RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwbr17 September pp. 1-4
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu (2017)
  • Misoro Midiki
  • SEPTEMBER 4-10
  • SEPTEMBER 11-17
  • SEPTEMBER 18-24
  • SEPTEMBER 25–OCTOBER 1
  • Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu (2017)
mwbr17 September pp. 1-4

Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

SEPTEMBER 4-10

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | EZEKIERI 42-45

“Kunamata Kwakachena Kunotangazve!”

w99 3/1 8 ¶3

“Rangarira Nomwoyo Wako” Temberi yaMwari!

3 Chiono ichi chikuru, chinozadza maganhuro mapfumbamwe ebhuku raEzekieri, chakapa vaJudha vakanga vatapwa vimbiso yaisimbisa kutenda. Kunamata kwechokwadi kwaizotangwazve! Kubvira mumazana amakore iwayo, nyange kusvika kuzuva redu, chiono ichi chave chichikurudzira vanoda Jehovha. Sei? Ngationgororei kuti chiono chaEzekieri chouporofita chakarevei kuvaIsraeri vakanga vatapwa. Chine zvikamu zvina zvikuru: temberi, upristi, muchinda, uye nyika.

it-2-E 1082 ¶2

Temberi

Temberi yakaratidzwa Ezekieri. Muna 593 B.C.E., makore 14 pashure pekunge Jerusarema netemberi yakavakwa naSoromoni zvaparadzwa, muprofita Ezekieri akaratidzwa temberi huru yaJehovha. (Eze 40:1, 2) Ezekieri akaudzwa kuti ataurire “imba yaIsraeri” zvese zvaakanga aratidzwa kuitira kuti vanyare nekuda kwekukanganisa kwavo uye kuti vakanga vakatapwa vapfidze. Zvaitaurwa naEzekieri zvaizonyaradzawo vaiva vakatendeka. (Eze 40:4; 43:10, 11) Ezekieri akaudzwa kuti temberi yacho yaizenge yakakura zvakadini. Pakuyera pakashandiswa “tsanga” (tsanga yakareba yaiva, 3,11 m) uye “kubhiti” (kubhiti rakareba raiva, 51,8 cm). (Eze 40:5) Vamwe vanofunga kuti izvi ndizvo zvaizofanira kunge zvakaita temberi yaizovakwa naZerubhabheri vaJudha pavaizodzokera kuJerusarema. Asi hapana umboo hunoratidza kuti zvavanofunga ndezvechokwadi.

w99 3/1 10 ¶10

“Rangarira Nomwoyo Wako” Temberi yaMwari!

10 Zvose izvi zvinofanira kuva zvakakurudzira nhapwa idzodzo zvakadini! Mhuri imwe neimwe yakavimbiswa nhaka munyika yacho. (Enzanisa naMika 4:4.) Kunamata kwakachena kwaizova nenzvimbo yakakwirira, inokosha ikoko. Uye cherekedza kuti muchiono chaEzekieri muchinda, savapristi, aizogara panyika yakapiwa navanhu. (Ezekieri 45:16) Saka munyika yakadzorerwa, vanhu vaifanira kupa chimwe chinhu kubasa reavo vakagadzwa naJehovha kuti vatungamirire, vachivatsigira nokushanda pamwe nenhungamiro yavo. Mune zvose, nyika iyi yaiva mufananidzo wokurongeka, kushandira pamwe, uye kuchengeteka.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

it-2-E 467 ¶4

Zita

Kukundikana kwakaita vaIsraeri kuteerera mitemo yakarurama yaMwari sevanhu vake kwakaita kuti zita raMwari risvibiswe. (Eze 43:8; Amo 2:7) Sezvo Mwari akazoranga vaIsraeri nemhaka yekusatendeka kwavo, zvakabva zvaita kuti mamwe marudzi atange kusaremekedza zita raMwari. (Enzanisa naPis 74:10, 18; Isa 52:5.) Asi marudzi iwayo haana kunzwisisa kuti Jehovha ndiye airanga vaIsraeri, saka vakatofunga kuti vaIsraeri vaiwirwa nematambudziko nekuti Jehovha akanga asingakwanisi kuvadzivirira. Kuti achenese zita rake, Jehovha akadzorera vaIsraeri kunyika yavo.—Eze 36:22-24.

it-2-E 140

Kururamisira

Jehovha agara achida kuti vaya vanoda kufarirwa naye vazive mitemo yake yakarurama uye vaitevedzere. (Isa 1:17, 18; 10:1, 2; Jer 7:5-7; 21:12; 22:3, 4; Eze 45:9, 10; Amo 5:15; Mik 3:9-12; 6:8; Zek 7:9-12)

SEPTEMBER 11-17

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | EZEKIERI 46-48

“Makomborero Aizowanikwa nevaIsraeri”

w99 3/1 10 ¶11-12

“Rangarira Nomwoyo Wako” Temberi yaMwari!

11 Jehovha aizokomborera nyika yavo here? Uporofita hwacho hunopindura mubvunzo uyu nerondedzero inofadza. Rukova rwunoyerera ruchibva mutemberi, rwuchienda rwuchikura, rwuchiva rwizi parunozopinda muGungwa Rakafa. Imomo rwunomutsa mvura dzisina upenyu, uye basa rokuredza hove rinokura pamahombekombe akareba. Nechepamhenderekedzo dzorwizi pane miti yakawanda inobereka zvibereko gore rose, ichipa zvokudya uye ichiporesa.—Ezekieri 47:1-12.

12 Kunhapwa dzacho, vimbiso iyi yakadzokorora ndokusimbisa uporofita hwapakutanga hwokudzorerwa hwavaida zvikuru. Kanopfuura kamwe, vaporofita vakafuridzirwa vaJehovha vakanga varondedzera Israeri yakadzorerwa, yakanga yavazve navanhu namashoko eparadhiso. Nharaunda dzematongo dzaitangazve kuva navanhu dzakanga dzataurwa dzataurwazve muuporofita. (Isaya 35:1, 6, 7; 51:3; Ezekieri 36:35; 37:1-14) Saka vanhu vaigona kutarisira kuti zvikomborero zvaJehovha zvinopa upenyu zvaizoyerera sorwizi runobva mutemberi yakadzorerwa. Somugumisiro, rudzi rwakafa panyaya dzekunamata rwaizomuka. Vanhu vakadzorerwa vaizokomborerwa nekupiwa varume vakanga vakasimba pakunamata vaizivikanwa zvikuru—varume vakarurama uye vakasimba semiti yaiva pamhenderekedzo dzorwizi dziya dzomuchiono, varume vaizotungamirira kuvakwazve kwenyika yakaparadzwa. Isayawo akanga anyora nezve“miti yokururama” yaizo“vaka matongo akare.”—Isaya 61:3, 4.

w99 3/1 10 ¶10

“Rangarira Nomwoyo Wako” Temberi yaMwari!

10 Zvose izvi zvinofanira kuva zvakakurudzira nhapwa idzodzo zvakadini! Mhuri imwe neimwe yakavimbiswa nhaka munyika yacho. (Enzanisa naMika 4:4.) Kunamata kwakachena kwaizova nenzvimbo yakakwirira, inokosha ikoko. Uye cherekedza kuti muchiono chaEzekieri muchinda, savapristi, aizogara panyika yakapiwa navanhu. (Ezekieri 45:16) Saka munyika yakadzorerwa, vanhu vaifanira kupa chimwe chinhu kubasa reavo vakagadzwa naJehovha kuti vatungamirire, vachivatsigira nokushanda pamwe nenhungamiro yavo. Mune zvose, nyika iyi yaiva mufananidzo wokurongeka, kushandira pamwe, uye kuchengeteka.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w99 3/1 11 ¶14

“Rangarira Nomwoyo Wako” Temberi yaMwari!

14 Zviitiko izvi ndizvo bedzi zvaizadzika chiono chaEzekieri here? Aiwa; chimwe chinhu chikuru zvikuru chinoratidzirwa. Funga: Temberi yakaonekwa naEzekieri yakanga isingagoni kuvakwa chaizvoizvo sezvakarondedzerwa. Chokwadi, vaJudha vakatora chiono ichocho sechechokwadi uye vakatoshandisa mamwe mashoko sezvaari. Zvisinei, temberi yechiono yose zvayo yakanga yakakurisa nyangwe kuti ikwane paGomo reMoriya, nzvimbo yaiva netemberi yakare. Uyezve, temberi yaEzekieri yakanga isiri muguta asi nechokure pachikamu chenyika chakasiyana, nepo temberi yechipiri yakavakwa paiva neyakaitangira, muguta reJerusarema. (Ezra 1:1, 2) Uyezve, hapana rwizi chairwoirwo rwaibva mutemberi yomuJerusarema. Saka Israeri wakare akangoona zvishomanene nezvokuzadzika kwouporofita hwaEzekieri. Izvi zvinoreva kuti panofanira kuva nekuzadzika kukuru, kwezvinhu zvakaratidzwa Ezekieri.

it-2-E 1001

Mwanakomana Wemunhu

Mumagwaro echiHebheru mashoko aya anonyanyowanika mubhuku raEzekieri, Mwari paanotaura nezvemuprofita iyeye ‘semwanakomana wemunhu’ kanopfuura ka90. (Eze 2:1, 3, 6, 8) Kushandiswa kwemashoko iwayo kunonyatsoratidza kuti muprofita wacho munhu wepanyika, zvobva zvabudisa kusiyana kwakaita munhu anotumwa neshoko neuyo anopa shoko racho, Mwari Wekumusorosoro. Pana Dhanieri 8:17, muprofita Dhanieri anonziwo mwanakomana wemunhu.

SEPTEMBER 18-24

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | DHANIERI 1-3

“Tikaramba Takavimbika Kuna Jehovha Tinokomborerwa”

w15 7/15 25 ¶15-16

Ramba Uchitsigira Umambo hwaMwari

15 Sevashumiri vaJehovha, mumwe nomumwe wedu achasangana nemamiriro ezvinhu okuti anofanira kuratidza kuti akasiyana nevamwe, vangava vokubasa, vaanodzidza navo kuchikoro, vavakidzani, voukama kana kuti vamwewo vanhu. (1Pet. 2:19) Hatifaniri kushamiswa kana vanhu vakativengera izvozvo nokuti Jesu akatinyevera kuti ndizvo zvaizoitika. Vakawanda vanotipikisa havanzwisisi kuti nei muKristu asingafaniri kuva nekwaakarerekera. Asi nyaya iyi yakakosha chaizvo kwatiri.

16 Kuti tirambe tichitsigira Jehovha, tinofanira kumuteerera pasinei nezvingataurwa kana kuti zvingaitwa nevanhu. (Dhan. 3:16-18) Kutya munhu kunogona kubata vanhu vemazera ose, asi vechiduku ndivo vanonyanya kuomerwa nokuita zvakasiyana nezvinenge zvichiitwa nevamwe. Kana vana venyu vachinetseka nenyaya dzakadai sokusaruta mureza kana kuti kubatanidzwa mumhemberero dzenyika, musanonoka kuvabatsira. Shandisai nguva yamunoita Kunamata Kwemhuri kuti mubatsire vana venyu kuti vazive maonero aJehovha panyaya idzi kuitira kuti vave noushingi hwokutsigira zvatinotenda. Vabatsirei kuti vataure zvavanotenda nenzira yakajeka uye neruremekedzo. (VaR. 1:16) Kuti zvivaitire nyore, imi wacho munogona kutanga kunotaura nevadzidzisi vavo nezvenyaya idzi.

w13 1/15 10 ¶13

Shinga Jehovha Anewe!

13 Mumakore ekuma600 B.C.E., vamwe vashumiri vatatu vaJehovha vechiHebheru vakaona uchapupu hwokuti Mwari anopa mubayiro vanhu vane kutenda noushingi. Mambo Nebhukadhinezari akaunganidza vanhu vose vanokudzwa vomuBhabhironi akati vanamate chifananidzo chendarama chirefu. Munhu wose aisadaro aifanira kufira muvira romoto. VaHebheru vatatu ivavo vakaudza Nebhukadhinezari kuti: “Mwari wedu watiri kushumira anokwanisa kutinunura. Iye achatinunura muvira romoto unopfuta kwazvo nomuruoko rwenyu, haiwa imi mambo. Asi kana zvikasaitika, haiwa imi mambo, zivai kuti hatisi kuzoshumira vanamwari venyu, uye hatisi kuzonamata chifananidzo chendarama chamakamisa.” (Dhan. 3:16-18) Kununurwa kunofadza kwavakaitwa kunonyatsotsanangurwa pana Dhanieri 3:19-30. Kunyange zvazvo tingasakandwa muvira romoto, tinosangana nemiedzo uye tinogona kuva nechokwadi chokuti Mwari achatikomborera nemhaka yokutenda kwedu uye ushingi.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

it-2-E 382

Misheki

Pane zvikonzero zvitatu zvinogona kunge zvakaita kuti vaone zvekudya zvamambo zveumbozha ‘sezvinosvibisa’: (1) VaBhabhironi vaidya mhuka dzainzi hadzina kuchena muMutemo waMosesi; (2) vaisanyatsobudisa ropa mhuka dzacho uye dzimwe dzaigona kunge dzakaita zvekudzipwa; (3) vanhu ava vaisanamata Mwari vaiwanzotanga vapira mhuka dzacho kuna vanamwari vavo, vachiona kudya nyama yacho sekutonamata vanamwari ivavo.—Dha 1:8; enzanisa na1VaK 10:18-20, 28.

w12 6/15 17, bhokisi

“UMAMBO HWOSE UHWU” NDEHUPI?

Uprofita huri pana Dhanieri 2:44 hunotaura kuti Umambo hwaMwari “huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu.” Uprofita ihwohwo hunongotaura nezveumambo hunomirirwa nenhengo dzakasiyana-siyana dzechifananidzo chacho.

Zvakadini nedzimwe hurumende dzose dzevanhu? Uprofita hwakafanana huri muna Zvakazarurwa hune humwe udzamu. Hunoratidza kuti “madzimambo enyika yose inogarwa” achaungana kuti arwe naJehovha pazuva “guru raMwari Wemasimbaose.” (Zvak. 16:14; 19:19-21) Saka, paAmagedhoni, umambo hwose hunomirirwa nechifananidzo chaDhanieri huchaparadzwa pamwe chete nedzimwe hurumende dzose dzevanhu.

w01 10/15 6 ¶4

Chichaita Kuti Pave Nenyika Inofadza

Mhinduro yacho inowanika pana Dhanieri 2:44 panoti: “Namazuva amadzimambo iwayo [anenge achitonga pakuguma kwenyika ino] Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose [hwakavambwa nevanhu], ihwo huchamira nokusingaperi.” Nei Umambo hwaMwari huchifanira “kuputsanya” utongi hwepasi? Nokuti ihwo hunoramba huchipfuudzira pfungwa yokuramba Mwari pakuzvisarudzira chakanaka nechakaipa yakatangwa naSatani kare mubindu reEdheni. Kuwedzera pakushanda nokuita zvinopesana nezvido zvevanhu, vaya vanopfuudzira pfungwa iyoyo vanopesanawo noMusiki. (Pisarema 2:6-12; Zvakazarurwa 16:14, 16) Saka tinofanira kuzvibvunza kuti ‘Tiri kurutivi rwokutonga kwaMwari here kana kuti tiri kupesana nakwo?’

SEPTEMBER 25–OCTOBER 1

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | DHANIERI 4-6

“Ucharamba Uchishumira Jehovha Here?”

w10 11/15 6 ¶16

Vechiduku—Tungamirirwai Neshoko raMwari

16 Sei uchifanira kuteerera Jehovha kunyange uri woga? Yeuka izvi: Unogona kurwadzisa Jehovha kana kuti kumufadza. (Gen. 6:5, 6; Zvir. 27:11) Zvaunoita zvinogona kurwadzisa kana kuti kufadza Jehovha nokuti ‘ane hanya newe.’ (1 Pet. 5:7) Anoda kuti umuteerere kuti zvikunakire. (Isa. 48:17, 18) Vamwe vashumiri vaJehovha muIsraeri pavakaisa zvimiti munzeve achivapa zano, vakaita kuti arwadziwe. (Pis. 78:40, 41) Ukuwo Jehovha aida Dhanieri zvikuru, zvokuti imwe ngirozi yakamuudza kuti “murume anodiwa kwazvo.” (Dhan. 10:11) Aimudirei? Dhanieri akaramba akavimbika kuna Mwari kwete pane vanhu chete asiwo ari oga.—Verenga Dhanieri 6:10.

w06 11/1 24 ¶12

Unoona Zvinhu Zvitsvene Semaonero Anoita Jehovha Here?

12 Hazvishamisi kuti zvinhu zvakawanda zvine chokuita noupenyu hwenhengo dzakazodzwa dzeungano yechiKristu neshamwari dzavo zvinonzi zvitsvene. Ukama hwedu naJehovha chinhu chitsvene. (1 Makoronike 28:9; Pisarema 36:7) Hunokosha chaizvo kwatiri zvokuti hatibvumiri chero chinhu chipi zvacho kana kuti chero munhu upi zvake kukanganisa ukama hwedu naMwari wedu, Jehovha. (2 Makoronike 15:2; Jakobho 4:7, 8) Munyengetero unokosha kana tichizoramba tiine ukama hwepedyo naJehovha. Munyengetero waiva chinhu chitsvene chaizvo kumuprofita Dhanieri zvokuti akaramba achiita tsika yake yokunyengetera kuna Jehovha kunyange pazvaiisa upenyu hwake pangozi. (Dhanieri 6:7-11) “Minyengetero yevatsvene,” kana kuti vaKristu vakazodzwa, inofananidzwa nerusenzi yaishandiswa pakunamata kwaiitwa patemberi. (Zvakazarurwa 5:8; 8:3, 4; Revhitiko 16:12, 13) Kufananidza uku kunoratidza utsvene hwomunyengetero. Iropafadzo chaiyo kukwanisa kutaura naChangamire wezvose zvakasikwa! Ndokusaka munyengetero uri chinhu chitsvene muupenyu hwedu!

w03 9/15 15 ¶2

Nei Tichifanira Kuramba Tichinyengetera?

2 Jehovha akaona sei Dhanieri? Apo ngirozi Gabrieri yakauya kuzopindura mumwe weminyengetero yaDhanieri, yakarondedzera muprofita wacho so“murume unodikanwa kwazvo.” (Dhanieri 9:20-23) Muuprofita hwaEzekieri, Jehovha akataura nezvaDhanieri somurume akarurama. (Ezekieri 14:14, 20) Nokufamba kwemakore, minyengetero yaDhanieri sezviri pachena yakaita kuti ave noukama hwapedyo naMwari wake, chinhu chakacherechedzwa kunyange naDhariyasi.—Dhanieri 6:16.

w10 2/15 18 ¶15

‘Mweya Nemwenga Vanoramba Vachiti: Uya!’

15 Pashure pokunge Dhanieri arara usiku hwose mugomba reshumba, mambo akabva aenda kwaaiva ndokudanidzira achiti: “Haiwa Dhanieri, mushumiri waMwari mupenyu, Mwari wako waunoshumira nguva dzose akwanisa kukununura pashumba here?” Dhanieri akabva ataura namambo akati: “Haiwa imi mambo, raramai nokusingagumi. Mwari wangu atuma ngirozi yake, ikavhara miromo yeshumba, hadzina kundiparadza, nokuti ndawanikwa ndisina mhosva pamberi pake; uyewo handina kuita chinhu chinokuvadza pamberi penyu, haiwa imi mambo.” Jehovha akakomborera Dhanieri nokuti ‘aishumira nguva dzose.’—Dhan. 6:19-22.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w07 9/1 18 ¶5

Pfungwa Huru Dzatinowana muBhuku raDhanieri

4:10, 11, 20-22—Muti mukuru wakarotwa naNebhukadhinezari waimiririrei? Pakutanga muti wacho waimiririra Nebhukadhinezari somutongi wenyika yose. Zvisinei, sezvo umambo hwake hwaisvika “kumugumo wenyika,” muti wacho unofanira kumiririra chimwezve chinhu chinokosha. Dhanieri 4:17 inoti hope dzacho dzine chokuita nokutonga vanhu kunoita “Wokumusorosoro.” Saka muti wacho waimiririra kuva changamire wezvinhu zvose kwaJehovha, kunyanya pazvinhu zvepasi pano. Naizvozvo, hope dzacho dzakazadzika kaviri—pakutonga kwaNebhukadhinezari uye uchangamire hwaJehovha.

w88 10/1 30 ¶3-5

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Apo muHebheru ainzi Dhanieri akapinzwa pakupedzisira, mambo akadzokorora chipo chake—chokupfekedza Dhanieri nenguvo tsvuku, kuisa huketani hwendarama paari, uye kumuita mutongi wechitatu muumambo. Muporofita wacho akapindura norukudzo, kuti: “Garai henyu nezvipo zvenyu, ipai henyu mumwe mibairo yenyu; kunyange zvakadaro ndicharavira mambo zvakanyorwa, nokumuzivisa kududzirwa kwazvo.”—Dhanieri 5:17.

Naizvozvo Dhanieri haana kudikanirwa kufumbwa muromo kana kuti kubhadharwa kuti agovere kududzira. Mambo aigona kuchengeta zvipo zvake kana kuti kuzvipa mumwe munhuwo zvake. Dhanieri aizogovera tsananguro, kwete nokuda kwetuso, asi nemhaka yokuti iye akapiwa simba rokuita saizvozvo naJehovha, Mwari wechokwadi, ane rutongeso paBhabhironi rwakanga rwuchiswedera pedyo.

Sezvatinorava pana Dhanieri 5:29, pashure pokunge Dhanieri arava ndokududzira mashoko sezvaakati aizoita, mambo akaraira kuti tuso dzigopiwa hadzo kuna Dhanieri. Dhanieri amene haana kupfeka nguvo nohuketani. Izvo zvakamupfekedzwa nomurairo womutongi mukuru, Mambo Bheshazari. Asi ikoku hakurwisani naDhanieri 5:17, umo muporofita akajekesa kuti vavariro yake yakanga isiri youdyire.

dp 109 ¶22

Mashoko Mana Akachinja Nyika Yose

22 Saka chirahwe chacho chakadudzirwa. Bhabhironi rine simba rakanga rava pedyo nokukundwa nemauto eMedhiya nePezhiya. Kunyange zvazvo akanga anyadziswa nemhaka yokuziviswa kutongwa uku, Bheshazari akaita sezvaakavimbisa. Akaita kuti varanda vake vapfekedze Dhanieri nguo tsvuku, vamupfekedze uketani hwendarama, ndokumuzivisa samambo wechitatu muumambo hwacho. (Dhanieri 5:29) Dhanieri haana kuramba kuremekedzwa uku, achiziva kuti kwairatidza kuremekedza kwaiva kwakafanira kupiwa Jehovha. Chokwadika, Bheshazari angave akatarisira kuti aizopfavisa kutonga kwaJehovha nokuremekedza muprofita Wake. Kana zvakadaro, akanga adya manonoko.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe