Kubva kuOlympia Kuenda kuSydney
VAZHINJI vanofunga kuti Mitambo yeOlympic ndiyo mitambo yemakwikwi inokosha kwazvo munyika yose. “Hapana mimwe mitambo inofarirwa nevakawanda kukunda iyi,” inodaro The World Book Encyclopedia. “Mamiriyoni anoverengeka avanhu anopinda mumitambo yacho, uye mazana emamiriyoni kupota nyika yose anoiona paterevhizheni.”
Nhoroondo Pfupi
Mitambo yeOlympic yakatanga zviuru zvemakore zvakapfuura. Vachifunga kuti mitambo inofadza midzimu yevashakabvu, vaGiriki vekare vaiva nemitambo yenyika yaisanganisa chitendero nemitambo. Iyi yaisanganisira mitambo yaiitwa muIsthmus, muNemea, muOlympia nomuDelphi. Pane iyoyi, mitambo yeOlympic ndiyo yaikosheswa kwazvo, nokuti yaikudza Zeus, ainzi nevaGiriki ndimambo wevamwari.
Nouchapupu huripo, mitambo yeOlympic yepakutanga yakanga iine mutambo mumwe chete, wokumhanya netsoka. Asi nokufamba kwenguva yakazosanganisira mimwe mitambo, yakadai sokumhanya kwengoro dzemabhiza uye zvimwe zvinoratidza kugona kutsungirira. Gurusvusvu revashanyi raibva kwose kwose kuzoona mutambo uyu. Kuitira kuti vachengeteke, mutemo wairambidza hondo wakadzikwa mitambo isati yatanga uye yapera.
Roma payakatanga kutonga, mitambo yeOlympic yakatanga kuita mishoma. Chokwadi, vanhu vokuRoma vakawanda vakanga vachishora mitambo yacho. Akanga akasiyana nevamwe akanga ari Mutongi Nero. Akapinda mumitambo yacho muna 67 C.E uye akahwina mitambo yose yaakakwikwidza. Zvinoita sokuti vamwe vaikwikwidza vaiziva zvakavanakira! Chero zvingave zvakaitika, pakazosvika 394 C.E., mitambo yeOlympic yakanga isingachaitwi.
Kutangwazve Kwemitambo yeOlympic
Makore ane mazana gumi nemashanu akatevera, zvakafukunurwa nefoshoro nevanochera matongo vokuGermany pamapani eOlympia zvakaita kuti mitambo yacho itange kufarirwa zvekare. Zvadaro, Baron Pierre de Coubertin, murume wokuFrance aiva nemakore 29, akataura zvokutangazve mitambo yacho. Nokudaro, muna 1896 Mitambo yamazuva ano yeOlympic yokutanga yakaitwa muAthens. Kubvira mugore iroro, mitambo yeOlympic yave ichiitwa makore mana oga oga, isingawanzopotswi.
Nhasi vazhinji vanoda kuona mitambo iyi zvikuru. Gore rino, ichaitwa muSydney, Australia kubva musi waSeptember 15 kusvika musi waOctober 1. Pachava nemitambo 28, zvinoitika 292, misangano 635 uye vatambi vanokwikwidza vanopfuura 10 300.
Zvisinei, mumakore achangopfuura, mitambo yeOlympic yakatanga kumutsa makakatanwa. Vanhu vazhinji vanototaura kuti vavariro dzepakuvamba dzeMitambo iyi dzava pamakakatanwa makuru. Kutarisa zviri kuitika pakavanda kuchatiratidza zvakawanda nokutikatyamadza.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 19]
Scala/Art Resource, NY