RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 41 p. 226-p. 228 ndim. 6
  • Zvinonzwisiswa Nevamwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinonzwisiswa Nevamwe
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Mashoko Anorayiridza, Apiwa Zvakajeka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kutaura Zvinonzwisiswa Nevanhu
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Inodzidzisa Vateereri Vako
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akodzereswa Ushumiri Hwomumunda
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 41 p. 226-p. 228 ndim. 6

CHIDZIDZO 41

Zvinonzwisiswa Nevamwe

Unofanira kuitei?

Taura nenzira iri nyore zvokuti vamwe vanogona kunzwisisa zvauri kureva.

Nei zvichikosha?

Kana mashoko ako ari nyore kunzwisisa, vateereri vachabatsirwa nawo zvikuru.

PAUNOTAURA, usangopa mashoko chete. Edza kuita kuti zvaunotaura zvinzwisiswe nevari kuteerera. Izvi zvinogona kukubatsira kukurukura zvinobudirira, ungave uchitaura neungano kana kuti vanhu vasiri Zvapupu.

Kutaura kunonzwisiswa kunosanganisira zvinhu zvakawanda. Zvimwe zvacho zvinokurukurwa muChidzidzo 26, “Kukurukurwa Kwepfungwa Zvinotevedzana.” Zvimwe zvinotaurwa muChidzidzo 30, “Kufarira Munhu Wacho.” Muchidzidzo chino, tichakurukura dzimwe pfungwa shomanana dzokuwedzera.

Mashoko Ari Nyore, Kukurukura Kwakajeka. Mashoko ari nyore nezvirevo zvipfupi zvinhu zvine simba pakukurukurirana. Mharidzo Yepagomo yaJesu muenzaniso wakanaka kwazvo wehurukuro inogona kunzwisiswa nevanhu pasinei nokuti ndivanaani kana kuti vanogara kupi. Zvavari kunzwa zvingava zvitsva kwavari. Asi vanogona kunzwisisa zvakataurwa naJesu nokuti akataura nezvezvinhu izvo tose tine hanya nazvo: nzira yokuwana nayo mufaro, kuwedzera kwatingaita kuva noukama hwakanaka nevamwe, kukurira kunetseka mupfungwa, uye mawanirwo angaitwa zvinoreva upenyu. Uye akataura pfungwa dzake nomutauro uri nyore. (Mat. zvitsa. 5-7) Ichokwadi kuti Bhaibheri rinopa mienzaniso yakawanda yokusiyana-siyana muurefu uye maumbirwo ezvirevo. Chinangwa chako chikuru chinofanira kuva kutaura pfungwa zvakajeka, zvinonzwisisika.

Kunyange paunokurukura mashoko akadzama, kukurukura kwakajeka kunogona kuita kuti zvive nyore kunzwisisa. Ungakurukura sei zvakajeka? Usaorore vateereri vako nemashoko asina basa. Ronga mashoko ako zvokuti anotsigira pfungwa dzako huru. Nyatsosarudza magwaro aunoda kuzosimbisa. Pane kumhanya uchibva pane rugwaro rumwe uchienda kunorumwe, verenga woakurukura. Rega kuvanza pfungwa yakanaka nokuwanza mashoko.

Paunoitisa chidzidzo cheBhaibheri chepaimba shandisa izvozvo. Usaedze kutsanangura zvinhu zvose. Batsira mudzidzi kunzwisisa pfungwa huru. Achazadzisa pakudzidza zvimwe zvinhu ari oga uye kumisangano yeungano.

Kuti ukurukure mashoko zviri nyore, unofanira kugadzirira zvakanaka. Unofanira kunzwisisa zvakajeka hurukuro yako kana uchizoita kuti inzwisiswe nevamwe. Kana uchinyatsonzwisisa zvimwe zvinhu, uchakwanisa kupa zvikonzero nei zvakadaro. Unogonawo kuzvitaura nemashoko ako pachako.

Tsanangura Mashoko Asina Kujairwa. Pane imwe nguva kuti zvinhu zvinzwisiswe zvinoda kuti utsanangure zvinoreva mashoko asina kujairwa nevateereri vako. Rega kufunga kuti vateereri vako vose vanoziva kwazvo, asi usavaonewo sevanhu vasina pfungwa. Pamusana pokudzidza kwako Bhaibheri, ungashandisa mashoko asingazivikanwi nevamwe vanhu. Kana pasina kutsanangura, vaya vasingasonganiri neZvapupu zvaJehovha havanganzwisisi kuti ‘vasara,’ “muranda akatendeka, akangwara,” “mamwe makwai,” uye “boka guru revanhu” zvinoreva mapoka chaiwo evanhu akasiyana. (VaR. 11:5; Mat. 24:45; Joh. 10:16; Zvak. 7:9) Izvi zvakafananawo nokuti kana munhu asina kujairana nesangano raJehovha pamwe haangazivi zvinoreva mashoko akadai sokuti “muparidzi,” “piyona,” “mutariri wedunhu,” uye “Chirangaridzo.”

Mamwe mashoko omuBhaibheri anoshandiswa chero pose pose kunyange nevanhu vasiri Zvapupu angada kutsanangurwa. Kuvanhu vazhinji, “Amagedhoni” zvinoreva hondo yenyukiriya. Vangafunga “Umambo hwaMwari” sechinhu chiri mumwoyo womunhu kana kuti kudenga kwete hurumende. Kutaura nezvo“mweya” kungavafungisa nezvounonzi mudzimu nevanhu wavanoti haufi panofa muviri. Maererano nezvakadzidziswa mamiriyoni evanhu, “mudzimu mutsvene” munhu, mumwe weVanamwari Vatatu. Pamusana pokuti vanhu vazhinji vakasiya bumbiro retsika dzomuBhaibheri, vangatoda kubatsirwa kunzwisisa zvinoreva Bhaibheri parinoti: “Tizai ufeve.”—1 VaK. 6:18.

Kunze kwokuti vanhu vagara vachiverenga Bhaibheri, vangasanzwisisa kana ukangoti, “Pauro akanyora kuti . . . ” kana kuti “Ruka akati . . . ” Vangave neshamwari kana kuti vavakidzani vane mazita iwayo. Ungafanira kuwedzera shoko rinotsanangura kuti uratidze munhu wacho somuapostora wechiKristu kana kuti munyori weBhaibheri.

Vateereri vemazuva ano vanowanzoda kubatsirwa kuti vanzwisise magwaro anotaura nezvetsika dzekare uye kupima kwavaiita zvinhu. Somuenzaniso, mashoko okuti areka yaNoa yakanga yakareba makubhiti 300, yakafara makubhiti 50 uye yakareba makubhiti 30 angasareva chinhu kwavari. (Gen. 6:15) Asi dai waizotsanangura kupima ikoko nokupima kunozivikanwa nevateereri vako, ivo vachakurumidza kuona kukura kweareka.

Ipa Tsananguro Inodiwa. Kuti nyaya ijekere vateereri vako, zvakawanda zvingadiwa kupfuura kutsanangurwa kweshoko rakati chete. MuJerusarema mumazuva aEzra, kuverengwa kwoMutemo kwaiteverwa nokutsanangura. Kuti vabatsire vanhu kunzwisisa zvawaireva, vaRevhi vaidudzira uye kuratidza kushanda kwoMutemo maererano nezvainge zvakatarisana nevanhu panguva iyoyo. (Neh. 8:8, 12) Saizvozvowo, wana nguva yokutsanangura uye kuratidza kushanda kunoita magwaro aunoverenga.

Afa uye amutswa, Jesu akatsanangurira vadzidzi vake kuti zvakanga zvichangobva kuitika zvaizadzisa Magwaro. Akasimbisawo mutoro wavo sezvapupu zvezvinhu izvozvo. (Ruka 24:44-48) Paunobatsira vanhu kuona kuti zvavadzidziswa zvinofanira kuchinja sei upenyu hwavo, vachakurumidza kunzwisisa zvazvinoreva chaizvoizvo.

Kubatanidzwa Kunoita Mwoyo. Ichokwadi kuti kunyange kana kutsanangura kwako kwakajeka, pane zvimwewo zvingaita kuti munhu wacho anzwisise kana kuti arege kunzwisisa. Kana mwoyo womunhu usingagamuchiri, izvozvo imhinganidzo huru pakunzwisisa kwake zvinotaurwa. (Mat. 13:13-15) Kune vaya vakatsunga kuona zvinhu semaonero anoita munhu, zvinhu zvine chokuita nokunamata upenzi. (1 VaK. 2:14) Kana munhu achiratidza maonero akadaro, kungava kuchenjera kumbogumisa kurukurirano yacho—kwenguva iyoyo.

Asi, mune zvimwe zviitiko mwoyo haugamuchiri nokuti wakaomeswa nokuoma kwoupenyu. Wapiwa mukana wokunzwa chokwadi cheBhaibheri kwenguva yakati rebei, mwoyo womunhu akadaro ungagamuchira. Jesu paakaudza vaapostora vake kuti akanga achizozvamburwa ozourayiwa, havana kunzwisisa. Pamusana pei? Vakanga vasingatarisiri izvozvo uye zvechokwadi vaisazvida! (Ruka 18:31-34) Zvisinei, nokufamba kwenguva, gumi nomumwe wevaapostora ivavo vakanzwisisa, uye vakaratidza izvozvo nokuita maererano nezvavakanga vadzidziswa naJesu.

Zvinoitwa Nomuenzaniso Wakanaka. Vanhu vanobatsirwa kunzwisisa nezviito zvedu, kwete bedzi nemashoko edu. Nezvokushanya kwavo kokutanga kuImba yoUmambo, vanhu vazhinji vanoti vanoyeuka rudo rwaivapo, kwete zvakataurwa. Saizvozvowo, mufaro watinoratidza wakabatsira vanasaimba vakawanda kuti pfungwa dzavo dzigamuchire chokwadi cheBhaibheri. Kuona kuitirana mutsa kunoita vanhu vaJehovha uye kubatsira vamwe pakutarisana nenhamo kwakaita kuti vamwe vagume vati Zvapupu zvine chitendero chechokwadi. Saka zvaunoedza kubatsira vanhu kunzwisisa chokwadi cheBhaibheri, funga nezvematsananguriro aunochiita uye zviito zvako.

MAITIRWO AZVO

  • Taura zviri nyore, sarudza zvirevo zvipfupi papfungwa huru.

  • Simbisa pfungwa huru shomanana chete.

  • Tsanangura mashoko asingazivikanwi nevateereri vako.

  • Wana nguva yokutsanangura uye kuratidza kushanda kunoita magwaro.

  • Funga nezvokuti zviito zvako iwewe zvingachinja sei vauri kutaurira.

BASA ROKUITA: Edza kuudza hama yako, muvakidzani, waunoshanda naye, shamwari yokuchikoro, vasiri Zvapupu chimwe chinhu chakakunakidza vhiki ino kumisangano yeungano. Iva nechokwadi chokuti unotsanangura mashoko ayo munhu wacho angasanzwisisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe