Rimwe Jerusarema Rinowirirana Nezita Raro
“Farai mufarisise nokusingaperi pamusoro pezvandinosika; nokuti tarirai, ndinosika Jerusarema rive guta romufaro.”—ISAYA 65:18.
1. Ezra akanzwa sei pamusoro peguta rakasarudzwa naMwari?
SOMUDZIDZI weShoko raMwari anoshingaira, mupristi wechiJudha Ezra aikoshesa kubatana kwakanga kwamboita Jerusarema nokunamata Jehovha kwakachena. (Dheuteronomio 12:5; Ezra 7:27) Kuda kwake guta raMwari kunoziviswa muchikamu cheBhaibheri chaakafuridzirwa kuti anyore—Makoronike Wokutanga noWechipiri naEzra. Mune izvi zvinyorwa zvenhau, zita rokuti Jerusarema rinowanika kanoda kusvika ka25 muzana kekanopfuura ka800 karinooneka muBhaibheri rose.
2. Padzimwe nguva Ezra ainyora sei zita rokuti Jerusarema, uye izvi zvinorevei?
2 MuchiHebheru chomuBhaibheri, “Jerusarema” rinogona kunzwisiswa seriri mumutauro wechiHebheru unonzi unoreva zvinhu zviviri. Mutauro unoreva zvinhu zviviri unowanzoshandiswa nokuda kwezvinhu zvinenge zviri zviviri-zviviri, zvakadai sameso, nzeve, maoko, uye tsoka. Muchimiro ichi chezviviri-zviviri, zita rokuti Jerusarema rinogona kuonwa seraiporofita nezvorugare rwaizowanwa navanhu vaMwari mupfungwa mbiri—mumudzimu nomunyama. Magwaro haazivisi kuti Ezra akanyatsonzwisisa izvi here kana kuti kwete. Kunyange zvakadaro, somupristi Ezra akaita zvaaigona kuti abetsere vaJudha kuti vave norugare naMwari. Uye akashanda zvakaoma chaizvoizvo kuitira kuti Jerusarema riwirirane nezvinoreva zita raro kuti, “Nzvimbo [kana kuti, Hwaro] hwoRugare Rwakapetwa.”—Ezra 7:6.
3. Makore mangani anopfuura tisati taudzwazve nezvemabasa aEzra, uye tinomuwana ari mumamiriroi ezvinhu?
3 Bhaibheri haritauri kuti Ezra akanga ari kupi mumakore 12 apakati pokushanya kwake kuJerusarema nokusvika kwaNehemia muguta racho. Mamiriro ezvinhu omudzimu asina kunaka orudzi rwacho munguva iyoyo anoratidza kuti Ezra akanga asipo. Asi, tinowana Ezra achishandazve somupristi akatendeka muJerusarema rusvingo rweguta racho rwuchangobva kuvakwa.
Zuva Regungano Rakazonaka
4. Chii chaikosha pamusoro pezuva rokutanga romwedzi wechinomwe waIsraeri?
4 Rusvingo rweJerusarema rwakapedzwa munguva chaiyo yomwedzi wemutambo unokosha waTishri, mwedzi wechinomwe pakarenda rechitendero chevaIsraeri. Zuva rokutanga raTishri rakanga riri zuva romutambo unokosha wemwedzi mutsva wainzi Mutambo Wokuridza Hwamanda. Pazuva iroro, vapristi vairidza hwamanda pakanga pachipiswa zvipiriso kuna Jehovha. (Numeri 10:10; 29:1) Zuva iri rakagadzirira vaIsraeri nokuda kweZuva Rokuyananisa regore negore musi wa10 Tishri uye Mutambo Wokuunganidza waifadza kubvira pamusi wa15 kusvika pane wa21 womwedzi mumwe chetewo.
5. (a) Ezra naNehemia vakashandisa sei “zuva rokutanga romwedzi wechinomwe” zvakanaka? (b) Nei vaIsraeri vakachema?
5 Pa“zuva rokutanga romwedzi wechinomwe,” “vanhu vose” vakaungana, zvimwe vachikurudzirwa kuita kudaro naNehemia naEzra. Varume, vakadzi, uye “vose vakanga vachigona kunzwisisa” vaibatanidzwa. Nokudaro, vana vaduku vakanga varipo uye vakateerera Ezra paakanga akamira pachikuva uye achirava Mutemo “kubva mangwanani kusvikira masikati.” (Nehemia 8:1-4) Panguva nenguva, vaRevhi vaibetsera vanhu kuti vanzwisise zvakanga zvichiraviwa. Izvi zvakaita kuti vaIsraeri vacheme sezvavakaona kukundikana kuteerera Mutemo waMwari kwavakanga vaita ivo namadzitateguru avo.—Nehemia 8:5-9.
6, 7. VaKristu vangadzidzei muzvakaitwa naNehemia kuti arambidze vaJudha kuchema?
6 Asi iyi yakanga isiri nguva yokuchema. Wakanga uri mutambo, uye vanhu vakanga vachangopedza basa rokuvakazve rusvingo rweJerusarema. Naizvozvo Nehemia akavabetsera kuva nemafungiro akanaka achiti: “Endai henyu, mudye zvakakora, nokunwa zvinozipa, mugotumirawo migove kuna vasina kugadzirirwa chinhu; nokuti zuva rino idzvene kunaShe wedu; musava neshungu, nokuti mufaro waJehovha isimba renyu.” Vachiteerera, “vanhu vose vakaenda kundodya nokunwa, nokutumira vamwe migove, nokufara kwazvo; nokuti vakanga vanzwisisa mashoko avakaparidzirwa.”—Nehemia 8:10-12.
7 Nhasi vanhu vaMwari vanogona kudzidza zvakawanda munhoroondo iyi. Avo vane ropafadzo yokuva nehurukuro pamisangano napamagungano vanofanira kufunga nezvezvataurwa pamusoro apa. Mukuwedzera pakupa zano rokururamisa iro rakafanira pane dzimwe nguva, nguva dzakadaro dzinosimbisa zvakanakira kudaro nezvikomborero zvinobva mukuita zvinodiwa naMwari. Vanorumbidzwa nokuda kwemabasa akanaka avakaita uye kukurudzirwa kuti vatsungirire. Vanhu vaMwari vanofanira kubva pakuungana kwakadaro vachifara mumwoyo nemhaka yomurayiridzo unovaka wavanenge vagamuchira muShoko raMwari.—VaHebheru 10:24, 25.
Kumwe Kuungana Kunofadza
8, 9. Musangano upi unokosha wakaitika pazuva rechipiri romwedzi wechinomwe, zvichiguma nei nokuda kwavanhu vaMwari?
8 Pazuva rechipiri romwedzi iwoyo unokosha, “vakuru vedzimba dzamadzibaba avanhu vose, navapristi, navaRevhi, vakaunganira kuna Ezra munyori, kuzoteerera mashoko omurayiro.” (Nehemia 8:13) Ezra ainyatsogona kuitisa musangano uyu, sezvaakanga “ashingaira nomwoyo wake wose kutsvaka murayiro waJehovha, nokuuita, nokudzidzisa pakati paIsraeri zvaakatema nezvaakatonga.” (Ezra 7:10) Pasina mubvunzo, musangano uyu wakasimbisa nharaunda idzo vanhu vaMwari vaifanira kuwirirana zvikuru nesungano yoMutemo. Chaifanira kutanga kuitirwa hanya kwaiva kugadzirira zvakafanira kupemberera Mutambo Wamatumba wakanga uri kuuya.
9 Uyu mutambo wevhiki imwe wakaitwa nenzira yakarurama, vanhu vose vachigara mumisasa yakagadzirwa nemapazu nemashizha emiti yakasiyana-siyana. Vanhu vakavaka matumba aya pamatenga avo akati sandara, muvazhe dzavo, muvazhe dzetemberi, uye munzvimbo dzavose dzeJerusarema. (Nehemia 8:15, 16) Uyu wakanga uri mukana wakanaka sei wokuunganidza vanhu ndokuvaravira Mutemo waMwari! (Enzanisa naDheuteronomio 31:10-13.) Izvi zvaiitwa zuva roga roga, “kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rokupedzisira” romutambo, zvichiguma “nomufaro mukuru” pavanhu vaMwari.—Nehemia 8:17, 18.
Hatifaniri Kuregeredza Imba yaMwari
10. Nei kuungana chaiko kwakarongwa musi wechi24 wemwedzi wechinomwe?
10 Pane nguva nenzvimbo zvakafanira zvokururamisa kukanganisa kwakakomba pakati pavanhu vaMwari. Sezviri pachena vachiziva kuti iyi ndiyo yakanga iri nguva yacho, Ezra naNehemia vakaronga zuva rokutsanya musi wechi24 womwedzi waTishri. Mutemo waMwari wakarahwa zvakare, uye vanhu vakareurura zvivi zvavo. VaRevhi vakazohwirudzura kubata kwaMwari navanhu vake vakatsauka nengoni, vakataura zvakanaka vachirumbidza Jehovha, uye vakabvumirana “sungano ine simba” yakasimbiswa nechisimbiso chamachinda avo, vaRevhi, navapristi.—Nehemia 9:1-38.
11. VaJudha vakazvibatanidza mu“sungano yakasimba” ipi?
11 Vanhuwo zvavo vakapika kuti vaizoita “sungano ine simba” yakanga yakanyorwa. Vaizo“famba nomurau waMwari.” Uye vakabvuma kuti vaisazoroodzana na“vanhu venyika.” (Nehemia 10:28-30) Uyezve, vaJudha vakazvitaurira voga kuti vaida kuchengeta Sabata, kupa mupiro wemari wokutsigira kunamata kwechokwadi gore negore, kupa huni dzeartari yezvipiriso, kupa matangwe ezvipfuwo zvavo nokuda kwezvipiriso, uye kuunza zvibereko zvokutanga zveminda yavo kudzimba dzokudyira dzetemberi. Zvakajeka kuti vakanga vakatsunga ‘kusaregeredza imba yaMwari wavo.’—Nehemia 10:32-39.
12. Chii chinobatanidzwa mukusaregeredza imba yaMwari nhasi?
12 Nhasi, vanhu vaJehovha vanofanira kungwarira kuti vasaregeredza ropafadzo yavo yoku‘ita basa rinoyera’ muvazhe dzetemberi huru yaJehovha yomudzimu. (Zvakazarurwa 7:15) Izvi zvinobatanidza minyengetero yemwoyo wose yenguva dzose yokuti kunamata Jehovha kufambire mberi. Kurarama maererano neminyengetero yakadaro kunoda kugadzirira misangano yechiKristu nokupindura, kuitawo rongedzero dzokuparidza mashoko akanaka, uye kubetsera vanofarira kupfurikidza nokudzokera, uye kana zvichibvira, kuvaitisa fundo dzeBhaibheri. Vakawanda vasingadi kuregeredza imba yaMwari vanopa mipiro yemari kubasa rokuparidza nokuchengetedzwa kwenzvimbo dzokunamata kwechokwadi. Tingakwanisawo kutsigira kuvaka nzvimbo dzinodiwa nokukurumidza dzemisangano pamwe chete nokudziita kuti dzirambe dzakachena. Nzira inokosha yokuratidza nayo kuda imba yaMwari yomudzimu ndeyokushandira kuti tive norugare nevatinotenda navo ndokubetsera vapi navapi vangada kubetserwa munyama kana kuti mumudzimu.—Mateo 24:14; 28:19, 20; VaHebheru 13:15, 16.
Kutsaurirwa Kunofadza
13. Ndeipi nhau yokukurumidza yaida kutarisirwa rusvingo rweJerusarema rwusati rwatsaurirwa, uye vakawanda vakagadza muenzaniso upi wakaisvonaka?
13 “Sungano ine simba” yakaitwa muzuva raNehemia yakagadzirira vanhu vaMwari vekare nokuda kwezuva rokutsaurirwa kworusvingo rweJerusarema. Asi imwe nhau yokukurumidzira yakanga ichiri kuda kutarisirwa. Zvino sezvarakanga ravharwa norusvingo rukuru rwune masuo 12, Jerusarema raida vanhu vakawanda. Kunyange zvazvo vamwe vaIsraeri vaigarako, “guta rakanga riri bamhi rakakura; uye vanhu vaivamo vashoma.” (Nehemia 7:4) Kuti vapedze chinetso ichi, vanhu “vakakanda mijenyawo kuti mumwe pagumi rimwe nerimwe agare Jerusarema, iro guta dzvene.” Kugamuchirwa zvakanaka kwakaita gadziriro iyi kwakaita kuti vanhu varumbidze “varume vose vakatenda nomwoyo wavo kugara Jerusarema.” (Nehemia 11:1, 2) Muenzaniso wakanaka sei nokuda kwavanamati vechokwadi nhasi vane mamiriro ezvinhu anovabvumira kutamira kunodiwa vaKristu vakakura mumudzimu vanobetsera!
14. Chii chakaitika musi wokutsaurirwa kworusvingo rweJerusarema?
14 Gadziriro dzinokosha dzakakurumidza kutanga nokuda kwezuva rokutsaurirwa kworusvingo rweJerusarema. Vaimbi vakaungana vachibva kumaguta akapoteredza aJudha. Ava vakaitwa makwaya maviri okuonga, imwe neimwe yakaita mudungwe. (Nehemia 12:27-31, 36, 38) Makwaya acho nemidungwe zvaitangira parusvingo rwaiva nechokuresa netemberi, zvimwe paSuo Romupata, uye vaifamba vakananga kwakasiyana kusvikira vasangana paimba yaMwari. “Vakabayira zvibayiro zvikuru nezuva iro, vakafara; nokuti Mwari wakanga avafadza nomufaro mukuru; navakadziwo navana vakafara; naizvozvo mufaro weJerusarema wakanzwika kure.”—Nehemia 12:43.
15. Nei kutsaurirwa kworusvingo rweJerusarema kwakanga kusiri chikonzero chomufaro wechigarire?
15 Bhaibheri haritauri musi wokupemberera uku kwaifadza. Sezviri pachena, chakanga chiri chinhu chinokosha, kana chakanga chisiri icho chikuru, chokudzorerwa kweJerusarema. Chokwadika, basa rokuvaka rakawanda raifanira kuitwa muguta racho. Pashure penguva yakati, vagari vomuJerusarema vakaneta mumudzimu. Somuenzaniso, Nehemia paakashanyira guta racho kechipiri, akawana kuti imba yaMwari yakanga yava kuregeredzwazve uye kuti vaIsraeri vakanga vava kuroorazve vakadzi vechihedheni. (Nehemia 13:6-11, 15, 23) Aya mamiriro ezvinhu akaipa akafanana anosimbiswa mukunyora kwomuporofita Maraki. (Maraki 1:6-8; 2:11; 3:8) Naizvozvo kutsaurirwa kworusvingo rweJerusarema kwakanga kusiri chikonzero chomufaro wechigarire.
Chikonzero Chomufaro Wechigarire
16. Vanhu vaMwari vari kukarira zviitiko zvipi zvinokosha?
16 Nhasi, vanhu vaJehovha vanoshuva nguva apo Mwari achakunda vavengi vake vose. Izvi zvichatanga nokuparadzwa kwe“Bhabhironi Guru”—guta rokufananidzira rinobatanidzwa nezvitendero zvenhema zvose. (Zvakazarurwa 18:2, 8) Kuparadzwa kwezvitendero zvenhema kucharatidza rutivi rwokutanga rwedambudziko guru riri kuuya. (Mateo 24:21, 22) Mberi kweduwo kune chiitiko chinofadza zvikuru—roorano yokudenga yaIshe Jesu Kristu nomwenga wake wevagari ve“Jerusarema Idzva” 144 000. (Zvakazarurwa 19:7; 21:2) Hatigoni kunyatsotaura kuti roorano iyoyo ichapera rini, asi ichava chiitiko chinofadza zvechokwadi.—Ona Nharireyomurindi yaAugust 15, 1990, mapeji 30-1.
17. Tinozivei pamusoro pokupedzwa kweJerusarema Idzva?
17 Tinoziva kuti kupedzwa kweJerusarema Idzva kwava pedyo zvikuru. (Mateo 24:3, 7-14; Zvakazarurwa 12:12) Kusiyana neguta rapasi reJerusarema, harizombopariri kuora mwoyo. Izvi imhaka yokuti vagari varo vose vateveri vaJesu Kristu vakazodzwa nomudzimu, vakaedzwa, uye vakanatswa. Pavanotendeka kusvikira pakufa, mumwe nomumwe uchava aratidza kuva akavimbika nokusingaperi kuna Changamire Wechisiko Chose, Jehovha Mwari. Izvozvo zvine revo inokosha kuvanhu vose—vapenyu navakafa!
18. Nei tichifanira ku‘fara nokufarisisa nokusingaperi’?
18 Chimbofunga zvichaitika Jerusarema Idzva parinotarira kuvanhu vanotenda chibayiro chorudzikinuro chaJesu. Muapostora Johane akanyora kuti: “Tarirai, tabhernakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:2-4) Uyezve, Mwari achashandisa iyi gadziriro yakafanana neguta kuita kuti vanhu vakwane. (Zvakazarurwa 22:1, 2) Izvi zvikonzero zvakanaka sei zvoku‘fara nokufarisisa nokusingaperi muzviri kusikwa naMwari zvino’!—Isaya 65:18.
19. VaKristu vakaunganidzwa muparadhiso yomudzimu ipi?
19 Zvisinei, vanhu vanopfidza havafaniri kumirira kusvikira ipapo kuti vabetserwe naMwari. Mugore ra1919, Jehovha akatanga kuunganidzira mitezo yokupedzisira ye144 000 muparadhiso yomudzimu, makazara zvibereko zvomudzimu waMwari—zvakadai serudo, mufaro, uye rugare. (VaGaratia 5:22, 23) Chinhu chinokosha cheiyi paradhiso yomudzimu chave chiri kutenda kwavagari vemo vakazodzwa, vakava vanobudirira zvikuru mukufambisira mberi kuparidzwa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari mupasi rose rinogarwa. (Mateo 21:43; 24:14) Somugumisiro, “mamwe makwai” anoda kusvika mamiriyoni matanhatu, ane tariro yapasi, akabvumirwawo kupinda muparadhiso yomudzimu uye kufadzwa nebasa rinobudirira. (Johane 10:16) Vakakwanirisa nokuda kweizvi kupfurikidza nokuzvitsaurira kuna Jehovha Mwari vachivakira kutenda kwavo muchibayiro chorudzikinuro choMwanakomana wake, Jesu Kristu. Kushamwaridzana kwavo nemitezo inokarirwa yeJerusarema Idzva zvechokwadi kwakaratidza kuva chikomborero. Nokudaro, kupfurikidza nokubata kwake navaKristu vakazodzwa, Jehovha akaisa hwaro hwakasimba nokuda kwe“nyika itsva”—nzanga yavanhu vanotya Mwari vachagara nhaka nzvimbo yapasi yoUmambo hwokudenga.—Isaya 65:17; 2 Petro 3:13.
20. Jerusarema Idzva richaramba sei richiwirirana nezvinoreva zita raro?
20 Rugare rwune vanhu vaJehovha nhasi muparadhiso yavo yomudzimu rwuchakurumidza kuwanwa muparadhiso chaiyo yapasi pano. Izvozvo zvichaitika panoburuka Jerusarema Idzva kudenga kuti rizokomborera vanhu. Munzira mbiri, vanhu vaMwari vachafadzwa norugare rwakavimbiswa pana Isaya 65:21-25. Savanamati vaJehovha vakabatana muparadhiso yomudzimu, vakazodzwa vachiri kufanira kutora nzvimbo yavo muJerusarema Idzva rokudenga naavo ve“mamwe makwai” zvino vari kuwana rugare rwunopiwa naMwari. Uye rugare rwakadaro rwuchakura muParadhiso yapasi, apo ‘kuda kwaMwari kuchaitwa mupasi rose, sezvakunoitwa kudenga.’ (Mateo 6:10) Hungu, guta raMwari rokudenga rine mbiri richaratidza kuva rinowirirana nezita rokuti Jerusarema so‘Hwaro Hworugare Rwakapetwa’ hwakasimba. Nokusingagumi, richava sechinhu chakafanira kurumbidzwa kuMusiki waro Mukuru, Jehovha Mwari, uye Chikomba charo chiri Mambo, Jesu Kristu.
Unoyeuka Here?
◻ Nehemia paakaunganidza vanhu muJerusarema chii chakaitwa?
◻ VaJudha vakare vaifanira kuitei kuti vasaregeredza imba yaMwari, uye tinonzi tinofanira kuitei?
◻ “Jerusarema” rinobatanidzwa sei mukuparira mufaro norugare zvisingaperi?
[Mepu iri papeji 23]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
MASUO EJERUSAREMA
Nhamba dzinomirira urefu hwamazuva ano mumamita
SUO REHOVE
SUO REGUTA REKARE
SUO RAEFRAIMI
SUO RAPAKONA
Rusvingo Rwakafara
Nzvimbo Yavose
SUO ROMUPATA
KOTA YECHIPIRI
Rusvingo Rwokutanga Rwokuchamhembe
GUTA RADHAVHIDHI
SUO RAMADURUNHURU AMADOTA
Mupata waHinomi
Imba yaMambo
SUO RAMAKWAI
SUO ROMURINDI
Nharaunda Yetemberi
SUO ROKUNZVERA
SUO REMABHIZA
OFERI
Nzvimbo Yavose
SUO REMVURA
Chisipiti chaGihoni
SUO REMATSIME
Bindu raMambo
En-rogel
Mupata (Wepakati) weTyropoeon
Mupata Worukova rwaKidroni
740
730
730
750
770
770
750
730
710
690
670
620
640
660
680
700
720
740
730
710
690
670
Kukura kungava kwakanga kwakaita rusvingo rweJerusarema panguva yokuparadzwa kweguta racho uye pakatungamirira Nehemia mukuvakazve rusvingo