CHIDZIDZO 50
Kushingairira Kusvika Pamwoyo
KUNZE kwokungopupurira vanhu, unofanira kuedza kushingairira kusvika pamwoyo yavo. MuBhaibheri, mwoyo unowanzosiyaniswa nokuratidzika kwakada kuita munhu nechokunze asi zvisiri izvo. Mwoyo wokufananidzira unomiririra zvakaita munhu mukati—manzwiro aanoita, zvose zvaanofunga, nei achifunga nezvazvo, uye kuti pfungwa idzodzo dzinochinja sei maitiro ake. Mbeu yechokwadi inodyarwa mumwoyo wokufananidzira iwoyu. (Mat. 13:19) Uye kuteerera Mwari kunofanira kutangira mumwoyo.—Zvir. 3:1; VaR. 6:17.
Kuti kudzidzisa kwako kusvike pamwoyo, iva nezvinangwa izvi: (1) Nzwisisa zvakatochinja mwoyo womuteereri wako. (2) Simbisa zvinhu zvinobatsira zvakadai sorudo, nokutya Mwari. (3) Kurudzira muteereri wako kuongorora zviri mumwoyo wake kuti afadze Jehovha zvizere.
Kushandisa Kunzwisisa. Vanhu havasati vagamuchira chokwadi pamusana pezvikonzero zvakasiyana-siyana. Pakuitisa chidzidzo cheBhaibheri chepamusha, ungada kubvisa kufungira, wopa chokwadi chinobvisa pfungwa dzakaipa dzine mudzidzi, kana kuti ungangofanira kupa uchapupu. Zvibvunze kuti: ‘Munhu uyu anoziva here kuti somunhu anofanira kunamata? Anototenda zvakawanda sei? Chii chaasingatendi? Nei akasvika paava? Anoda kubatsirwa here kuti arege zvinhu zvaanoda zvingamutadzisa kubvuma mitoro inouya nokuti ave kuziva chokwadi?’
Hazvisi nyore nguva dzose kuziva kuti nei vanhu vachitenda zvavanotenda. “Mano mumwoyo womunhu angaita semvura yakadzika,” inodaro Zvirevo 20:5, “asi munhu [“anonzwisisa,” NW] uchaichera.” Kunzwisisa injere dzokubata zvinhu zvisingakurumidzi kuoneka pachena. Izvi zvinoda kunyatsoongorora uye kuva ane hanya.
Hakusi kukurukurirana kwose kunoitwa nemashoko. Imwe nyaya ingachinjisa chiso chomudzidzi kana kuti mabudiro enzwi rake. Kana uri mubereki, hapana mubvunzo kuti unoziva kuti kuchinja kwemaitiro omwana wako kungaratidza kuti pane zvinhu zvitsva zviri kuitika muupenyu hwake. Rega kungosiya zvinhu izvi. Zvinokuonesa zviri pamwoyo wake.
Mibvunzo yakanyatsosarudzwa inogona kukubatsira kubudisa zviri mumwoyo momumwe munhu. Ungabvunza kuti: “Unonzwa sei nezve- . . . ?” “Nei uine chokwadi chokuti . . . ?” “Waizoita sei dai . . . ?” Asi chenjerera kunaya vanhu nemibvunzo. Nokuchenjera ungatanga mibvunzo yako nokuti, “Zvingava nebasa here ndikabvunza kuti . . . ?” Kuwana zviri pamwoyo womunhu ibasa rakaoma risingafaniri kuitwa uchimhanya-mhanya. Muzviitiko zvizhinji, zvinotora nguva yakati rebei kuti munhu asvike pakuvimba nomumwe kuti agoda kubudisa zviri mumwoyo make. Kunyange wadaro, unofanira kuchenjerera kuti munhu haazonzwi sokuti uri kubvunza zvinhu zvisinei newe.—1 Pet. 4:15.
Nzira yaunoita nayo pane zvaunonzwa inodawo kuva anonzwisisa. Yeuka kuti chinangwa chako ndechokunzwisisa vanhu kuti uone mashoko ari muBhaibheri angangovakurudzira. Kurumidza kuzvibata ukanzwa wava kuda kuvaudza kuti maonero avo zvinhu haana kururama. Asi edza kunzwisisa zvausina kuudzwa, pane zvawaudzwa. Zvadaro uchaziva mapinduriro; uye pamwe mudzidzi wako achafungisisa pane zvaunotaura, nokuti anenge aona kuti unomunzwisisa.—Zvir. 16:23.
Zvinogona kuita kuti ukurudzire munhu mumwe nomumwe kunyange paunenge uchitaura neboka guru. Kana uchionana nevateereri vako zvakanaka, uchichenjerera kuona zvavanoita zviso zvavo, uye uchibvunza mibvunzo inoda kuti vafunge asi isingadi mhinduro, pane mukana mukuru wokuti uchaona kuti vateereri vako vanonzwa sei pane zvauri kutaura. Kana uchinyatsoziva vateereri vako, ratidza kuti unonzwisisa zvavari. Funga nezvemaonero eungano yose zvayo sezvaunokurukura navo Shoko raMwari.—VaG. 6:18.
Kuita Kuti Vanzwe Kuti Vari Kubatsirwa. Wanzwisisa zvinotendwa nomunhu, zvaasingatendi, uye nei, uchakwanisa kutangira ipapo. Amuka, Jesu akasvika pamwoyo yevadzidzi vake nokuva“zarurira kwazvo Magwaro” maererano nezvakanga zvichangoitika. (Ruka 24:32) Newewo unofanira kuedza kubatanidza zvakaitika kumunhu iyeye, zvaanoda, nezvaari kuona muShoko raMwari. Mwoyo womudzidzi uchakurudzirwa zvinomubatsira paanojekerwa kuti: “Ichi ndicho CHOKWADI!”
Paunotaura zvakasimba nezvorunako rwaJehovha, rudo rwake, mutsa wake usina kufanirwa, uye kururama kwenzira dzake, uri kubatsira vaya vaunodzidzisa kuti vatange kuda Mwari. Paunoshandisa nguva kuratidza vateereri vako zvinhu zvakanaka izvo Mwari anoona mavari somunhu mumwe nomumwe, unovapa chikonzero chokutenda kuti vanogona kuva noukama naye vari voga. Izvi zvinogona kuitwa nokukurukura magwaro akadai saPisarema 139:1-3, Ruka 21:1-4, uye Johani 6:44 uye nokubatsira vateereri vako kunzwisisa kudzama kwokuda kunoita Jehovha vashumiri vake vakatendeka. (VaR. 8:38, 39) Tsanangura kuti Jehovha haangotariri zvatinokanganisa, asi anoona mararamiro edu ose, kushingairira kwedu kunamata kwakachena, uye kuda kwatinoita zita rake. (2 Mak. 19:2, 3; VaH. 6:10) Anoziva kunyange chinhu chiduku-duku nezvokusikwa kwedu, uye achamutsa “vose vari mumakuva ekurangaridza” nenzira inoshamisa. (Joh. 5:28, 29; Ruka 12:6, 7) Sezvo vanhu vakasikwa vakafanana naMwari, kutaura nezvounhu hwake kunowanzoita kuti munhu afarire.—Gen. 1:27.
Zvinogonawo kusvika pamwoyo munhu paanodzidza kuona vamwe vanhu sezvinoita Jehovha. Zviri pachena kuti kana Mwari wedu ane hanya nesu pachedu, ane hanyawo nevamwe, pasinei nokuti vakakurira kupi, ndevorudzi rupi kana kuti dzinza ripi. (Mab. 10:34, 35) Kana munhu angosvika pakunzwisisa izvozvo, pachava nechikonzero chakasimba chinobva muMagwaro chokubvisa mumwoyo make ruvengo nokufungira vamwe zvisiri izvo. Izvi zvichamuita kuti akwanise kugarisana nevamwe sezvaanodzidza kuita zvinodiwa naMwari.
Unofanirawo kubatsira vamwe kudzidza kutya Mwari. (Pis. 111:10; Zvak. 14:6, 7) Kuremekedza, kana kuti kutya Mwari kwakadaro, kunogona kukurudzira munhu kuita zvisingakwanisiki nesimba rake oga. Unogona kubatsira vamwe kuti vave nokutya kwakanaka, kwokusafadza Jehovha, nokukurukura mabasa ake anotyisa uye mutsa wake usingaenzaniswi.—Pis. 66:5; Jer. 32:40.
Iva nechokwadi kuti vateereri vako vanonzwisisa kuti mufambiro wavo unokosha kuna Jehovha. Ane mwoyo unonzwa, uye nokuteerera kwedu kutungamirira kwake, tinomuita kuti asuwe kana kuti afare. (Pis. 78:40-42) Ratidza vanhu kuti nei zvavanoita zvichiita kuti Mwari agone kupindura nhema dzakataurwa naSatani.—Zvir. 27:11.
Batsira vateereri vako kuona kuti kuita zvinodiwa naMwari kunovabatsira. (Isa. 48:17) Imwe nzira yokuita izvi ndeyokuvaratidza marwadzo anoguma avapo mumuviri kana kuti mupfungwa, pamusana pokuramba uchenjeri hwaMwari kunyange kwenguva duku. Tsanangura kuti chivi chinotibvisa sei pana Mwari, chinoita kuti vamwe varasikirwe nomukana wokudzidza chokwadi kubva kwatiri, pamwe chingatokanganisa kodzero dzavo. (1 VaT. 4:6) Batsira vateereri vako kukoshesa zvikomborero zvavanotova nazvo pamusana pokuti vakachengeta mitemo yaMwari. Simbisa kuonga kwavanoita nokuti kufamba munzira dzakarurama dzaJehovha kunotiponesa pamatambudziko akawanda. Kana munhu angova nokutenda muuchenjeri hwenzira dzaMwari, achasemeswa nezvinhu zvose zvinopesana nadzo. (Pis. 119:104) Haazooni kuteerera sechinhu chinorema, asi senzira yokuratidza nayo kuzvipira kworudo kuna Jehovha somunhu.
Kubatsira Vamwe Kuzviongorora. Kuti vanhu varambe vachikura pakunamata Mwari, vanofanira kuva nehanya nezviri mumwoyo yavo. Tsanangura kuti Bhaibheri rinogona sei kuvabatsira kuita izvi.
Batsira vateereri vako kuziva kuti hatingowani chete mitemo, zano, nhau dzakaitika kare uye uprofita muBhaibheri. Asi rinotizivisawo kufunga kwaMwari. Pana Jakobho 1:22-25 Shoko raMwari rinofananidzwa negirazi. Shoko reBhaibheri rinoratidza zviri mumwoyo medu nezvatinoita pane zvarinotaura uye panzira iyo Jehovha anoita nayo zvinangwa zvake. Rinotiudza maonerwo atinoitwa naMwari, uyo “unoidza mwoyo.” (Zvir. 17:3) Kurudzira vateereri vako kuramba vachifunga izvi. Vakurudzire kufungisisa pane zvatakachengeterwa naMwari muzvakanyorwa muBhaibheri uye kuchinja kwavanofanira kuita muupenyu hwavo kuti vawedzere kufadza Jehovha. Vabatsire kuona kuverenga Bhaibheri senzira yokuyerwa nayo naJehovha zvatiri “kufunga nevavariro dzomwoyo” kuitira kuti vashandire pamwe naMwari mukuchinja sezvinenge zvichidiwa.—VaH. 4:12; VaR. 15:4.
Vamwe vadzidzi veBhaibheri vangada kushandira pane zvavari kudzidza; asi vangashushikana nezvichazofungwa nevamwe. Vangave vachinetseka nezvido zvakati zvenyama zvakasimba. Kana kuti vangave vachiverengera kuwana nzira yokushumira nayo Mwari asi vachakaomerera kuzviito zvenyika. Varatidze ngozi dzokuva nemwoyo miviri kwakadaro. (1 Madz. 18:21) Vakurudzire kunyengetera kuna Mwari kuti aongorore uye anatse mwoyo yavo.—Pis. 26:2; 139:23, 24.
Varatidze kuti Jehovha anonzwisisa kutamburira kwavari kuita uye kuti Bhaibheri rinotsanangura zviri kuitika. (VaR. 7:22, 23) Vabatsire kuti vachenjerere kuti havabvumiri zvinodiwa nomwoyo usina kukwana kuvadzora.—Zvir. 3:5, 6; 28:26; Jer. 17:9, 10.
Kurudzira mumwe nomumwe kuongorora chinomuita kuti aite zvinhu zvaanoita. Mudzidzise kuzvibvunza kuti: ‘Nei ndichida kuita izvi? Zvicharatidza Jehovha kuti ndinoonga zvechokwadi zvose zvaakandiitira here?’ Shandira kusimbisa kutenda kwokuti kuva noukama hwakanaka naJehovha ndiyo pfuma inokosha zvikuru iyo munhu angava nayo.
Batsira vateereri vako kunzwisisa kukosha kwokushumira Jehovha ‘nomwoyo wavo wose.’ (Ruka 10:27) Izvi zvinoreva kuti manzwiro avo ose, zvido, uye zvinangwa zvinofanira kuitwa kuti zvipindirane nenzira dzaJehovha. Saka dzidzisa vateereri vako kuti varege kungoongorora zvavanoita chete asiwo kuti vanonzwa sei nezvezvinodiwa naMwari uye chiri chinangwa chavo pakumushumira. (Pis. 37:4) Vadzidzi vako zvavanosvika pakunzwisisa zvinhu zvavanofanira kuchinja, vakurudzire kunyengetera kuna Jehovha kuti: “Batanidzai mwoyo wangu kuti nditye zita renyu.”—Pis. 86:11.
Mudzidzi paanova noukama naJehovha, achateerera Mwari pamusana pokutenda, kwete nokungoti unomukurudzira kudaro. Iye pachake ‘acharamba achiva nechokwadi chezvakanaka kuna Ishe.’ (VaEf. 5:10; VaF. 2:12) Kuteerera kwakadaro kunobva pamwoyo kunofadza Jehovha.—Zvir. 23:15.
Ziva kuti Jehovha ndiye anoongorora mwoyo uye anoita kuti vanhu vave noukama naye. (Zvir. 21:2; Joh. 6:44) Basa redu nderiya rokushandira pamwe. (1 VaK. 3:9) Zvinoita so“kuti Mwari akanga achiteterera nokwatiri.” (2 VaK. 5:20; Mab. 16:14) Jehovha haamanikidzi munhu kuti agamuchire chokwadi, asi sezvatinoshandisa Magwaro, angaita kuti vateereri vedu vaone kuti zvavari kunzwa ndiyo mhinduro yemibvunzo yavo—kana kuti minyengetero yavo. Paunenge uchidzidzisa pose ziva izvozvi, uye kumbira Jehovha nomwoyo wose kuti akutungamirire uye akubatsire.—1 Mak. 29:18, 19; VaEf. 1:16-18.