Rwiyo 85
Mubayiro Wakakwana Unobva Kuna Jehovha
Rakaprindwa
1. Mwari akatendeka, anoziva
Vose vanomushumira,
Kuti vangagona kurasikirwa
Nokuti vakazvipira.
Kana wakasiya dzimba nemhuri
Jehovha anozviziva.
Zvino otipa hama dzatinoda
Noupenyu munyika ’tsva.
(KORASI)
Jehovha Munyaradzi nga’one;
Ngaakupe mubayiro wako.
Vanda mumapapiro ake.
Akatendeseka; ndewechokwadi.
2. Vamwe vosarudza kusaroora;
Nezvikonzero zvizhinji.
Vanotanga kukoshesa Umambo,
Vopfuma pakunamata.
Pavanosarudza kusaroora,
Vangangosurukirwawo.
Sehama dzavo nehanzvadzi dzavo,
Ngativarumbidze kwazvo.
(KORASI)
Jehovha Munyaradzi nga’one;
Ngaakupe mubayiro wako.
Vanda mumapapiro ake.
Akatendeseka; ndewechokwadi.
(Onawo Vat. 11:38-40; Rute 2:12; Mat. 19:12.)