RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwex nyaya 16
  • Mudzimai Asingaoni Anopindurwa Minyengetero Yake

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mudzimai Asingaoni Anopindurwa Minyengetero Yake
  • Zvakaitika
  • Mashoko Akafanana
  • Mabhuku eBraille Ari Kuchinja Upenyu Hwevanhu
    Mashandisirwo Ari Kuitwa Mari Yenyu Yezvipo
  • Batsira Mapofu Kudzidza nezvaJehovha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • “Anofara Munhu Awana Uchenjeri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • “Handisati Ndambodiwa Zvakadai”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Zvakaitika
ijwex nyaya 16
Hanzvadzi iri kubatsira mumwe mukadzi asingaoni kuyambuka mugwagwa.

Mudzimai Asingaoni Anopindurwa Minyengetero Yake

Mumwe weZvapupu zvaJehovha wekuAsia anonzi Yanmei akabatsira mumwe mukadzi akanga asingaoni, ainzi Mingjie kuyambuka mugwagwa. a Mingjie akati: “Maita henyu. Mwari akukomborerei!” Yanmei akazobvunza mukadzi uyu kana aida kudzidza Bhaibheri. Mingjie akazoudza Yanmei kuti anga ari kunyengetera mazuva ese, achikumbira Mwari kuti amuratidze sangano rechokwadi. Nemhaka yei aikumbira kuratidzwa sangano rechokwadi?

Mingjie anoti muna 2008 akakokwa neshamwari yake yakanga isingaoniwo, kuti vaende kuchechi yaibatsira vanhu vakaremara. Mharidzo payakapera, Mingjie akabvunza mupristi kuti zvaaitaura aizvitora mubhuku ripi. Akamuudza kuti aizvitora muBhaibheri Shoko rechokwadi raMwari. Mingjie akabva ava neshungu dzekuda kuriverenga. Akatsvaga Bhaibheri rebraille rechiChinese uye akariverenga rese mumwedzi 6. Mingjie paaiverenga Bhaibheri akapedzisira aona kuti dzidziso yekuti Mwari Utatu, iyo yaidzidziswa muchechi make, ndeyenhema uye kuti Mwari ane zita rekuti Jehovha.

Mingjie akaodzwa mwoyo nezvinhu zvaiitwa nevanhu vemuchechi make. Akaona kuti vakanga vasingararami zvinoenderana nezvaaiverenga muBhaibheri. Zvimwe zvacho zvaiva zvekuti vanhu vakanga vasingaoni vaipiwa chikafu chinenge chasara, asi vamwe vese vachipiwa chikafu chakanaka. Mingjie akarwadziwa nezvaaiona achibva atanga kutsvaka imwe chechi yekupinda. Ndizvo zvakaita kuti Mingjie anyengetere achitsvaga sangano rechokwadi rechiKristu.

Mwoyo wakanaka waakaratidzwa naYanmei wakaita kuti Mingjie abvume kudzidza Bhaibheri. Kwapera kanguva, Mingjie akazopinda musangano wake wekutanga weZvapupu zvaJehovha. Mingjie anoti: “Handikanganwi zuva randakatanga kuenda kumisangano. Hama nehanzvadzi dzakandigamuchira nemufaro zvekuti ndakaita sendichachema. Kunyange zvazvo ndisingaoni, ndakanyatsoona kuti vane rudo uye havasaruri.”

Mingjie akafambira mberi uye akatanga kupinda misangano nguva dzese. Chainyanya kumunakidza kuimba nziyo dzeUmambo, asi dambudziko raiva pakuti pakanga pasina bhuku renziyo rebraille. Saka akabatsirwa nevamwe vemuungano achibva agadzira bhuku rake renziyo. Akaita maawa 22 kuti apedze kunyora nziyo dzese 151! Muna April 2018, Mingjie akatanga kufambawo achiparidza achiita maawa 30 pamwedzi.

Kugadzira bhuku rebraille.

Kugadzira bhuku rebraille ibasa rakaoma

Kuti abatsire Mingjie kugadzirira kubhabhatidzwa, Yanmei akarekodha mibvunzo uye mavhesi zviri mubhuku raTakarongwa Kuita Zvinoda Jehovha. Anoti: “Rudo rwandakaratidzwa nehama nehanzvadzi pagungano iroro rwakandibaya mwoyo. Ndakatanga kuchema, nekuti ndakanga ndawana sangano rechokwadi randaitsvaka.” (Johani 13:34, 35) Iye zvino Mingjie avakuda kuratidza rudo serwaakaratidzwa zvekuti avakupedza nguva yake yakawanda achiparidza.

a Mazita akachinjwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe