Zvaungaita Kuti Ubatsirwe Nokupinda Muboka Rako Rokuparidzira
1. Ndezvipi zvimwe zvakanaka zvaiwanikwa paChidzidzo Chebhuku Cheungano zvichiri kuwanikwa zvekare mumapoka edu okuparidzira?
1 Pane zvimwe zvinhu zvaiwanikwa paChidzidzo Chebhuku Cheungano zvauri kusuwa here? Mapoka acho aiva maduku uye wainyatsonzwa wakasununguka. Izvi zvaiita kuti zvive nyore kuva neshamwari dzaisimbisa pakunamata. (Zvir. 18:24) Mutariri wechidzidzo chebhuku aisvika pakuziva mumwe nomumwe wedu uye aigona kupa kurudziro yaienderana nemunhu mumwe nomumwe. (Zvir. 27:23; 1 Pet. 5:2, 3) Zvose izvi nanhasi zvichiri kuwanikwa mumapoka edu okuparidzira.
2. Zvii zvatingaita kuti tive neshamwari dzinokurudzira pakunamata muboka redu rokuparidzira?
2 Tanga Iwe: Kazhinji mapoka okuparidzira maduku kungofanana nezvaiva zvakaita mapoka echidzidzo chebhuku. Kushanda “pamwe chete” nevamwe muushumiri kunoita kuti muve noushamwari hwakasimba. (VaF. 1:27) Wati washanda nevangani vari muboka renyu? Zvingaita here kuti ‘uwedzere’ panyaya iyi. (2 VaK. 6:13) Uyewo, tinogona kupota tichikoka mumwe munhu ari muboka redu kuti abatane nesu paKunamata Kwemhuri kwemanheru kana kuti pakudya. Mune dzimwe ungano, mapoka okuparidzira anoita majana okukoka mukurukuri anoshanya kuzotandara naye. Vhiki inouya mukurukuri anoshanya, boka racho rinoungana richidya pamwe chete uye richikurudzirana kunyange kana mukurukuri anoshanya akakundikana kuuya kuzotandara.
3. Ndeipi mimwe mikana yokufudzwa yatinowana muboka redu rokuparidzira?
3 Kunyange zvazvo ungano yava kuungana kaviri pavhiki, izvi hazvirevi kuti vaparidzi vanofanira kufudzwa kashoma. Vatariri vemapoka vakagadzwa muboka rimwe nerimwe kuti vakurudzire uye vabatsire mumwe nomumwe pakuparidzira. Kana mutariri weboka rako asati aronga kushanda newe muushumiri, wadii kumukumbira? Uyezve, mutariri webasa anoparidzira neboka rimwe nerimwe pakupera kwevhiki kamwe chete pamwedzi. Muungano duku umo mune mapoka okuparidzira mashoma, anogona kuronga kushanyira rimwe nerimwe kaviri pagore. Unoronga here purogiramu yako kuti uende muushumiri paanoshanyira boka renyu?
4. (a) Misangano yokuparidzira inorongwa sei? (b) Sei tichifanira kufunga nezvokupa imba yedu kuti ishandiswe panoitwa misangano yokuparidzira?
4 Kazhinji zvakanaka kuti boka rimwe nerimwe riungane roga pakuparidzira pakupera kwevhiki. Kuva nenzvimbo dzakasiyana-siyana dzokuunganira panguva dzakada kuti fananei kunogona kubatsira vaparidzi pakufamba kuenda kuboka kana kuti kundima. Vaparidzi vanogona kugovewa vobva vatoenda kundima nokukurumidza. Uyewo, zvinobatsira mutariri weboka kuti anyatsopa rubatsiro runodiwa kune mumwe nomumwe ari muboka rake. Asiwo, pane dzimwe nguva mamiriro ezvinhu anogona kuita kuti zvive zvakanaka kuti mapoka maviri kana kupfuura abatane. Kana ungano yose ichiungana Mugovera wokutanga kwemwedzi kana kuti pashure peChidzidzo cheNharireyomurindi, kazhinji zvakanaka kuti boka rimwe nerimwe rigare kwaro roga uye mutariri weboka opiwa maminitsi mashoma okuronga boka rake pasati papiwa munyengetero wokugumisa musangano webasa.—Ona bhokisi rakanzi “Ungada Here Kuti Pamba Pako Paitirwe Misangano Yokuparidzira?”
5. Kunyange zvazvo urongwa hwokuva neChidzidzo Chebhuku Cheungano hwakapera, tinogona kuva nechivimbo chei?
5 Kunyange zvazvo urongwa hwokuva neChidzidzo Chebhuku Cheungano hwakapera, Jehovha achiri kutipa zvose zvinodiwa kuti tiite zvaanoda. (VaH. 13:20, 21) Hapana chatinoshayiwa kana tichitarisirwa naJehovha. (Pis. 23:1) Tine makomborero akawanda atinowana mumapoka edu okuparidzira. Kana tikatanga isu kuita zvimwe zvinhu uye ‘tikadyara zvizhinji’ ‘tichakohwawo zvizhinji.’—2 VaK. 9:6.
[Bhokisi riri papeji 6]
Ungada Here Kuti Pamba Pako Paitirwe Misangano Yokuparidzira?
Dzimwe ungano dzinobatanidza mapoka okuparidzira pakupera kwevhiki nemhaka yokuti panenge pane dzimba shoma dzavanounganira. Misangano yebasa rokuparidza ndechimwe chezvinhu zvokunamata, saka kuva nemisangano yakadai pamba pedu iropafadzo yakakura. Ungada here kuti pamba pako paitirwe misangano iyi? Usanyara uchifunga kuti pamba pako hapana zvinhu zvakawanda. Vakuru vachafunga nezvokune imba yako uye nezvimwe zvinhu zvinoda kufungwa nezvazvo sezvavaiita pakusarudza nzvimbo dzokuitira chidzidzo chebhuku. Kana uchida kuti pamba pako paitirwe misangano iyi, udza mutariri weboka renyu.