PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MABASA 6-8
Ungano Itsva yechiKristu Inoedzwa
Chirikadzi dzaitaura chiGiriki dzakanga dzichangobva kubhabhatidzwa idzo dzakamboramba dzichigara muJerusarema dzakanga dzava kusarurwa. Izvi zvakadzivhiringidza here pakunamata kana kuti dzakamirira kuti Jehovha agadzirise zvinhu?
Stefani paakaurayiwa, vaKristu vaiva muJerusarema vakatanga kutambudzwa vachibva vatizira kuJudhiya nekuSamariya. Izvi zvakaita kuti varege kuparidza here?
Ungano itsva yechiKristu yakatsungirira uye yakawedzera kukura nekuti yaibatsirwa naJehovha.—Mab 6:7; 8:4.
ZVIBVUNZE KUTI, ‘Ndinoita sei pandinosangana nemiedzo?’