PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | NEHEMIYA 12-13
Zvidzidzo Zviri Mubhuku raNehemiya
Nehemiya akashingairira kuti kunamata kwechokwadi kurambe kuripo
Mupristi Mukuru Eriyashibhi akabvumira Tobhiya uyo ainge asingatendi uye aipikisa vaIsraeri kuti amukanganise
Eriyashibhi akapa Tobhiya nzvimbo muimba yekudyira yetemberi
Nehemiya akakanda panze midziyo yose yaTobhiya, akachenesa imba yacho, akaita kuti itangezve kushandiswa maererano nezvayakagadzirirwa
Nehemiya akaramba achibvisa zvinhu zvose zvisina kuchena muJerusarema