RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • th chidzidzo 1 p. 4
  • Nhanganyaya Yakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nhanganyaya Yakanaka
  • Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Mashoko Akafanana
  • Sumo Dzinobudirira
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Sumo Inoita Kuti Vanhu Vafarire
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Ratidza Kubatsira Kunoita Mashoko Acho
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
th chidzidzo 1 p. 4

CHIDZIDZO 1

Nhanganyaya Yakanaka

Rugwaro

Mabasa 17:22

PFUPISO YECHIDZIDZO: Nhanganyaya yako inofanira kuita kuti vanhu vade kunzwa zvauchataura, ichibudisa pachena nyaya yauri kuda kutaura, uye ichiratidza kuti nei vachifanira kukoshesa nyaya yacho.

MAITIRWO AZVO:

  • Ita kuti vanhu vade kunzwa. Tsvaga mubvunzo, chirevo, kana nyaya yakatoitika, kana zvakabuda munhau zvinogona kufarirwa nevateereri vako.

    Zano

    Gara wafunga zvinofarirwa nevateereri vako, zvavangangodaro vachifunga nezvazvo, kana kuti zviri kuvanetsa, woita kuti nhanganyaya yako ienderane naizvozvo.

  • Budisa pachena nyaya yauri kuda kutaura. Ita kuti vateereri vazive nyaya yauri kuda kutaura uye chinangwa chako.

  • Ratidza kuti nyaya yacho yakakosherei. Ita kuti zvauri kutaura zvibatsire vateereri vako. Vanofanira kunyatsoona kushanda kunoita nyaya yacho muupenyu hwavo.

    Zano

    Paunenge uchigadzirira hurukuro zvibvunze kuti, ‘Zvinhu zvipi zviri kuitika muupenyu hwehama nehanzvadzi dziri muungano yangu?’ Ibva watsvaga mashoko anogona kuvabatsira pazvinhu izvozvo.

MUUSHUMIRI

Kuti uzive zvingangodaro zvichifarirwa nemunhu, tarisa zvaari kuita uye zvakamupoteredza. Tanga nekubvunza mubvunzo kana kutaura mashoko mashoma ane chekuita nezvinhu izvozvo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe