KURARAMA KWECHIKRISTU
Unogona Kutsanangura Zvaunotenda Here?
Ungatii kana mumwe munhu akakubvunza kuti nei uchiti zvinhu zvakasikwa naMwari? Kuti upindure uine chivimbo une zvinhu zviviri zvaunofanira kuita: Chekutanga, iwe pachako unofanira kuva nechokwadi chekuti zvinhu zvakasikwa. (VaR 12:1, 2) Kana wadaro chifunga kuti ungatsanangurira sei mumwe munhu zvaunotenda.—Zvi 15:28.
ONA MAVHIDHIYO ANOTEVERA: CHIREMBA WEMABHONZO ANOTSANANGURA KUTENDA KWAKE UYE AKADZIDZA MARARAMIRO EMHUKA ANOTSANANGURA KUTENDA KWAKE KUTI UNZWE ZVIKONZERO ZVINOITA KUTI VAMWE VATI ZVINHU ZVAKASIKWA, WOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Nei Irène Hof Laurenceau achitenda kuti zvinhu hazvina kuita zvekushanduka-shanduka asi kuti zvakasikwa naMwari?
Nei Yaroslav Dovhanych achitenda kuti zvinhu hazvina kuita zvekushanduka-shanduka asi kuti zvakasikwa naMwari?
Ungatsanangurira sei mumwe munhu kuti nei uchiti zvinhu zvakasikwa naMwari?
Zvinhu zvipi zvakabudiswa nesangano raJehovha zvinowanika mumutauro wako zvinokubatsira iwe pachako uye zvinoita kuti ukwanise kubatsira vamwe kuti vave nechokwadi chekuti zvinhu zvese zvakasikwa naMwari?