RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rs p. 277-p. 281
  • Paradhiso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Paradhiso
  • Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Akavimbisa Mutadzi Kuti Aizorarama Kudenga Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • “Iwe Uchava Neni muParadhiso”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kuzarura Nzira Yokudzokera kuParadhiso
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Tariro Yechokwadi
    Mukai!—2000
Ona Zvimwe
Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
rs p. 277-p. 281

Paradhiso

Tsanangudzo: Mushanduro yeBhaibheri yechiGiriki inonzi Septuagint, vashanduri vakashandisa zvakakodzera shoko rokuti “paradhiso” (pa·raʹdei·sos) vachireva munda weEdheni, nokuti zviri pachena kuti yaiva paki yakakomberedzwa. Pashure pokutaura nezveparadhiso muna Genesisi, ndima dzeBhaibheri dzinozotaura nezveparadhiso dzinenge dzichireva (1) munda wacho weEdheni, kana kuti (2) nyika yose zvayo paichachinjwa kuti iite seEdheni mune ramangwana, kana kuti (3) mamiriro ezvinhu ane chokuita nokunamata evanhu vaMwari vari pasi pano, kana kuti (4) zvinhu zviri kumatenga zvingayeuchidza munhu nezveEdheni.

“Testamende Yekare” ndiyo chete inongotaura nezveparadhiso ichange iri pasi pano mune ramangwana here kana kuti “Testamende Itsva” inozvitaurawo?

Magwaro haatauri kuti tinofanira kupatsanura Bhaibheri muzvikamu zviviri, tokoshesa mashoko acho zvichibva pakuti ari muTestamende “Itsva” here kana kuti “Yekare.” Pana 2 Timoti 3:16 tinoudzwa kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu.” VaRoma 15:4 inenge ichitaura nezveMagwaro akafuridzirwa chiKristu chisati chavapo painoti: “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe.” Saka mhinduro inogutsa yomubvunzo wacho inofanira kubva muBhaibheri rose.

Genesisi 2:8 inoti: “Jehovha Mwari akagadzira munda [“bindu,” Mo; “paradhiso,” Dy; pa·raʹdei·son, LXX] muEdheni, nechokumabvazuva, akaisamo munhu [Adhamu] waakanga aumba.” Makanga makazara zvirimwa zvemhando dzakawanda uye mhuka dzakawanda. Jehovha akakomborera murume nomukadzi vokutanga akati kwavari: “Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire, muve nesimba pahove dzegungwa nepazvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nepazvisikwa zvose zvipenyu zvinofamba panyika.” (Gen. 1:28) Chinangwa chaMwari chepakutanga chokuti pasi rose rive paradhiso inogara vanhu vanoteerera mitemo yake chichazadzika. (Isa. 45:18; 55:10, 11) Ndokusaka Jesu akati: “Vanofara vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.” Ndokusaka akadzidzisawo vadzidzi vake kunyengetera vachiti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mat. 5:5; 6:9, 10) Ichitsigira pfungwa iyoyo, VaEfeso 1:9-11 inotsanangura chinangwa chaMwari ‘chokuunganidzazve zvinhu zvose muna Kristu, zvinhu zviri kumatenga nezvinhu zviri panyika.’ VaHebheru 2:5 inotaura nezve“nyika inogarwa iri kuuya.” Zvakazarurwa 5:10 inotaura nezvevaya “vachatonga semadzimambo pamusoro penyika,” vachagara nhaka pamwe naKristu. Zvakazarurwa 21:1-5 naZva 22:1, 2 dzinorondedzera zvimwe zvakanaka zvichange zviripo ‘munyika itsva’ uye izvi zvinobva zvatiyeuchidza nezveParadhiso yepakutanga yaiva muEdheni nemuti woupenyu waivamo.—Gen. 2:9.

Uyezve, Jesu akataura nezveParadhiso ichange iri pasi pano mune ramangwana (chiGiriki paraʹdei·sos) paaitaura nomumwe aiita zvakaipa akanga akarovererwa padivi pake uye akaratidza kutenda kuti Jesu aizova mambo. “Iye akati kwaari: ‘Chokwadi ndinokuudza nhasi, Uchava neni muParadhiso.’”—Ruka 23:43.

Tingaziva sei zvairehwa naJesu paakataura nezveParadhiso kumunhu aiita zvakaipa, pana Ruka 23:43?

Yaingova chimwe chikamu cheHadhesi kana kuti nzvimbo yokuti ‘mweya yevakanaka’ igare kwenguva pfupi here?

Pfungwa iyi yakambobva kupi? The New International Dictionary of New Testament Theology rinoti: “Kugamuchirwa kwakaitwa dzidziso yechiGiriki yokusafa kwemweya kwakaita kuti paradhiso inzi inzvimbo inogarwa nevakarurama vasati vaenda kunyika yemidzimu.” (Grand Rapids, Mich.; 1976, yakanyorwa naColin Brown, Vol. 2, peji 761) VaJudha vaiziva pfungwa iyi here isiri yomumagwaro Jesu paaiva pasi pano? Dictionary of the Bible raHastings rinoratidza kuti izvi hazvina chokwadi.—(Edinburgh, 1905), Vol. III, mapeji 669, 670.

Chero dai pfungwa iyi yaizivikanwa nevaJudha muzana remakore rokutanga, Jesu aizoitsigira here tichifunga nezvevimbiso yaakanga apa munhu aiita zvakaipa akanga apfidza? Jesu akanga ashora zvakasimba vaFarisi vechiJudha nevanyori avo vaidzidzisa tsika dzaipesana neShoko raMwari.—Mat. 15:3-9; onawo musoro mukuru unoti “Mweya.”

Jesu paakafa akaenda kuHadhesi sezvinoratidzwa pana Mabasa 2:30, 31. (Muapostora Petro, paanotaura mashoko ari muPisarema 16:10, anotaura nezveHadhesi, inoreva zvakafanana nokuti Sheori.) Asi muBhaibheri hapana panotaura kuti Sheori kana kuti Hadhesi kana kuti chimwe chikamu chazvo iparadhiso inoita kuti vanhu vafare. Muparidzi 9:5, 10 inototi vaya vari ikoko “havana kana chavanoziva.”

Paradhiso inotaurwa nezvayo pana Ruka 23:43 inzvimbo iri kudenga here kana kuti chikamu chokudenga?

Bhaibheri haribvumirani nepfungwa yokuti Jesu nomunhu aiita zvakaipa vakaenda kudenga musi waakataurwa naye naJesu. Jesu akanga agara ataura kuti pashure pokuurayiwa aizomutswa pazuva rechitatu. (Ruka 9:22) Mumazuva matatu iwayo akanga asiri kudenga, nokuti achangomutswa akaudza Mariya Magadharini kuti: “Handisati ndakwira kuna Baba.” (Joh. 20:17) Vadzidzi vaJesu vakamuona achikwira kudenga patopera mazuva 40 kubvira paakamutswa.—Mab. 1:3, 6-11.

Munhu aiita zvakaipa uyu haana kumbobvira aita zvaikodzera kuti agozoenda kudenga. Akanga asina ‘kuberekwazve’ kureva kuti kubhabhatidzwa mumvura kana kuti kuzodzwa nomudzimu waMwari. Mudzimu mutsvene wakazodururwa papera mazuva 50 murume wacho aiita zvakaipa atofa. (Joh. 3:3, 5; Mab. 2:1-4) Musi waakafa, Jesu akanga aita sungano nevakanga ‘varamba vainaye mumiedzo yake’ nokuda kwoumambo hwokudenga. Munhu aiita zvakaipa uyu akanga asina kutendeka saka akanga asiri mumwe wavo.—Ruka 22:28-30.

Chii chinoratidza kuti Paradhiso iyi ndeyepasi pano?

Magwaro echiHebheru haana kumbobvira aita kuti vaJudha vakatendeka vatarisire mubayiro wokunorarama kudenga. Magwaro iwayo aivaudza nezvokudzorerwa kweParadhiso pasi pano. Dhanieri 7:13, 14 yakagara yataura kuti kana “ushe nokukudzwa noumambo” zvapiwa Mesiya, ‘vanhu, mapoka emarudzi nemitauro vachamushumira vose.’ Vanenge vachitongwa noUmambo ihwohwo vanenge vari pasi pano. Nezvakataurwa nemuiti wezvakaipa kuna Jesu, zviri pachena kuti aiva netariro yokuti Jesu achamuyeuka kana nguva iyoyo yasvika.

Saka Jesu aizova sei nemuiti wezvakaipa uyu? Nokumumutsa kubva kuvakafa, omupa zvaanoda muupenyu, uye nokumupa mukana wokudzidza uye kuita zvinoenderana nemitemo yaJehovha kuti awane upenyu husingaperi. (Joh. 5:28, 29) Kupfidza uye kuremekedza kwaiita munhu wacho aaita zvakaipa kwakaita kuti Jesu aone zvakakodzera kuti ave mumwe wemabhiriyoni achamutswa orarama pasi pano uye achawana mukana wokuratidza kuti akakodzera kurarama nokusingaperi muParadhiso.

Muiti wezvakaipa achava muParadhiso rini?

Kuti munhu anzwisise Ruka 23:43 anotofanira kucherechedza nyora dzomutauro dzakashandiswa nomushanduri. Mumagwaro okutanga eBhaibheri echiGiriki makanga musina nyora dzomutauro. The Encyclopedia Americana (1956, Vol. XXIII, peji 16) inoti: “Hapana panoratidza kuti paiva nenyora dzemutauro mumagwaro nezvakanyorwa zvechiGiriki zvepakutanga.” Nyora idzi dzakazotanga kushandiswa muzana remakore rechi9 C.E. Ruka 23:43 inofanira kunyorwa seizvi here, “Zvirokwazvo, nhasi uchava neni muParadhiso” (BUS), kana kuti, ‘Chokwadi ndinokuudza nhasi, Uchava neni muParadhiso’? Chinofanira kutibatsira kunzwisisa idzidziso dzaKristu uye zvinotaurwa neBhaibheri rose, kwete kanyora komutauro kakazoiswa mazana emakore Jesu ataura mashoko acho.

The Emphasised Bible rakashandurwa naJ. B. Rotherham rinoenderana nenyora dzemutauro dziri muShanduro yeNyika Itsva. Pamashoko omuzasi ari pana Ruka 23:43, mushanduri weBhaibheri wokuGermany anonzi L. Reinhardt anoti: “Nyora dzemutauro dzava kushandiswa [nevashanduri vakawanda] mundima iyi hadzina kururama uye dzinopesana nemafungiro aKristu uye omuiti wezvakaipa. . . . Zviri pachena kuti [Kristu] akange asingafungi nezveparadhiso seimwe nzvimbo inoenda vanhu vanenge vafa, asi kuti iparadhiso ichadzorerwa pasi pano.”

Jesu ‘achapinda muumambo hwake’ rini ozadzika chinangwa chaBaba vake chokuti pasi rive paradhiso? Bhuku raZvakazarurwa, rakanyorwa papera anenge makore 63 mashoko ari pana Ruka 23:42, 43 anyorwa, rinoratidza kuti zviitiko izvi zvakanga zvichizoitika mune ramangwana. (Onawo mapeji 238-240, pasi pomusoro unoti “Misi,” uyewo musoro mukuru unoti “Mazuva Okupedzisira.”)

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe