PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | EZEKIERI 46-48
Makomborero Aizowanikwa nevaIsraeri
Temberi yakaratidzwa Ezekieri yakasimbisa vaIsraeri uye yakavaratidza kuti vaizodzokera kuJerusarema. Vanhu vaizokomborerwa naJehovha vaizotangazve kunamata kwakachena.
Zvakaonekwa naEzekieri zvakaratidza kuti zvinhu zvaizova zvakarongeka, vachishanda pamwe chete uye pasisina chekutya
Nyika yavo yaizokomborerwa
Mhuri imwe neimwe yaizopiwa nhaka
Vanhu vasati vapiwa nhaka, paifanira kutanga pasarudzwa nzvimbo yainzi “mupiro” waJehovha
Ndingaratidza sei kuti ndinoisa kunamata Jehovha pekutanga muupenyu hwangu? (w06 4/15 27-28 ¶13-14)