratidza pfungwa huru

  • Nyatsoteerera mhinduro dziri kupiwa kuitira kuti wozoziva kuvakira pane zvataurwa

  • Edza kupindura nemashoko ako pachako

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe