Zvinotaura Bhaibheri
Nzira Yokukunda Nayo Kuora Mwoyo
KUORA mwoyo kunoitika kuvanhu vose, kunyange zvazvo kungava kuduku. Zvisinei, kuna vamwe, kunzwa vasina tariro kunova kwakasimba kwazvo zvokuti kufa kunoita sokuri nani pane kurarama.
Bhaibheri rinoratidza kuti kunyange vashumiri vaMwari vakatendeka vane matambudziko nezvinoshungurudza zvinoita kuti vaore mwoyo. Somuenzaniso, funga nezvaEria naJobho—vose vari vaviri vaiva noukama hwakanaka naMwari. Atiza kuurawa naMambokadzi Jezebheri, Eria “akakumbira [Jehovha] kuti afe hake.” (1 Madzimambo 19:1-4) Murume akarurama Jobho akasangana nenjodzi dzakatevedzana, kusanganisira chirwere chaisemesa uye kufa kwevana gumi. (Jobho 1:13-19; 2:7, 8) Kuora mwoyo kwake kwakaita kuti ati: “Ndingasarudza kufa pane kutambura kwangu kwose.” (Jobho 7:15, The New English Bible) Zviri pachena kuti kunetseka kwakanga kwakura kuvarume ava vakatendeka vaMwari.
Kuna vamwe nhasi, kuora mwoyo kunogona kubva pakurwadziwa nokukwegura, rufu rwomudiwa, kana kuti zvinetso zvokushaiwa mari. Vamwe vanonetseka mupfungwa zvisingaperi, zvichikonzerwa nechakaitika chinorwadza kwazvo, kana kuti matambudziko emhuri zvinoita kuti vanzwe sokuti vakanga vari kuedza kushambira pakati pegungwa, masaisai oga oga achiita kuti zvive zvakaoma kwazvo kusvika kumhenderekedzo. Mumwe murume akati: “Unonzwa usingabatsiri chinhu—sokunge kuti hapana anozokusuwa kana wafa. Kusurukirwa kwaunonzwa dzimwe nguva kunoita sokwakanyanya chose.”
Mune zvimwe zvinoitika, mamiriro ezvinhu anochinja kuva akanaka, zvichibvisa kunetseka kwakanyanya. Asi zvakadini kana mamiriro edu ezvinhu asingazochinji? Bhaibheri rinogona kutibatsira sei kuti tikunde kuora mwoyo?
Bhaibheri Rinogona Kubatsira
Jehovha akanga ane simba rokutsigira Eria naJobho munguva yavo yakaoma. (1 Madzimambo 19:10-12; Jobho 42:1-6) Kuziva izvi kunotinyaradza sei nhasi! Bhaibheri rinoti: “Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri uri pedyo-pedyo panguva dzokumanikidzwa.” (Pisarema 46:1; 55:22) Kunyange zvazvo zvingaratidzika sokuti kunzwa takaora mwoyo kuri kutikunda, Jehovha anopikira kuti acharamba akatibata noruoko rwake rworudyi rwokururama. (Isaya 41:10) Tingaitei kuti tibatsirwe?
Bhaibheri rinotsanangura kuti nokunyengetera “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo [yedu] nemasimba [edu] okufunga naKristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Nemhaka yenhamo yedu, tingasaona nzira yokubuda nayo mudambudziko redu. Zvisinei, kana tika‘ramba tichinyengetera,’ Jehovha anogona kurinda mwoyo yedu nepfungwa dzedu, achitipa simba ratinoda kuti titsungirire.—VaRoma 12:12; Isaya 40:28-31; 2 VaKorinde 1:3, 4; VaFiripi 4:13.
Tichabatsirwa nokuva vakananga muminyengetero yedu. Kunyange zvazvo zvatinoda kutaura zvingava zvakaoma kutaura nemashoko chaiwo, tinofanira kunzwa takasununguka kutaura naJehovha maererano nemanzwire edu uye zvatinofunga kuti ndizvo zviri kukonzera dambudziko racho. Tinofanira kumuteterera kuti atitsigire zuva roga roga. Takavimbiswa kuti: “[Jehovha] uchaitira vanomutya sezvavanoda; uchanzwawo kudanidzira kwavo, ndokuvaponesa.”—Pisarema 145:19.
Kuwedzera pakunyengetera, hatifaniri kuzviparadzanisa navamwe. (Zvirevo 18:1) Vamwe vakawana simba pavakabatsira vamwe. (Zvirevo 19:17; Ruka 6:38) Funga nezvemumwe mukadzi anonzi Maria,a asina kurwisa chirwere chekenza bedzi asiwo akashayikirwa nenhengo sere dzemhuri mugore rimwe chete. Maria aifanira kuzvimanikidza kuti amuke uye kuita mabasa emazuva ose. Aienda rinenge zuva roga roga kunodzidzisa vamwe nezveBhaibheri, uye nguva dzose aipinda misangano yechiKristu. Pakudzoka kumba, kunetseka kwaMaria kwaibva kwanyanya. Zvisinei, paanofunga nezvokuti angabatsira vamwe sei, Maria anogona kutsungirira.
Asi zvakadini kana tikazviona zvakaoma kunyengetera kana kuti tichiita setisingagoni kuva nevamwe? Kana zvakadaro, tinofanira kutsvaka kubatsirwa. Bhaibheri rinotikurudzira kuenda ku“varume vakuru veungano.” (Jakobho 5:13-16) Mumwe murume ane kuora mwoyo kwakakura kwava nenguva anoti: “Dzimwe nguva kutaura nomumwe munhu waunovimba naye kunobatsira kunyaradza pfungwa uye kuteramisa, zvokuti unobva watanga kufunga zvakanaka.” (Zvirevo 17:17) Chokwadi, kana kunzwa usina tariro nokunetseka kwakanyanya kuchida kurapwa, kubatsirwa nenyanzvi kwakakodzera kungadiwawo.b—Mateu 9:12.
Kunyange zvazvo pasina mhinduro iri nyore, hatifaniri kuonera pasi simba raMwari rinobatsira kuti tikunde matambudziko edu. (2 VaKorinde 4:8) Kupfuurira mumunyengetero, kurega kuzviparadzanisa nevamwe, uye kubatsirwa nevanokwanisa zvinogona kutibatsira kuti tive vakasimba zvekare. Bhaibheri rinopikira kuti Mwari achagumisa zvechigarire zvinokonzera kuora mwoyo kwedu kwakanyanya. VaKristu vakatsunga kuvimba naye vachimirira zuva apo izvi ‘zvinhu zvakare zvisingazorangarirwi.’—Isaya 65:17; Zvakazarurwa 21:4.
[Mashoko Omuzasi]
a Harisi zita rake chairo.
b Mukai! haipi kurapa kupi kana kupi zvakwo. VaKristu vanofanira kuva nechokwadi chokuti kurapwa kwavanotsvaka hakupesani nenheyo dzeBhaibheri. Kana uchida mamwe mashoko, ona Nharireyomurindi yaOctober 15, 1988, mapeji 25-9.