RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb22 January p. 11
  • Vechidiki—Udzai Vabereki Venyu Zvese Zviri Mumwoyo Menyu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vechidiki—Udzai Vabereki Venyu Zvese Zviri Mumwoyo Menyu
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
  • Mashoko Akafanana
  • “Kudza Baba Vako Naamai Vako”
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Unogona Kuita Kuti Mhuri Yenyu Ifare
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Vabereki—Batsirai Vana Venyu Kuti Vade Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Shandisai Mazano eBhaibheri Kubatsira Vana Venyu Kuti Vabudirire
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
mwb22 January p. 11

KURARAMA KWECHIKRISTU

Vechidiki—Udzai Vabereki Venyu Zvese Zviri Mumwoyo Menyu

Nei uchifanira kuudza vabereki vako zvaunenge uchifunga? (Zvi 23:26) Nekuti Jehovha akavapa basa rekukuchengeta uye kukutungamirira. (Pis 127:3, 4) Zvinovaomera kuti vakubatsire kana ukavavanzira zvinenge zvichikunetsa. Uyewo hauzodzidzi kubva pane zvavakasangana nazvo muupenyu. Zvakaipa here kuchengeta zvimwe zvinhu mumwoyo mako? Hazvina hazvo kuipa, chero bedzi usingazoiti kuti vabereki vako vafunge zvinhu zvisiri izvo.—Zvi 3:32.

Ungataura sei nevabereki vako? Edza kutsvaga nguva yakakunakirai mese. Kana izvozvo zvakaoma, unogona kunyorera mumwe wavo tsamba uchitaura manzwiro ako. Ko kana vachida kutaura nezvenyaya yausingadi kuti itaurwe? Yeuka kuti vanoda kukubatsira. Ona vabereki vako seshamwari kwete sevavengi. Kuedza kwaunoita kuti ukurukure nevabereki vako wakasununguka kuchakubatsira kweupenyu hwako hwese, kweupenyu husingaperi!—Zvi 4:10-12.

ONA VHIDHIYO INONZI KUYARUKA KWANGU—NDINGATAURA SEI NEVABEREKI VANGU? WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi “Kuyaruka Kwangu—Ndingataura Sei Nevabereki Vangu?” Musikana ari pazera rekuyaruka akapfeka maheadphones uye ari kushandisa kombiyuta achipira gotsi amai vake vari kuedza kutaura naye.

    Esther naPartik vakasvika pakuzivei nezvavo pachavo?

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi “Kuyaruka Kwangu—Ndingataura Sei Nevabereki Vangu?” Musikana ari pazera rekuyaruka ari kutaura naamai vake achivaratidza chimwe chinhu pafoni yake.

    Unodzidzei pana Jesu?

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi “Kuyaruka Kwangu—Ndingataura Sei Nevabereki Vangu?” Amai vambosiya mabasa avo epamba kuti vambotamba nemwanakomana wavo.

    Vabereki vako vakaratidza sei kuti vane hanya newe?

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi “Kuyaruka Kwangu—Ndingataura Sei Nevabereki Vangu?” Kochi webasketball ari kudhirowa pabhodhi matambiro anofanira kuita timu yake.

    Vabereki vako vanoda kuti ubudirire

    Mazano api eBhaibheri anogona kukubatsira kuti utaure nevabereki vako?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe