CHIDZIDZO 1
Nhanganyaya Yakanaka
Mabasa 17:22
PFUPISO YECHIDZIDZO: Nhanganyaya yako inofanira kuita kuti vanhu vade kunzwa zvauchataura, ichibudisa pachena nyaya yauri kuda kutaura, uye ichiratidza kuti nei vachifanira kukoshesa nyaya yacho.
MAITIRWO AZVO:
Ita kuti vanhu vade kunzwa. Tsvaga mubvunzo, chirevo, kana nyaya yakatoitika, kana zvakabuda munhau zvinogona kufarirwa nevateereri vako.
Budisa pachena nyaya yauri kuda kutaura. Ita kuti vateereri vazive nyaya yauri kuda kutaura uye chinangwa chako.
Ratidza kuti nyaya yacho yakakosherei. Ita kuti zvauri kutaura zvibatsire vateereri vako. Vanofanira kunyatsoona kushanda kunoita nyaya yacho muupenyu hwavo.