RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/12 pp. 2-3
  • Batsira Vanhu Kuti Vateerere Mwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Batsira Vanhu Kuti Vateerere Mwari
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Kushandisa Bhurocha raTeerera Mwari
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Mashandisiro Atingaita Bhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Shandisa Mhatsa yamaBhurocha muUshumiri Hwako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mabhurocha—Maturusi Anokosha nokuda Kwoushumiri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
km 7/12 pp. 2-3

Batsira Vanhu Kuti Vateerere Mwari

1. Mabhurocha api akabudiswa paGungano Reruwa raiti “Umambo hwaMwari Ngahuuye!” uye chii chinoita kuti ave nyore kushandisa?

1 PaGungano Reruwa raiti “Umambo hwaMwari Ngahuuye!” pakabudiswa mabhurocha maviri Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi uye rimwe rine mashoko mashoma-shoma rinonzi Teerera Mwari. Mabhurocha aya anogona kushandurwa nokukurumidza uye zviri nyore nemhaka yokuti ane mashoko mashoma. Bhurocha raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi parakabudiswa rakanga ratoshandurwa mumitauro 431.

2. Ndivanaani vachabatsirwa nemabhurocha aya?

2 Ndivanaani vachabatsirwa nemabhurocha aya? Funga nezvezvinhu izvi zvinowanzoitika pakuparidza:

• Muparidzi ari kutaura nasaimba zvimwe musi wokutanga kana kuti kwava kudzokerera, asi anoona kuti saimba haanyatsogoni kuverenga.

• Muparidzi anoparidzira vanhu vanotaura mutauro uyo tine mabhuku mashoma atakashandura kana kuti asina kumbobvira ashandurwa. Kana kuti vakawanda mundima yacho havagoni kuverenga mutauro wavanotaura.

• Muparidzi anoshandisa mutauro wemasaini kuparidzira matsi mundima yake.

• Mubereki anoda kudzidzisa mwana wake muduku chokwadi asi mwana wacho haasati ava kugona kuverenga.

3. Zvii zviri mubhurocha raTeerera Mwari?

3 Zvii Zviri Mumabhurocha Aya?: Bhurocha raTeerera Mwari rine mashoko mashoma chaizvo. Panongova nomutsara mumwe chete uye rugwaro nechepazasi pepeji imwe neimwe panoratidza pfungwa huru. Nemhaka yei? Imbofungidzira uri iwe wapiwa bhurocha rakanyorwa nemutauro wausingagoni kuverenga, zvimwe mabhii acho akasiyana neaunoziva. Waizonakidzwa here nokuriverenga kunyange riine mifananidzo yakanaka? Kazhinji kacho haunakidzwi. Ndizvowo zvinoitika kune vasingagoni kunyatsoverenga. Saka papeji imwe neimwe pane mifananidzo uye minongedzo kubva pane mumwe mupikicha kuenda pane mumwe kuti uzive kuri kubva nyaya nokwairi kuenda.

4. Zvii zviri mubhurocha raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi?

4 Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi rine mifananidzo yakangofanana neiri muna Teerera Mwari. Rinoshandiswa pakudzidza nevasingagoni kuverenga kana kuti vari kudzidzira kuverenga. Bhurocha iri rinogona kushandiswa nemuparidzi anenge achidzidzisa munhu bhurocha raTeerera Mwari. Pachidzidzo chimwe nechimwe pane mubvunzo uri kumusoro nechekuruboshwe unopindurwa pamapeji maviri. Pamifananidzo yacho panewo mamwe mashoko nemagwaro. Uye mamwe mapeji ane bhokisi riri nechepazasi rine mamwe mashoko uye Magwaro anogona kukurukurwa zvichibvawo pakuti mano omudzidzi akamira sei.

5. Ndirini patingagovera mabhurocha aya uye tinoagovera sei?

5 Tingaashandisa Sei?: Unogona kugovera rimwe remabhurocha aya paunenge uchiparidza paimba nemba pose paunoona kuti zvakakodzera kurigovera, kunyange mwedzi iwoyo usiri kugoverwa mabhurocha. (Ona bhokisi rakanzi “Angagoverwa Sei?”) Unogona kurigovera paunodzokera kunoona munhu akaratidza kufarira nokungomuudza kuti une chimwe chinhu chaunoda kumupa.

6. Tichaitisa chidzidzo cheBhaibheri sei tichishandisa mabhurocha aya?

6 Sezvo bhurocha raTeerera Mwari risina kunyorwa mibvunzo, kukurukurirana kwacho kunenge kusiri kwemibvunzo nemhinduro sezvinoitwa pakudzidza bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Patsika dzose vanhu vanofarira kuudzwa nyaya. Saka taura mifananidzo irimo uchitsanangura nyaya dziri muBhaibheri. Tsanangura zviri pamifananidzo. Ratidzawo kuti uri kunakidzwa nechidzidzo chacho. Kumbira mudzidzi kuti ataure zvaari kuona uye zvaanofunga. Verenga magwaro ari nechepazasi pepeji yacho, uye edza kunzwa pfungwa dzake pane zviri kutaurwa nemagwaro acho. Bvunza mibvunzo kuti awanewo chokutaura pachidzidzo chacho uye kuti uve nechokwadi chokuti ari kunzwisisa. Kana ari kushandisa bhurocha raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi, verengai mose mashoko uye magwaro zviripo pamunenge muchikurukura mufananidzo mumwe nomumwe.

7. Tingabatsira sei munhu watinenge tichidzidza naye Bhaibheri kuti afambire mberi?

7 Batsira Mudzidzi Kuti Afambire Mberi: Tinovimba kuti kukurukura kwamuchaita nomudzidzi kuchabatsira kuti ave nechido chokuti adzidze kuverenga kuitira kuti azodzidza oga chokwadi pamusoro paJehovha. (Mat. 5:3; Joh. 17:3) Saka kana manga muchikurukura muchishandisa bhurocha raTeerera Mwari, nokufamba kwenguva munogona kuudza mudzidzi kuti munogona kumubatsira kudzidza kuverenga mobva matanga kushandisa bhurocha raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi. Pasinei nokuti uri kushandisa bhurocha ripi, hazviiti kuti mudzidzi abhabhatidzwe pashure pokupedza kudzidza bhurocha racho. Munofanira kuzotanga kudzidza muchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? kana kuti rimwe bhuku rakakodzera richamubatsira kuti ave nezivo yakadzama yeBhaibheri.

8. Chii chinoita kuti ufarire mabhurocha matsva aya paunenge uchiita ushumiri?

8 Vanhu vanofanira kuteerera Changamire wezvinhu zvose zvakasikwa kana vachida kurarama nokusingaperi. (Isa. 55:3) Uye chido chaJehovha ndechokuti “vanhu vemarudzi ose,” kusanganisira vasingagoni kuverenga vamuteererewo. (1 Tim. 2:3, 4) Tinotenda chaizvo kuti mabhurocha matsva aya achatibatsira kuti tidzidzise vanhu kuteerera Mwari!

[Bhokisi riri papeji 3]

Angagoverwa Sei?

Ratidza saimba mapeji 2-3, wobva wati: “Mungada here kurarama munyika yakaita seiyi? [Rega apindure.] Magwaro anoratidza kuti munguva pfupi iri kuuya Mwari achaita kuti pasi rose uve musha wakanaka, usina matambudziko uye pasina anorwara kana kuti murombo. Cherechedzai muone zvatinofanira kuita kuti tizogara munyika yacho. [Verenga Isaya 55:3, yakanyorwa nechokumusoro papeji  3.] Rugwaro rwacho runotiudza kuti ‘tiende’ kuna Mwari ‘tomuteerera.’ Asi Mwari tingamuteerera sei?” Endai pamapeji 4-5, mobva makurukura naye mhinduro dziripo. Kana akabatikana, musiyire bhurocha moronga kuzodzoka uye kuzokurukura mhinduro yacho.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe