RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwbr17 October pp. 1-5
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu (2017)
  • Misoro Midiki
  • OCTOBER 2-8
  • Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu (2017)
mwbr17 October pp. 1-5

Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

OCTOBER 2-8

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | DHANIERI 7-9

“Uprofita hwaDhanieri Hwakataura Nezvekuuya kwaMesiya”

it-2-E 902 ¶2

Vhiki 70

Kubviswa kwechivi. Kufa kwakaita Jesu, kumutswa kwake uye kuenda kwaakaita kudenga zvakaita kuti ‘kudarika kugumiswe, chivi chipedzwe zvachose uye kukanganisa kuyananisirwe.’ (Dha 9:24) Sungano yeMutemo yakaburitsa pachena kuti vaJudha vaiva nechivi uye vakaitwa kuti vave vanhu vakatukwa neMutemo. Mutemo waMosesi wakaratidza pachena ‘kuwanda’ kwechivi, asi mutsa waMwari wakakura wakafukidza chivi ichocho pachishandiswa Mesiya. (VaR 5:20) Chibayiro chaMesiya chinogona kuita kuti vanhu vanopfidza varegererwe zvivi zvavo, vobvisirwa chirango cherufu.

it-2-E 900 ¶7

Vhiki 70

‘Vhiki 69’ padzaizokwana, Mesiya ndipo paaizosvika. Tinotanga nekuverenga ‘vhiki 7’ uye padzinopera, toverengazve dzimwe ‘vhiki 62’ (Dha 9:25), asi mavhiki ese aya anoverengerwa pavhiki 70. Saka, “kubvira pakataurwa shoko” rekuvakwazve kweJerusarema kusvika pakauya “Mesiya Mutungamiriri,” paiva nevhiki 7 ne‘vhiki 62’ uye tikadzibatanidza tinowana ‘vhiki 69’ kana kuti makore 483. Nguva iyi tinoiverenga kubva mugore ra455 B.C.E. kusvika muna 29 C.E. Sezvambotaurwa, mumatsutso egore ra29 C.E., Jesu akabhabhatidzwa mumvura, akazodzwa nemweya mutsvene achibva atanga ushumiri hwake ‘saMesiya Mutungamiriri.’​—Ru 3:1, 2, 21, 22.

it-2-E 901 ¶2

Vhiki 70

‘Aizourayiwa’ vhiki yava pakati. Gabrieri akati kuna Dhanieri: “Kana vhiki dzine makumi matanhatu nembiri dzapera Mesiya achaurayiwa, asina nechaainacho.” (Dha 9:26) Izvi zvakazadzika nechepakati pevhiki yekupedzisira yechi70, kana kuti makore matatu nehafu, Kristu paakaurayiwa padanda rekutambudzikira achipa zvese zvaaiva nazvo serudzikinuro. (Isa 53:8) Uchapupu hunoratidza kuti Jesu akapedza hafu yekutanga ‘yevhiki’ yacho achiparidza. Pane imwe nguva, gore ra32 C.E. rakunopera, akataura muenzaniso waifananidza vaJudha nemuti wemuonde (enzanisa naMt 17:15-20; 21:18, 19, 43) wakanga waita “makore matatu” usingabereki. Mutarisiri wemizambiringa akati kumuridzi wemunda: “Tenzi, uregei gore rinowo, kusvikira ndautimbira nokuisa mupfudze; zvino kana ukabereka zvibereko munguva yemberi, zvakanaka; asi kana ukarega, muchautema henyu.” (Ru 13:6-9) Pano aigona kunge aitaura nezveanenge makore matatu aakanga aparidzira kuvaJudha asi vasingateereri uye akanga ava kutopinda mugore rechina.

it-2-E 901 ¶5

Vhiki 70

Vhiki yaiva yakareba makore 7, saka ‘hafu yevhiki’ yaiva yakareba makore matatu nehafu. Sezvo “vhiki” yechi70 yakatanga gore ra29 C.E rakunopera pakabhabhatidzwa Jesu uye achibva azodzwa kuva Kristu, hafu yevhiki yacho (makore matatu nehafu) yaizonoperera muchirimo cha33 C.E., kana kuti paPaseka (Nisani 14) yegore iroro. Tikashandisa karenda yaGregory, zvinoita sekuti zuva iroro raiva 1 April, 33 C.E. Muapostora Pauro anotiudza kuti Jesu ‘akauya kuzoita zvinoda Mwari,’ kureva kuti ‘kuzobvisa chokutanga [zvibayiro nezvinopiwa zvaidiwa neMutemo] kuti atange chechipiri.’ Akaita izvi nekupa muviri wake sechibayiro.​—VaH 10:1-10.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w01 5/15 27

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

“Nzvimbo Tsvenetsvene” yakazodzwa rini, sezvakafanotaurwa pana Dhanieri 9:24?

Dhanieri 9:24-27 uprofita hune chokuita nokuoneka ‘kwaMesiya Mutungamiriri’—Kristu. Nokudaro kuzodza “Nzvimbo Tsvenetsvene,” kwakafanotaurwa hakurevi kuzodzwa kwekamuri Dzvene mutemberi muJerusarema. Asi, mashoko okuti “Nzvimbo Tsvenetsvene” anoreva nzvimbo tsvene yokudenga yaMwari​—nzvimbo Tsvenetsvene yokudenga—mutemberi huru yaJehovha yezvekunamata.​—VaHebheru 8:1-5; 9:2-10, 23.

Temberi yaMwari yezvekunamata yakatanga kushanda rini? Chimbofunga zvakaitika pakauya Jesu kuzobhabhatidzwa muna 29 C.E. Kubva ipapo, Jesu akazadzika mashoko ePisarema 40:6-8. Muapostora Pauro akazoratidza kuti Jesu akanga anyengetera kuna Mwari kuti: “Hamuna kuda chibayiro nechinopiwa, asi makandigadzirira muviri.” (VaHebheru 10:5) Jesu aiziva kuti Mwari ‘haana kuda’ kuti zvibayiro zvemhuka zvirambe zvichipiwa patemberi muJerusarema. Pane kudaro, Jehovha akanga agadzirira muviri womunhu wakakwana kuti Jesu aupe sechibayiro. Achiratidza chido chake chaibva pamwoyo, Jesu akapfuurira achiti: “Tarirai! ndauya (mumupumburu webhuku makanyorwa nezvangu) kuzoita kuda kwenyu, Haiwa Mwari.” (VaHebheru 10:7) Uye Jehovha akapindura sei? Evhangeri yaMateu inoti: ‘Achangobva kubhabhatidzwa Jesu akabuda mumvura; uye, tarira! matenga akazaruka, uye akaona mweya uchiburuka wakaita senjiva uchiuya paari. Tarira! Uyewo, kwakanga kune inzwi rakabva kumatenga rakati: Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera.’​—Mateu 3:16, 17.

Kubvuma kwaJehovha Mwari kupiwa kwomuviri waJesu kuti uve chibayiro kwaireva kuti atari huru kupfuura atari chaiyo yomutemberi yeJerusarema yakanga yavapo. Iyi yakanga iri atari ‘yokuda’ kwaMwari, kana kuti urongwa hwokugamuchira upenyu hwaJesu ari munhu sechibayiro. (VaHebheru 10:10) Kuzodza Jesu nemweya mutsvene kwaireva kuti Mwari zvino akanga aunza gadziriro yake yose yetemberi yezvekunamata. Nokudaro, panguva yokubhabhatidzwa kwaJesu, nzvimbo inogarwa naMwari kudenga yakazodzwa, kana kuti kutsaurwa, ‘seNzvimbo Tsvenetsvene’ mugadziriro yetemberi huru yezvekunamata.

w07 9/1 20 ¶4

Pfungwa Huru Dzatinowana muBhuku raDhanieri

9:27​—Isungano ipi ‘yakaramba iine simba nokuda kwevazhinji’ kusvikira pakupera kwevhiki 70 dzemakore, kana kuti muna 36 C.E.? Sungano yomutemo yakarega kushanda muna 33 C.E. Jesu paakaroverwa padanda. Asi nokurega sungano yaakanga aita naAbrahamu ichishanda kuvaIsraeri kusvikira mugore ra36 C.E., Jehovha akawedzera imwe nguva zvichiratidza kuti ainzwira nyasha vaJudha nokuti vaiva vazukuru vaAbrahamu. Sungano yaAbrahamu ichiri kushanda kuna “Israeri waMwari.”​—VaGaratiya 3:7-9, 14-18, 29; 6:16.

OCTOBER 9-15

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | DHANIERI 10-12

“Jehovha Aiziva Madzimambo Aizovapo”

dp 212-213 ¶5-6

Madzimambo Maviri Ari Kurwa

5 Madzimambo matatu okutanga aiva Koreshi Mukuru, Cambyses II, naDhariusi I. Sezvo Bardiya (kana kuti pamwe ainyepedzera kunzi Gaumata) akatonga kwemwedzi minomwe bedzi, uprofita hahuna kuverenga kutonga kwake kwenguva pfupi. Muna 490 B.C.E., mambo wechitatu, Dhariusi I, akaedza kupinda muGirisi nechisimba kechipiri. Zvisinei, vaPersia vakarakashwa paMarathon ndokudzokera kuAsia Minor. Kunyange zvazvo Dhariusi akanyatsogadzirira imwe hondo yokurwa neGirisi, haana kukwanisa kuzoiita asati afa makore mana gare gare. Izvozvo zvakasiyirwa mwanakomana wake akamutevera pachigaro, mambo “wechina,” Xerxes I. Ndiye akanga ari mambo Ahashivheroshi akaroora Esteri.—Esteri 1:1; 2:15-17.

6 Xerxes I zvechokwadi ‘akamutsa vamwe vose kuzorwa noushe hweGirisi,’ ndiko kuti, nyika dzeGirisi dzaiva dzakazvimiririra seboka. “Akurudzirwa nemachinda ane zvaaida,” rinodaro bhuku rinonzi The Medes and Persians—Conquerors and Diplomats, “Xerxes akarwisa achifamba nepasi nomugungwa.” Munyori wenhau dzakaitika wechiGiriki Herodotus, wemuzana ramakore rechishanu B.C.E., anonyora kuti “hapana kumwe kurwa kungaenzaniswa nakwo.” Zvaakanyora zvinoti hondo yomugungwa “pamwe chete yaiva nevarume 517 610. Nhamba yevarwi vetsoka yaiva 1 700 000; yevatasvi vemabhiza 80 000; pamusoro pavo panofanira kuwedzerwa vaArabhu vaiva vakatasva ngamera, uye vaRibhiya vairwa vari mungoro dzehondo, vandinofungidzira kuti vaiva 20 000. Saka nhamba yose pamwe chete, yevarwi vepasi nevomugungwa yabatanidzwa inosvika kuvarume 2 317 610.”

dp 213 ¶8

Madzimambo Maviri Ari Kurwa

8 “Mambo une simba uchamuka, uchabata ushe nesimba guru, achiita sezvaanoda,” yakadaro ngirozi yacho. (Dhanieri 11:3) Alexander aiva nemakore makumi maviri ‘akamuka’ samambo weMakedhonia muna 336 B.C.E. Akava “mambo une simba”—Alexander Mukuru. Achikuchidzirwa nokuronga kwababa vake, Philip II, akakunda matunhu ePersia muMiddle East. Vachiyambuka nzizi dzinoti Yufratesi neTigirisi varume vake 47 000 vakaita kuti mauto 250 000 aDhariusi III aite rumwe rumwe paGaugamela. Zvakazoitika ndezvekuti, Dhariusi akatiza uye akaurawa, achigumisa imba yeumambo yePersia. Girisi zvino yakava simba renyika, uye Alexander ‘akatonga nesimba guru uye aiita sezvaaida.’

dp 214 ¶11

Madzimambo Maviri Ari Kurwa

11 Alexander afa, umambo hwake ‘hwakaparadzirwa kumhepo ina dzokudenga.’ Vakuru vehondo vake vazhinji vakaitirana nharo vachibvutirana nyika. Mumwe Mutungamiriri Wemauto aiva neziso rimwe Antigonus I, akaedza kutonga oga umambo hwose hwaAlexander. Asi akaurawa kuhondo paIpsus muFrigia. Pakasvika gore ra301 B.C.E., vatungamiriri vemauto vana vaAlexander vakanga vava kutonga nharaunda huru iyo mukuru wavo wemauto akanga akunda. Cassander akatonga Makedhoniya neGirisi. Lysimachus akawana simba rokudzora Asia Minor neThrace. Seleucus I Nicator akatora Mesopotamiya neSiriya. Uye Ptolemy Lagus akatora Ijipiti neParestina. Sokutaura kweshoko reuprofita, umambo hukuru hwaAlexander hwakakamurwa kuva umambo hwechiHellen huna.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w13 7/15 13 ¶16, mamwe mashoko

“Tarirai! Ndinemi Mazuva Ose”

Dhanieri 12:3 inoti “vane njere [vaKristu vakazodzwa] vachapenya sechiedza chokudenga.” Pavanenge vachiri panyika vanoita izvi nokuita basa rokuparidza. Asi Mateu 13:43 inotaura nezvenguva yavachapenya zvakajeka muUmambo hwokudenga. Kare taifunga kuti magwaro aya maviri aitaura nezvebasa rimwe chete rokuparidza.

dp 315 ¶18

Jehovha Anopikira Dhanieri Mubayiro Wakanaka Kwazvo

18 Bhuku raDhanieri rinopedzisa nechimwe chezvipikirwa zvakanaka zvikurusa Mwari ati amboita kumunhu. Ngirozi yaJehovha yakaudza Dhanieri kuti: ‘uchamukirazve mugove wako pakupera kwamazuva iwayo.’ Ngirozi yacho yairevei? Sezvo ‘kuzorora’ kwayakanga ichangobva kutaura nezvakwo kwaiva kufa, chipikirwa chokuti Dhanieri ‘aizomuka’ pane imwe nguva gare gare chaingogona kureva chinhu chimwe—kumuka! Kutaura chokwadi, dzimwe nyanzvi dzakataura kuti muna Dhanieri chitsauko 12 ndimo munotanga kutaurwa zvakajeka nezvekumuka muMagwaro echiHebheru. (Dhanieri 12:2) Zvisinei, apa vakarasika. Dhanieri ainyatsoziva nezvetariro yekumuka.

OCTOBER 16-22

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | HOSIYA 1-7

“Unofarira Rudo Rwakavimbika Sezvinoita Jehovha Here?”

w10 8/15 25 ¶18

Ita Kuti “Mutemo Womutsa Worudo” Uchengetedze Rurimi Rwako

18 Rudo rwokuvimbika runofanira kuoneka pazvose zvatinoita navatinonamata navo Jehovha. Kunyange kana zvinhu zvaoma mutemo wemutsa worudo haufaniri kubva parurimi rwedu. Vanakomana vaIsraeri pavakava nomutsa worudo waiita “sedova rinokurumidza kuenda” Jehovha haana kufadzwa nazvo. (Hos. 6:4, 6) Ukuwo Jehovha anofadzwa kana kuratidza mutsa worudo ari iwo mararamiro edu. Funga kukomborera kwaanoita vaya vanogara vachiuratidza.

w07 9/15 16 ¶8

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raHosiya

6:6. Kuita chivi kunoratidza kushayikwa kworudo rwokuvimbika kuna Mwari. Hapana mabasa okunamata angaitwa anobhadhara zvivi izvi.

w07 6/15 27 ¶7

Jehovha Anoda Kuti Umuteerere

7 Nezvenyaya iyi, yeuka kuti munguva yakapfuura Jehovha akazivisa vanhu vake kuti kuteerera kwaikosha zvikuru kupfuura kupa zvibayiro zvemhuka. (Zvirevo 21:3, 27; Hosiya 6:6; Mateu 12:7) Zvaizodaro sei, sezvo Jehovha ari iye akanga arayira vanhu vake kuti vape zvibayiro izvozvo? Chinangwa chomunhu ari kupa chibayiro ndechei? Ari kuzviitira kufadza Mwari here? Kana kuti ari kungoita masiyandaita? Kana munhu anonamata achida kufadza Mwari zvechokwadi, achava nechokwadi chokuti anoteerera mitemo yose yaMwari. Mwari haana basa nezvibayiro zvemhuka, asi kuteerera chinhu chinokosha chatingamuitira.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w07 9/15 14 ¶7

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raHosiya

1:7​—Imba yaJudha yakanzwirwa ngoni rini ndokuponeswa? Izvi zvakaitika muna 732 B.C.E., mumazuva aMambo Hezekiya. Panguva iyoyo, Jehovha akagumisa kutyisidzirwa kwaiitwa Jerusarema nevaAsiriya nokuita kuti ngirozi imwe chete iuraye mauto evavengi 185 000 usiku humwe chete. (2 Madzimambo 19:34, 35) Saka Jehovha akanunura Judha, kwete “nouta kana nebakatwa kana nokurwa, nemabhiza kana nevatasvi vemabhiza,” asi nengirozi imwe chete.

w05 11/15 20 ¶16

Uprofita hwaHosiya Hunotibatsira Kufamba naMwari

16 Mwari akazadzikawo chipikirwa ichi: ‘Muzuva iroro ndichaita sungano nemhuka dzomusango nezvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nezvinhu zvinokambaira panyika, ndichaparadza uta nebakatwa nokurwa munyika yacho, uye ndichaita kuti varare pasi vakachengeteka.’ (Hosiya 2:18) Vakasara vaJudha avo vakanga vadzokera kunyika yokumusha kwavo vakagara vakachengeteka, vasingatyi mhuka. Uprofita uhwu hwakazadzikawo muna 1919 C.E., vakasara vaIsraeri waMwari pavakasunungurwa ‘muBhabhironi Guru,’ umambo hwenyika yose hwezvitendero zvenhema. Iye zvino vava kugara vakachengeteka uye vari muparadhiso yezvokunamata neshamwari dzavo, dzine tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano. VaKristu vechokwadi ava havasisina unhu hwakafanana nohwemhuka.​—Zvakazarurwa 14:8; Isaya 11:6-9; VaGaratiya 6:16.

g05-E 9/8 12 ¶2

Zvisikwa Zvese Pazvichabatana

Zvisikwa zvese zviri panyika zvichagarisana nekuti Mwari achadzidzisa vanhu vake vanomuteerera kuti vachinje nyika kuti ive paradhiso. Achaita sekunge ari kuita “sungano” nezvikara zvemusango kuti zvigarisane nevanhu.—Hosiya 2:18; Genesisi 1:26-28; Isaya 11:6-8.

OCTOBER 23-29

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | HOSIYA 8-14

“Ipa Jehovha Zvakanakisisa”

w07 4/1 20 ¶2

Kupa Zvibayiro Zvinofadza Mwari

Uyezve, Bhaibheri rinoratidza kuti kurumbidza kwatinoita kungaonekwa sezvibayiro zvinopiwa Jehovha. Muprofita Hosiya akashandisa mashoko okuti “nzombe duku dzemiromo yedu,” kuratidza kuti Mwari anoona kurumbidza kunoita miromo yedu sechimwe chezvibayiro zvakanaka chaizvo. (Hosiya 14:2) Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu vechiHebheru kuti: “Ipa Mwari chibayiro chokurumbidza nokwaari, icho chibereko chemiromo iyo inozivisa pachena zita rake.” (VaHebheru 13:15) Mazuva ano, Zvapupu zvaJehovha zvinoramba zvichishingaira chaizvo kuparidza mashoko akanaka uye kuita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Vari kupa zvibayiro zvokurumbidza Mwari masikati nousiku munyika yose.​—Zvakazarurwa 7:15.

w11 2/15 16 ¶15

Kufarirwa naMwari Kunoita Kuti Tizowana Upenyu Husingaperi

15 Nzombe ndiyo mhuka yaidhura pane dzose dzaipiwa sezvibayiro kuna Jehovha nevaIsraeri. Saka “nzombe duku dzemiromo yedu” dzaireva mashoko okurumbidza Mwari wechokwadi ainyatsobva pamwoyo anyatsofungwa. Jehovha aiitirei vaya vaipa zvibayiro zvakadaro? Akati: “Ndichavada ndisingatumwi nomumwe munhu.” (Hos. 14:4) Jehovha aikanganwira, vaya vaipa zvibayiro zvakadaro zvokurumbidza, ovafarira seshamwari dzake.

jd 87 ¶11

Shumira Jehovha Maererano Nezvaanoda Zvakanaka Chaizvo

11 Hosiya 14:9 inotiudzawo nezvezvinhu zvakanaka zvinobva pamararamiro akarurama. Zvikomborero uye zvinhu zvinobatsira zvinobva pakuita zvinodiwa naMwari. SoMusiki, iye anoziva masikirwo atakaitwa. Zvaanotarisira kuti tiite zvakatinakira. Kuenzanisira ukama hwedu naMwari, tingafunga nezvemotokari nomugadziri wayo. Mugadziri anoziva kugadzirwa kwakaitwa motokari yacho uye kubatanidzwa kwayakaitwa. Anoziva kuti motokari yacho inofanira kuchinjwa oiri nguva nenguva. Chii chingaitika kana ukasava nebasa naizvozvo, zvichida uchifunga kuti motokari yacho ichiri kufamba zvakanaka? Pasina nguva injini yacho ingafa yotadza kushanda. Izvozvo zvakafanana nevanhu. Musiki wedu akatipa mirayiro. Kuichengeta kunotibatsira. (Isaya 48:17, 18) Kunzwisisa kuti tinobatsirwa kunotipa chimwe chikonzero chokuita zvaanoda, kuchengeta mirayiro yake.​—Pisarema 112:1.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w05 11/15 28 ¶7

“Nzira dzaJehovha Dzakarurama”

7 Kana tikanamata Jehovha nenzira isina unyengeri uye yakarurama, achatiratidza mutsa worudo, kana kuti rudo rwokuvimbika. VaIsraeri vakatsauka vakaudzwa kuti: “Dyarai mbeu mukururama; kohwai zvinoenderana nomutsa worudo. Rimai nyika inorimika, pakunenge kuchine nguva yokutsvaka Jehovha kusvikira auya, okupai murayiridzo mukururama.”​—Hosiya 10:12.

w11 8/15 10 ¶10

Vakanga Vakamirira Kuuya kwaMesiya

10 Mesiya aizoshevedzwa kuti abude muIjipiti sezvakaitwa vaIsraeri. (Hos. 11:1) Herodhi asati apa murayiro wake, ngirozi yakati Josefa, Mariya, naJesu vaende kuIjipiti. Vakaramba variko “kusvikira pakufa kwaHerodhi, kuti zvizadzike zviya zvakataurwa naJehovha pachishandiswa muprofita wake [Hosiya], achiti: ‘Ndakashevedza mwanakomana wangu kuti abude muIjipiti.’” (Mat. 2:13-15) Zviri pachena kuti Jesu haana kuita zvokuronga kuti zvose izvozvo zvakagara zvataurwa nezvokuberekwa nekukura kwake zviitike.

OCTOBER 30–NOVEMBER 5

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JOERI 1-3

“Vanakomana Venyu Nevanasikana Venyu Vachaprofita”

w02 8/1 15 ¶4-5

Tinokurudzirwa ‘Nezvinhu Zvikuru zvaMwari’

4 Zvavakanga vagamuchira mweya mutsvene, vadzidzi muJerusarema vakabva vangotanga kutaurira vamwe mashoko akanaka oruponeso, kutanga neboka rakanga raungana mumangwanani iwayo. Kuparidza kwavo kwakazadzika uprofita hunoshamisa, hwakanyorwa mazana masere emakore izvi zvisati zvaitika naJoeri, mwanakomana waPetueri, hunoti: “Ndichadurura Mweya wangu pamusoro penyama yose; vanakomana venyu nevanasikana venyu vachaprofita, vatana venyu vacharota hope, nemajaya enyu achaona zviratidzo; ndichadururawo Mweya wangu pamusoro pavaranda nepamusoro pavashandiri nemazuva iwayo . . . zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.”​—Joeri 1:1; 2:28, 29, 31; Mabasa 2:17, 18, 20.

5 Izvi zvaireva here kuti Mwari aizomutsa vaprofita vose, varume nevakadzi, vakadai saDhavhidhi, Joeri, naDhibhora, ndokuvashandisa kufanotaura zviitiko zvomunguva yemberi? Kwete. ‘Vanakomana nevanasikana, varanda nevarandakadzi’ vechiKristu vaizoprofita mupfungwa yokuti vaizokurudzirwa nemweya waJehovha kuzivisa “zvinhu zvikuru” zvakanga zvaitwa naJehovha uye zvaakanga achizoita. Saka vaizoshanda sevatauriri veWokumusoro-soro. Kunyange zvakadaro, boka revanhu rakaita sei?​—VaHebheru 1:1, 2.

jd 167 ¶4

“Zivisai Izvi, Pakati Pemamwe Marudzi”

4 Ona nyaya yacho neimwe nzira. Jehovha Mwari akaudza muprofita Joeri nezvenguva apo vanhu vemarudzi ose vaizoita sokunge vanoprofita, achiti: ‘Pashure paizvozvo ndichadurura mweya wangu pavanhu vemarudzi ose, vanakomana venyu nevanasikana venyu vachaprofita. Vakwegura venyu vacharota hope. Majaya enyu achaona zviratidzo.” (Joeri 2:28-32) Pazuva rePendekosti ya33 C.E., muapostora Petro akashandisa ndima iyi pakudururwa kwemweya mutsvene pane vaya vakanga vakaungana muimba yepamusoro muJerusarema uye pakuparidza kwavakabva vaita nezve“zvinhu zvikuru zvaMwari.” (Mabasa 1:12-14; 2:1-4, 11, 14-21) Zvino funga nezvenguva yedu. Uprofita hwaJoeri hwave huchizadzika zvakanyanya kubvira pakutanga kwezana remakore rechi20. VaKristu vakazodzwa nemweya—vanhurume nevanhukadzi, vakuru nevaduku—vakatanga ‘kuprofita,’ kureva kuti kuzivisa “zvinhu zvikuru zvaMwari,” kusanganisira mashoko akanaka oUmambo hwakagadzwa iye zvino kumatenga.

w07 10/1 13 ¶2

Pfungwa Huru Dzatinowana mumaBhuku aJoeri naAmosi

2:32​—Zvinorevei ‘kudana zita raJehovha’? Kudana zita raMwari zvinoreva kuziva zita iroro, kuriremekedza zvikuru uye kuvimba nomuridzi waro.​—VaRoma 10:13, 14.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w07 10/1 13 ¶5

Pfungwa Huru Dzatinowana mumaBhuku aJoeri naAmosi

2:12, 13. Kupfidza zvechokwadi kunofanira kubva pamwoyo. Kunosanganisira ‘kubvarura mwoyo yedu,’ kwete ‘kubvarura nguo’ zvokubata kumeso.

w07 10/1 13 ¶3

Pfungwa Huru Dzatinowana mumaBhuku aJoeri naAmosi

3:14​—Chii chinonzi “bani rokusarudza”? Inzvimbo yokufananidzira ichatongerwa vanhu naMwari. Mumazuva aMambo Jehoshafati weJudha, ane zita rinoreva kuti “Jehovha Mutongi,” Mwari akanunura Judha pamarudzi akanga akaipoteredza nokuvhiringidza mauto avo ehondo. Ndokusaka nzvimbo yacho ichinziwo “bani raJehoshafati.” (Joeri 3:2, 12) Mazuva ano rinomiririra nzvimbo yokufananidzira ichapwanyirwa marudzi sezvinoitwa mazambiringa ari muchisviniro chewaini.​—Zvakazarurwa 19:15.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe